Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
Edza izvi kubva nhasi.
Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura!
Nyasha nerugare ngazvive nemi
mose muzita raJesu guru
uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro
'Nhaka Inogara Pamusoro'.
Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai
zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua
vachitaura nezvenyaya yakakosha
uye inodzidzisa
yandinotenda kuti ichabatsira
chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu.
Chikamu chekutanga chinotorwa
kubva pakati pemharidzo
uyezve chikamu chechipiri chinotorwa
kubva pakati peuchapupu
kubva kune mukadzi wekuSouth Africa
akagamuchira rusununguko
kubva kumweya wakaipa wakamupinza
muhupenyu hwehuroyi.
Muporofita TB Joshua pavakanga
achiteerera kupupura kwake,
vakashandisa zvakaitika muupenyu
hwake somukana
kudzidzisa vanhu musimboti uyu
wepamweya unokosha.
Saka, komborerwa izvozvi
paunodzidza nezverudzi rwemunamato,
rudzi rwekutsanya runogaro
kwezva meso aMwari.
Ngatitarisei.
Kana usingade kuti satan akuite nhapwa
shanda pahunhu hwako.
Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga
kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!"
Namata uchipesana nekahunhu kanokuita
utadze.
Kubva nhasi, usatanga kuti,
"Mwari, ndiropafadzei!"
Namata uchipesana neutera hwako.
Kubva nhasi, usatanga kuti,
“Mwari, ndidzivirirei!
Vanhu vari kunditevera,
kuda kundiuraya
Uko kutambisa nguva
Enda wakananga - uchipesana neutera hwako.
Ndonzira inoshandiswa
nasatan kuti akupinde,
okutambudza nourombo,
okutambudza nokushaya kugadzikana,
okutambudza nourwere,
okutambudze nechero iwe chiri kukunetsa.
Anoshandisa kahunhu kanoita utadze
kuti akupinde.
Ukavhara ipapo, satani haachakwanise
kupinda.
Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa
nhasi nekuti munombondivhiringidzawo!
Mirai pano. Vamwe vacho mirai apa.
Mirai pano.
Murume uyu achapfuura nepano apa
achiuya kwandiri.
Asi kana vaviri vedu vakavhara nzira,
hapana nzira yekuti apfuure.
Zvinoreva kuti unorarama
mukuzara - hupenyu huzhinji.
Chakanaka kuvhara nzira iyi.
Nzira iyi utera
Apa ndipo panopinda utera,
kuti murume uyu apinde apa auye
okutambudzika nourombo;
okutambudza nourwere,
okutambudza nemhingampinji yekudzoswa
shure nekushaya mbereko chipi chinokunetsa
Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo
Pane kudaro, mumwe anotanga kuti,
"Mwari, ndiporesei!"
Zvine musoro here kuti,
“Mwari, ndiporesei”?
Sei usingakwanise kuvhara nzira
iyi kuti uve nehupenyu hwazara
Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!"
Uchirwara unoti ndiporesei!
Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei!
Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei
nembereko;
Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva
mamiriro ako ezvinhu.
Paunotanga kuudza Mwari,
"Ndinoda kuendako" -
zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu.
Akakusika anokuziva.
Anoziva chimiro chako.
Anoziva pfungwa dzako.
Zvino wave kuti kwaari,
"Ndiri murombo - ndiropafadzei!"
Zvine musoro here?
Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye
kugadzirisa hupenyu hwako ...
Unofanira kuenderana nehupenyu hwako.
Upenyu hwakawanda
hwakaparadzaniswa noMusiki.
Kubva nhasi, tanga kunamata
uchipesana neutera.
Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa
Apostora Pauro naMwari.
Katatu, akauya kuna Mwari achiti:
‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!'
Nguva imwe neimwe, Ishe vakati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira."
Zvichireva kuti, 'Kururama
kwangu kwakakukwanira.'
Pose Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati,
'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.'
Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo.
zvimwe zvose zvichawedzerwa.'
Mwari akashandisa Pauro
semuenzaniso kwatiri tose.
Hatina kumbonzwa chinhu shure
kweizvozvo katatu Ishe akati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira!"
Hauzoone chinyorwa ichi futi
Hatina kumbonzwa kuti chirwere
ndicho chakauraya Pauro
Uye Pauro akararama kusvika kunguva
yechipikirwa yaakapiwa naMwari.
Dambudziko rako nderei izvozvi?
utera.
Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu
utera, kwete kuomerwa kwangu,
kwete chirwere changu,
kwete dambudziko rangu.
Dambudziko rangu utera."
Ndodambudziko rako iroro.
Dai wanga uchinamata uchipesana
neizvi nguva yese iyi,
mamiriro ako haaizoramba akadai.
Muchidimbu, munamato wako unofanirwa
kunge uchipesana neutera.
"Ndiri murombo" - Mwari vanoziva.
"Ndiri kurwara" - Mwari vanoziva.
"Ini handibereki" - Mwari vanoziva.
Chero matambudziko aungasangana nawo,
Mwari vanozviziva.
Hazvina basa kuti utange kunongedza
'Ndini uyu! Ndinoda izvi!'
Vhara nzira inoshandiswa
nasatan kukutambudza.
Vhara nzira inoshandiswa nasatani
kukutambudza inova ndiyo utera.
Anoshandisa utera
hwedu kutikanganisa.
Anoshandisa utera hwedu kutirwisa.
Anoshandisa utera hwedu kutirova.
Ndo utera. Namata uchipesana
nekushaya simba kwako.
Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu
zvese zvichawedzerwa kwauri.
Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba -
paunoshamisa muromo wako, uchiti,
'Mwari, ndinotaurisa zvakanyanyisa!
Ndipeiwo nyasha. Handidi
kutaurisa.'
Mushure memunamato wako, semunhu
wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira.
Paunenge uchienda uye wave kuda
kutaura zvakanyanya,
ucharangarira kuti wanamata nezvazvo.
Kana mumwe munhu akati,
"T.B. Joshua, unoti kudii?"
"Usanetsekana- ndokuona papera kanguva"
Nekuti haudi kuti utaurise zvekare.
Nekuti ibenzi chete rinonamatira
kutaura zvakanyanya
wobva wasiya munamato iwoyo wobva
wataura zvakawandisa.
Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa'
Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana
nekahunhu kanoita kuti utadze
unofanira kutanga kurarama hupenyu
hwemunamato wako.
Udza muvakidzani wako kuti,
"Rarama hupenyu hwemunamato wako."
Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato
wako - zvirarame.
'Handidi kutaura zvakawanda.'
Mushure memunamato ndichararama
hupenyu hwekusanyanya kutaura.
Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza
mhinduro kubva kuna Mwari...
Hautombodi kuti Mwari vashumire
moyo wako kuti uende nekutsanya.
Chero nguva yaunokutsanya uchipesana
neutera hwako, Mwari vanokupindura.
Kana ndichitaura newe, rega
ndione ruoko rwako.
Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo
kundotsanya nokuti uri murombo
Uchida kuti Mwari vakuropafadze
Kana ukagara musango ukatanga
kutsanya kwemazuva mana,
kunyange ukatsanya makore zana,
uchafira ikoko!
Enda unotsanya uye unamate
uchipesana neutera imhinduro yakananga!
Mwari anopindura nekukurumidza
nekuti Mwari anoda muvaki wehukama.
Paunovaka hukama hwako -
'Ndinotaurisa; Handidi kutaura
zvakawanda' - zvinofadza Mwari
Chinokosha kuna Mwari ukama
hwedu, kwete zvatinoita.
Enda unotsanya - zvimwe zvinhu zvose
zvichawedzerwa kwauri.
Chero nguva yaunowana mukana
wekutsanya nekuda kweutera hwako,
imhinduro yakananga.
Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
Edza izvi kubva nhasi.
Wana zuva rekutsanya kubva
mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo
uchauya kuno kuzopupura.
Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera
hwako, satan anouya kuzokurwisa.
Dambudziko rauri kutarisana naro -
satani anouya kubudikidza neutera
wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera.
Chirwere chauri kuita izvozvi -
kubudikidza neutera hwako satani anouya
kuzokurwisa nemweya wehurwere.
Kushaya mbereko - kuburikidza
neutera.
Ndapota, ngativharei izvi.
Nyengetera uchipikisana nazvo.
Uyu ngauve munamato wako.
Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako.
Kana munhu ari muKristu, tinoenda
mberi totarisa muhupenyu hwavo -
chero nzvimbo ine utera
Vachava pane imwe nhanho zviri pachena.
Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari,
vanonyengetera kakawanda sei?
Vanotsamwa kakawanda sei?
Vane ruchiva here kana umwe utera?
Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa,
kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza
Simukai
Haisi dzidziso here iyi
Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu
Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura
Idzidziso huru mazvinzwa here izvo
Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama.
Ati pane imwe yavanofanira ...
iyo nzvimbo.
Tanga kubva pagumira.
Kungava kutsamwa, kuzvikudza
kana kuzvitutumadza.
Semuenzaniso wakanaka, kana munhu ane
manyawi,munoshandisa sei kudada ikoko?
Munopinda sei pakuzvikudza uku?
Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada,
ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu
anozoita kuti awedzere kudada,
kutaura pamusoro pake - kubudirira
kwake, zvaakawana.
Munzvimbo iyoyo yekuva neutera,
isu tinowedzera nzvimbo yacho,
kuitira kuti mubatiswe mairi kwenguva
yakakwana toita zvatinoda.
Wombererai Jesu Kirisitu
Mazvinzwa here izvo
Vanoshandisa kuzvitutumadza kwako
kuti vakupinde
zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza
nokuzvikudza kwako kuwedzere
Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo.
Enderera mberi
Tobva tashandisa izvozvo
Iwe paunenge uchiri wakatarisana
noutera wako
isu tobva tapinda toita zvatinoda.
Ipapo tinenge takuwanikidza
Moda kuita sei
Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato.
Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu
arambane nemudzimai wake
obva aroora sisi varikutibhadhara
kuti vadiwe
Saka makatombobuirira here kuvakawanda
muchidai
Takabudirira kakawandisa
Kuva Kirisitu sevava?
Hongu seivava
Manzwa zvaataura?
Arikushandisa shoko raMwari - hakuna
mutsvene chero mumwe zvake.
Ndiyo angle yavari kushandisa.
Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine
utera, ndipo pandine simba."
Mumusangano wedu wekupedzisira,
ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'.
Matambudziko edu akaitirwa
kutibatsira pakunamata.
Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu
dzimwe nguva tinoedzwa
kuti tidzidze kunyengetera zvikuru.
Zvino, iye zvaari kutaura ndezvekuti
kudada ikoko ndoutera wako,
uye mutsara wako wekunamatira uchiripo,
paunoedzwa nekuzvikudza, ndipo
paunonyanya kunamata.
Zvino, havagoni kushandisa
kona iyoyo pauri.
Kunze kwekunge vavhara mutsara
wako wekunamatira.
Kana mutsara wako wekunamata
wakavharwa, ndipo paunonyanya kudada,
wobva wawedzera kuparadzwa.
Kunyanya kudada ikoko ndiko kuwedzera
kwekuparadzwa kwako.
Asi kana mutsara wako wekunamata
usina kuvharwa,
kana kuzvikudza kukauya, ndipo
paunonyanya kunamata.
Vavariro yavo, nechinangwa chekushandiswa
kweutera wako kukuwisa pasi semukristu.
Asi pachinzvimbo chekukuwisira pasi,
zvinokusimbisa zvakanyanya.
Varasika.
Tiri tose here
Zvino, ndinoda kutakura chinhu ichi,
kuti ndichisunde.
Paunoedza kudzivira kuti ndisachisunde
ndipo pandinobva ndachisunda zvakanyanya!
Unoona chinangwa chekundidzinga
panzvimbo iyi chakundwa.
Hapana chikonzero chekundisundidzira.
Chinangwa chasatani, chekuti ashandise
utera wako -
vanowanzoshandisa kupera simba sechirauro.
Zvino, kurwiswa uku kwakanyanya,
ndipo paunonyanya kunamata -
ndozvinoreva 'kutambudzika kwedu
kwakaitirwa kuti tibatsirwe pamweya'.
Kutambudzika kunogona kuva muedzo,
urombo, kurwiswa, izvi, izvo.
Asi kana zvasvika, zvakaitirwa kuti
ubatsirwe pamweya.
Iwe namata nekutsanya zvakanyanya
uchitsvaga chiso chaMwari.
Saka, zvaari kutaura iye zvino
ndezvekuti vanotarisa utera.
Kana utera hwako huri uhwo
asi mutsara wako wekunamata uripo,
zvino kana kurwiswa uku kwauya,
unowedzera kunamata.
Havana simba pamusoro pako.
Mutsara wako wekunamata wakavharwa -
kana vakakwanisa kutora mutsara wako
wekunamata, vanotora hupenyu hwako.
Ndiko kusaka Bhaibheri richiti,
"Hapana chingandiparadzanisa."
Ndizvo zvazvinoreva.
Utera hunogona here? Kwete -
kana mutsara wako wekunamata uripo.
Asi kana mutsara wakavharwa,
utera hunokuparadzanisa nerudo rwaMwari.
Kana ndirikutaura newe isa ruoko mudenga.
Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa,
utera unokuparadzanisa nerudo rwaMwari.
Kana mutsara wako wekunamata uripo,
hapana chinokuparadzanisai.
Ndozvairehwa naPauro.
Akati, 'Chii chingandiparadzanisa? Munzwa
here? Kwete.
Utera here? Hurwere here? Ruvengo here?
Akati hapana chaimuparadzanisa naMwari,
mutsara wake wekunamatawaivapo.
Asi kana vangovhara mutsara wako
wotadza kunamata zvakare, waparara.
Tichataura zvakawanda . Wana pekugara.
Tarisa nyaya yaPauro.
Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete.
Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete.
Nguva imwe neimwe inoreva kane zana.
Kakawanda, akamhanyira kuna Mwari.
'Jesu, ndiponesei. Ndiporesei.
Ndiropafadzei. Ndinunurei.
Kangani kawamhanyira kuna Mwari
wobva wakanda mapfumo pasi?
Pasina kunzwa kubva kuna Mwari -
asi iwe unokanda mapfumo pasi?
Rangarira, Pauro akapindurwa,
'Nyasha dzangu dzakakukwanira.'
Akaenderera mberi.
Ko imi musina kana kunzwa kubva kuna
Mwari mukutokanda mapfumo pasi?
Kufananidzwa nemunhu akanzwa
kubva kuna Mwari.
'Nyasha dzangu dzakakukwanira.
Usazvinetsa iwe.'
Asi iwe hauna kunzwa kuna Mwari uye
asi uri kukanda mapfumo pasi.
Uye haana kumbogumbuka kuti Mwari
haana kubvisa munzwa wacho.
Paakanzi, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira'-
akanga akanaka nazvo
nokuti aiziva kuti nyange akanga aporeswa
kana kuti kwete.
hazvaishandura chimiro chake panamwari.
Ungave iwe semunhu wakapinda
muHumambo hwaMwari kana kwete,
izvo hazvizoshanduri Humambo hwaMwari.
Mwari vacharamba vari Musununguri,
zvisinei wapora kana kwete.
Aiziva kuti kunyange akanga aporeswa
kana kuti kwete, Jesu ndiye Muponesi.
Saka, unozvinetserei?
Ngatitaurei futi nezve utera
urikutaurwa nasisi ava.
Shoko roti hakuna mutsvene.
Ungave utera upi wauinawo, sezvo mutsara
wemunamato usina kuvharwa,
utera ihwohwo ibetsero pamweya wako
kukuswededza pedyo naMwari,
ukamhanya kuna Mwari, tenda zvakanyanya,
iva nekutenda kwakakwana.
Nokuti une kutenda asi kushoma.
Asi utera hunozoita kuti uve
nerutendo rwakakwana.
Ndinokutendai, Jesu Kristu.
Ndaida message iyo.
Ini ndafarira chikamu chekutanga
umo Muporofita T.B. Joshua akati
chinodiwa naMwari muvaki wehukama.
Nokuti ndizvo zvazviri, vanhu vaMwari.
Zvose ndezvekuvaka ukama hwedu naMwari.
Hongu, tine utera.
Hungu, murwendo urwu rwoupenyu,
tinoita zvikanganiso.
Uye hungu, munyika ino tinotarisana
nemiedzo, matambudziko nemiedzo yokutenda.
Asi hatifaniri kurega chero chii zvacho
kuti chikanganise ukama hwedu naMwari.
Satani anogona kutikanganisira mari,
bhizinesi, basa kana hutano hwedu.
Hatisi kure, anokwanisa kutibata.
Asi usamurega achikanganisa
hupenyu hwako hwepamweya.
Usamurega achikanganisa mutsara
wako wekunamata naMwari.
Motto yedu ndeipi sevatendi?
Hapana chinhu - hapana zvachose -
chingatiparadzanisa
kubva murudo rwaMwari rwuri
muna Kristu Jesu.
Ndafarira apo Muporita T.B. Joshua
atiyeuchidza nyaya yaApostora Pauro.
2 VaKorinte 12:7-10
Nokuti kunyange pachiyero chake
muzvinhu zvaMwari.
muzvinhu zvoMweya.
Bhaibheri rinoti aive nemunzwa
munyama yake.
Asi izvozvo hazvina kuva chigumbuso
muupenyu hwake hwomudzimu.
Asi, yakava nzira yekutomuswededza
pedyo naMwari -
kuti uwedzere kunyengetera, tenda
zvikuru, ude Mwari zvikuru.
Hapana chakakanganisa mutsara
wake wekunamata
Iyi ikurudziro huru kwauri
iwe neni nhasi.
Chero mamiriro ako
ezvinhu, vanhu vaMwari -
kana mamiriro ezvinhu akadaro
achikuyeuchidza nezvaMwari,
kana mamiriro ezvinhu iwayo neutera
zvova tsime rako rekuvimba naMwari,
zvowedzera pfungwa yako
yekutsamira pana Mwari,
zivai kuti promotion irikuuya.
Saka, mashandisirwo eShoko iri
muhupenyu hwedu hwemazuva ese ndeekuti:
Rega kunamatira vavengi vako.
Tanga kunamata uchipesana
neutera kwako.
Vhara musuwo wadhiabhorosi
muhupenyu hwako.
Chengeta mutsara wako wekunamata kuna
naMwari wakavhurika.
Uye usarega chero chinhu munyika ino
kuti chive chimhingamupinyi pakukura
kwako pamweya.
Uye panguva yakatarwa, yakakwana yaMwari,
zvinhu zvose zvakanaka.
Ndinotenda, Jesu Kristu.
Zvakanaka, ndinokutendai nekubatana
nesu nokuda kweshoko rinofadza nhasi.
Ndinoda kunzwa kubva kwamuri
zvidzidzo zvamadzidza
kubva mushoko rinoshanda rabva
kuMuporofita T.B. Joshua.
Munoziva, mashoko anotaurwa
pasi pesimba reMweya Mutsvene
haana nguva.
Saka, ndapota govana nesu zvawadzidza
pa meseji yataurwa pazasi apo.
Uye zvechokwadi, rangarira nguva dzose -
tsvaka mwoyo waMwari kuti uone
hupenyu zvakajeka, muzita raJesu.