-
Umbowo hwekuratidza kuti wakunda dambudziko
-
zvinooneka nekuti dambudziko racho harina kuku kunda iwe wacho.
-
muzita raJesu uye ndichikugamuchirai kune chimwe chikamu
-
chinotaura nezve RUTENDO RUSINA KUGOMBEDZERA, tiri pano pa GOD'S HEART TV (NHEPHENYURO YEMOYO WAMWARI)
-
Nhasi ndoda kutaura nezvenyaya yandavhunzwa
-
nguva nenguva kwemakore apfuura
-
yakamira yakadai
-
semutendi, nemhaka yeyi matambudziko angu achiwedzera nemanamatiro andinoita?
-
zvandofanirwa kuita ndaita
-
munoziva, kukereke ndoenda, ndanamata,zvese nekutsanya.
-
munamato ndakapuwa, ndakanamatirwa zvekudzikinurwa.
-
Shoko raMwari Bhaibheri ndoverenga, ndinotenda kune zvakanyorwa mushoko
-
uye ndinotsungirira kufadza Mwari.
-
asi nemhaka yeyi ndichitadza kukunda dambudziko iri?
-
Vanhu vaMwari, semusikirwe watakaitwa naMwari takasiyana
-
tiri mumweya umwe, matambudziko atosangana nawo akasiyana.
-
saka hapana shoko rakamira roga ringataurwa ringabata chimiro chimwe nechimwe
-
asi mhinduro, zvirikwazvo iri mushoko raMwari.
-
Nhasi, ndoda kugoverana nemi chinhu chakakosha
-
uye chokwadi chineudzamu chandovimba kuti chichakubatsirai.
-
Semutendi, kukunda dambudziko rako
-
Uye kana ndichiti 'dambudziko'- ndoreva, kti ringava remari,
-
utano hwako, wanano, mhuri,bhizimusi, basa rako, zvakawanda zvatingareva.
-
Semutendi, kukunda dambudziko rako
-
hazvirevi kuti mamirire ezvinhu achachinja
-
Kwete! uchapupu hwekuti wakunda dambudziko
-
hunooneka nekuti dambudziko harina kukukurira iwe wacho.
-
Regai ndipadzokorore-
-
Uchapupu hunoratidza kuti wakunda dambudziko
-
kuti dambudziko racho harina kukukurira iwe kana kukuwisira pasi,
-
harina kukubvisa pana Mwari,
-
dambudziko harina kukuwisira muchivi.
-
Munoona, zvajairika mazuvano kuti tienzanise kukunda dambudziko
-
nekushanduka kwaita chimiro chedambudziko.
-
semuyenzaniso, tinoenzanisa kukunda kuomerwa ne
-
kuwana kukunda panezve mari
-
kana kuti tinoenzanisa kukunda urwere, kugombedzerwa
-
nekuwana dzikinuro panyama.
-
Asi yeuka- semaKristu, tinofamba nekutenda , kwete nekuona.
-
Saka, huchapupu hwekukunda hunotangira muMweya kutanga,
-
kwete panyama- Mumweya kutanga.
-
Rangarira, Mwari Mweya uye kuva iwe chaiko kuri mumweya.(the spirit)
-
Saka, uchapupu hwekukunda huri mumweya kwete panyama.
-
Zvino, handisi kuti Mwari vangakundikana zvikuru
-
pamweya kupindira nekuchinja dambudziko muupenyu hwako.
-
Zvirikwazvo, Vanogona- hapana chinokundikana naMwari.
-
Ndirirkudzamisa kwauri kuti mamirire ezvinhu parizvino
-
haisiyo nzira yekuratidza udzamu hweupenyu hwako pamweya.
-
Kukunda dambudziko hazvirevi kuva mupfumi.
-
KWETE- zvinoreva kusatongwa nedambudziko iroro.
-
Hongu, ndingava nedambudziko uye hongu, ndiri kutsvaga Mwari-
-
Ndiri kutsvaga kupindira kwedenga.
-
Asi zvisinei nekuti zvaoma zvakadii, kuti zvatora nguva yakareba sei,
-
hazvizombondi runziri kutsvaga dzimwe nzira dzisiri dza Kristu.
-
kunyange zviome sei zvinooma zvacho,
-
hazvizombondinyengeri mukutsvaga mamwe matanho asirir munzira dzaMWARI.
-
Nyangwe marwadzo acho arwadze sei,
-
hazviputse kuyerera komufaro mumoyo
-
nemunamato mumweya wangu.
-
Ndiwo makundire awunoita!
-
Uye kana makomborero auya munguva yaMwari,
-
zvichienderana nehurongwa hukuru hwavo,
-
sekusatongwa kwaunoitwa nenguva yakaoma,
-
ndozvimwe makomborero haakutongi asi Mupi wawo -Mwari.
-
Zvino,sevatendi, hazvirevi kuti hatiwire mumatambudziko.
-
Kwete- munyika ino, muchava nematambudziko.
-
Asihatitongwe nawo
-
Hatisirirwe pamatambudziko.
-
Pachava nematambudziko
-
Dzimwe dzenguva anovapo kwenguva refu, asingaperi matambudziko.
-
Asi hatingatongwi nawo.
-
Vanhu vaMwari, ndoda kukuyeuchidzai nyaya inozivikanwa zvikuru
-
pavavhangeri mubhuku raMariko 4:37-40
-
nyaya yepakanyaradzwa dutu naJesu KRISTU
-
Ndoda mucherechedze chimwe chinhu.
-
Jesu Kristu vakanga vakadzikama munguva yedutu iri
-
vasati vanyaradza dutu.
-
dutu raibvongodza pakavatenderedza asi kwete mavari.
-
Kutya hakuna Kuvakurira.
-
kunetseka hakuna kuvakunda
-
kuzvidya moyo hakuna kuvakurira
-
Kwete! Vakakunda dutu nekuda kwekuti dutu harina kuvakurira Jesu!
-
Asi nerumwe rutivi, tarisai kuita kwevadzidzi vaJesu.
-
Tarisai madairire avakaita.
-
Vakamutsa Jesu vakati,
-
'Tenzi', hamuna mhaka here nekuti tavekunyura?
-
Hamuna basa nekuti tave kufa here?hamuna basa nazvo here?
-
Ndiwo mufananidzo wezvinoitika kana dambudziko rako rakukurira-
-
Unotanga kuona Mwari nenzira yakaipa.
-
'Mwari, hamuna hanya nekuti ndiri kurwara? Hamuna hanya nekuti ndiri mumarwadzo?
-
Hamuna kana basa nekuti bhizimusi rangu rakuparara?
-
Hamuna basa nekuti kubasa kwangu havasi kundibata zvakanaka ?
-
Hamuna hanya nazvo ka?
-
Ko nei Mwari vachitendera zvakadai kuti zviitike kwandiri?
-
Tinotanga kubvunzurudza kunaka kwaMwari, nekutsvakurudza kugona kwavo.
-
Uye kunyange tikavavinga Mwari,
-
chero hazvo tikamhanyira kuimba yaMwari,
-
Tinenge tichienda kunosiya zvikumbiro nekuda kwekuvhunduka, kwete nekuda kwekutenda.
-
Vanhu vaMwari, ndoda kugoverana nemi chinhu chakavanzika pakukunda-
-
kuziva kuti zvese hazvizi nekuda kwako.
-
Hazvisi nekuti urikunzwa sei,
-
Kuti urikuita sei, kuti urikubatwa zvakadii.
-
Kwete! Munhu ari pakati nepakati penyaya yako ndiMwari
-
nekuti wakasikirwa kubwinya kwavo.
-
Zvino, bvisa kutarisira zvose pauri asi utarise kuna Mwari.
-
Panekuvhunza kuti, 'nemhaka yeyi Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri'?-
-
chinja zvawakatarisira
-
Nemhaka yei Mwari vachitendera izvi kuti zviitike pandiri?
-
Nekuti Mwari vakazvitendera, Mwari vazvitendera - zvakandinakira.
-
Zvimwe kuda vane chidzidzo chavari kuda kuti udzidze
-
chakanakira ramangwana rako,
-
nezvavari kuda kuti uite mune ramangwana.
-
zvimwe kuda varikukuninipisa muruwoko Rwavo runesimba.
-
Pamwe varikukusuka kuti ubude segoride.
-
Pamwe varikuumba hunhu hwako kuitira
-
hukuru hurimberi kwako
-
Tarisa kuna Jesu!
-
Chinhanho chaunotsaudzwa nedambudziko rako,
-
kutiuzvidye moyo, uve nekutya, kufunga funga, kudzikisirwa, kufunga dzimwe nzira
-
ndicho chinhanho chaunoisa chimwe chinhu chisinei naMwari mumoyo mako,
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-