-
Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo.
-
Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo.
-
Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko.
-
Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu.
-
Tinokugashirai kumusangano wemunamato.
-
Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom.
-
Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa musangano wanhasi uno ndewe marudzi ose.
-
Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano
-
vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe.
-
Kunyange kusvika kuUkraine
-
nyika iri mundangariro dzedu neminamato yedu panguva ino.
-
Ndinoda kutenda moyo yose inotenda kuna Jesu,
-
vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama
-
kubva pandiri kusvika pamuri,
-
anotenda kuti Jesu Kristu achakubata nhasi nenzira inokosha,
-
nokuti kutenda maari kunokudza Mwari
-
kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye.
-
uye Mwari vanokudza avo vanomukudza.
-
Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda
-
kuti kuda kwavo kutinunura,
-
kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose.
-
kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu.
-
saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu.
-
Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari,
-
sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23
-
kuti shoko raMwari imhodzi,
-
imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu
-
uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure.
-
Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu,
-
mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari
-
Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu.
-
kana kutevedzera mumwe munhu.
-
kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memoyo wako, kunofanhira kubuda mumoyo mako.
-
zvichibva pashoko raMwari.
-
saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu,
-
moyo wako wakamirasei ?
-
Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi.
-
moyo wako wakamirasei ?
-
nokuti ndaona nhasi kuti vanhu vakawanda vanotsvaka Mwari,
-
vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo,
-
kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo,
-
asi moyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika,
-
moyo yavo irikunetsekana
-
asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27
-
Moyo yenyu ngairege kumanikidzwa.
-
zvino hazvireve kuti hapazove nedambudziko.
-
havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko,
-
asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu
-
hongu pane zvikonzero zvekunetsekana
-
asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane.
-
kunyange kwose kwose kune kusagadzikana,
-
tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo.
-
asi semuKristu, moyo wako ngauzorore
-
mukuziva kuti Mwari vanewe.
-
sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu,
-
asi semukristu moyo wako ngauzorore
-
mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31).
-
kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera
-
mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari
-
kuti havazombofa vakakusiya kana kukurasa.
-
sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5.
-
saka vanhu vaMwari kudikamisa moyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu,
-
kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako,
-
Tarisa kuna Jesu.
-
Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28.
-
Jesu anoti, Huyai kwandiri
-
vose vakaremerwa, ndikupeyi zororo.
-
kana Mwari vakativimbisa zororo
-
hapana chikonzero chekuti moyo yedu isazorore.
-
Tinongoda kuziva chokwadi ichi,
-
pinda mukuwirirana neshoko raMwari.
-
saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi,
-
Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari.
-
Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro
-
anopokana neshoko raMwari.
-
Revesa nemoyo wako wose.
-
kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemoyo wako
-
naikoko kubvumirana kwemoyo wako , ikozvino
-
yavanguva yekunamata.
-
moyo wako unofanhira kuwirirana naMwari.
-
moyo wako unofanhira kubvumirana naMwari.
-
moyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa,
-
usina shungu, usina marwadzo ekare.
-
izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari.
-
Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako,
-
uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi.
-
chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari,
-
regererwa nemuzita raJesu Kristu.
-
-
rusvingo urwu rwuri pakati pemoyo wako nemweya waMwari,
-
ngaribve izvezvi, ngaribve izvezvi, ngaribve izvezvi.
-
-
Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu,
-
sunungurwa muzita raJesu.
-
-
Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo
-
Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku
-
Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa
-
nemuzita rinesimba raJesu Kristu.
-
-
Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako
-
kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu,
-
ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako.
-
Ngaibude izvezvi.
-
-
Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo.
-
Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi.
-
Iwe chirwere, iwe chirwere,
-
Ndati buda nezita raJesu.
-
Buda rezita raJesu, buda izvezvi nezita rinesimba raJesu Kristu.
-
Buda izvezvi
-
-
Ikozvino, sechiito chokutenda,
-
Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo,
-
uri kurwadziwa panyama ,
-
isa ruoko rwako ipapo izvezvi
-
zarura moyo wako,
-
taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera,
-
buda nezita raJesu, buda izvezvi.
-
Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo.
-
Buda izvezvi, buda izvezvi.
-
Buda izvezvi.
-
-
Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku,
-
murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino,
-
kunyange tiri kure nekure, simba raMwari riri kuburuka.
-
Zarura moyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake.
-
Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi,
-
chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda.
-
Ino inguva yako,
-
Ikozvino inguva yako.
-
Ndinoti kune mweya yese,
-
sungwa neMweya wa Kristu.
-
Sungwa neMweya wa Kristu nezita raJesu.
-
-
mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake.
-
kuita kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako,
-
kutevera nzira yakarurama.
-
Vhura muromo wako, umukumbire ikozvino.
-
-
Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata.
-
Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu
-
Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu.
-
Tanga kuzvitarisa izvezvi,
-
Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa.
-
Wanunurwa, zvitarise izvezvi.
-
Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa.
-
[shanduro yechiSpanish ]
-
Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika,
-
maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa.
-
Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake.
-
Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari.
-
Ikozvino inguva yako.
-
nguva iya mukadzi aibuda ropa
-
paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu,
-
kutenda kwake ndiko kwakamuporesa.
-
Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukuporese nhasi uno.
-
Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukununure nhasi uno.
-
Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukuponese nhasi uno, nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu.
-
Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako
-
kuti ibude nemuzita raJesu Kristu.
-
Buda nemuzita raJesu Kristu.
-
mweya yese irikubata mukati memusoro wako, buda izvezvi.
-
mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi.
-
mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
-
mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
-
Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu.
-
mune chero chikamu chehupenyu hwako,
-
mweya yetsvina pairikubata,
-
zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako,
-
zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumumhuri yako,
-
dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu.
-
Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi.
-
Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko.
-
Shoko renyu rinoparidzira rusununguko.
-
Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko ikozvino,
-
rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako.
-
Rusununguko kumuviri wako nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu.
-
Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako,
-
rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako
-
nemuzita rinesimba raJesu Kristu.
-
Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
-
Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
-
Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu humwari.
-
Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu
-
uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu.
-
Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako,
-
ndezvako chaizvo chaizvo.
-
HUCHAPUPU
-
Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene.
-
ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa.
-
Ndinogara mu United Kingdom.
-
Mumwedzi waGumiguru 2021,
-
ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu
-
chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament.
-
yakatsemuka zvachose.
-
Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya,
-
uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki.
-
Ndisingagone kufamba.
-
VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita
-
basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL,
-
Kuitwa kwesejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupona.
-
Asi ndinotenda seKristu akazvarwa patsva,
-
zvirinani kutsvaga Mwari chekutanga.
-
Ndakaronga kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu.
-
nhasi uno, musangano we Interactive Prayer usati watanga,
-
ndagnge ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu,
-
ndange ndisingakwanise kufamba ndisina simbi dzinobata mabvi angu.
-
mukati memunamato, ndange ndikavhara maziso angu,
-
ndichinamata na Mukoma Chris.
-
ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari.
-
Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu.
-
Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paskrini.
-
hapana chandanga ndichinzwa,
-
asi mushure memunamato pavati wasunungurwa,
-
ndabva ndabvisa simbi iya yanga iri pabvi rangu, ndatanga kurinzwa
-
ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika,
-
uye ndikabva ndatanga kusvetuka.
-
Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa mumashure,
-
kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa.
-
Ndavekukwanisa kusvetuka.
-
Ndavekukwanisa kumhanya.
-
Ndinotenda Jesu.
-
Makomborero muzita raJesu.
-
Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras.
-
Ndinoda kukuudzai kuti mushure muporofita Chris vatanga kunamata,
-
ndange ndavakutonzwa kununurwa, kakufaranuka kapinda mukati memoyo wangu wese,
-
uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari.
-
Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu,
-
uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumoyo mangu.
-
Ndinorumbidza Jesu.
-
Ndinokutendai Jesu.
-
Ndinokudai Jesu.
-
Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago.
-
Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe nana Mukoma Chris.
-
mumusangano we Interactive prayer.
-
Tichiri mumusangano uyu we Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vakati
-
zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva
-
mweya wainge urimandiri wakatanga kuzviratidza , ukati
-
Ayehwa handiendi.
-
ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite
-
asi pavakaramba vachinamata wakabva waenda
-
ndakatanga kunzwa kurerukirwa uye nekusvipa zvinhu zvaivava.
-
Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo.
-
Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa.
-
Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese.
-
Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo.
-
Marwadzo acho aibva kubva kuchidya zvichidzika,
-
zvaiva zvisingaite.
-
vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese.
-
zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi.
-
mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kudonha.
-
pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora.
-
Ndakabva ndatanga kukosora.
-
ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate.
-
mushure maizvozvo, ndakakotama mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora.
-
ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu,
-
sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu,
-
ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari
-
nekuvatenda nekundiporesa.
-
uye zvino, hapachisina.
-
ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandi.
-
sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka.
-
Ikozvino ndavekugona kusvetuka.
-
Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama.
-
ndapora.
-
Ndinokutendai Jesu.
-
Zita rangu ndinonzi Maricela weku Peru.
-
Tichiri mukati memusangano we Interactive Prayer,
-
ndakagamuchira rusununguko ne ruponeso.
-
Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu.
-
Izvi ndizvo zvinovava zvandakarutsa:
-
Ndakanzwa moto uye simba raMwari.
-
Ndapora uye ndasunungurwa kuitira mbiri yaMwari.Ameni!
-
Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine,
-
ndinotenda Mwari zvikuru
-
nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira.
-
Mumunamato uyu, ndanunurwa
-
uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri.
-
mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo.
-
ndinotenda Mwari zvikuru.
-
Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine.
-
Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine.
-
Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu.
-
Tichiri mukati mekunamata, ndange ndichirutsa
-
pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri.
-
Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru.
-
Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose.
-
Tirikufara.
-
Mangwanani , Mwari Anesu.
-
Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa.
-
Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu.
-
Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Saturday,
-
Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura,
-
ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu.
-
ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya,
-
zvairwadza zvikuru,
-
kunyange mabozo angu airwadza.
-
Mushure mekurutsa izvi zvose,
-
zveshuwa, hapana chandichanzwa.
-
Marwadzo ose akapera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa,
-
kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu .
-
Tinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma.
-
Mangwanani.
-
Zita rangu ndinozi Jane uye ini hangu ndinobva ku France.
-
Uchapupu hwangu hwakamira saizvi.
-
Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino,
-
Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka.
-
kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya,
-
mazino angu nemagamu angu airwadza.
-
Ikozvino ndakunzwa zvakanaka.
-
Mukoma Chris pavange vachitinamtira,
-
Ndakanzwa kurerukirwa, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso
-
ndokubva ndatanga kurutsa.
-
Honai izvi ndizvo zvandakarutsa.
-
Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu.
-
Ndinonzi Grace weku Philippines.
-
ikozvino ndiri ku Qatar.
-
zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV,
-
Ndakanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndairutsa.
-
Handikwanisi kunyatsozvitsanangura zvaiitika mumuviri wangu
-
Ndakatanga kurutsa
-
Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri.
-
Ndinotenda Mwari,
-
Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu.
-
Hareruya, Ndinokutendai Jesu.
-
Zita rangu ndinonzi Gert,
-
Ndinobva ku South Africa.
-
Panguva yemunamato, ndakarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu.
-
Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva.
-
Ibvi rangu 100%:
-
Hapachisisina marwadzo.
-
Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva.
-
Mbiri kuna Mwari.
-
Zita rangu ndinonzi Haydee weku Costa Rica.
-
Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai!
-
Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndakagamuchira kuporeswa
-
kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi.
-
Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo.
-
Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia.
-
Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu,
-
nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu.
-
Munhu waMwari pavange vachitinamatira,
-
Ndanzwa simba guru raMwari pandiri.
-
Pavange vachitinamatira,
-
Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu.
-
Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa,
-
Ndavekunzwa zvakanaka mumoyo wangu
-
Ndave nerunyararo mukati mepfungwa.
-
Mhoroi mose, Zita rangi ndinonzi Dina
-
uye ndirikubatana pamwe chete nechinochirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada.
-
Ndirikutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise
-
kubata kuvanhu vakawanda pasi rose.
-
Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe vavanhu ava
-
vakwanisawo kupinda muchirongwa chemunamato wanhasi.
-
Panguva yemunamato,
-
ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata,
-
Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu.
-
Ndanzwa kureruka.
-
Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri.
-
Ndinoziva kuti Runyararo urwu runobva kunaMwari chete.
-
Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara.
-
Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri.
-
Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura.
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-
-