0:00:00.000,0:00:05.840 Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza. 0:00:05.840,0:00:07.800 Edza izvi kubva nhasi. 0:00:07.800,0:00:13.520 Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura! 0:00:15.440,0:00:19.880 Nyasha nerugare ngazvive nemi [br]mose muzita raJesu guru 0:00:19.880,0:00:25.440 uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro [br]'Nhaka Inogara Pamusoro'. 0:00:25.440,0:00:30.880 Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai [br]zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua 0:00:30.880,0:00:37.320 vachitaura nezvenyaya yakakosha [br]uye inodzidzisa 0:00:37.320,0:00:41.480 yandinotenda kuti ichabatsira [br]chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu. 0:00:41.480,0:00:44.520 Chikamu chekutanga chinotorwa [br]kubva pakati pemharidzo 0:00:44.520,0:00:49.480 uyezve chikamu chechipiri chinotorwa[br]kubva pakati peuchapupu 0:00:49.480,0:00:53.520 kubva kune mukadzi wekuSouth Africa [br]akagamuchira rusununguko 0:00:53.520,0:00:59.400 kubva kumweya wakaipa wakamupinza [br]muhupenyu hwehuroyi. 0:00:59.400,0:01:04.800 Muporofita TB Joshua pavakanga [br]achiteerera kupupura kwake, 0:01:04.800,0:01:09.640 vakashandisa zvakaitika muupenyu [br]hwake somukana 0:01:09.640,0:01:15.440 kudzidzisa vanhu musimboti uyu [br]wepamweya unokosha. 0:01:15.440,0:01:21.240 Saka, komborerwa izvozvi [br]paunodzidza nezverudzi rwemunamato, 0:01:21.240,0:01:28.640 rudzi rwekutsanya runogaro [br]kwezva meso aMwari. 0:01:28.640,0:01:31.840 Ngatitarisei. 0:01:31.840,0:01:37.240 Kana usingade kuti satan akuite nhapwa [br]shanda pahunhu hwako. 0:01:37.240,0:01:41.320 Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga [br]kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!" 0:01:41.320,0:01:47.480 Namata uchipesana nekahunhu kanokuita[br]utadze. 0:01:47.480,0:01:51.120 Kubva nhasi, usatanga kuti,[br]"Mwari, ndiropafadzei!" 0:01:51.120,0:01:56.080 Namata uchipesana neutera hwako. 0:01:56.080,0:01:59.080 Kubva nhasi, usatanga kuti,[br]“Mwari, ndidzivirirei! 0:01:59.080,0:02:01.000 Vanhu vari kunditevera,[br]kuda kundiuraya 0:02:01.000,0:02:02.120 Uko kutambisa nguva 0:02:02.120,0:02:07.080 Enda wakananga - uchipesana neutera hwako. 0:02:07.080,0:02:10.520 Ndonzira inoshandiswa [br]nasatan kuti akupinde, 0:02:10.520,0:02:12.840 okutambudza nourombo, 0:02:12.840,0:02:15.160 okutambudza nokushaya kugadzikana, 0:02:15.160,0:02:16.720 okutambudza nourwere, 0:02:16.720,0:02:18.760 okutambudze nechero iwe chiri kukunetsa. 0:02:18.760,0:02:21.720 Anoshandisa kahunhu kanoita utadze[br]kuti akupinde. 0:02:21.720,0:02:29.040 Ukavhara ipapo, satani haachakwanise [br]kupinda. 0:02:29.040,0:02:38.920 Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa [br]nhasi nekuti munombondivhiringidzawo! 0:02:38.920,0:02:45.640 Mirai pano. Vamwe vacho mirai apa. 0:02:45.640,0:02:51.040 Mirai pano. 0:02:51.040,0:02:59.480 Murume uyu achapfuura nepano apa [br]achiuya kwandiri. 0:02:59.480,0:03:05.280 Asi kana vaviri vedu vakavhara nzira, [br]hapana nzira yekuti apfuure. 0:03:05.280,0:03:18.320 Zvinoreva kuti unorarama [br]mukuzara - hupenyu huzhinji. 0:03:18.320,0:03:21.880 Chakanaka kuvhara nzira iyi. 0:03:21.880,0:03:23.600 Nzira iyi utera 0:03:23.600,0:03:31.040 Apa ndipo panopinda utera, [br]kuti murume uyu apinde apa auye 0:03:31.040,0:03:33.640 okutambudzika nourombo; 0:03:33.640,0:03:35.400 okutambudza nourwere, 0:03:35.400,0:03:43.280 okutambudza nemhingampinji yekudzoswa [br]shure nekushaya mbereko chipi chinokunetsa 0:03:43.280,0:03:45.440 Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo 0:03:45.440,0:03:51.920 Pane kudaro, mumwe anotanga kuti,[br]"Mwari, ndiporesei!" 0:03:51.920,0:03:54.560 Zvine musoro here kuti, [br]“Mwari, ndiporesei”? 0:03:54.560,0:04:03.960 Sei usingakwanise kuvhara nzira [br]iyi kuti uve nehupenyu hwazara 0:04:03.960,0:04:05.880 Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!" 0:04:05.880,0:04:07.400 Uchirwara unoti ndiporesei! 0:04:07.400,0:04:09.880 Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei! 0:04:09.880,0:04:13.000 Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei [br]nembereko; 0:04:13.000,0:04:17.080 Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva [br]mamiriro ako ezvinhu. 0:04:17.080,0:04:20.400 Paunotanga kuudza Mwari, [br]"Ndinoda kuendako" - 0:04:20.400,0:04:24.280 zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu. 0:04:24.280,0:04:27.440 Akakusika anokuziva. 0:04:27.440,0:04:30.480 Anoziva chimiro chako. [br]Anoziva pfungwa dzako. 0:04:30.480,0:04:34.520 Zvino wave kuti kwaari,[br]"Ndiri murombo - ndiropafadzei!" 0:04:34.520,0:04:36.720 Zvine musoro here? 0:04:36.720,0:04:43.680 Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye [br]kugadzirisa hupenyu hwako ... 0:04:43.680,0:04:46.400 Unofanira kuenderana nehupenyu hwako. 0:04:46.400,0:04:52.080 Upenyu hwakawanda [br]hwakaparadzaniswa noMusiki. 0:04:52.080,0:05:03.160 Kubva nhasi, tanga kunamata [br]uchipesana neutera. 0:05:03.160,0:05:08.560 Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa [br]Apostora Pauro naMwari. 0:05:08.560,0:05:16.840 Katatu, akauya kuna Mwari achiti: [br]‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!' 0:05:16.840,0:05:20.040 Nguva imwe neimwe, Ishe vakati,[br]"Nyasha dzangu dzakakukwanira." 0:05:20.040,0:05:30.520 Zvichireva kuti, 'Kururama [br]kwangu kwakakukwanira.' 0:05:30.520,0:05:35.240 Pose Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati,[br]'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.' 0:05:35.240,0:05:44.320 Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo. [br]zvimwe zvose zvichawedzerwa.' 0:05:44.320,0:05:53.280 Mwari akashandisa Pauro [br]semuenzaniso kwatiri tose. 0:05:53.280,0:05:56.960 Hatina kumbonzwa chinhu shure [br]kweizvozvo katatu Ishe akati, 0:05:56.960,0:05:58.680 "Nyasha dzangu dzakakukwanira!" 0:05:58.680,0:06:00.320 Hauzoone chinyorwa ichi futi 0:06:00.320,0:06:06.200 Hatina kumbonzwa kuti chirwere [br]ndicho chakauraya Pauro 0:06:06.200,0:06:11.320 Uye Pauro akararama kusvika kunguva [br]yechipikirwa yaakapiwa naMwari. 0:06:11.320,0:06:15.640 Dambudziko rako nderei izvozvi? [br]utera. 0:06:15.640,0:06:23.400 Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu[br]utera, kwete kuomerwa kwangu, 0:06:23.400,0:06:28.600 kwete chirwere changu, [br]kwete dambudziko rangu. 0:06:28.600,0:06:32.600 Dambudziko rangu utera." 0:06:32.600,0:06:36.320 Ndodambudziko rako iroro. 0:06:36.320,0:06:41.120 Dai wanga uchinamata uchipesana [br]neizvi nguva yese iyi, 0:06:41.120,0:06:44.080 mamiriro ako haaizoramba akadai. 0:06:44.080,0:06:56.800 Muchidimbu, munamato wako unofanirwa[br]kunge uchipesana neutera. 0:06:56.800,0:07:00.600 "Ndiri murombo" - Mwari vanoziva. 0:07:00.600,0:07:04.360 "Ndiri kurwara" - Mwari vanoziva. 0:07:04.360,0:07:06.880 "Ini handibereki" - Mwari vanoziva. 0:07:06.880,0:07:09.640 Chero matambudziko aungasangana nawo, [br]Mwari vanozviziva. 0:07:09.640,0:07:12.400 Hazvina basa kuti utange kunongedza 0:07:12.400,0:07:17.080 'Ndini uyu! Ndinoda izvi!' 0:07:17.080,0:07:21.960 Vhara nzira inoshandiswa [br]nasatan kukutambudza. 0:07:21.960,0:07:29.880 Vhara nzira inoshandiswa nasatani[br]kukutambudza inova ndiyo utera. 0:07:29.880,0:07:31.800 Anoshandisa utera [br]hwedu kutikanganisa. 0:07:31.800,0:07:33.480 Anoshandisa utera hwedu kutirwisa. 0:07:33.480,0:07:36.160 Anoshandisa utera hwedu kutirova. 0:07:36.160,0:07:39.760 Ndo utera. Namata uchipesana [br]nekushaya simba kwako. 0:07:39.760,0:07:46.440 Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu [br]zvese zvichawedzerwa kwauri. 0:07:46.440,0:07:48.520 Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba - 0:07:48.520,0:07:52.400 paunoshamisa muromo wako, uchiti, [br]'Mwari, ndinotaurisa zvakanyanyisa! 0:07:52.400,0:07:57.160 Ndipeiwo nyasha. Handidi [br]kutaurisa.' 0:07:57.160,0:08:02.680 Mushure memunamato wako, semunhu [br]wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira. 0:08:02.680,0:08:05.280 Paunenge uchienda uye wave kuda [br]kutaura zvakanyanya, 0:08:05.280,0:08:12.240 ucharangarira kuti wanamata nezvazvo. 0:08:12.240,0:08:16.040 Kana mumwe munhu akati, [br]"T.B. Joshua, unoti kudii?" 0:08:16.040,0:08:22.440 "Usanetsekana- ndokuona papera kanguva" 0:08:22.440,0:08:24.560 Nekuti haudi kuti utaurise zvekare. 0:08:24.560,0:08:31.280 Nekuti ibenzi chete rinonamatira [br]kutaura zvakanyanya 0:08:31.280,0:08:35.720 wobva wasiya munamato iwoyo wobva [br]wataura zvakawandisa. 0:08:35.720,0:08:38.120 Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa' 0:08:38.120,0:08:41.600 Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana[br]nekahunhu kanoita kuti utadze 0:08:41.600,0:08:47.160 unofanira kutanga kurarama hupenyu [br]hwemunamato wako. 0:08:47.160,0:08:51.360 Udza muvakidzani wako kuti, [br]"Rarama hupenyu hwemunamato wako." 0:08:51.360,0:08:56.160 Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato [br]wako - zvirarame. 0:08:56.160,0:08:58.160 'Handidi kutaura zvakawanda.' 0:08:58.160,0:09:03.280 Mushure memunamato ndichararama [br]hupenyu hwekusanyanya kutaura. 0:09:03.280,0:09:12.240 Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza [br]mhinduro kubva kuna Mwari... 0:09:12.240,0:09:19.200 Hautombodi kuti Mwari vashumire [br]moyo wako kuti uende nekutsanya. 0:09:19.200,0:09:23.360 Chero nguva yaunokutsanya uchipesana [br]neutera hwako, Mwari vanokupindura. 0:09:23.360,0:09:26.440 Kana ndichitaura newe, rega [br]ndione ruoko rwako. 0:09:26.440,0:09:31.800 Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo [br]kundotsanya nokuti uri murombo 0:09:31.800,0:09:33.560 Uchida kuti Mwari vakuropafadze 0:09:33.560,0:09:37.360 Kana ukagara musango ukatanga [br]kutsanya kwemazuva mana, 0:09:37.360,0:09:45.120 kunyange ukatsanya makore zana, [br]uchafira ikoko! 0:09:45.120,0:09:54.360 Enda unotsanya uye unamate[br]uchipesana neutera imhinduro yakananga! 0:09:54.360,0:10:02.800 Mwari anopindura nekukurumidza [br]nekuti Mwari anoda muvaki wehukama. 0:10:02.800,0:10:05.280 Paunovaka hukama hwako - 0:10:05.280,0:10:09.240 'Ndinotaurisa; Handidi kutaura [br]zvakawanda' - zvinofadza Mwari 0:10:09.240,0:10:14.520 Chinokosha kuna Mwari ukama [br]hwedu, kwete zvatinoita. 0:10:14.520,0:10:18.600 Enda unotsanya - zvimwe zvinhu zvose [br]zvichawedzerwa kwauri. 0:10:18.600,0:10:25.160 Chero nguva yaunowana mukana [br]wekutsanya nekuda kweutera hwako, 0:10:25.160,0:10:28.000 imhinduro yakananga. 0:10:28.000,0:10:33.840 Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza. 0:10:33.840,0:10:38.600 Edza izvi kubva nhasi. 0:10:38.600,0:10:45.720 Wana zuva rekutsanya kubva [br]mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo 0:10:45.720,0:10:53.280 uchauya kuno kuzopupura. 0:10:53.280,0:11:00.320 Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera [br]hwako, satan anouya kuzokurwisa. 0:11:00.320,0:11:02.480 Dambudziko rauri kutarisana naro - 0:11:02.480,0:11:06.920 satani anouya kubudikidza neutera[br]wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera. 0:11:06.920,0:11:09.160 Chirwere chauri kuita izvozvi - 0:11:09.160,0:11:15.040 kubudikidza neutera hwako satani anouya [br]kuzokurwisa nemweya wehurwere. 0:11:15.040,0:11:18.760 Kushaya mbereko - kuburikidza [br]neutera. 0:11:18.760,0:11:22.800 Ndapota, ngativharei izvi. [br]Nyengetera uchipikisana nazvo. 0:11:22.800,0:11:25.240 Uyu ngauve munamato wako. 0:11:25.240,0:11:35.240 Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako. 0:11:35.720,0:11:40.920 Kana munhu ari muKristu, tinoenda [br]mberi totarisa muhupenyu hwavo - 0:11:40.920,0:11:44.360 chero nzvimbo ine utera 0:11:44.360,0:11:47.360 Vachava pane imwe nhanho zviri pachena. 0:11:47.360,0:11:51.320 Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari, 0:11:51.320,0:11:53.720 vanonyengetera kakawanda sei? 0:11:53.720,0:11:56.520 Vanotsamwa kakawanda sei? 0:11:56.520,0:11:59.480 Vane ruchiva here kana umwe utera? 0:11:59.480,0:12:05.440 Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa, [br]kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza 0:12:05.440,0:12:08.960 Simukai 0:12:08.960,0:12:13.960 Haisi dzidziso here iyi 0:12:13.960,0:12:18.440 Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu 0:12:18.440,0:12:21.800 Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura 0:12:21.800,0:12:27.440 Idzidziso huru mazvinzwa here izvo 0:12:27.440,0:12:31.000 Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama. 0:12:31.000,0:12:35.480 Ati pane imwe yavanofanira ... [br]iyo nzvimbo. 0:12:35.480,0:12:39.320 Tanga kubva pagumira. 0:12:39.320,0:12:44.080 Kungava kutsamwa, kuzvikudza [br]kana kuzvitutumadza. 0:12:44.080,0:12:48.280 Semuenzaniso wakanaka, kana munhu ane [br]manyawi,munoshandisa sei kudada ikoko? 0:12:48.280,0:12:51.320 Munopinda sei pakuzvikudza uku? 0:12:51.320,0:12:54.440 Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada, 0:12:54.440,0:13:00.280 ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu [br]anozoita kuti awedzere kudada, 0:13:00.280,0:13:06.400 kutaura pamusoro pake - kubudirira [br]kwake, zvaakawana. 0:13:06.400,0:13:11.880 Munzvimbo iyoyo yekuva neutera,[br]isu tinowedzera nzvimbo yacho, 0:13:11.880,0:13:17.720 kuitira kuti mubatiswe mairi kwenguva [br]yakakwana toita zvatinoda. 0:13:17.720,0:13:21.440 Wombererai Jesu Kirisitu 0:13:21.440,0:13:23.360 Mazvinzwa here izvo 0:13:23.360,0:13:27.400 Vanoshandisa kuzvitutumadza kwako[br]kuti vakupinde 0:13:27.400,0:13:32.840 zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza[br]nokuzvikudza kwako kuwedzere 0:13:32.840,0:13:47.880 Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo. 0:13:47.880,0:13:49.920 Enderera mberi 0:13:49.920,0:13:52.440 Tobva tashandisa izvozvo 0:13:52.440,0:13:57.000 Iwe paunenge uchiri wakatarisana [br]noutera wako 0:13:57.000,0:14:00.480 isu tobva tapinda toita zvatinoda. 0:14:00.480,0:14:01.800 Ipapo tinenge takuwanikidza 0:14:01.800,0:14:03.240 Moda kuita sei 0:14:03.240,0:14:08.240 Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato. 0:14:08.240,0:14:13.160 Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu[br]arambane nemudzimai wake 0:14:13.160,0:14:18.760 obva aroora sisi varikutibhadhara [br]kuti vadiwe 0:14:18.760,0:14:21.560 Saka makatombobuirira here kuvakawanda[br]muchidai 0:14:21.560,0:14:25.560 Takabudirira kakawandisa 0:14:25.560,0:14:27.880 Kuva Kirisitu sevava? 0:14:27.880,0:14:30.760 Hongu seivava 0:14:30.760,0:14:36.320 Manzwa zvaataura? 0:14:36.320,0:14:41.680 Arikushandisa shoko raMwari - hakuna[br]mutsvene chero mumwe zvake. 0:14:41.680,0:14:44.320 Ndiyo angle yavari kushandisa. 0:14:44.320,0:14:54.000 Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine [br]utera, ndipo pandine simba." 0:14:54.000,0:15:01.360 Mumusangano wedu wekupedzisira, [br]ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'. 0:15:01.360,0:15:08.080 Matambudziko edu akaitirwa [br]kutibatsira pakunamata. 0:15:08.080,0:15:17.040 Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu [br]dzimwe nguva tinoedzwa 0:15:17.040,0:15:22.880 kuti tidzidze kunyengetera zvikuru. 0:15:22.880,0:15:29.680 Zvino, iye zvaari kutaura ndezvekuti [br]kudada ikoko ndoutera wako, 0:15:29.680,0:15:34.000 uye mutsara wako wekunamatira uchiripo, 0:15:34.000,0:15:38.840 paunoedzwa nekuzvikudza, ndipo [br]paunonyanya kunamata. 0:15:38.840,0:15:45.440 Zvino, havagoni kushandisa [br]kona iyoyo pauri. 0:15:45.440,0:15:48.400 Kunze kwekunge vavhara mutsara [br]wako wekunamatira. 0:15:48.400,0:15:54.240 Kana mutsara wako wekunamata [br]wakavharwa, ndipo paunonyanya kudada, 0:15:54.240,0:15:57.640 wobva wawedzera kuparadzwa. 0:15:57.640,0:16:02.040 Kunyanya kudada ikoko ndiko kuwedzera[br]kwekuparadzwa kwako. 0:16:02.040,0:16:07.880 Asi kana mutsara wako wekunamata [br]usina kuvharwa, 0:16:07.880,0:16:19.000 kana kuzvikudza kukauya, ndipo [br]paunonyanya kunamata. 0:16:19.000,0:16:27.360 Vavariro yavo, nechinangwa chekushandiswa [br]kweutera wako kukuwisa pasi semukristu. 0:16:27.360,0:16:34.120 Asi pachinzvimbo chekukuwisira pasi, [br]zvinokusimbisa zvakanyanya. 0:16:34.120,0:16:41.720 Varasika. 0:16:41.720,0:16:44.200 Tiri tose here 0:16:44.200,0:16:50.840 Zvino, ndinoda kutakura chinhu ichi, [br]kuti ndichisunde. 0:16:50.840,0:16:59.960 Paunoedza kudzivira kuti ndisachisunde [br]ndipo pandinobva ndachisunda zvakanyanya! 0:16:59.960,0:17:04.920 Unoona chinangwa chekundidzinga [br]panzvimbo iyi chakundwa. 0:17:04.920,0:17:07.480 Hapana chikonzero chekundisundidzira. 0:17:07.480,0:17:14.120 Chinangwa chasatani, chekuti ashandise[br]utera wako - 0:17:14.120,0:17:18.040 vanowanzoshandisa kupera simba sechirauro. 0:17:18.040,0:17:27.000 Zvino, kurwiswa uku kwakanyanya, [br]ndipo paunonyanya kunamata - 0:17:27.000,0:17:36.320 ndozvinoreva 'kutambudzika kwedu [br]kwakaitirwa kuti tibatsirwe pamweya'. 0:17:36.320,0:17:40.840 Kutambudzika kunogona kuva muedzo, [br]urombo, kurwiswa, izvi, izvo. 0:17:40.840,0:17:46.080 Asi kana zvasvika, zvakaitirwa kuti [br]ubatsirwe pamweya. 0:17:46.080,0:17:56.000 Iwe namata nekutsanya zvakanyanya [br]uchitsvaga chiso chaMwari. 0:17:56.000,0:18:00.400 Saka, zvaari kutaura iye zvino[br]ndezvekuti vanotarisa utera. 0:18:00.400,0:18:06.920 Kana utera hwako huri uhwo [br]asi mutsara wako wekunamata uripo, 0:18:06.920,0:18:11.960 zvino kana kurwiswa uku kwauya, [br]unowedzera kunamata. 0:18:11.960,0:18:22.800 Havana simba pamusoro pako. 0:18:22.800,0:18:24.560 Mutsara wako wekunamata wakavharwa - 0:18:24.560,0:18:32.360 kana vakakwanisa kutora mutsara wako [br]wekunamata, vanotora hupenyu hwako. 0:18:32.360,0:18:38.680 Ndiko kusaka Bhaibheri richiti,[br]"Hapana chingandiparadzanisa." 0:18:38.680,0:18:39.880 Ndizvo zvazvinoreva. 0:18:39.880,0:18:44.280 Utera hunogona here? Kwete - [br]kana mutsara wako wekunamata uripo. 0:18:44.280,0:18:50.440 Asi kana mutsara wakavharwa, [br]utera hunokuparadzanisa nerudo rwaMwari. 0:18:50.440,0:18:54.720 Kana ndirikutaura newe isa ruoko mudenga. 0:18:54.720,0:19:00.640 Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa,[br]utera unokuparadzanisa nerudo rwaMwari. 0:19:00.640,0:19:03.720 Kana mutsara wako wekunamata uripo, [br]hapana chinokuparadzanisai. 0:19:03.720,0:19:05.520 Ndozvairehwa naPauro. 0:19:05.520,0:19:09.280 Akati, 'Chii chingandiparadzanisa? Munzwa[br]here? Kwete. 0:19:09.280,0:19:14.000 Utera here? Hurwere here? Ruvengo here? 0:19:14.000,0:19:20.560 Akati hapana chaimuparadzanisa naMwari,[br]mutsara wake wekunamatawaivapo. 0:19:20.560,0:19:31.480 Asi kana vangovhara mutsara wako [br]wotadza kunamata zvakare, waparara. 0:19:31.480,0:19:38.800 Tichataura zvakawanda . Wana pekugara. 0:19:38.800,0:19:42.280 Tarisa nyaya yaPauro. 0:19:42.280,0:19:45.200 Akachema kuna Mwari katatu, [br]kwete kamwe chete. 0:19:45.200,0:19:48.720 Akachema kuna Mwari katatu, [br]kwete kamwe chete. 0:19:48.720,0:19:51.920 Nguva imwe neimwe inoreva kane zana. 0:19:51.920,0:19:55.480 Kakawanda, akamhanyira kuna Mwari. 0:19:55.480,0:20:01.160 'Jesu, ndiponesei. Ndiporesei. [br]Ndiropafadzei. Ndinunurei. 0:20:01.160,0:20:09.840 Kangani kawamhanyira kuna Mwari [br]wobva wakanda mapfumo pasi? 0:20:09.840,0:20:19.080 Pasina kunzwa kubva kuna Mwari - [br]asi iwe unokanda mapfumo pasi? 0:20:19.080,0:20:24.400 Rangarira, Pauro akapindurwa, [br]'Nyasha dzangu dzakakukwanira.' 0:20:24.400,0:20:28.920 Akaenderera mberi. 0:20:28.920,0:20:34.240 Ko imi musina kana kunzwa kubva kuna [br]Mwari mukutokanda mapfumo pasi? 0:20:34.240,0:20:37.960 Kufananidzwa nemunhu akanzwa [br]kubva kuna Mwari. 0:20:37.960,0:20:43.520 'Nyasha dzangu dzakakukwanira. [br]Usazvinetsa iwe.' 0:20:43.520,0:20:48.480 Asi iwe hauna kunzwa kuna Mwari uye [br]asi uri kukanda mapfumo pasi. 0:20:48.480,0:20:55.200 Uye haana kumbogumbuka kuti Mwari [br]haana kubvisa munzwa wacho. 0:20:55.200,0:21:00.640 Paakanzi, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira'- [br]akanga akanaka nazvo 0:21:00.640,0:21:04.240 nokuti aiziva kuti nyange akanga aporeswa [br]kana kuti kwete. 0:21:04.240,0:21:06.960 hazvaishandura chimiro chake panamwari. 0:21:06.960,0:21:10.160 Ungave iwe semunhu wakapinda [br]muHumambo hwaMwari kana kwete, 0:21:10.160,0:21:14.000 izvo hazvizoshanduri Humambo hwaMwari. 0:21:14.000,0:21:20.200 Mwari vacharamba vari Musununguri, [br]zvisinei wapora kana kwete. 0:21:20.200,0:21:27.040 Aiziva kuti kunyange akanga aporeswa [br]kana kuti kwete, Jesu ndiye Muponesi. 0:21:27.040,0:21:33.400 Saka, unozvinetserei? 0:21:33.400,0:21:39.520 Ngatitaurei futi nezve utera [br]urikutaurwa nasisi ava. 0:21:39.520,0:21:41.040 Shoko roti hakuna mutsvene. 0:21:41.040,0:21:50.880 Ungave utera upi wauinawo, sezvo mutsara [br]wemunamato usina kuvharwa, 0:21:50.880,0:22:03.720 utera ihwohwo ibetsero pamweya wako[br]kukuswededza pedyo naMwari, 0:22:03.720,0:22:11.080 ukamhanya kuna Mwari, tenda zvakanyanya, [br]iva nekutenda kwakakwana. 0:22:11.080,0:22:13.960 Nokuti une kutenda asi kushoma. 0:22:13.960,0:22:16.960 Asi utera hunozoita kuti uve [br]nerutendo rwakakwana. 0:22:18.560,0:22:19.920 Ndinokutendai, Jesu Kristu. 0:22:19.920,0:22:21.680 Ndaida message iyo. 0:22:21.680,0:22:25.560 Ini ndafarira chikamu chekutanga [br]umo Muporofita T.B. Joshua akati 0:22:25.560,0:22:29.760 chinodiwa naMwari muvaki wehukama. 0:22:29.760,0:22:32.680 Nokuti ndizvo zvazviri, vanhu vaMwari. 0:22:32.680,0:22:38.600 Zvose ndezvekuvaka ukama hwedu naMwari. 0:22:38.600,0:22:41.240 Hongu, tine utera. 0:22:41.240,0:22:45.360 Hungu, murwendo urwu rwoupenyu, [br]tinoita zvikanganiso. 0:22:45.360,0:22:51.760 Uye hungu, munyika ino tinotarisana [br]nemiedzo, matambudziko nemiedzo yokutenda. 0:22:51.760,0:23:02.840 Asi hatifaniri kurega chero chii zvacho [br]kuti chikanganise ukama hwedu naMwari. 0:23:02.840,0:23:11.320 Satani anogona kutikanganisira mari, [br]bhizinesi, basa kana hutano hwedu. 0:23:11.320,0:23:14.080 Hatisi kure, anokwanisa kutibata. 0:23:14.080,0:23:20.480 Asi usamurega achikanganisa [br]hupenyu hwako hwepamweya. 0:23:20.480,0:23:26.600 Usamurega achikanganisa mutsara [br]wako wekunamata naMwari. 0:23:26.600,0:23:28.960 Motto yedu ndeipi sevatendi? 0:23:28.960,0:23:35.080 Hapana chinhu - hapana zvachose - [br]chingatiparadzanisa 0:23:35.080,0:23:42.240 kubva murudo rwaMwari rwuri [br]muna Kristu Jesu. 0:23:42.240,0:23:48.680 Ndafarira apo Muporita T.B. Joshua [br]atiyeuchidza nyaya yaApostora Pauro. 0:23:48.680,0:23:52.400 2 VaKorinte 12:7-10 0:23:52.400,0:23:57.400 Nokuti kunyange pachiyero chake [br]muzvinhu zvaMwari. 0:23:57.400,0:23:59.880 muzvinhu zvoMweya. 0:23:59.880,0:24:05.720 Bhaibheri rinoti aive nemunzwa[br]munyama yake. 0:24:05.720,0:24:13.440 Asi izvozvo hazvina kuva chigumbuso [br]muupenyu hwake hwomudzimu. 0:24:13.440,0:24:18.600 Asi, yakava nzira yekutomuswededza [br]pedyo naMwari - 0:24:18.600,0:24:23.240 kuti uwedzere kunyengetera, tenda [br]zvikuru, ude Mwari zvikuru. 0:24:23.240,0:24:29.640 Hapana chakakanganisa mutsara [br]wake wekunamata 0:24:29.640,0:24:31.920 Iyi ikurudziro huru kwauri [br]iwe neni nhasi. 0:24:31.920,0:24:36.600 Chero mamiriro ako [br]ezvinhu, vanhu vaMwari - 0:24:36.600,0:24:41.560 kana mamiriro ezvinhu akadaro [br]achikuyeuchidza nezvaMwari, 0:24:41.560,0:24:48.920 kana mamiriro ezvinhu iwayo neutera[br]zvova tsime rako rekuvimba naMwari, 0:24:48.920,0:24:55.000 zvowedzera pfungwa yako [br]yekutsamira pana Mwari, 0:24:55.000,0:25:00.320 zivai kuti promotion irikuuya. 0:25:00.320,0:25:05.760 Saka, mashandisirwo eShoko iri [br]muhupenyu hwedu hwemazuva ese ndeekuti: 0:25:05.760,0:25:12.040 Rega kunamatira vavengi vako. 0:25:12.040,0:25:15.720 Tanga kunamata uchipesana [br]neutera kwako. 0:25:15.720,0:25:21.560 Vhara musuwo wadhiabhorosi [br]muhupenyu hwako. 0:25:21.560,0:25:26.240 Chengeta mutsara wako wekunamata kuna[br]naMwari wakavhurika. 0:25:26.240,0:25:29.520 Uye usarega chero chinhu munyika ino 0:25:29.520,0:25:36.080 kuti chive chimhingamupinyi pakukura [br]kwako pamweya. 0:25:36.080,0:25:40.000 Uye panguva yakatarwa, yakakwana yaMwari, 0:25:40.000,0:25:44.120 zvinhu zvose zvakanaka. 0:25:44.120,0:25:45.320 Ndinotenda, Jesu Kristu. 0:25:45.320,0:25:49.840 Zvakanaka, ndinokutendai nekubatana [br]nesu nokuda kweshoko rinofadza nhasi. 0:25:49.840,0:25:52.480 Ndinoda kunzwa kubva kwamuri [br]zvidzidzo zvamadzidza 0:25:52.480,0:25:56.000 kubva mushoko rinoshanda rabva [br]kuMuporofita T.B. Joshua. 0:25:56.000,0:26:00.920 Munoziva, mashoko anotaurwa [br]pasi pesimba reMweya Mutsvene 0:26:00.920,0:26:03.880 haana nguva. 0:26:03.880,0:26:08.440 Saka, ndapota govana nesu zvawadzidza [br]pa meseji yataurwa pazasi apo. 0:26:08.440,0:26:11.880 Uye zvechokwadi, rangarira nguva dzose - 0:26:11.880,0:26:19.440 tsvaka mwoyo waMwari kuti uone [br]hupenyu zvakajeka, muzita raJesu.