-
Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
-
Edza izvi kubva nhasi.
-
Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura!
-
Nyasha nerugare ngazvive nemi
mose muzita raJesu guru
-
uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro
'Nhaka Inogara Pamusoro'.
-
Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai
zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua
-
kutaura nezvenyaya yakakosha
uye inodzidzisa
-
zvandinotenda zvichabatsira
chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu.
-
Chikamu chekutanga chinotorwa
kubva pakati pemharidzo
-
uyezve chikamu chechipiri chinotorwa
kubva pakati peuchapupu
-
kubva kune mukadzi wekuSouth Africa
akagamuchira rusununguko
-
kubva kumweya wakaipa wakamupinza
muhupenyu hwehuroyi.
-
Uye apo Muporofita TB Joshua akanga
achiteerera kupupura kwake,
-
akashandisa zvakaitika muupenyu
hwake somukana
-
kudzidzisa vanhu musimboti uyu
wepamweya unokosha.
-
Saka, komborerwa izvozvi
paunodzidza nezverudzi rwemunamato,
-
rudzi rwekutsanya kunogara
kukwezva meso aMwari.
-
Ngatitarisei.
-
Kana usingade kuti satan akuite nhapwa
shanda pahunhu hwako.
-
Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga
kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!"
-
Namata uchipesana nekahunhu kanokuita
utadze.
-
Kubva nhasi, usatanga kuti,
"Mwari, ndiropafadzei!"
-
Namata uchipesana nekakahunhu
kanokuita utadze.
-
Kubva nhasi, usatanga kuti,
“Mwari, ndidzivirirei!
-
Vanhu vari kunditevera,
kuda kundiuraya
-
Kutambisa nguva
-
Enda wakananga - uchipesana nekahunhu
kanoita kuti utadze.
-
Ndonzira inoshandiswa
nasatan kuti akupinde,
-
okutuka nourombo,
-
okutuka nokushaya kugadzikana,
-
okutuka nourwere,
-
okutuka nechero iwe chiri kukunetsa.
-
Anoshandisa kahunhu kanoita utadze
kuti akupinde.
-
Ukavhara ipapo, satani haachakwanisi
kupinda.
-
Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa
nhasi nekuti unondivhiringidza!
-
Mira pano. Hama mira pano.
-
Mira pano.
-
Murume uyu achapfuura pano
achiuya kwandiri.
-
Asi kana vaviri vedu vakavhara,
hapana nzira yekuti apfuure.
-
Zvinoreva kuti unorarama
mukuzara - hupenyu huzhinji.
-
Chii chakanaka kuvhara ichi.
-
Ndokahunhu kanoita utadze
-
Apa ndipo panopinda kahunhu kakaipa,
kuti murume uyu apinde apa auye
-
kokutambudzika nourombo;
-
kokutambudza nourwere,
-
kokutambudza nemhingampinji nekushaya
nekushaya mbereko chingava chii
-
Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo
-
Pane kudaro, mumwe anotanga kuti,
"Mwari, ndiporesei!"
-
Zvine musoro here kuti,
“Mwari, ndiporesei”?
-
Sei usingakwanise kuvhara nzira
kuti uve nehupenyu hwakawanda
-
Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!"
-
Uchirwara unoti ndiporesei!
-
Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei!
-
Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei
nechibereko chedumbu;
-
Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva
mamiriro ako ezvinhu.
-
Paunotanga kuudza Mwari,
"Ndinoda kuendako" -
-
zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu.
-
Akakusika anokuziva.
-
Anoziva chimiro chako.
Anoziva pfungwa dzako.
-
Uye iwe zvino uri kuti kwaari,
"Ndiri murombo - ndiropafadzei!"
-
Zvine musoro here?
-
Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye
kugadzirisa hupenyu hwako ...
-
Unofanira kuenderana nehupenyu hwako.
-
Upenyu hwakawanda
hwakaparadzaniswa noMusiki.
-
Kubva nhasi, tanga kunamata
uchipesana nekahunhu kanoita utadze
-
Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa
Apostora Pauro naMwari.
-
Katatu, akauya kuna Mwari achiti:
‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!'
-
Nguva imwe neimwe, Ishe vakati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira."
-
Izvi zvinoreva kuti, 'Kururama
kwangu kwakakukwanira.'
-
Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati,
'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.'
-
Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo.
zvimwe zvose zvichawedzerwa.'
-
Mwari akashandisa Pauro semuenzaniso
kune isu tose.
-
Hatina kumbonzwa chinhu shure
kweizvozvo katatu Ishe akati,
-
"Nyasha dzangu dzakakukwanira!"
-
Hauzoone chinyorwa ichi futi
-
Hatina kumbonzwa kuti chirwere
ndicho chakauraya Pauro
-
Uye Pauro akararama kusvika kunguva
yechipikirwa yaakapiwa naMwari.
-
Dambudziko rako nderei izvozvi?
kahunhu kanoita kuti utadze.
-
Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu
kahunhu ikako, kwete kuomerwa kwangu,
-
kwete chirwere changu,
kwete dambudziko rangu.
-
Dambudziko rangu kahunhu
kanoita kuti nditadze."
-
Ndodambudziko rako iroro.
-
Dai wanga uchinamata uchipesana
neizvi nguva yese iyi,
-
mamiriro ako haaizoramba akadai.
-
Muchidimbu, munamato wako unofanirwa
kunge uchipesana nekahunhu ikaka.
-
"Ndiri murombo" - Mwari anoziva.
-
"Ndiri kurwara" - Mwari anoziva.
-
"Ini handibereki" - Mwari anoziva.
-
Chero matambudziko aungasangana nawo,
Mwari vanozviziva.
-
Hazvina basa kuti utange kunongedza
-
'Ndini uyu! Ndinoda izvi!'
-
Vhara nzira inoshandiswa
nasatan kukutambudza.
-
Vimba kupinda kuri kushandiswa
nasatan kukubata zvinova weakness.
-
Anoshandisa utera
hwedu kutikanganisa.
-
Anoshandisa utera hwedu kutirwisa.
-
Anoshandisa utera hwedu kutirova.
-
Ndiko kupera simba. Namata uchipesana
nekushaya simba kwako.
-
Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu
zvese zvichawedzerwa kwauri.
-
Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba -
-
paunoshamisa muromo wako, uchiti,
'Mwari, ndinotaura zvakanyanyisa!
-
Ndipeiwo nyasha. Handidi
kutaura zvakawanda.'
-
Mushure memunamato wako, semunhu
wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira.
-
Paunenge uchienda uye wave kuda
kutaura zvakanyanya,
-
ucharangarira kuti wanamata nezvazvo.
-
Kana mumwe munhu akati,
"T.B. Joshua, unoti kudii?"
-
"Usanetsekana- ndokuona papera kanguva"
-
Nekuti haudi kutaura zvakanyanya.
-
Nekuti ibenzi chete rinonamatira
kutaura zvakanyanya
-
wobva wasiya munamato iwoyo wobva
wataura zvakawandisa.
-
Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa'
-
Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana
nekahunhu kanoita kuti utadze
-
unofanira kutanga kurarama hupenyu
hwemunamato wako.
-
Udza muvakidzani wako kuti,
"Rarama hupenyu hwemunamato wako."
-
Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato
wako - zvirarame.
-
'Handidi kutaura zvakawanda.'
-
Mushure memunamato ndichararama
hupenyu hwekusanyanya kutaura.
-
Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza
mhinduro kubva kuna Mwari...
-
Hautombodi kuti Mwari vashumire
moyo wako kuti uende nekutsanya.
-
Chero nguva yaunokutsanya uchipesana
neutera hwako, Mwari vanokupindura.
-
Kana ndichitaura newe, rega
ndione ruoko rwako.
-
Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo
kundotsanya nokuti uri murombo
-
Uchida kuti Mwari vakuropafadze
-
Kana ukagara musango ukatanga
kutsanya kwemazuva mana,
-
kunyange ukatsanya makore zana,
uchafira ikoko!
-
Enda unotsanya uye unamate
uchipesana neutera imhinduro yakananga!
-
Mwari anopindura nekukurumidza
nekuti Mwari anoda muvaki wehukama.
-
Paunovaka hukama hwako -
-
'Ndinotaurisa; Handidi kutaura
zvakawanda' - zvinofadza Mwari
-
Chinokosha kuna Mwari ukama
hwedu, kwete zvatinoita.
-
Enda uzvinyise - zvimwe zvinhu zvose
zvichawedzerwa kwauri.
-
Chero nguva yaunowana mukana
wekutsanya nekuda kwehutera hwako,
-
imhinduro yakananga.
-
Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
-
Edza izvi kubva nhasi.
-
Wana zuva rekutsanya kubva
mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo
-
uchauya kuno kuzopupura.
-
Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera
hwako, satan anouya kuzokurwisa.
-
Dambudziko rauri kutarisana naro -
-
satani anouya kubudikidza neutera
wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera.
-
Chirwere chauri kuita izvozvi -
-
kubudikidza nehutera hwako satani anouya
kuzokurwisa nemweya wehurwere.
-
Kushaya mbereko - kuburikidza
neutera.
-
Ndapota, ngativharei izvi.
Nyengetera uchipikisana nazvo.
-
Uyu ngauve munamato wako.
-
Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako.
-
Kana munhu ari muKristu, tinoenda
mberi totarisa muhupenyu hwavo -
-
chero nzvimbo ine utera
-
Vachava pane imwe nhanho zviri pachena.
-
Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari,
-
vanonyengetera kakawanda sei?
-
Vanotsamwa kakawanda sei?
-
Vane ruchiva here kana umwe utera?
-
Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa,
kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza
-
Simukai
-
Haisi dzidziso here iyi
-
Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu
-
Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura
-
Idzidziso huru mazvinzwa here izvo
-
Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama.
-
Ati pane imwe yavanofanira ...
iyo nzvimbo.
-
Tanga kubva pawakamira manje.
-
Kungava kutsamwa, kuzvikudza
kana kuzvitutumadza.
-
Semuenzaniso wakanaka, munhu ane manyawi,
iwe unoshandisa sei kudada ikoko?
-
Unopinda sei pakuzvikudza?
-
Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada,
-
ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu
anozoita kuti awedzere kudada,
-
kutaura pamusoro pake - kubudirira
kwake, zvaakawana.
-
Munzvimbo iyoyo yekuva neutera,
isu tinowedzera nzvimbo yacho,
-
kuitira kuti mubatiswe mariri kwenguva
yakakwana toita zvatinoda.
-
Hombererai Jesu Kirisitu
-
Mazvinzwa here izvo
-
Vanoshandisa kkuzvitutumadza kwako
kuti vakupinde
-
zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza
nokuzvikudza kwako zviwedzere
-
Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo.
-
Enderera mberi
-
Tobva tashandisa izvozvo
-
Uchiri wakatarisana noutera wako
-
isu tobva tapinda toita zvatinoda.
-
Ipapo tinenge takuwanikidza
-
Moda kuita sei
-
Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato.
-
Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu
arambane nemudzimai wake
-
obva aroora sisi varikutibhadhara
kuti vadiwe
-
Saka makatombobuirira here kuvakawanda
muchidai
-
Takabudirira kakawandisa
-
Kuva Kirisitu sevava?
-
Hongu seivava
-
Manzwa zvaataura?
-
Arikushandisa shoko raMwari - hakuna
mutsvene chero mumwe zvake.
-
Ndiyo angle yavari kushandisa.
-
Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine
utera, ndipo pandine simba."
-
Mumusangano wedu wekupedzisira,
ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'.
-
Matambudziko edu akaitirwa
kutibatsira pakunamata.
-
Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu
dzimwe nguva tinoedzwa
-
kuti tidzidze kunyengetera zvikuru.
-
Zvino, zvaari kutaura ndezvekuti kudada
ikoko kuri kushaya simba kwako,
-
uye mutsara wako wekunamatira uchiripo,
-
paunoedzwa nekuzvikudza, ndipo
paunonyanya kunamata.
-
Zvino, havagoni kushandisa
kona iyoyo pauri.
-
Kunze kwekunge vavhara mutsara
wako wekunamatira.
-
Kana mutsara wako wekunamatira
wakavharwa, ndipo paunonyanya kudada,
-
unowedzera kuparadzwa.
-
Kunyanya kudada ikoko ndiko kuwedzera
kwekuparadzwa kwako.
-
Asi kana mutsara wako wekunamatira
usina kuvharwa,
-
kana kuzvikudza kuchiuya, ndipo
paunonyanya kunamata.
-
Vavariro yavo, nechinangwa chekushandiswa
kweutera wako kukuwisa pasi semukristu.
-
Asi pachinzvimbo chekukuwisira pasi,
zvinokusimbisa zvakanyanya.
-
Varasika.
-
Tiri tose here
-
Zvino, ndinoda kutakura izvi,
kuti ndisundire izvi.
-
Paunoedza kudzivira kuti ndisasundire
ndipo pandinosunda!
-
Unoona chinangwa chekundidzinga
panzvimbo iyi chakundwa.
-
Hapana chikonzero chekundisundidzira.
-
Chinangwa chasatani, chekuti ashandise
utera wako -
-
vanowanzoshandisa kupera simba sechirauro.
-
Zvino, kurwiswa uku kwakanyanya,
ndipo paunonyanya kunamata -
-
ndozvinoreva 'kutambudzika kwedu
kwakaitirwa kuti tibatsirwe pamweya'.
-
Kutambudzika kunogona kuva muedzo,
urombo, kurwiswa, izvi, izvo.
-
Asi kana zvasvika, zvakaitirwa kuti
ubatsirwe pamweya.
-
Iwe namata nekutsanya zvakanyanya
uchitsvaga tsvaga chiso chaMwari.
-
Saka, zvaari kutaura iye zvino
ndezvekuti vanotarisa hutera.
-
Kana hutera hwako huri ihwohwo
asi mutsara wako wekunamatira uripo,
-
zvino kana kurwiswa uku kwauya,
unowedzera kunamata.
-
Havana simba pamusoro pako.
-
Mutsara wako wekunamata wakavharwa -
-
kana vakakwanisa kutora mutsara wako
wekunamata, vanotora hupenyu hwako.
-
Ndiko kusaka Bhaibheri richiti,
"Hapana chingandiparadzanisa."
-
Ndizvo zvazvinoreva.
-
Utera hunogona here? Kwete -
kana mutsara wako wekunamata uripo.
-
kana mutsara wakowakavharwa,
utera hunokuparadzanisa nerudo rwaMwari.
-
Kana ndirikutaura newe isa ruoko mudenga.
-
Kana mutsara wako wekunamata wakavharwa,
utera unokuparadzanisa nerudo rwaMwari.
-
Kana mutsara wako wekunamata uripo,
hapana chinokuparadzanisai.
-
Ndozvairehwa naPauro.
-
Akati, 'Chii chingandiparadzanisa? Munzwa
here? Kwete.
-
Utera here? Hurwere here? Ruvengo here?
-
Akati hapana chaimuparadzanisa naMwari,
mutsara wake wekunamatawaivapo.
-
Kanaana vangovhara mutsara wako
wotadza kunamata zvakare, wapedza.
-
Tichataura zvakawanda . Wana pekugara.
-
Tarisa nyaya yaPauro.
-
Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete.
-
Akachema kuna Mwari katatu,
kwete kamwe chete.
-
Nguva imwe neimwe inoreva kane zana.
-
Kakawanda, akamhanyira kuna Mwari.
-
'Jesu, ndiponesei. Ndiporesei.
Ndiropafadzei. Ndinunurei.
-
Kangani kawakamhanyira kuna Mwari
wobva wakanda mapfumo pasi?
-
Pasina kunzwa kubva kuna Mwari -
asi iwe unokanda mapfumo pasi?
-
Rangarira, Pauro akapindurwa,
'Nyasha dzangu dzakakukwanira.'
-
Akaendereramberi.
-
Ko imi hamuna kunzwa kubva kuna
Mwari here mukakanda mapfumo pasi?
-
Kufananidzwa nemunhu akanzwa
kubva kuna Mwari.
-
'Nyasha dzangu dzakakukwanira.
Usazvinetsa iwe.'
-
Asi iwe haubvi kuna Mwari uye
unokanda mapfumo pasi.
-
Uye haana kumbogumbuka kuti Mwari
haana kubvisa munzwa wacho.
-
Paakanzi, 'Nyasha dzangu dzakakukwanira'-
akanga akanaka nazvo
-
nokuti aiziva kuti nyange akanga aporeswa
kana kuti kwete.
-
hazvaishandura chimiro chake panamwari.
-
Ungave iwe semunhu wakapinda
muHumambo hwaMwari kana kwete,
-
izvo hazvizoshanduri Humambo hwaMwari.
-
Mwari vacharamba vari Musununguri,
zvisinei wapora kana kwete.
-
Aiziva kuti kunyange akanga aporeswa
kana kuti kwete, Jesu ndiye Mupodzi.
-
Saka, unozvinetserei?
-
Totaura futi nezve weakness
irikutaurwa nasisi.
-
Shoko roti hakuna mutsvene.
-
Chero hutera huri hwako, sezvo mutsara
wemunamato hauna kuvharwa,
-
utera ihwohwo ibetsero yomudzimu
inokuswededza pedyo naMwari,
-
ukamhanya kuna Mwari, tenda zvakanyanya,
iva nekutenda kwakakwana.
-
Nokuti une kutenda asi kusina kukwana.
-
Asi utera hunozoita kuti uve
nerutendo rwakakwana.
-
Ndinokutendai, Jesu Kristu.
-
Ndaida message iyo.
-
Ini ndainyanya kuda muchikamu chekutanga
umo Muporofita T.B. Joshua akati
-
chinodiwa naMwari muvaki wehukama.
-
Nokuti ndizvo zvazviri, vanhu vaMwari.
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-