Umbowo hwekuratidza kuti wakunda dambudziko zvinooneka nekuti dambudziko racho harina kuku kunda iwe wacho. muzita raJesu uye ndichikugamuchirai kune chimwe chikamu chinotaura nezve RUTENDO RUSINA KUGOMBEDZERA, tiri pano pa GOD'S HEART TV (NHEPHENYURO YEMOYO WAMWARI) Nhasi ndoda kutaura nezvenyaya yandavhunzwa nguva nenguva kwemakore apfuura yakamira yakadai semutendi, nemhaka yeyi matambudziko angu achiwedzera nemanamatiro andinoita? zvandofanirwa kuita ndaita munoziva, kukereke ndoenda, ndanamata,zvese nekutsanya. munamato ndakapuwa, ndakanamatirwa zvekudzikinurwa. Shoko raMwari Bhaibheri ndoverenga, ndinotenda kune zvakanyorwa mushoko uye ndinotsungirira kufadza Mwari. asi nemhaka yeyi ndichitadza kukunda dambudziko iri? Vanhu vaMwari, semusikirwe watakaitwa naMwari takasiyana tiri mumweya umwe, matambudziko atosangana nawo akasiyana. saka hapana shoko rakamira roga ringataurwa ringabata chimiro chimwe nechimwe asi mhinduro, zvirikwazvo iri mushoko raMwari. Nhasi, ndoda kugoverana nemi chinhu chakakosha uye chokwadi chineudzamu chandovimba kuti chichakubatsirai. Semutendi, kukunda dambudziko rako Uye kana ndichiti 'dambudziko'- ndoreva, kti ringava remari, utano hwako, wanano, mhuri,bhizimusi, basa rako, zvakawanda zvatingareva. Semutendi, kukunda dambudziko rako hazvirevi kuti mamirire ezvinhu achachinja Kwete! uchapupu hwekuti wakunda dambudziko hunooneka nekuti dambudziko harina kukukurira iwe wacho. Regai ndipadzokorore- Uchapupu hunoratidza kuti wakunda dambudziko kuti dambudziko racho harina kukukurira iwe kana kukuwisira pasi, harina kukubvisa pana Mwari, dambudziko harina kukuwisira muchivi. Munoona, zvajairika mazuvano kuti tienzanise kukunda dambudziko nekushanduka kwaita chimiro chedambudziko. semuyenzaniso, tinoenzanisa kukunda kuomerwa ne kuwana kukunda panezve mari kana kuti tinoenzanisa kukunda urwere, kugombedzerwa nekuwana dzikinuro panyama. Asi yeuka- semaKristu, tinofamba nekutenda , kwete nekuona. Saka, huchapupu hwekukunda hunotangira muMweya kutanga, kwete panyama- Mumweya kutanga. Rangarira, Mwari Mweya uye kuva iwe chaiko kuri mumweya.(the spirit) Saka, uchapupu hwekukunda huri mumweya kwete panyama. Zvino, handisi kuti Mwari vangakundikana zvikuru pamweya kupindira nekuchinja dambudziko muupenyu hwako. Zvirikwazvo, Vanogona- hapana chinokundikana naMwari. Ndirirkudzamisa kwauri kuti mamirire ezvinhu parizvino haisiyo nzira yekuratidza udzamu hweupenyu hwako pamweya. Kukunda dambudziko hazvirevi kuva mupfumi. KWETE- zvinoreva kusatongwa nedambudziko iroro. Hongu, ndingava nedambudziko uye hongu, ndiri kutsvaga Mwari- Ndiri kutsvaga kupindira kwedenga. Asi zvisinei nekuti zvaoma zvakadii, kuti zvatora nguva yakareba sei, hazvizombondi runziri kutsvaga dzimwe nzira dzisiri dza Kristu. kunyange zviome sei zvinooma zvacho, hazvizombondinyengeri mukutsvaga mamwe matanho asirir munzira dzaMWARI. Nyangwe marwadzo acho arwadze sei, hazviputse kuyerera komufaro mumoyo nemunamato mumweya wangu. Ndiwo makundire awunoita! Uye kana makomborero auya munguva yaMwari, zvichienderana nehurongwa hukuru hwavo, sekusatongwa kwaunoitwa nenguva yakaoma, ndozvimwe makomborero haakutongi asi Mupi wawo -Mwari. Zvino,sevatendi, hazvirevi kuti hatiwire mumatambudziko. Kwete- munyika ino, muchava nematambudziko. Asihatitongwe nawo Hatisirirwe pamatambudziko. Pachava nematambudziko Dzimwe dzenguva anovapo kwenguva refu, asingaperi matambudziko. Asi hatingatongwi nawo. Vanhu vaMwari, ndoda kukuyeuchidzai nyaya inozivikanwa zvikuru pavavhangeri mubhuku raMariko 4:37-40 nyaya yepakanyaradzwa dutu naJesu KRISTU Ndoda mucherechedze chimwe chinhu. Jesu Kristu vakanga vakadzikama munguva yedutu iri vasati vanyaradza dutu. dutu raibvongodza pakavatenderedza asi kwete mavari. Kutya hakuna Kuvakurira. kunetseka hakuna kuvakunda kuzvidya moyo hakuna kuvakurira Kwete! Vakakunda dutu nekuda kwekuti dutu harina kuvakurira Jesu! Asi nerumwe rutivi, tarisai kuita kwevadzidzi vaJesu. Tarisai madairire avakaita. Vakamutsa Jesu vakati, 'Tenzi', hamuna mhaka here nekuti tavekunyura? Hamuna basa nekuti tave kufa here?hamuna basa nazvo here? Ndiwo mufananidzo wezvinoitika kana dambudziko rako rakukurira- Unotanga kuona Mwari nenzira yakaipa. 'Mwari, hamuna hanya nekuti ndiri kurwara? Hamuna hanya nekuti ndiri mumarwadzo? Hamuna kana basa nekuti bhizimusi rangu rakuparara? Hamuna basa nekuti kubasa kwangu havasi kundibata zvakanaka ? Hamuna hanya nazvo ka? Ko nei Mwari vachitendera zvakadai kuti zviitike kwandiri? Tinotanga kubvunzurudza kunaka kwaMwari, nekutsvakurudza kugona kwavo. Uye kunyange tikavavinga Mwari, chero hazvo tikamhanyira kuimba yaMwari, Tinenge tichienda kunosiya zvikumbiro nekuda kwekuvhunduka, kwete nekuda kwekutenda. Vanhu vaMwari, ndoda kugoverana nemi chinhu chakavanzika pakukunda- kuziva kuti zvese hazvizi nekuda kwako. Hazvisi nekuti urikunzwa sei, Kuti urikuita sei, kuti urikubatwa zvakadii. Kwete! Munhu ari pakati nepakati penyaya yako ndiMwari nekuti wakasikirwa kubwinya kwavo. Zvino, bvisa kutarisira zvose pauri asi utarise kuna Mwari. Panekuvhunza kuti, 'nemhaka yeyi Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri'?- chinja zvawakatarisira Nemhaka yei Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri? Nekuti Mwari vakazvitendera, Mwari vazvitendera - zvakandinakira. Zvimwe kuda vane chidzidzo chavari kuda kuti udzidze chakanakira ramangwana rako, nezvavari kuda kuti uite mune ramangwana. zvimwe kuda varikukuninipisa muruwoko Rwavo runesimba. Pamwe varikukusuka kuti ubude segoride. Pamwe varikuumba hunhu hwako kuitira hukuru hurimberi kwako Tarisa kuna Jesu! Chinhanho chaunotsaudzwa nedambudziko rako, kutiuzvidye moyo, uve nekutya, kufunga funga, kudzikisirwa, kufunga dzimwe nzira ndicho chinhanho chaunoisa chimwe chinhu chisinei naMwari mumoyo mako, kunyanya iwe mbune. Zvino, vanhu vaMwari , ndichipedzisa- ngatitarisei kuna Jesu, nekutindivo Chiedza chenyika. Nhasi, tiripedyo neimba yechiedza- imba yakanakisa yeChiedza. Uye tinoona kukosha kweimba yeChiedza murima, kwete kana denga rakachena uye zuva richipenya. Kwete!- murima matinoona kukosha, kuti hupenyu- muchiyedza hwakadii Panguva dzerima muupenyu patinoona kuti tinocherechedza, nekugamuchira, nekukoshesa Chiedza- Jesu Kristu. Jesu ndivo chiedza chenyika. Vanojekesa nzira dzako, vobvisa kutya kwako! Vnokupa simba rekukunda, runyararo rwekuti utsungirire, nyasha dzekuti urambe uchitsungirira zvisinei nemamiriro akita zvinhu. Zvisinei nenguva yauri, ziva izvi- kuti kumira kwakaita zvinhu kuchisimudzira mweya wako, urimukundi. Ikozvino, ngatinamatei tose. Jesu Kristuvakamira muchikepe mukati medutu vakataura kudzikama! Ikezvino, rese dutu rakakukomberedza, chero zvaro dutu ririkubvongodzeka pauri- Ndinoraira kudzikama muzita raMambo Jesu Kristu! Ngapave nekudzikama muwanano yako! Ngapave nerunyararo mumhuri mako! Ngapave nerunyararo mubhizimusi rako, mumari dzako, mubasa rako! Ngakuve nekudzikama muutano hwako izvezvi! Kudzikama, nemuzita raMambo Jesu Kristu! Kune moyo yose ine kunetseka, kune moyo yese isina kugadzikana, ngamuchira kudzikama kwaKristu! Gashira kudzikama kwaKristu izvezvi! Jesu Kristu ndivo Chiedza chenyika! Chipi chese chakamirira rima muupenyu hwako, Ngapave nechiyedza izvezvi! Ngapave nechiyedza izvezvi! Ngapave nechiedza izvezvi! Chirwere ichocho irima. Kurambira panzvimbo imwe irima. Kusaenderera mberi uchisimukira irima. Madzikirira iwayo irima. Ndinokuraira ubude murima! Buda murima izvezvi! Ngapave nechiyedza! Muzita raMambo Jesu. Amen. Amen. Amen Tinotenda,Jesu Christu! Tinotenda, vatariri Mwari vakuropafadzei nekuva kenyu nesu muzuva ranhasi pachikamu chedu chinonzi RUTENDO RUSINA KUGOMBEDZERA Tokumbirisa mugoverane nesu zvamadzidza kubva muchidzidzo chedu chanhasi pazasi apo uye rangarirai- kuramba muchitsvagaMoyo waMwari kuti muone hupenyu zvakajeka, Muzita raJesu .