1 00:00:00,000 --> 00:00:05,840 Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza. 2 00:00:05,840 --> 00:00:07,800 Edza izvi kubva nhasi. 3 00:00:07,800 --> 00:00:13,520 Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura! 4 00:00:15,440 --> 00:00:19,880 Nyasha nerugare ngazvive nemi mose muzita raJesu guru 5 00:00:19,880 --> 00:00:25,440 uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro 'Nhaka Inogara Pamusoro'. 6 00:00:25,440 --> 00:00:30,880 Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua 7 00:00:30,880 --> 00:00:37,320 vachitaura nezvenyaya yakakosha uye inodzidzisa 8 00:00:37,320 --> 00:00:41,480 yandinotenda kuti ichabatsira chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu. 9 00:00:41,480 --> 00:00:44,520 Chikamu chekutanga chinotorwa kubva pakati pemharidzo 10 00:00:44,520 --> 00:00:49,480 uyezve chikamu chechipiri chinotorwa kubva pakati peuchapupu 11 00:00:49,480 --> 00:00:53,520 kubva kune mukadzi wekuSouth Africa akagamuchira rusununguko 12 00:00:53,520 --> 00:00:59,400 kubva kumweya wakaipa wakamupinza muhupenyu hwehuroyi. 13 00:00:59,400 --> 00:01:04,800 Muporofita TB Joshua pavakanga achiteerera kupupura kwake, 14 00:01:04,800 --> 00:01:09,640 vakashandisa zvakaitika muupenyu hwake somukana 15 00:01:09,640 --> 00:01:15,440 kudzidzisa vanhu musimboti uyu wepamweya unokosha. 16 00:01:15,440 --> 00:01:21,240 Saka, komborerwa izvozvi paunodzidza nezverudzi rwemunamato, 17 00:01:21,240 --> 00:01:28,640 rudzi rwekutsanya runogaro kwezva meso aMwari. 18 00:01:28,640 --> 00:01:31,840 Ngatitarisei. 19 00:01:31,840 --> 00:01:37,240 Kana usingade kuti satan akuite nhapwa shanda pahunhu hwako. 20 00:01:37,240 --> 00:01:41,320 Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!" 21 00:01:41,320 --> 00:01:47,480 Namata uchipesana nekahunhu kanokuita utadze. 22 00:01:47,480 --> 00:01:51,120 Kubva nhasi, usatanga kuti, "Mwari, ndiropafadzei!" 23 00:01:51,120 --> 00:01:56,080 Namata uchipesana neutera hwako. 24 00:01:56,080 --> 00:01:59,080 Kubva nhasi, usatanga kuti, “Mwari, ndidzivirirei! 25 00:01:59,080 --> 00:02:01,000 Vanhu vari kunditevera, kuda kundiuraya 26 00:02:01,000 --> 00:02:02,120 Uko kutambisa nguva 27 00:02:02,120 --> 00:02:07,080 Enda wakananga - uchipesana neutera hwako. 28 00:02:07,080 --> 00:02:10,520 Ndonzira inoshandiswa nasatan kuti akupinde, 29 00:02:10,520 --> 00:02:12,840 okutambudza nourombo, 30 00:02:12,840 --> 00:02:15,160 okutambudza nokushaya kugadzikana, 31 00:02:15,160 --> 00:02:16,720 okutambudza nourwere, 32 00:02:16,720 --> 00:02:18,760 okutambudze nechero iwe chiri kukunetsa. 33 00:02:18,760 --> 00:02:21,720 Anoshandisa kahunhu kanoita utadze kuti akupinde. 34 00:02:21,720 --> 00:02:29,040 Ukavhara ipapo, satani haachakwanise kupinda. 35 00:02:29,040 --> 00:02:38,920 Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa nhasi nekuti munombondivhiringidzawo! 36 00:02:38,920 --> 00:02:45,640 Mirai pano. Vamwe vacho mirai apa. 37 00:02:45,640 --> 00:02:51,040 Mirai pano. 38 00:02:51,040 --> 00:02:59,480 Murume uyu achapfuura nepano apa achiuya kwandiri. 39 00:02:59,480 --> 00:03:05,280 Asi kana vaviri vedu vakavhara nzira, hapana nzira yekuti apfuure. 40 00:03:05,280 --> 00:03:18,320 Zvinoreva kuti unorarama mukuzara - hupenyu huzhinji. 41 00:03:18,320 --> 00:03:21,880 Chakanaka kuvhara nzira iyi. 42 00:03:21,880 --> 00:03:23,600 Nzira iyi utera 43 00:03:23,600 --> 00:03:31,040 Apa ndipo panopinda utera, kuti murume uyu apinde apa auye 44 00:03:31,040 --> 00:03:33,640 okutambudzika nourombo; 45 00:03:33,640 --> 00:03:35,400 okutambudza nourwere, 46 00:03:35,400 --> 00:03:43,280 okutambudza nemhingampinji yekudzoswa shure nekushaya mbereko chipi chinokunetsa 47 00:03:43,280 --> 00:03:45,440 Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo 48 00:03:45,440 --> 00:03:51,920 Pane kudaro, mumwe anotanga kuti, "Mwari, ndiporesei!" 49 00:03:51,920 --> 00:03:54,560 Zvine musoro here kuti, “Mwari, ndiporesei”? 50 00:03:54,560 --> 00:04:03,960 Sei usingakwanise kuvhara nzira iyi kuti uve nehupenyu hwazara 51 00:04:03,960 --> 00:04:05,880 Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!" 52 00:04:05,880 --> 00:04:07,400 Uchirwara unoti ndiporesei! 53 00:04:07,400 --> 00:04:09,880 Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei! 54 00:04:09,880 --> 00:04:13,000 Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei nembereko; 55 00:04:13,000 --> 00:04:17,080 Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva mamiriro ako ezvinhu. 56 00:04:17,080 --> 00:04:20,400 Paunotanga kuudza Mwari, "Ndinoda kuendako" - 57 00:04:20,400 --> 00:04:24,280 zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu. 58 00:04:24,280 --> 00:04:27,440 Akakusika anokuziva. 59 00:04:27,440 --> 00:04:30,480 Anoziva chimiro chako. Anoziva pfungwa dzako. 60 00:04:30,480 --> 00:04:34,520 Zvino wave kuti kwaari, "Ndiri murombo - ndiropafadzei!" 61 00:04:34,520 --> 00:04:36,720 Zvine musoro here? 62 00:04:36,720 --> 00:04:43,680 Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye kugadzirisa hupenyu hwako ... 63 00:04:43,680 --> 00:04:46,400 Unofanira kuenderana nehupenyu hwako. 64 00:04:46,400 --> 00:04:52,080 Upenyu hwakawanda hwakaparadzaniswa noMusiki. 65 00:04:52,080 --> 00:05:03,160 Kubva nhasi, tanga kunamata uchipesana neutera. 66 00:05:03,160 --> 00:05:08,560 Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa Apostora Pauro naMwari. 67 00:05:08,560 --> 00:05:16,840 Katatu, akauya kuna Mwari achiti: ‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!' 68 00:05:16,840 --> 00:05:20,040 Nguva imwe neimwe, Ishe vakati, "Nyasha dzangu dzakakukwanira." 69 00:05:20,040 --> 00:05:30,520 Zvichireva kuti, 'Kururama kwangu kwakakukwanira.' 70 00:05:30,520 --> 00:05:35,240 Pose Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati, 'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.' 71 00:05:35,240 --> 00:05:44,320 Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo. zvimwe zvose zvichawedzerwa.' 72 00:05:44,320 --> 00:05:53,280 Mwari akashandisa Pauro semuenzaniso kwatiri tose. 73 00:05:53,280 --> 00:05:56,960 Hatina kumbonzwa chinhu shure kweizvozvo katatu Ishe akati, 74 00:05:56,960 --> 00:05:58,680 "Nyasha dzangu dzakakukwanira!" 75 00:05:58,680 --> 00:06:00,320 Hauzoone chinyorwa ichi futi 76 00:06:00,320 --> 00:06:06,200 Hatina kumbonzwa kuti chirwere ndicho chakauraya Pauro 77 00:06:06,200 --> 00:06:11,320 Uye Pauro akararama kusvika kunguva yechipikirwa yaakapiwa naMwari. 78 00:06:11,320 --> 00:06:15,640 Dambudziko rako nderei izvozvi? utera. 79 00:06:15,640 --> 00:06:23,400 Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu utera, kwete kuomerwa kwangu, 80 00:06:23,400 --> 00:06:28,600 kwete chirwere changu, kwete dambudziko rangu. 81 00:06:28,600 --> 00:06:32,600 Dambudziko rangu utera." 82 00:06:32,600 --> 00:06:36,320 Ndodambudziko rako iroro. 83 00:06:36,320 --> 00:06:41,120 Dai wanga uchinamata uchipesana neizvi nguva yese iyi, 84 00:06:41,120 --> 00:06:44,080 mamiriro ako haaizoramba akadai. 85 00:06:44,080 --> 00:06:56,800 Muchidimbu, munamato wako unofanirwa kunge uchipesana neutera. 86 00:06:56,800 --> 00:07:00,600 "Ndiri murombo" - Mwari vanoziva. 87 00:07:00,600 --> 00:07:04,360 "Ndiri kurwara" - Mwari vanoziva. 88 00:07:04,360 --> 00:07:06,880 "Ini handibereki" - Mwari vanoziva. 89 00:07:06,880 --> 00:07:09,640 Chero matambudziko aungasangana nawo, Mwari vanozviziva. 90 00:07:09,640 --> 00:07:12,400 Hazvina basa kuti utange kunongedza 91 00:07:12,400 --> 00:07:17,080 'Ndini uyu! Ndinoda izvi!' 92 00:07:17,080 --> 00:07:21,960 Vhara nzira inoshandiswa nasatan kukutambudza. 93 00:07:21,960 --> 00:07:29,880 Vhara nzira inoshandiswa nasatani kukutambudza inova ndiyo utera. 94 00:07:29,880 --> 00:07:31,800 Anoshandisa utera hwedu kutikanganisa. 95 00:07:31,800 --> 00:07:33,480 Anoshandisa utera hwedu kutirwisa. 96 00:07:33,480 --> 00:07:36,160 Anoshandisa utera hwedu kutirova. 97 00:07:36,160 --> 00:07:39,760 Ndo utera. Namata uchipesana nekushaya simba kwako. 98 00:07:39,760 --> 00:07:46,440 Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu zvese zvichawedzerwa kwauri. 99 00:07:46,440 --> 00:07:48,520 Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba - 100 00:07:48,520 --> 00:07:52,400 paunoshamisa muromo wako, uchiti, 'Mwari, ndinotaurisa zvakanyanyisa! 101 00:07:52,400 --> 00:07:57,160 Ndipeiwo nyasha. Handidi kutaurisa.' 102 00:07:57,160 --> 00:08:02,680 Mushure memunamato wako, semunhu wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira. 103 00:08:02,680 --> 00:08:05,280 Paunenge uchienda uye wave kuda kutaura zvakanyanya, 104 00:08:05,280 --> 00:08:12,240 ucharangarira kuti wanamata nezvazvo. 105 00:08:12,240 --> 00:08:16,040 Kana mumwe munhu akati, "T.B. Joshua, unoti kudii?" 106 00:08:16,040 --> 00:08:22,440 "Usanetsekana- ndokuona papera kanguva" 107 00:08:22,440 --> 00:08:24,560 Nekuti haudi kuti utaurise zvekare. 108 00:08:24,560 --> 00:08:31,280 Nekuti ibenzi chete rinonamatira kutaura zvakanyanya 109 00:08:31,280 --> 00:08:35,720 wobva wasiya munamato iwoyo wobva wataura zvakawandisa. 110 00:08:35,720 --> 00:08:38,120 Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa' 111 00:08:38,120 --> 00:08:41,600 Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana nekahunhu kanoita kuti utadze 112 00:08:41,600 --> 00:08:47,160 unofanira kutanga kurarama hupenyu hwemunamato wako. 113 00:08:47,160 --> 00:08:51,360 Udza muvakidzani wako kuti, "Rarama hupenyu hwemunamato wako." 114 00:08:51,360 --> 00:08:56,160 Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato wako - zvirarame. 115 00:08:56,160 --> 00:08:58,160 'Handidi kutaura zvakawanda.' 116 00:08:58,160 --> 00:09:03,280 Mushure memunamato ndichararama hupenyu hwekusanyanya kutaura. 117 00:09:03,280 --> 00:09:12,240 Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza mhinduro kubva kuna Mwari... 118 00:09:12,240 --> 00:09:19,200 Hautombodi kuti Mwari vashumire moyo wako kuti uende nekutsanya. 119 00:09:19,200 --> 00:09:23,360 Chero nguva yaunokutsanya uchipesana neutera hwako, Mwari vanokupindura. 120 00:09:23,360 --> 00:09:26,440 Kana ndichitaura newe, rega ndione ruoko rwako. 121 00:09:26,440 --> 00:09:31,800 Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo kundotsanya nokuti uri murombo 122 00:09:31,800 --> 00:09:33,560 Uchida kuti Mwari vakuropafadze 123 00:09:33,560 --> 00:09:37,360 Kana ukagara musango ukatanga kutsanya kwemazuva mana, 124 00:09:37,360 --> 00:09:45,120 kunyange ukatsanya makore zana, uchafira ikoko! 125 00:09:45,120 --> 00:09:54,360 Enda unotsanya uye unamate uchipesana neutera imhinduro yakananga! 126 00:09:54,360 --> 00:10:02,800 Mwari anopindura nekukurumidza nekuti Mwari anoda muvaki wehukama. 127 00:10:02,800 --> 00:10:05,280 Paunovaka hukama hwako - 128 00:10:05,280 --> 00:10:09,240 'Ndinotaurisa; Handidi kutaura zvakawanda' - zvinofadza Mwari 129 00:10:09,240 --> 00:10:14,520 Chinokosha kuna Mwari ukama hwedu, kwete zvatinoita. 130 00:10:14,520 --> 00:10:18,600 Enda unotsanya - zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwauri. 131 00:10:18,600 --> 00:10:25,160 Chero nguva yaunowana mukana wekutsanya nekuda kweutera hwako, 132 00:10:25,160 --> 00:10:28,000 imhinduro yakananga. 133 00:10:28,000 --> 00:10:33,840 Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza. 134 00:10:33,840 --> 00:10:38,600 Edza izvi kubva nhasi. 135 00:10:38,600 --> 00:10:45,720 Wana zuva rekutsanya kubva mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo 136 00:10:45,720 --> 00:10:53,280 uchauya kuno kuzopupura. 137 00:10:53,280 --> 00:11:00,320 Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera hwako, satan anouya kuzokurwisa. 138 00:11:00,320 --> 00:11:02,480 Dambudziko rauri kutarisana naro - 139 00:11:02,480 --> 00:11:06,920 satani anouya kubudikidza neutera wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera. 140 00:11:06,920 --> 00:11:09,160 Chirwere chauri kuita izvozvi - 141 00:11:09,160 --> 00:11:15,040 kubudikidza neutera hwako satani anouya kuzokurwisa nemweya wehurwere. 142 00:11:15,040 --> 00:11:18,760 Kushaya mbereko - kuburikidza neutera. 143 00:11:18,760 --> 00:11:22,800 Ndapota, ngativharei izvi. Nyengetera uchipikisana nazvo. 144 00:11:22,800 --> 00:11:25,240 Uyu ngauve munamato wako. 145 00:11:25,240 --> 00:11:35,240 Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako. 146 00:11:35,720 --> 00:11:40,920 Kana munhu ari muKristu, tinoenda mberi totarisa muhupenyu hwavo - 147 00:11:40,920 --> 00:11:44,360 chero nzvimbo ine utera 148 00:11:44,360 --> 00:11:47,360 Vachava pane imwe nhanho zviri pachena. 149 00:11:47,360 --> 00:11:51,320 Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari, 150 00:11:51,320 --> 00:11:53,720 vanonyengetera kakawanda sei? 151 00:11:53,720 --> 00:11:56,520 Vanotsamwa kakawanda sei? 152 00:11:56,520 --> 00:11:59,480 Vane ruchiva here kana umwe utera? 153 00:11:59,480 --> 00:12:05,440 Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa, kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza 154 00:12:05,440 --> 00:12:08,960 Simukai 155 00:12:08,960 --> 00:12:13,960 Haisi dzidziso here iyi 156 00:12:13,960 --> 00:12:18,440 Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu 157 00:12:18,440 --> 00:12:21,800 Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura 158 00:12:21,800 --> 00:12:27,440 Idzidziso huru mazvinzwa here izvo 159 00:12:27,440 --> 00:12:31,000 Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama. 160 00:12:31,000 --> 00:12:35,480 Ati pane imwe yavanofanira ... iyo nzvimbo. 161 00:12:35,480 --> 00:12:39,320 Tanga kubva pagumira. 162 00:12:39,320 --> 00:12:44,080 Kungava kutsamwa, kuzvikudza kana kuzvitutumadza. 163 00:12:44,080 --> 00:12:48,280 Semuenzaniso wakanaka, kana munhu ane manyawi,munoshandisa sei kudada ikoko? 164 00:12:48,280 --> 00:12:51,320 Munopinda sei pakuzvikudza uku? 165 00:12:51,320 --> 00:12:54,440 Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada, 166 00:12:54,440 --> 00:13:00,280 ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu anozoita kuti awedzere kudada, 167 00:13:00,280 --> 00:13:06,400 kutaura pamusoro pake - kubudirira kwake, zvaakawana. 168 00:13:06,400 --> 00:13:11,880 Munzvimbo iyoyo yekuva neutera, isu tinowedzera nzvimbo yacho, 169 00:13:11,880 --> 00:13:17,720 kuitira kuti mubatiswe mairi kwenguva yakakwana toita zvatinoda. 170 00:13:17,720 --> 00:13:21,440 Wombererai Jesu Kirisitu 171 00:13:21,440 --> 00:13:23,360 Mazvinzwa here izvo 172 00:13:23,360 --> 00:13:27,400 Vanoshandisa kuzvitutumadza kwako kuti vakupinde 173 00:13:27,400 --> 00:13:32,840 zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza nokuzvikudza kwako kuwedzere 174 00:13:32,840 --> 00:13:47,880 Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo. 175 00:13:47,880 --> 00:13:49,920 Enderera mberi 176 00:13:49,920 --> 00:13:52,440 Tobva tashandisa izvozvo 177 00:13:52,440 --> 00:13:57,000 Iwe paunenge uchiri wakatarisana noutera wako 178 00:13:57,000 --> 00:14:00,480 isu tobva tapinda toita zvatinoda. 179 00:14:00,480 --> 00:14:01,800 Ipapo tinenge takuwanikidza 180 00:14:01,800 --> 00:14:03,240 Moda kuita sei 181 00:14:03,240 --> 00:14:08,240 Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato. 182 00:14:08,240 --> 00:14:13,160 Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu arambane nemudzimai wake 183 00:14:13,160 --> 00:14:18,760 obva aroora sisi varikutibhadhara kuti vadiwe 184 00:14:18,760 --> 00:14:21,560 Saka makatombobuirira here kuvakawanda muchidai 185 00:14:21,560 --> 00:14:25,560 Takabudirira kakawandisa 186 00:14:25,560 --> 00:14:27,880 Kuva Kirisitu sevava? 187 00:14:27,880 --> 00:14:30,760 Hongu seivava 188 00:14:30,760 --> 00:14:36,320 Manzwa zvaataura? 189 00:14:36,320 --> 00:14:41,680 Arikushandisa shoko raMwari - hakuna mutsvene chero mumwe zvake. 190 00:14:41,680 --> 00:14:44,320 Ndiyo angle yavari kushandisa. 191 00:14:44,320 --> 00:14:54,000 Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine utera, ndipo pandine simba." 192 00:14:54,000 --> 00:15:01,360 Mumusangano wedu wekupedzisira, ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'. 193 00:15:01,360 --> 00:15:08,080 Matambudziko edu akaitirwa kutibatsira pakunamata. 194 00:15:08,080 --> 00:15:17,040 Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu dzimwe nguva tinoedzwa 195 00:15:17,040 --> 00:15:22,880 kuti tidzidze kunyengetera zvikuru. 196 00:15:22,880 --> 00:15:29,680 Zvino, iye zvaari kutaura ndezvekuti kudada ikoko ndoutera wako, 197 00:15:29,680 --> 00:15:34,000 uye mutsara wako wekunamatira uchiripo, 198 00:15:34,000 --> 00:15:38,840 paunoedzwa nekuzvikudza, ndipo paunonyanya kunamata. 199 00:15:38,840 --> 00:15:45,440 Zvino, havagoni kushandisa kona iyoyo pauri. 200 00:15:45,440 --> 00:15:48,400 Kunze kwekunge vavhara mutsara wako wekunamatira. 201 00:15:48,400 --> 00:15:54,240 Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa, ndipo paunonyanya kudada, 202 00:15:54,240 --> 00:15:57,640 wobva wawedzera kuparadzwa. 203 00:15:57,640 --> 00:16:02,040 Kunyanya kudada ikoko ndiko kuwedzera kwekuparadzwa kwako. 204 00:16:02,040 --> 00:16:07,880 Asi kana mutsara wako wekunamata usina kuvharwa, 205 00:16:07,880 --> 00:16:19,000 kana kuzvikudza kukauya, ndipo paunonyanya kunamata. 206 00:16:19,000 --> 00:16:27,360 Vavariro yavo, nechinangwa chekushandiswa kweutera wako kukuwisa pasi semukristu. 207 00:16:27,360 --> 00:16:34,120 Asi pachinzvimbo chekukuwisira pasi, zvinokusimbisa zvakanyanya. 208 00:16:34,120 --> 00:16:41,720 Varasika. 209 00:16:41,720 --> 00:16:44,200 Tiri tose here 210 00:16:44,200 --> 00:16:50,840 Zvino, ndinoda kutakura chinhu ichi, kuti ndichisunde. 211 00:16:50,840 --> 00:16:59,960 Paunoedza kudzivira kuti ndisachisunde ndipo pandinobva ndachisunda zvakanyanya! 212 00:16:59,960 --> 00:17:04,920 Unoona chinangwa chekundidzinga panzvimbo iyi chakundwa. 213 00:17:04,920 --> 00:17:07,480 Hapana chikonzero chekundisundidzira. 214 00:17:07,480 --> 00:17:14,120 Chinangwa chasatani, chekuti ashandise utera wako - 215 00:17:14,120 --> 00:17:18,040 vanowanzoshandisa kupera simba sechirauro. 216 00:17:18,040 --> 00:17:27,000 Zvino, kurwiswa uku kwakanyanya, ndipo paunonyanya kunamata - 217 00:17:27,000 --> 00:17:36,320 ndozvinoreva 'kutambudzika kwedu kwakaitirwa kuti tibatsirwe pamweya'. 218 00:17:36,320 --> 00:17:40,840 Kutambudzika kunogona kuva muedzo, urombo, kurwiswa, izvi, izvo. 219 00:17:40,840 --> 00:17:46,080 Asi kana zvasvika, zvakaitirwa kuti ubatsirwe pamweya. 220 00:17:46,080 --> 00:17:56,000 Iwe namata nekutsanya zvakanyanya uchitsvaga chiso chaMwari. 221 00:17:56,000 --> 00:18:00,400 Saka, zvaari kutaura iye zvino ndezvekuti vanotarisa utera. 222 00:18:00,400 --> 00:18:06,920 Kana utera hwako huri uhwo asi mutsara wako wekunamata uripo, 223 00:18:06,920 --> 00:18:11,960 zvino kana kurwiswa uku kwauya, unowedzera kunamata. 224 00:18:11,960 --> 00:18:22,800 Havana simba pamusoro pako. 225 00:18:22,800 --> 00:18:24,560 Mutsara wako wekunamata wakavharwa - 226 00:18:24,560 --> 00:18:32,360 kana vakakwanisa kutora mutsara wako wekunamata, vanotora hupenyu hwako. 227 00:18:32,360 --> 00:18:38,680 Ndiko kusaka Bhaibheri richiti, "Hapana chingandiparadzanisa." 228 00:18:38,680 --> 00:18:39,880 Ndizvo zvazvinoreva. 229 00:18:39,880 --> 00:18:44,280 Utera hunogona here? Kwete - kana mutsara wako wekunamata uripo. 230 00:18:44,280 --> 00:18:50,440 Asi kana mutsara wakavharwa, utera hunokuparadzanisa nerudo rwaMwari. 231 00:18:50,440 --> 00:18:54,720 Kana ndirikutaura newe isa ruoko mudenga. 232 00:18:54,720 --> 00:19:00,640 Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa, utera unokuparadzanisa nerudo rwaMwari. 233 00:19:00,640 --> 00:19:03,720 Kana mutsara wako wekunamata uripo, hapana chinokuparadzanisai. 234 00:19:03,720 --> 00:19:05,520 Ndozvairehwa naPauro. 235 00:19:05,520 --> 00:19:09,280 Akati, 'Chii chingandiparadzanisa? Munzwa here? Kwete. 236 00:19:09,280 --> 00:19:14,000 Utera here? Hurwere here? Ruvengo here? 237 00:19:14,000 --> 00:19:20,560 Akati hapana chaimuparadzanisa naMwari, mutsara wake wekunamatawaivapo. 238 00:19:20,560 --> 00:19:31,480 Asi kana vangovhara mutsara wako wotadza kunamata zvakare, waparara. 239 00:19:31,480 --> 00:19:38,800 Tichataura zvakawanda . Wana pekugara. 240 00:19:38,800 --> 00:19:42,280 Tarisa nyaya yaPauro. 241 00:19:42,280 --> 00:19:45,200 Akachema kuna Mwari katatu, kwete kamwe chete. 242 00:19:45,200 --> 00:19:48,720 Akachema kuna Mwari katatu, kwete kamwe chete. 243 00:19:48,720 --> 00:19:51,920 Nguva imwe neimwe inoreva kane zana. 244 00:19:51,920 --> 00:19:55,480 Kakawanda, akamhanyira kuna Mwari. 245 00:19:55,480 --> 00:20:01,160 'Jesu, ndiponesei. Ndiporesei. Ndiropafadzei. Ndinunurei. 246 00:20:01,160 --> 00:20:09,840 Kangani kawamhanyira kuna Mwari wobva wakanda mapfumo pasi? 247 00:20:09,840 --> 00:20:19,080 Pasina kunzwa kubva kuna Mwari - asi iwe unokanda mapfumo pasi? 248 00:20:19,080 --> 00:20:24,400 Rangarira, Pauro akapindurwa, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira.' 249 00:20:24,400 --> 00:20:28,920 Akaenderera mberi. 250 00:20:28,920 --> 00:20:34,240 Ko imi musina kana kunzwa kubva kuna Mwari mukutokanda mapfumo pasi? 251 00:20:34,240 --> 00:20:37,960 Kufananidzwa nemunhu akanzwa kubva kuna Mwari. 252 00:20:37,960 --> 00:20:43,520 'Nyasha dzangu dzakakukwanira. Usazvinetsa iwe.' 253 00:20:43,520 --> 00:20:48,480 Asi iwe hauna kunzwa kuna Mwari uye asi uri kukanda mapfumo pasi. 254 00:20:48,480 --> 00:20:55,200 Uye haana kumbogumbuka kuti Mwari haana kubvisa munzwa wacho. 255 00:20:55,200 --> 00:21:00,640 Paakanzi, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira'- akanga akanaka nazvo 256 00:21:00,640 --> 00:21:04,240 nokuti aiziva kuti nyange akanga aporeswa kana kuti kwete. 257 00:21:04,240 --> 00:21:06,960 hazvaishandura chimiro chake panamwari. 258 00:21:06,960 --> 00:21:10,160 Ungave iwe semunhu wakapinda muHumambo hwaMwari kana kwete, 259 00:21:10,160 --> 00:21:14,000 izvo hazvizoshanduri Humambo hwaMwari. 260 00:21:14,000 --> 00:21:20,200 Mwari vacharamba vari Musununguri, zvisinei wapora kana kwete. 261 00:21:20,200 --> 00:21:27,040 Aiziva kuti kunyange akanga aporeswa kana kuti kwete, Jesu ndiye Muponesi. 262 00:21:27,040 --> 00:21:33,400 Saka, unozvinetserei? 263 00:21:33,400 --> 00:21:39,520 Ngatitaurei futi nezve utera urikutaurwa nasisi ava. 264 00:21:39,520 --> 00:21:41,040 Shoko roti hakuna mutsvene. 265 00:21:41,040 --> 00:21:50,880 Ungave utera upi wauinawo, sezvo mutsara wemunamato usina kuvharwa, 266 00:21:50,880 --> 00:22:03,720 utera ihwohwo ibetsero pamweya wako kukuswededza pedyo naMwari, 267 00:22:03,720 --> 00:22:11,080 ukamhanya kuna Mwari, tenda zvakanyanya, iva nekutenda kwakakwana. 268 00:22:11,080 --> 00:22:13,960 Nokuti une kutenda asi kushoma. 269 00:22:13,960 --> 00:22:16,960 Asi utera hunozoita kuti uve nerutendo rwakakwana. 270 00:22:18,560 --> 00:22:19,920 Ndinokutendai, Jesu Kristu. 271 00:22:19,920 --> 00:22:21,680 Ndaida message iyo. 272 00:22:21,680 --> 00:22:25,560 Ini ndafarira chikamu chekutanga umo Muporofita T.B. Joshua akati 273 00:22:25,560 --> 00:22:29,760 chinodiwa naMwari muvaki wehukama. 274 00:22:29,760 --> 00:22:32,680 Nokuti ndizvo zvazviri, vanhu vaMwari. 275 00:22:32,680 --> 00:22:38,600 Zvose ndezvekuvaka ukama hwedu naMwari. 276 00:22:38,600 --> 00:22:41,240 Hongu, tine utera. 277 00:22:41,240 --> 00:22:45,360 Hungu, murwendo urwu rwoupenyu, tinoita zvikanganiso. 278 00:22:45,360 --> 00:22:51,760 Uye hungu, munyika ino tinotarisana nemiedzo, matambudziko nemiedzo yokutenda. 279 00:22:51,760 --> 00:23:02,840 Asi hatifaniri kurega chero chii zvacho kuti chikanganise ukama hwedu naMwari. 280 00:23:02,840 --> 00:23:11,320 Satani anogona kutikanganisira mari, bhizinesi, basa kana hutano hwedu. 281 00:23:11,320 --> 00:23:14,080 Hatisi kure, anokwanisa kutibata. 282 00:23:14,080 --> 00:23:20,480 Asi usamurega achikanganisa hupenyu hwako hwepamweya. 283 00:23:20,480 --> 00:23:26,600 Usamurega achikanganisa mutsara wako wekunamata naMwari. 284 00:23:26,600 --> 00:23:28,960 Motto yedu ndeipi sevatendi? 285 00:23:28,960 --> 00:23:35,080 Hapana chinhu - hapana zvachose - chingatiparadzanisa 286 00:23:35,080 --> 00:23:42,240 kubva murudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu. 287 00:23:42,240 --> 00:23:48,680 Ndafarira apo Muporita T.B. Joshua atiyeuchidza nyaya yaApostora Pauro. 288 00:23:48,680 --> 00:23:52,400 2 VaKorinte 12:7-10 289 00:23:52,400 --> 00:23:57,400 Nokuti kunyange pachiyero chake muzvinhu zvaMwari. 290 00:23:57,400 --> 00:23:59,880 muzvinhu zvoMweya. 291 00:23:59,880 --> 00:24:05,720 Bhaibheri rinoti aive nemunzwa munyama yake. 292 00:24:05,720 --> 00:24:13,440 Asi izvozvo hazvina kuva chigumbuso muupenyu hwake hwomudzimu. 293 00:24:13,440 --> 00:24:18,600 Asi, yakava nzira yekutomuswededza pedyo naMwari - 294 00:24:18,600 --> 00:24:23,240 kuti uwedzere kunyengetera, tenda zvikuru, ude Mwari zvikuru. 295 00:24:23,240 --> 00:24:29,640 Hapana chakakanganisa mutsara wake wekunamata 296 00:24:29,640 --> 00:24:31,920 Iyi ikurudziro huru kwauri iwe neni nhasi. 297 00:24:31,920 --> 00:24:36,600 Chero mamiriro ako ezvinhu, vanhu vaMwari - 298 00:24:36,600 --> 00:24:41,560 kana mamiriro ezvinhu akadaro achikuyeuchidza nezvaMwari, 299 00:24:41,560 --> 00:24:48,920 kana mamiriro ezvinhu iwayo neutera zvova tsime rako rekuvimba naMwari, 300 00:24:48,920 --> 00:24:55,000 zvowedzera pfungwa yako yekutsamira pana Mwari, 301 00:24:55,000 --> 00:25:00,320 zivai kuti promotion irikuuya. 302 00:25:00,320 --> 00:25:05,760 Saka, mashandisirwo eShoko iri muhupenyu hwedu hwemazuva ese ndeekuti: 303 00:25:05,760 --> 00:25:12,040 Rega kunamatira vavengi vako. 304 00:25:12,040 --> 00:25:15,720 Tanga kunamata uchipesana neutera kwako. 305 00:25:15,720 --> 00:25:21,560 Vhara musuwo wadhiabhorosi muhupenyu hwako. 306 00:25:21,560 --> 00:25:26,240 Chengeta mutsara wako wekunamata kuna naMwari wakavhurika. 307 00:25:26,240 --> 00:25:29,520 Uye usarega chero chinhu munyika ino 308 00:25:29,520 --> 00:25:36,080 kuti chive chimhingamupinyi pakukura kwako pamweya. 309 00:25:36,080 --> 00:25:40,000 Uye panguva yakatarwa, yakakwana yaMwari, 310 00:25:40,000 --> 00:25:44,120 zvinhu zvose zvakanaka. 311 00:25:44,120 --> 00:25:45,320 Ndinotenda, Jesu Kristu. 312 00:25:45,320 --> 00:25:49,840 Zvakanaka, ndinokutendai nekubatana nesu nokuda kweshoko rinofadza nhasi. 313 00:25:49,840 --> 00:25:52,480 Ndinoda kunzwa kubva kwamuri zvidzidzo zvamadzidza 314 00:25:52,480 --> 00:25:56,000 kubva mushoko rinoshanda rabva kuMuporofita T.B. Joshua. 315 00:25:56,000 --> 00:26:00,920 Munoziva, mashoko anotaurwa pasi pesimba reMweya Mutsvene 316 00:26:00,920 --> 00:26:03,880 haana nguva. 317 00:26:03,880 --> 00:26:08,440 Saka, ndapota govana nesu zvawadzidza pa meseji yataurwa pazasi apo. 318 00:26:08,440 --> 00:26:11,880 Uye zvechokwadi, rangarira nguva dzose - 319 00:26:11,880 --> 00:26:19,440 tsvaka mwoyo waMwari kuti uone hupenyu zvakajeka, muzita raJesu.