Ungakunda sei muMweya! | Mukoma Chris
-
0:00 - 0:06Umbowo hwekuratidza kuti wakunda dambudziko
-
0:06 - 0:11zvinooneka nekuti dambudziko racho harina kuku kunda iwe wacho.
-
0:14 - 0:18muzita raJesu uye ndichikugamuchirai kune chimwe chikamu
-
0:18 - 0:23chinotaura nezve RUTENDO RUSINA KUGOMBEDZERA, tiri pano pa GOD'S HEART TV (NHEPHENYURO YEMOYO WAMWARI)
-
0:23 - 0:26Nhasi ndoda kutaura nezvenyaya yandavhunzwa
-
0:26 - 0:31nguva nenguva kwemakore apfuura
-
0:31 - 0:33yakamira yakadai
-
0:33 - 0:43semutendi, nemhaka yeyi matambudziko angu achiwedzera nemanamatiro andinoita?
-
0:43 - 0:44zvandofanirwa kuita ndaita
-
0:44 - 0:48munoziva, kukereke ndoenda, ndanamata,zvese nekutsanya.
-
0:48 - 0:52munamato ndakapuwa, ndakanamatirwa zvekudzikinurwa.
-
0:52 - 0:56Shoko raMwari Bhaibheri ndoverenga, ndinotenda kune zvakanyorwa mushoko
-
0:56 - 1:00uye ndinotsungirira kufadza Mwari.
-
1:00 - 1:09asi nemhaka yeyi ndichitadza kukunda dambudziko iri?
-
1:09 - 1:15Vanhu vaMwari, semusikirwe watakaitwa naMwari takasiyana
-
1:15 - 1:20tiri mumweya umwe, matambudziko atosangana nawo akasiyana.
-
1:20 - 1:27saka hapana shoko rakamira roga ringataurwa ringabata chimiro chimwe nechimwe
-
1:27 - 1:31asi mhinduro, zvirikwazvo iri mushoko raMwari.
-
1:31 - 1:36Nhasi, ndoda kugoverana nemi chinhu chakakosha
-
1:36 - 1:41uye chokwadi chineudzamu chandovimba kuti chichakubatsirai.
-
1:41 - 1:48Semutendi, kukunda dambudziko rako
-
1:48 - 1:53Uye kana ndichiti 'dambudziko'- ndoreva, kti ringava remari,
-
1:53 - 2:00utano hwako, wanano, mhuri,bhizimusi, basa rako, zvakawanda zvatingareva.
-
2:00 - 2:06Semutendi, kukunda dambudziko rako
-
2:06 - 2:15hazvirevi kuti mamirire ezvinhu achachinja
-
2:15 - 2:21Kwete! uchapupu hwekuti wakunda dambudziko
-
2:21 - 2:28hunooneka nekuti dambudziko harina kukukurira iwe wacho.
-
2:28 - 2:30Regai ndipadzokorore-
-
2:30 - 2:35Uchapupu hunoratidza kuti wakunda dambudziko
-
2:35 - 2:40kuti dambudziko racho harina kukukurira iwe kana kukuwisira pasi,
-
2:40 - 2:44harina kukubvisa pana Mwari,
-
2:44 - 2:49dambudziko harina kukuwisira muchivi.
-
2:49 - 2:56Munoona, zvajairika mazuvano kuti tienzanise kukunda dambudziko
-
2:56 - 3:00nekushanduka kwaita chimiro chedambudziko.
-
3:00 - 3:05semuyenzaniso, tinoenzanisa kukunda kuomerwa ne
-
3:05 - 3:08kuwana kukunda panezve mari
-
3:08 - 3:12kana kuti tinoenzanisa kukunda urwere, kugombedzerwa
-
3:12 - 3:16nekuwana dzikinuro panyama.
-
3:16 - 3:23Asi yeuka- semaKristu, tinofamba nekutenda , kwete nekuona.
-
3:23 - 3:29Saka, huchapupu hwekukunda hunotangira muMweya kutanga,
-
3:29 - 3:32kwete panyama- Mumweya kutanga.
-
3:32 - 3:45Rangarira, Mwari Mweya uye kuva iwe chaiko kuri mumweya.(the spirit)
-
3:45 - 3:52Saka, uchapupu hwekukunda huri mumweya kwete panyama.
-
3:52 - 3:57Zvino, handisi kuti Mwari vangakundikana zvikuru
-
3:57 - 4:01pamweya kupindira nekuchinja dambudziko muupenyu hwako.
-
4:01 - 4:07Zvirikwazvo, Vanogona- hapana chinokundikana naMwari.
-
4:07 - 4:14Ndirirkudzamisa kwauri kuti mamirire ezvinhu parizvino
-
4:14 - 4:23haisiyo nzira yekuratidza udzamu hweupenyu hwako pamweya.
-
4:23 - 4:30Kukunda dambudziko hazvirevi kuva mupfumi.
-
4:30 - 4:37KWETE- zvinoreva kusatongwa nedambudziko iroro.
-
4:37 - 4:41Hongu, ndingava nedambudziko uye hongu, ndiri kutsvaga Mwari-
-
4:41 - 4:44Ndiri kutsvaga kupindira kwedenga.
-
4:44 - 4:51Asi zvisinei nekuti zvaoma zvakadii, kuti zvatora nguva yakareba sei,
-
4:51 - 5:00hazvizombondi runziri kutsvaga dzimwe nzira dzisiri dza Kristu.
-
5:00 - 5:04kunyange zviome sei zvinooma zvacho,
-
5:04 - 5:12hazvizombondinyengeri mukutsvaga mamwe matanho asirir munzira dzaMWARI.
-
5:12 - 5:17Nyangwe marwadzo acho arwadze sei,
-
5:17 - 5:23hazviputse kuyerera komufaro mumoyo
-
5:23 - 5:26nemunamato mumweya wangu.
-
5:26 - 5:33Ndiwo makundire awunoita!
-
5:33 - 5:38Uye kana makomborero auya munguva yaMwari,
-
5:38 - 5:43zvichienderana nehurongwa hukuru hwavo,
-
5:43 - 5:47sekusatongwa kwaunoitwa nenguva yakaoma,
-
5:47 - 5:56ndozvimwe makomborero haakutongi asi Mupi wawo -Mwari.
-
5:56 - 6:02Zvino,sevatendi, hazvirevi kuti hatiwire mumatambudziko.
-
6:02 - 6:07Kwete- munyika ino, muchava nematambudziko.
-
6:07 - 6:11Asihatitongwe nawo
-
6:11 - 6:13Hatisirirwe pamatambudziko.
-
6:13 - 6:15Pachava nematambudziko
-
6:15 - 6:18Dzimwe dzenguva anovapo kwenguva refu, asingaperi matambudziko.
-
6:18 - 6:23Asi hatingatongwi nawo.
-
6:23 - 6:27Vanhu vaMwari, ndoda kukuyeuchidzai nyaya inozivikanwa zvikuru
-
6:27 - 6:32pavavhangeri mubhuku raMariko 4:37-40
-
6:32 - 6:37nyaya yepakanyaradzwa dutu naJesu KRISTU
-
6:37 - 6:41Ndoda mucherechedze chimwe chinhu.
-
6:41 - 6:47Jesu Kristu vakanga vakadzikama munguva yedutu iri
-
6:47 - 6:52vasati vanyaradza dutu.
-
6:52 - 7:01dutu raibvongodza pakavatenderedza asi kwete mavari.
-
7:01 - 7:05Kutya hakuna Kuvakurira.
-
7:05 - 7:08kunetseka hakuna kuvakunda
-
7:08 - 7:12kuzvidya moyo hakuna kuvakurira
-
7:12 - 7:20Kwete! Vakakunda dutu nekuda kwekuti dutu harina kuvakurira Jesu!
-
7:20 - 7:24Asi nerumwe rutivi, tarisai kuita kwevadzidzi vaJesu.
-
7:24 - 7:26Tarisai madairire avakaita.
-
7:26 - 7:27Vakamutsa Jesu vakati,
-
7:27 - 7:32'Tenzi', hamuna mhaka here nekuti tavekunyura?
-
7:32 - 7:38Hamuna basa nekuti tave kufa here?hamuna basa nazvo here?
-
7:38 - 7:46Ndiwo mufananidzo wezvinoitika kana dambudziko rako rakukurira-
-
7:46 - 7:54Unotanga kuona Mwari nenzira yakaipa.
-
7:54 - 8:01'Mwari, hamuna hanya nekuti ndiri kurwara? Hamuna hanya nekuti ndiri mumarwadzo?
-
8:01 - 8:05Hamuna kana basa nekuti bhizimusi rangu rakuparara?
-
8:05 - 8:10Hamuna basa nekuti kubasa kwangu havasi kundibata zvakanaka ?
-
8:10 - 8:12Hamuna hanya nazvo ka?
-
8:12 - 8:19Ko nei Mwari vachitendera zvakadai kuti zviitike kwandiri?
-
8:19 - 8:30Tinotanga kubvunzurudza kunaka kwaMwari, nekutsvakurudza kugona kwavo.
-
8:30 - 8:33Uye kunyange tikavavinga Mwari,
-
8:33 - 8:36chero hazvo tikamhanyira kuimba yaMwari,
-
8:36 - 8:45Tinenge tichienda kunosiya zvikumbiro nekuda kwekuvhunduka, kwete nekuda kwekutenda.
-
8:45 - 8:54Vanhu vaMwari, ndoda kugoverana nemi chinhu chakavanzika pakukunda-
-
8:54 - 9:02kuziva kuti zvese hazvizi nekuda kwako.
-
9:02 - 9:05Hazvisi nekuti urikunzwa sei,
-
9:05 - 9:08Kuti urikuita sei, kuti urikubatwa zvakadii.
-
9:08 - 9:15Kwete! Munhu ari pakati nepakati penyaya yako ndiMwari
-
9:15 - 9:19nekuti wakasikirwa kubwinya kwavo.
-
9:19 - 9:25Zvino, bvisa kutarisira zvose pauri asi utarise kuna Mwari.
-
9:25 - 9:31Panekuvhunza kuti, 'nemhaka yeyi Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri'?-
-
9:31 - 9:34chinja zvawakatarisira
-
9:34 - 9:39Nemhaka yei Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri?
-
9:39 - 9:45Nekuti Mwari vakazvitendera, Mwari vazvitendera - zvakandinakira.
-
9:45 - 9:48Zvimwe kuda vane chidzidzo chavari kuda kuti udzidze
-
9:48 - 9:52chakanakira ramangwana rako,
-
9:52 - 9:55nezvavari kuda kuti uite mune ramangwana.
-
9:55 - 10:00zvimwe kuda varikukuninipisa muruwoko Rwavo runesimba.
-
10:00 - 10:06Pamwe varikukusuka kuti ubude segoride.
-
10:06 - 10:10Pamwe varikuumba hunhu hwako kuitira
-
10:10 - 10:15hukuru hurimberi kwako
-
10:15 - 10:19Tarisa kuna Jesu!
-
10:19 - 10:30Chinhanho chaunotsaudzwa nedambudziko rako,
-
10:30 - 10:39kutiuzvidye moyo, uve nekutya, kufunga funga, kudzikisirwa, kufunga dzimwe nzira
-
10:39 - 10:52ndicho chinhanho chaunoisa chimwe chinhu chisinei naMwari mumoyo mako,
-
10:52 - 10:58kunyanya iwe mbune.
-
10:58 - 11:04Zvino, vanhu vaMwari , ndichipedzisa-
-
11:04 - 11:14ngatitarisei kuna Jesu, nekutindivo Chiedza chenyika.
-
11:14 - 11:20Nhasi, tiripedyo neimba yechiedza- imba yakanakisa yeChiedza.
-
11:20 - 11:26Uye tinoona kukosha kweimba yeChiedza murima,
-
11:26 - 11:30kwete kana denga rakachena uye zuva richipenya.
-
11:30 - 11:34Kwete!- murima matinoona kukosha,
-
11:34 - 11:39kuti hupenyu- muchiyedza hwakadii
-
11:39 - 11:43Panguva dzerima muupenyu patinoona kuti
-
11:43 - 11:53tinocherechedza, nekugamuchira, nekukoshesa Chiedza- Jesu Kristu.
-
11:53 - 11:56Jesu ndivo chiedza chenyika.
-
11:56 - 12:03Vanojekesa nzira dzako, vobvisa kutya kwako!
-
12:03 - 12:07Vnokupa simba rekukunda,
-
12:07 - 12:09runyararo rwekuti utsungirire,
-
12:09 - 12:14nyasha dzekuti urambe uchitsungirira zvisinei nemamiriro akita zvinhu.
-
12:14 - 12:20Zvisinei nenguva yauri, ziva izvi-
-
12:20 - 12:33kuti kumira kwakaita zvinhu kuchisimudzira mweya wako, urimukundi.
-
12:33 - 12:39Ikozvino, ngatinamatei tose.
-
12:39 - 12:46Jesu Kristuvakamira muchikepe mukati medutu
-
12:46 - 12:51vakataura kudzikama!
-
12:51 - 12:55Ikezvino, rese dutu rakakukomberedza,
-
12:55 - 12:59chero zvaro dutu ririkubvongodzeka pauri-
-
12:59 - 13:05Ndinoraira kudzikama muzita raMambo Jesu Kristu!
-
13:05 - 13:09Ngapave nekudzikama muwanano yako!
-
13:09 - 13:12Ngapave nerunyararo mumhuri mako!
-
13:12 - 13:15Ngapave nerunyararo mubhizimusi rako,
-
13:15 - 13:18mumari dzako, mubasa rako!
-
13:18 - 13:22Ngakuve nekudzikama muutano hwako izvezvi!
-
13:22 - 13:27Kudzikama, nemuzita raMambo Jesu Kristu!
-
13:27 - 13:34Kune moyo yose ine kunetseka, kune moyo yese isina kugadzikana,
-
13:34 - 13:38ngamuchira kudzikama kwaKristu!
-
13:38 - 13:44Gashira kudzikama kwaKristu izvezvi!
-
13:44 - 13:49Jesu Kristu ndivo Chiedza chenyika!
-
13:49 - 13:55Chipi chese chakamirira rima muupenyu hwako,
-
13:55 - 13:57Ngapave nechiyedza izvezvi!
-
13:57 - 14:00Ngapave nechiyedza izvezvi!
-
14:00 - 14:02Ngapave nechiedza izvezvi!
-
14:02 - 14:05Chirwere ichocho irima.
-
14:05 - 14:07Kurambira panzvimbo imwe irima.
-
14:07 - 14:11Kusaenderera mberi uchisimukira irima.
-
14:11 - 14:15Madzikirira iwayo irima.
-
14:15 - 14:18Ndinokuraira ubude murima!
-
14:18 - 14:22Buda murima izvezvi!
-
14:22 - 14:29Ngapave nechiyedza!
-
14:29 - 14:34Muzita raMambo Jesu.
-
14:34 - 14:39Amen. Amen. Amen
-
14:39 - 14:41Tinotenda,Jesu Christu!
-
14:41 - 14:42Tinotenda, vatariri
-
14:42 - 14:47Mwari vakuropafadzei nekuva kenyu nesu muzuva ranhasi pachikamu chedu chinonzi RUTENDO RUSINA KUGOMBEDZERA
-
14:47 - 14:50Tokumbirisa mugoverane nesu zvamadzidza kubva
-
14:50 - 14:54muchidzidzo chedu chanhasi pazasi apo uye rangarirai-
-
14:54 - 15:01kuramba muchitsvagaMoyo waMwari kuti muone hupenyu zvakajeka,
-
15:01 - 15:04Muzita raJesu .
- Title:
- Ungakunda sei muMweya! | Mukoma Chris
- Description:
-
Urikusangana nematambudziko anorambirira here zvisinei neminamato yako?Dzidza zvakavanzika zvinoita ukunde mudzidziso yekurudziri iyi na Mukoma Chris!
'Rutendo rusina kugombedzera chirongwa chiri pa nhepfenyuro ye God's Heart TV inemashoko mapfupi ekurudziro ehupenyu hwako anobva mushoko rinorarama raMwari- mukunaka meZvisikwa Zvavo Mwari.Komborerwai apo munobatirana nesu,Muzita raJesu!
ZVIKAMU
00:00 - Mashoko mapfupi ehumbowo hwekuva mukundi
00:13 - Kupinzwa kwemusoro wenyaya
00:32 - semutendi nei matambudziko angu achienderea- zvisinei nekunyengetera kwandoita?
01:59 - Zvinorevei kukunda dambudziko rako
04:10 - Chimiro chauri haisi nzira yekuera upenyu hwako paMweya
06:23 - Nyaya inobatika yaJesu pavakanyaradza dutu muna Mark 4:37-40
08:45 - Chakavanzika chekukundisa
11:14 - Muyenzaniso wekuziva kukosha kweimba yeChiedza murima
12:33 - Munamato wevatariri naMukoma Chris#RutendoChisikirwo
➡️Wana kurudziro mazuva ose pa WhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Kana uchida kudzigira God's Heart Tv nemari - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Rubetsero nezve interactive prayer - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Kana uchida kubetsera zvisina mubhadharo kuva muturikiri- https://godsheart.tv/translate/ - Video Language:
- English
- Team:
God's Heart TV
- Duration:
- 15:24
![]() |
Translation_Admin2 edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris | |
![]() |
Translation_Admin2 edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris | |
![]() |
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris | |
![]() |
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris | |
![]() |
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris | |
![]() |
Evelyn Sharon Chaurura edited Shona subtitles for How To OVERCOME In The SPIRIT! | Brother Chris |