Munamato Unogara Uchidairwa naMwari!! Muporofita TB Joshua
-
0:00 - 0:06Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
-
0:06 - 0:08Edza izvi kubva nhasi.
-
0:08 - 0:14Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura!
-
0:15 - 0:20Nyasha nerugare ngazvive nemi
mose muzita raJesu guru -
0:20 - 0:25uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro
'Nhaka Inogara Pamusoro'. -
0:25 - 0:31Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai
zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua -
0:31 - 0:37vachitaura nezvenyaya yakakosha
uye inodzidzisa -
0:37 - 0:41yandinotenda kuti ichabatsira
chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu. -
0:41 - 0:45Chikamu chekutanga chinotorwa
kubva pakati pemharidzo -
0:45 - 0:49uyezve chikamu chechipiri chinotorwa
kubva pakati peuchapupu -
0:49 - 0:54kubva kune mukadzi wekuSouth Africa
akagamuchira rusununguko -
0:54 - 0:59kubva kumweya wakaipa wakamupinza
muhupenyu hwehuroyi. -
0:59 - 1:05Muporofita TB Joshua pavakanga
achiteerera kupupura kwake, -
1:05 - 1:10vakashandisa zvakaitika muupenyu
hwake somukana -
1:10 - 1:15kudzidzisa vanhu musimboti uyu
wepamweya unokosha. -
1:15 - 1:21Saka, komborerwa izvozvi
paunodzidza nezverudzi rwemunamato, -
1:21 - 1:29rudzi rwekutsanya runogaro
kwezva meso aMwari. -
1:29 - 1:32Ngatitarisei.
-
1:32 - 1:37Kana usingade kuti satan akuite nhapwa
shanda pahunhu hwako. -
1:37 - 1:41Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga
kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!" -
1:41 - 1:47Namata uchipesana nekahunhu kanokuita
utadze. -
1:47 - 1:51Kubva nhasi, usatanga kuti,
"Mwari, ndiropafadzei!" -
1:51 - 1:56Namata uchipesana neutera hwako.
-
1:56 - 1:59Kubva nhasi, usatanga kuti,
“Mwari, ndidzivirirei! -
1:59 - 2:01Vanhu vari kunditevera,
kuda kundiuraya -
2:01 - 2:02Uko kutambisa nguva
-
2:02 - 2:07Enda wakananga - uchipesana neutera hwako.
-
2:07 - 2:11Ndonzira inoshandiswa
nasatan kuti akupinde, -
2:11 - 2:13okutambudza nourombo,
-
2:13 - 2:15okutambudza nokushaya kugadzikana,
-
2:15 - 2:17okutambudza nourwere,
-
2:17 - 2:19okutambudze nechero iwe chiri kukunetsa.
-
2:19 - 2:22Anoshandisa kahunhu kanoita utadze
kuti akupinde. -
2:22 - 2:29Ukavhara ipapo, satani haachakwanise
kupinda. -
2:29 - 2:39Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa
nhasi nekuti munombondivhiringidzawo! -
2:39 - 2:46Mirai pano. Vamwe vacho mirai apa.
-
2:46 - 2:51Mirai pano.
-
2:51 - 2:59Murume uyu achapfuura nepano apa
achiuya kwandiri. -
2:59 - 3:05Asi kana vaviri vedu vakavhara nzira,
hapana nzira yekuti apfuure. -
3:05 - 3:18Zvinoreva kuti unorarama
mukuzara - hupenyu huzhinji. -
3:18 - 3:22Chakanaka kuvhara nzira iyi.
-
3:22 - 3:24Nzira iyi utera
-
3:24 - 3:31Apa ndipo panopinda utera,
kuti murume uyu apinde apa auye -
3:31 - 3:34okutambudzika nourombo;
-
3:34 - 3:35okutambudza nourwere,
-
3:35 - 3:43okutambudza nemhingampinji yekudzoswa
shure nekushaya mbereko chipi chinokunetsa -
3:43 - 3:45Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo
-
3:45 - 3:52Pane kudaro, mumwe anotanga kuti,
"Mwari, ndiporesei!" -
3:52 - 3:55Zvine musoro here kuti,
“Mwari, ndiporesei”? -
3:55 - 4:04Sei usingakwanise kuvhara nzira
iyi kuti uve nehupenyu hwazara -
4:04 - 4:06Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!"
-
4:06 - 4:07Uchirwara unoti ndiporesei!
-
4:07 - 4:10Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei!
-
4:10 - 4:13Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei
nembereko; -
4:13 - 4:17Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva
mamiriro ako ezvinhu. -
4:17 - 4:20Paunotanga kuudza Mwari,
"Ndinoda kuendako" - -
4:20 - 4:24zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu.
-
4:24 - 4:27Akakusika anokuziva.
-
4:27 - 4:30Anoziva chimiro chako.
Anoziva pfungwa dzako. -
4:30 - 4:35Zvino wave kuti kwaari,
"Ndiri murombo - ndiropafadzei!" -
4:35 - 4:37Zvine musoro here?
-
4:37 - 4:44Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye
kugadzirisa hupenyu hwako ... -
4:44 - 4:46Unofanira kuenderana nehupenyu hwako.
-
4:46 - 4:52Upenyu hwakawanda
hwakaparadzaniswa noMusiki. -
4:52 - 5:03Kubva nhasi, tanga kunamata
uchipesana neutera. -
5:03 - 5:09Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa
Apostora Pauro naMwari. -
5:09 - 5:17Katatu, akauya kuna Mwari achiti:
‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!' -
5:17 - 5:20Nguva imwe neimwe, Ishe vakati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira." -
5:20 - 5:31Zvichireva kuti, 'Kururama
kwangu kwakakukwanira.' -
5:31 - 5:35Pose Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati,
'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.' -
5:35 - 5:44Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo.
zvimwe zvose zvichawedzerwa.' -
5:44 - 5:53Mwari akashandisa Pauro
semuenzaniso kwatiri tose. -
5:53 - 5:57Hatina kumbonzwa chinhu shure
kweizvozvo katatu Ishe akati, -
5:57 - 5:59"Nyasha dzangu dzakakukwanira!"
-
5:59 - 6:00Hauzoone chinyorwa ichi futi
-
6:00 - 6:06Hatina kumbonzwa kuti chirwere
ndicho chakauraya Pauro -
6:06 - 6:11Uye Pauro akararama kusvika kunguva
yechipikirwa yaakapiwa naMwari. -
6:11 - 6:16Dambudziko rako nderei izvozvi?
utera. -
6:16 - 6:23Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu
utera, kwete kuomerwa kwangu, -
6:23 - 6:29kwete chirwere changu,
kwete dambudziko rangu. -
6:29 - 6:33Dambudziko rangu utera."
-
6:33 - 6:36Ndodambudziko rako iroro.
-
6:36 - 6:41Dai wanga uchinamata uchipesana
neizvi nguva yese iyi, -
6:41 - 6:44mamiriro ako haaizoramba akadai.
-
6:44 - 6:57Muchidimbu, munamato wako unofanirwa
kunge uchipesana neutera. -
6:57 - 7:01"Ndiri murombo" - Mwari vanoziva.
-
7:01 - 7:04"Ndiri kurwara" - Mwari vanoziva.
-
7:04 - 7:07"Ini handibereki" - Mwari vanoziva.
-
7:07 - 7:10Chero matambudziko aungasangana nawo,
Mwari vanozviziva. -
7:10 - 7:12Hazvina basa kuti utange kunongedza
-
7:12 - 7:17'Ndini uyu! Ndinoda izvi!'
-
7:17 - 7:22Vhara nzira inoshandiswa
nasatan kukutambudza. -
7:22 - 7:30Vhara nzira inoshandiswa nasatani
kukutambudza inova ndiyo utera. -
7:30 - 7:32Anoshandisa utera
hwedu kutikanganisa. -
7:32 - 7:33Anoshandisa utera hwedu kutirwisa.
-
7:33 - 7:36Anoshandisa utera hwedu kutirova.
-
7:36 - 7:40Ndo utera. Namata uchipesana
nekushaya simba kwako. -
7:40 - 7:46Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu
zvese zvichawedzerwa kwauri. -
7:46 - 7:49Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba -
-
7:49 - 7:52paunoshamisa muromo wako, uchiti,
'Mwari, ndinotaurisa zvakanyanyisa! -
7:52 - 7:57Ndipeiwo nyasha. Handidi
kutaurisa.' -
7:57 - 8:03Mushure memunamato wako, semunhu
wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira. -
8:03 - 8:05Paunenge uchienda uye wave kuda
kutaura zvakanyanya, -
8:05 - 8:12ucharangarira kuti wanamata nezvazvo.
-
8:12 - 8:16Kana mumwe munhu akati,
"T.B. Joshua, unoti kudii?" -
8:16 - 8:22"Usanetsekana- ndokuona papera kanguva"
-
8:22 - 8:25Nekuti haudi kuti utaurise zvekare.
-
8:25 - 8:31Nekuti ibenzi chete rinonamatira
kutaura zvakanyanya -
8:31 - 8:36wobva wasiya munamato iwoyo wobva
wataura zvakawandisa. -
8:36 - 8:38Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa'
-
8:38 - 8:42Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana
nekahunhu kanoita kuti utadze -
8:42 - 8:47unofanira kutanga kurarama hupenyu
hwemunamato wako. -
8:47 - 8:51Udza muvakidzani wako kuti,
"Rarama hupenyu hwemunamato wako." -
8:51 - 8:56Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato
wako - zvirarame. -
8:56 - 8:58'Handidi kutaura zvakawanda.'
-
8:58 - 9:03Mushure memunamato ndichararama
hupenyu hwekusanyanya kutaura. -
9:03 - 9:12Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza
mhinduro kubva kuna Mwari... -
9:12 - 9:19Hautombodi kuti Mwari vashumire
moyo wako kuti uende nekutsanya. -
9:19 - 9:23Chero nguva yaunokutsanya uchipesana
neutera hwako, Mwari vanokupindura. -
9:23 - 9:26Kana ndichitaura newe, rega
ndione ruoko rwako. -
9:26 - 9:32Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo
kundotsanya nokuti uri murombo -
9:32 - 9:34Uchida kuti Mwari vakuropafadze
-
9:34 - 9:37Kana ukagara musango ukatanga
kutsanya kwemazuva mana, -
9:37 - 9:45kunyange ukatsanya makore zana,
uchafira ikoko! -
9:45 - 9:54Enda unotsanya uye unamate
uchipesana neutera imhinduro yakananga! -
9:54 - 10:03Mwari anopindura nekukurumidza
nekuti Mwari anoda muvaki wehukama. -
10:03 - 10:05Paunovaka hukama hwako -
-
10:05 - 10:09'Ndinotaurisa; Handidi kutaura
zvakawanda' - zvinofadza Mwari -
10:09 - 10:15Chinokosha kuna Mwari ukama
hwedu, kwete zvatinoita. -
10:15 - 10:19Enda unotsanya - zvimwe zvinhu zvose
zvichawedzerwa kwauri. -
10:19 - 10:25Chero nguva yaunowana mukana
wekutsanya nekuda kweutera hwako, -
10:25 - 10:28imhinduro yakananga.
-
10:28 - 10:34Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
-
10:34 - 10:39Edza izvi kubva nhasi.
-
10:39 - 10:46Wana zuva rekutsanya kubva
mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo -
10:46 - 10:53uchauya kuno kuzopupura.
-
10:53 - 11:00Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera
hwako, satan anouya kuzokurwisa. -
11:00 - 11:02Dambudziko rauri kutarisana naro -
-
11:02 - 11:07satani anouya kubudikidza neutera
wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera. -
11:07 - 11:09Chirwere chauri kuita izvozvi -
-
11:09 - 11:15kubudikidza neutera hwako satani anouya
kuzokurwisa nemweya wehurwere. -
11:15 - 11:19Kushaya mbereko - kuburikidza
neutera. -
11:19 - 11:23Ndapota, ngativharei izvi.
Nyengetera uchipikisana nazvo. -
11:23 - 11:25Uyu ngauve munamato wako.
-
11:25 - 11:35Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako.
-
11:36 - 11:41Kana munhu ari muKristu, tinoenda
mberi totarisa muhupenyu hwavo - -
11:41 - 11:44chero nzvimbo ine utera
-
11:44 - 11:47Vachava pane imwe nhanho zviri pachena.
-
11:47 - 11:51Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari,
-
11:51 - 11:54vanonyengetera kakawanda sei?
-
11:54 - 11:57Vanotsamwa kakawanda sei?
-
11:57 - 11:59Vane ruchiva here kana umwe utera?
-
11:59 - 12:05Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa,
kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza -
12:05 - 12:09Simukai
-
12:09 - 12:14Haisi dzidziso here iyi
-
12:14 - 12:18Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu
-
12:18 - 12:22Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura
-
12:22 - 12:27Idzidziso huru mazvinzwa here izvo
-
12:27 - 12:31Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama.
-
12:31 - 12:35Ati pane imwe yavanofanira ...
iyo nzvimbo. -
12:35 - 12:39Tanga kubva pagumira.
-
12:39 - 12:44Kungava kutsamwa, kuzvikudza
kana kuzvitutumadza. -
12:44 - 12:48Semuenzaniso wakanaka, kana munhu ane
manyawi,munoshandisa sei kudada ikoko? -
12:48 - 12:51Munopinda sei pakuzvikudza uku?
-
12:51 - 12:54Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada,
-
12:54 - 13:00ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu
anozoita kuti awedzere kudada, -
13:00 - 13:06kutaura pamusoro pake - kubudirira
kwake, zvaakawana. -
13:06 - 13:12Munzvimbo iyoyo yekuva neutera,
isu tinowedzera nzvimbo yacho, -
13:12 - 13:18kuitira kuti mubatiswe mairi kwenguva
yakakwana toita zvatinoda. -
13:18 - 13:21Wombererai Jesu Kirisitu
-
13:21 - 13:23Mazvinzwa here izvo
-
13:23 - 13:27Vanoshandisa kuzvitutumadza kwako
kuti vakupinde -
13:27 - 13:33zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza
nokuzvikudza kwako kuwedzere -
13:33 - 13:48Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo.
-
13:48 - 13:50Enderera mberi
-
13:50 - 13:52Tobva tashandisa izvozvo
-
13:52 - 13:57Iwe paunenge uchiri wakatarisana
noutera wako -
13:57 - 14:00isu tobva tapinda toita zvatinoda.
-
14:00 - 14:02Ipapo tinenge takuwanikidza
-
14:02 - 14:03Moda kuita sei
-
14:03 - 14:08Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato.
-
14:08 - 14:13Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu
arambane nemudzimai wake -
14:13 - 14:19obva aroora sisi varikutibhadhara
kuti vadiwe -
14:19 - 14:22Saka makatombobuirira here kuvakawanda
muchidai -
14:22 - 14:26Takabudirira kakawandisa
-
14:26 - 14:28Kuva Kirisitu sevava?
-
14:28 - 14:31Hongu seivava
-
14:31 - 14:36Manzwa zvaataura?
-
14:36 - 14:42Arikushandisa shoko raMwari - hakuna
mutsvene chero mumwe zvake. -
14:42 - 14:44Ndiyo angle yavari kushandisa.
-
14:44 - 14:54Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine
utera, ndipo pandine simba." -
14:54 - 15:01Mumusangano wedu wekupedzisira,
ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'. -
15:01 - 15:08Matambudziko edu akaitirwa
kutibatsira pakunamata. -
15:08 - 15:17Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu
dzimwe nguva tinoedzwa -
15:17 - 15:23kuti tidzidze kunyengetera zvikuru.
-
15:23 - 15:30Zvino, iye zvaari kutaura ndezvekuti
kudada ikoko ndoutera wako, -
15:30 - 15:34uye mutsara wako wekunamatira uchiripo,
-
15:34 - 15:39paunoedzwa nekuzvikudza, ndipo
paunonyanya kunamata. -
15:39 - 15:45Zvino, havagoni kushandisa
kona iyoyo pauri. -
15:45 - 15:48Kunze kwekunge vavhara mutsara
wako wekunamatira. -
15:48 - 15:54Kana mutsara wako wekunamata
wakavharwa, ndipo paunonyanya kudada, -
15:54 - 15:58wobva wawedzera kuparadzwa.
-
15:58 - 16:02Kunyanya kudada ikoko ndiko kuwedzera
kwekuparadzwa kwako. -
16:02 - 16:08Asi kana mutsara wako wekunamata
usina kuvharwa, -
16:08 - 16:19kana kuzvikudza kukauya, ndipo
paunonyanya kunamata. -
16:19 - 16:27Vavariro yavo, nechinangwa chekushandiswa
kweutera wako kukuwisa pasi semukristu. -
16:27 - 16:34Asi pachinzvimbo chekukuwisira pasi,
zvinokusimbisa zvakanyanya. -
16:34 - 16:42Varasika.
-
16:42 - 16:44Tiri tose here
-
16:44 - 16:51Zvino, ndinoda kutakura chinhu ichi,
kuti ndichisunde. -
16:51 - 17:00Paunoedza kudzivira kuti ndisachisunde
ndipo pandinobva ndachisunda zvakanyanya! -
17:00 - 17:05Unoona chinangwa chekundidzinga
panzvimbo iyi chakundwa. -
17:05 - 17:07Hapana chikonzero chekundisundidzira.
-
17:07 - 17:14Chinangwa chasatani, chekuti ashandise
utera wako - -
17:14 - 17:18vanowanzoshandisa kupera simba sechirauro.
-
17:18 - 17:27Zvino, kurwiswa uku kwakanyanya,
ndipo paunonyanya kunamata - -
17:27 - 17:36ndozvinoreva 'kutambudzika kwedu
kwakaitirwa kuti tibatsirwe pamweya'. -
17:36 - 17:41Kutambudzika kunogona kuva muedzo,
urombo, kurwiswa, izvi, izvo. -
17:41 - 17:46Asi kana zvasvika, zvakaitirwa kuti
ubatsirwe pamweya. -
17:46 - 17:56Iwe namata nekutsanya zvakanyanya
uchitsvaga chiso chaMwari. -
17:56 - 18:00Saka, zvaari kutaura iye zvino
ndezvekuti vanotarisa utera. -
18:00 - 18:07Kana utera hwako huri uhwo
asi mutsara wako wekunamata uripo, -
18:07 - 18:12zvino kana kurwiswa uku kwauya,
unowedzera kunamata. -
18:12 - 18:23Havana simba pamusoro pako.
-
18:23 - 18:25Mutsara wako wekunamata wakavharwa -
-
18:25 - 18:32kana vakakwanisa kutora mutsara wako
wekunamata, vanotora hupenyu hwako. -
18:32 - 18:39Ndiko kusaka Bhaibheri richiti,
"Hapana chingandiparadzanisa." -
18:39 - 18:40Ndizvo zvazvinoreva.
-
18:40 - 18:44Utera hunogona here? Kwete -
kana mutsara wako wekunamata uripo. -
18:44 - 18:50Asi kana mutsara wakavharwa,
utera hunokuparadzanisa nerudo rwaMwari. -
18:50 - 18:55Kana ndirikutaura newe isa ruoko mudenga.
-
18:55 - 19:01Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa,
utera unokuparadzanisa nerudo rwaMwari. -
19:01 - 19:04Kana mutsara wako wekunamata uripo,
hapana chinokuparadzanisai. -
19:04 - 19:06Ndozvairehwa naPauro.
-
19:06 - 19:09Akati, 'Chii chingandiparadzanisa? Munzwa
here? Kwete. -
19:09 - 19:14Utera here? Hurwere here? Ruvengo here?
-
19:14 - 19:21Akati hapana chaimuparadzanisa naMwari,
mutsara wake wekunamatawaivapo. -
19:21 - 19:31Asi kana vangovhara mutsara wako
wotadza kunamata zvakare, waparara. -
19:31 - 19:39Tichataura zvakawanda . Wana pekugara.
-
19:39 - 19:42Tarisa nyaya yaPauro.
-
19:42 - 19:45Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete. -
19:45 - 19:49Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete. -
19:49 - 19:52Nguva imwe neimwe inoreva kane zana.
-
19:52 - 19:55Kakawanda, akamhanyira kuna Mwari.
-
19:55 - 20:01'Jesu, ndiponesei. Ndiporesei.
Ndiropafadzei. Ndinunurei. -
20:01 - 20:10Kangani kawamhanyira kuna Mwari
wobva wakanda mapfumo pasi? -
20:10 - 20:19Pasina kunzwa kubva kuna Mwari -
asi iwe unokanda mapfumo pasi? -
20:19 - 20:24Rangarira, Pauro akapindurwa,
'Nyasha dzangu dzakakukwanira.' -
20:24 - 20:29Akaenderera mberi.
-
20:29 - 20:34Ko imi musina kana kunzwa kubva kuna
Mwari mukutokanda mapfumo pasi? -
20:34 - 20:38Kufananidzwa nemunhu akanzwa
kubva kuna Mwari. -
20:38 - 20:44'Nyasha dzangu dzakakukwanira.
Usazvinetsa iwe.' -
20:44 - 20:48Asi iwe hauna kunzwa kuna Mwari uye
asi uri kukanda mapfumo pasi. -
20:48 - 20:55Uye haana kumbogumbuka kuti Mwari
haana kubvisa munzwa wacho. -
20:55 - 21:01Paakanzi, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira'-
akanga akanaka nazvo -
21:01 - 21:04nokuti aiziva kuti nyange akanga aporeswa
kana kuti kwete. -
21:04 - 21:07hazvaishandura chimiro chake panamwari.
-
21:07 - 21:10Ungave iwe semunhu wakapinda
muHumambo hwaMwari kana kwete, -
21:10 - 21:14izvo hazvizoshanduri Humambo hwaMwari.
-
21:14 - 21:20Mwari vacharamba vari Musununguri,
zvisinei wapora kana kwete. -
21:20 - 21:27Aiziva kuti kunyange akanga aporeswa
kana kuti kwete, Jesu ndiye Muponesi. -
21:27 - 21:33Saka, unozvinetserei?
-
21:33 - 21:40Ngatitaurei futi nezve utera
urikutaurwa nasisi ava. -
21:40 - 21:41Shoko roti hakuna mutsvene.
-
21:41 - 21:51Ungave utera upi wauinawo, sezvo mutsara
wemunamato usina kuvharwa, -
21:51 - 22:04utera ihwohwo ibetsero pamweya wako
kukuswededza pedyo naMwari, -
22:04 - 22:11ukamhanya kuna Mwari, tenda zvakanyanya,
iva nekutenda kwakakwana. -
22:11 - 22:14Nokuti une kutenda asi kushoma.
-
22:14 - 22:17Asi utera hunozoita kuti uve
nerutendo rwakakwana. -
22:19 - 22:20Ndinokutendai, Jesu Kristu.
-
22:20 - 22:22Ndaida message iyo.
-
22:22 - 22:26Ini ndafarira chikamu chekutanga
umo Muporofita T.B. Joshua akati -
22:26 - 22:30chinodiwa naMwari muvaki wehukama.
-
22:30 - 22:33Nokuti ndizvo zvazviri, vanhu vaMwari.
-
22:33 - 22:39Zvose ndezvekuvaka ukama hwedu naMwari.
-
22:39 - 22:41Hongu, tine utera.
-
22:41 - 22:45Hungu, murwendo urwu rwoupenyu,
tinoita zvikanganiso. -
22:45 - 22:52Uye hungu, munyika ino tinotarisana
nemiedzo, matambudziko nemiedzo yokutenda. -
22:52 - 23:03Asi hatifaniri kurega chero chii zvacho
kuti chikanganise ukama hwedu naMwari. -
23:03 - 23:11Satani anogona kutikanganisira mari,
bhizinesi, basa kana hutano hwedu. -
23:11 - 23:14Hatisi kure, anokwanisa kutibata.
-
23:14 - 23:20Asi usamurega achikanganisa
hupenyu hwako hwepamweya. -
23:20 - 23:27Usamurega achikanganisa mutsara
wako wekunamata naMwari. -
23:27 - 23:29Motto yedu ndeipi sevatendi?
-
23:29 - 23:35Hapana chinhu - hapana zvachose -
chingatiparadzanisa -
23:35 - 23:42kubva murudo rwaMwari rwuri
muna Kristu Jesu. -
23:42 - 23:49Ndafarira apo Muporita T.B. Joshua
atiyeuchidza nyaya yaApostora Pauro. -
23:49 - 23:522 VaKorinte 12:7-10
-
23:52 - 23:57Nokuti kunyange pachiyero chake
muzvinhu zvaMwari. -
23:57 - 24:00muzvinhu zvoMweya.
-
24:00 - 24:06Bhaibheri rinoti aive nemunzwa
munyama yake. -
24:06 - 24:13Asi izvozvo hazvina kuva chigumbuso
muupenyu hwake hwomudzimu. -
24:13 - 24:19Asi, yakava nzira yekutomuswededza
pedyo naMwari - -
24:19 - 24:23kuti uwedzere kunyengetera, tenda
zvikuru, ude Mwari zvikuru. -
24:23 - 24:30Hapana chakakanganisa mutsara
wake wekunamata -
24:30 - 24:32Iyi ikurudziro huru kwauri
iwe neni nhasi. -
24:32 - 24:37Chero mamiriro ako
ezvinhu, vanhu vaMwari - -
24:37 - 24:42kana mamiriro ezvinhu akadaro
achikuyeuchidza nezvaMwari, -
24:42 - 24:49kana mamiriro ezvinhu iwayo neutera
zvova tsime rako rekuvimba naMwari, -
24:49 - 24:55zvowedzera pfungwa yako
yekutsamira pana Mwari, -
24:55 - 25:00zivai kuti promotion irikuuya.
-
25:00 - 25:06Saka, mashandisirwo eShoko iri
muhupenyu hwedu hwemazuva ese ndeekuti: -
25:06 - 25:12Rega kunamatira vavengi vako.
-
25:12 - 25:16Tanga kunamata uchipesana
neutera kwako. -
25:16 - 25:22Vhara musuwo wadhiabhorosi
muhupenyu hwako. -
25:22 - 25:26Chengeta mutsara wako wekunamata kuna
naMwari wakavhurika. -
25:26 - 25:30Uye usarega chero chinhu munyika ino
-
25:30 - 25:36kuti chive chimhingamupinyi pakukura
kwako pamweya. -
25:36 - 25:40Uye panguva yakatarwa, yakakwana yaMwari,
-
25:40 - 25:44zvinhu zvose zvakanaka.
-
25:44 - 25:45Ndinotenda, Jesu Kristu.
-
25:45 - 25:50Zvakanaka, ndinokutendai nekubatana
nesu nokuda kweshoko rinofadza nhasi. -
25:50 - 25:52Ndinoda kunzwa kubva kwamuri
zvidzidzo zvamadzidza -
25:52 - 25:56kubva mushoko rinoshanda rabva
kuMuporofita T.B. Joshua. -
25:56 - 26:01Munoziva, mashoko anotaurwa
pasi pesimba reMweya Mutsvene -
26:01 - 26:04haana nguva.
-
26:04 - 26:08Saka, ndapota govana nesu zvawadzidza
pa meseji yataurwa pazasi apo. -
26:08 - 26:12Uye zvechokwadi, rangarira nguva dzose -
-
26:12 - 26:19tsvaka mwoyo waMwari kuti uone
hupenyu zvakajeka, muzita raJesu.
- Title:
- Munamato Unogara Uchidairwa naMwari!! Muporofita TB Joshua
- Description:
-
Rudzii rwomunyengetero nokutsanya zvichagara zvichikwezva ngwariro yaMwari? Ziva iyi inoshandura hupenyu, musimboti wemweya kubva kuna Muporofita TB Joshua uye vhara musuwo kuna dhiabhori muhupenyu hwako!
‘The Legacy Lives On’ chirongwa chiri paMwoyo waMwari TV naMukoma Chris vakazvipira kugoverana mashoko ehuchenjeri nezvidzidzo zvehupenyu kubva kumuranda waMwari, Prophet TB Joshua.
ZVITSAUKO:
00:00 - Mhedziso pfupi yeshoko ranhasi
00:14 - Nhanganyaya ye 'Nhaka Inorarama'
01:31 - Muporofita TB Joshua achitaura nezve mashandisiro anoita dhiyabhorosi utera
05:03 - Muenzaniso waApostora Pauro nemunzwa munyama yake
07:57 - Rarama hupenyu hwemunamato wako
11:36 - Chidimbu cheuchapupu hwemukadzi wekuSouth Africa nezvekununurwa kubva muhuroyi.
14:37 - Muporofita TB Joshua anoshandisa uchapupu hwake kutsanangura zvakare pamusoro pekuti dhiyabhorosi anoshandisa sei utera sehwambo.
18:44 - Kana mutsara wako wekunamatira wakavharwa, utera hunogona kukuparadzanisa nerudo rwaMwari
21:00 - Situation yako haichinji nzvimbo yaMwari
22:18 - Mashoko ekupedzisira kubva kuna Mukoma Chris➡️ Yekutanga Footage Source - Emmanuel TV
➡️ Yekutanga Footage Links:
- https://www.youtube.com/watch?v=Bg4-m1u8vGY
- https://www.youtube.com/watch?v=GMNOemXkYB0#TheLegacyLivesOn
➡️ Gamuchira Kurudziro Yemazuva ese paWhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Tsigira Mwoyo waMwari TV nemari - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Ruzivo nezveMunamato Wekupindirana - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Zvipire seMuturikiri weMwoyo waMwari weTV - https://godsheart.tv/translate/ - Video Language:
- English
- Team:
- God's Heart TV
- Duration:
- 26:33
ThelmaMafu edited Shona subtitles for The Prayer God ALWAYS Answers!!! | Prophet TB Joshua | ||
ThelmaMafu edited Shona subtitles for The Prayer God ALWAYS Answers!!! | Prophet TB Joshua | ||
ThelmaMafu edited Shona subtitles for The Prayer God ALWAYS Answers!!! | Prophet TB Joshua | ||
ThelmaMafu edited Shona subtitles for The Prayer God ALWAYS Answers!!! | Prophet TB Joshua |