Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo. Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo. Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko. Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu. Tinokugashirai kumusangano wemunamato. Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom. Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa musangano wanhasi uno ndewe marudzi ose. Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe. Kunyange kusvika kuUkraine nyika iri mundangariro dzedu neminamato yedu panguva ino. Ndinoda kutenda moyo yose inotenda kuna Jesu, vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama kubva pandiri kusvika pamuri, anotenda kuti Jesu Kristu achakubata nhasi nenzira inokosha, nokuti kutenda maari kunokudza Mwari kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye. uye Mwari vanokudza avo vanomukudza. Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda kuti kuda kwavo kutinunura, kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose. kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu. saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu. Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari, sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23 kuti shoko raMwari imhodzi, imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure. Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu, mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu. kana kutevedzera mumwe munhu. kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memoyo wako, kunofanhira kubuda mumoyo mako. zvichibva pashoko raMwari. saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu, moyo wako wakamirasei ? Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi. moyo wako wakamirasei ? nokuti ndaona nhasi kuti vanhu vakawanda vanotsvaka Mwari, vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo, kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo, asi moyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika, moyo yavo irikunetsekana asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27 Moyo yenyu ngairege kumanikidzwa. zvino hazvireve kuti hapazove nedambudziko. havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko, asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu hongu pane zvikonzero zvekunetsekana asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane. kunyange kwose kwose kune kusagadzikana, tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo. asi semuKristu, moyo wako ngauzorore mukuziva kuti Mwari vanewe. sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu, asi semukristu moyo wako ngauzorore mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31). kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari kuti havazombofa vakakusiya kana kukurasa. sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5. saka vanhu vaMwari kudikamisa moyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu, kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako, Tarisa kuna Jesu. Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28. Jesu anoti, Huyai kwandiri vose vakaremerwa, ndikupeyi zororo. kana Mwari vakativimbisa zororo hapana chikonzero chekuti moyo yedu isazorore. Tinongoda kuziva chokwadi ichi, pinda mukuwirirana neshoko raMwari. saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi, Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari. Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro anopokana neshoko raMwari. Revesa nemoyo wako wose. kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemoyo wako naikoko kubvumirana kwemoyo wako , ikozvino yavanguva yekunamata. moyo wako unofanhira kuwirirana naMwari. moyo wako unofanhira kubvumirana naMwari. moyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa, usina shungu, usina marwadzo ekare. izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari. Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako, uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi. chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari, regererwa nemuzita raJesu Kristu. rusvingo urwu rwuri pakati pemoyo wako nemweya waMwari, ngaribve izvezvi, ngaribve izvezvi, ngaribve izvezvi. Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu, sunungurwa muzita raJesu. Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu. Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu, ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako. Ngaibude izvezvi. Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo. Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi. Iwe chirwere, iwe chirwere, Ndati buda nezita raJesu. Buda rezita raJesu, buda izvezvi nezita rinesimba raJesu Kristu. Buda izvezvi Ikozvino, sechiito chokutenda, Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo, uri kurwadziwa panyama , isa ruoko rwako ipapo izvezvi zarura moyo wako, taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera, buda nezita raJesu, buda izvezvi. Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo. Buda izvezvi, buda izvezvi. Buda izvezvi. Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku, murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino, kunyange tiri kure nekure, simba raMwari riri kuburuka. Zarura moyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake. Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi, chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda. Ino inguva yako, Ikozvino inguva yako. Ndinoti kune mweya yese, sungwa neMweya wa Kristu. Sungwa neMweya wa Kristu nezita raJesu. mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake. kuita kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako, kutevera nzira yakarurama. Vhura muromo wako, umukumbire ikozvino. Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata. Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu. Tanga kuzvitarisa izvezvi, Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa. Wanunurwa, zvitarise izvezvi. Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa. [shanduro yechiSpanish ] Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika, maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa. Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake. Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari. Ikozvino inguva yako. nguva iya mukadzi aibuda ropa paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu, kutenda kwake ndiko kwakamuporesa. Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukuporese nhasi uno. Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukununure nhasi uno. Ndinonamata kuti kutenda kwakowo kukuponese nhasi uno, nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu. Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako kuti ibude nemuzita raJesu Kristu. Buda nemuzita raJesu Kristu. mweya yese irikubata mukati memusoro wako, buda izvezvi. mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi. mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu. mune chero chikamu chehupenyu hwako, mweya yetsvina pairikubata, zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako, zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumumhuri yako, dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu. Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi. Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko. Shoko renyu rinoparidzira rusununguko. Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko ikozvino, rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako. Rusununguko kumuviri wako nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu. Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako nemuzita rinesimba raJesu Kristu. Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu humwari. Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu. Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako, ndezvako chaizvo chaizvo. HUCHAPUPU Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene. ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa. Ndinogara mu United Kingdom. Mumwedzi waGumiguru 2021, ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament. yakatsemuka zvachose. Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya, uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki. Ndisingagone kufamba. VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL, Kuitwa kwesejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupona. Asi ndinotenda seKristu akazvarwa patsva, zvirinani kutsvaga Mwari chekutanga. Ndakaronga kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu. nhasi uno, musangano we Interactive Prayer usati watanga, ndagnge ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu, ndange ndisingakwanise kufamba ndisina simbi dzinobata mabvi angu. mukati memunamato, ndange ndikavhara maziso angu, ndichinamata na Mukoma Chris. ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari. Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu. Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paskrini. hapana chandanga ndichinzwa, asi mushure memunamato pavati wasunungurwa, ndabva ndabvisa simbi iya yanga iri pabvi rangu, ndatanga kurinzwa ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika, uye ndikabva ndatanga kusvetuka. Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa mumashure, kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa. Ndavekukwanisa kusvetuka. Ndavekukwanisa kumhanya. Ndinotenda Jesu. Makomborero muzita raJesu. Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras. Ndinoda kukuudzai kuti mushure muporofita Chris vatanga kunamata, ndange ndavakutonzwa kununurwa, kakufaranuka kapinda mukati memoyo wangu wese, uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari. Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu, uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumoyo mangu. Ndinorumbidza Jesu. Ndinokutendai Jesu. Ndinokudai Jesu. Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago. Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe nana Mukoma Chris. mumusangano we Interactive prayer. Tichiri mumusangano uyu we Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vakati zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva mweya wainge urimandiri wakatanga kuzviratidza , ukati Ayehwa handiendi. ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite asi pavakaramba vachinamata wakabva waenda ndakatanga kunzwa kurerukirwa uye nekusvipa zvinhu zvaivava. Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo. Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa. Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese. Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo. Marwadzo acho aibva kubva kuchidya zvichidzika, zvaiva zvisingaite. vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese. zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi. mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kudonha. pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora. Ndakabva ndatanga kukosora. ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate. mushure maizvozvo, ndakakotama mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora. ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu, sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu, ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari nekuvatenda nekundiporesa. uye zvino, hapachisina. ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandi. sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka. Ikozvino ndavekugona kusvetuka. Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama. ndapora. Ndinokutendai Jesu. Zita rangu ndinonzi Maricela weku Peru. Tichiri mukati memusangano we Interactive Prayer, ndakagamuchira rusununguko ne ruponeso. Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu. Izvi ndizvo zvinovava zvandakarutsa: Ndakanzwa moto uye simba raMwari. Ndapora uye ndasunungurwa kuitira mbiri yaMwari.Ameni! Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine, ndinotenda Mwari zvikuru nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira. Mumunamato uyu, ndanunurwa uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri. mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo. ndinotenda Mwari zvikuru. Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine. Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine. Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu. Tichiri mukati mekunamata, ndange ndichirutsa pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri. Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru. Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose. Tirikufara. Mangwanani , Mwari Anesu. Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa. Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu. Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Saturday, Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura, ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu. ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya, zvairwadza zvikuru, kunyange mabozo angu airwadza. Mushure mekurutsa izvi zvose, zveshuwa, hapana chandichanzwa. Marwadzo ose akapera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa, kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu . Tinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma. Mangwanani. Zita rangu ndinozi Jane uye ini hangu ndinobva ku France. Uchapupu hwangu hwakamira saizvi. Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino, Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka. kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya, mazino angu nemagamu angu airwadza. Ikozvino ndakunzwa zvakanaka. Mukoma Chris pavange vachitinamtira, Ndakanzwa kurerukirwa, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso ndokubva ndatanga kurutsa. Honai izvi ndizvo zvandakarutsa. Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu. Ndinonzi Grace weku Philippines. ikozvino ndiri ku Qatar. zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV, Ndakanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndairutsa. Handikwanisi kunyatsozvitsanangura zvaiitika mumuviri wangu Ndakatanga kurutsa Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri. Ndinotenda Mwari, Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu. Hareruya, Ndinokutendai Jesu. Zita rangu ndinonzi Gert, Ndinobva ku South Africa. Panguva yemunamato, ndakarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu. Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva. Ibvi rangu 100%: Hapachisisina marwadzo. Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva. Mbiri kuna Mwari. Zita rangu ndinonzi Haydee weku Costa Rica. Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai! Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndakagamuchira kuporeswa kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi. Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo. Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia. Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu, nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu. Munhu waMwari pavange vachitinamatira, Ndanzwa simba guru raMwari pandiri. Pavange vachitinamatira, Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu. Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa, Ndavekunzwa zvakanaka mumoyo wangu Ndave nerunyararo mukati mepfungwa. Mhoroi mose, Zita rangi ndinonzi Dina uye ndirikubatana pamwe chete nechinochirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada. Ndirikutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise kubata kuvanhu vakawanda pasi rose. Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe vavanhu ava vakwanisawo kupinda muchirongwa chemunamato wanhasi. Panguva yemunamato, ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata, Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu. Ndanzwa kureruka. Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri. Ndinoziva kuti Runyararo urwu runobva kunaMwari chete. Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara. Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri. Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura.