Vhidhiyo pamusoro peKuva neChisungo Pamunamato
-
0:00 - 0:03(vana varikuseka)
♪ mumhanzi ♪ -
0:03 - 0:15♪ mumhanzi wakapomboka ♪
-
0:15 - 0:23(misindo yendudzi dzakasiyana-siyana)
♪ mumhanzi ♪ -
0:23 - 0:32[unoyerera zvakapomboka]
♪ mumhanzi ♪ -
0:32 - 0:35(mushauri wechirume)
Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro, -
0:35 - 0:38vanhu vachinamata
nokuperera nekuzvininipisa. -
0:38 - 0:40♪ mumhanzi ♪
-
0:40 - 0:42Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro
-
0:42 - 0:43nekurambidzwa kuparidza vhangeri,
-
0:43 - 0:47sangano rakanamata, varume vairi
vakapupura -
0:47 - 0:49zvine simba uye nenyasha.
-
0:49 - 0:54♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
0:54 - 0:57Vanhu vakanamata kwese-kwese
nohumwe -
0:57 - 1:00vakatendeuka, pamwe nokureurura
uye nokuzvininipisa. -
1:00 - 1:03Upenyu hwevanhu hukashanduka.
-
1:03 - 1:04(dombo rakapfekerwa)
♪ mumhanzi wamakwaya ♪ -
1:04 - 1:07♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
1:07 - 1:10Varume vairi vakapinda murwendo
rwoumishinari -
1:10 - 1:14rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri.
-
1:14 - 1:17♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
1:17 - 1:21Naizvozvo vhangeri rakaenda
kunyika dzekunze. -
1:21 - 1:24♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
1:24 - 1:28Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti
musungwa apunyuke mujeri. -
1:28 - 1:31♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
1:31 - 1:35Umwe mambo akakumbira
kuti vanhu vake vanamate nokutsanya -
1:35 - 1:37muvengi akakundwa.
-
1:37 - 1:40Hondo yakakundwa zvisingatsvagi kurwisana.
-
1:41 - 1:46♪ mumhanzi wamakwaya ♪
-
1:46 - 1:50Kuburikidza nemuranda akavimbika
nekuvimbika neushingi hwamambokadzi -
1:50 - 1:53vechidiki, vanhu vazhinji vakaponeswa.
-
1:53 - 1:58Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza
simba rekubatana pamunamato. -
1:59 - 2:00Pandakaverenga bhuku raMabasa,
-
2:00 - 2:04ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro
pekubatana kwevatendi pamunamato, -
2:04 - 2:07nepamusoro paMwari vanopindura minamato.
-
2:07 - 2:09Kuzvimisira kunamata pachako
chinhu chakakosha. -
2:09 - 2:12Minamato inotwa muchivande
inopa upenyu kumweya. -
2:12 - 2:17Asi tinoziva kuti hakuna
kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe -
2:17 - 2:21nzvimbo munyika ino yese, rusina
kutangiswa nechisungo chemunamato. -
2:21 - 2:25Tenzi vedu vakataura pane imwe nguwa kuti
-
2:25 - 2:29"vanhu vaviri vakatenderana pasi pano
pane chimwe chinhu chavanokumbira, -
2:29 - 2:33vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..."
Saka pane kubatanidzwa kunoitika -
2:33 - 2:37kana tikakochanisa mazwi edu
tichichema kuna Mwari. -
2:37 - 2:40Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita,
-
2:40 - 2:45munamato ikiyi inovhura imba inokotswa
-
2:45 - 2:46zvikomborero nezvipo zvedenga.
-
2:46 - 2:48Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White
-
2:48 - 2:50pamusoro pechisungo chemunamato
akasimba chaizvo. -
2:50 - 2:53Anoti pane imwe nzvimbo-
-
2:53 - 2:56paanonyorera vekwaFansworth, anoti
-
2:56 - 2:58chisungo chemunamato
chine simba guru -
2:58 - 2:59kupfuura kunamata muchivande.
-
2:59 - 3:01Anoti, "Sei zvichidaro?"
-
3:01 - 3:03Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi.
-
3:03 - 3:05Mwari vanofadzwa zvikuru
-
3:05 - 3:06kana tanyatsova nehumwe,
-
3:06 - 3:09kana tikabatana pamwe
sezvakaita vatendi vemuna Mabasa. -
3:09 - 3:11Mune imwe nhaurwa anoti,
-
3:11 - 3:14panoitwa munyengetero nomwoyo
wese, hondo yose yasatani inobvunda. -
3:14 - 3:18Jesu anoziva kuti tsika
yokunamata nevamwe -
3:18 - 3:23inobatsira kubvisa chindini
chinowanzowanikwa -
3:23 - 3:25muminamato yedu patinonamata tega.
-
3:25 - 3:29Naizvozvo kana Bhaibheri richiti,
"Imi tsungai pakunamata," -
3:29 - 3:32harisi kutaura nechiito
chinoitwa nemunhu umwe. -
3:32 - 3:37Chidaidziro kusangano rese
kuti ridane kuna Mwari. -
3:37 - 3:39Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari
-
3:39 - 3:42asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari.
-
3:42 - 3:47Zvakare ndinofunga kuti Mwari
vanotishandisa semhinduro -
3:47 - 3:50kuminamato iyoyo. Kana uchitarisa
mubhuku raMabasa, -
3:50 - 3:54kubatana pamunamato
kwakayananisa vana vaMwari. -
3:54 - 3:56Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15,
-
3:56 - 3:59sangano rese rakaungana rikanamata
pamwe chete. -
3:59 - 4:02Raiziva kuti basa raiva mberi
kwavo raiva rakakura. -
4:02 - 4:04Raiziva zvakare kuti dambudziko
rakanga riri guru. -
4:04 - 4:07Raizivawo kuti pakange pasina nzira
yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese. -
4:07 - 4:11Asi pavakanamata, Mwari
vakaita chishamiso. -
4:11 - 4:13Vakadurura Mweya Mutsvene
pazuva rePendekosti -
4:13 - 4:16vanhu zviuru zvitatu
(3000) vakabhabhatidzwa. -
4:16 - 4:19Unoziva chimwe chinhu---,
paunoverenga vhesi ipapo---- -
4:19 - 4:23chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri,
mutsara wakareruka wechirungu unoti, -
4:23 - 4:26"vaiva nehwumwe".
-
4:26 - 4:29Pendekosti yaisangova chiitiko
chinoshamisa chete. -
4:29 - 4:35Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa
raKristo munyika ino. -
4:35 - 4:42Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge
zvaparadzwa zvachose, -
4:42 - 4:44apo Kristo akange achirembera
pamuchinjiko. -
4:44 - 4:46Asi ipapo, chokwadi
Kristu akamutswa. -
4:46 - 4:48Akazviratidza kuvadzidzi vake.
-
4:48 - 4:51Izvi zvakavapa maonero akasiyana
-
4:51 - 4:54pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo.
-
4:54 - 4:57Ishe wedu akaudza vadzidzi vake
-
4:57 - 5:01kuti vamirire vari muJerusalem,
vari muchisungo chemunamato. -
5:01 - 5:04Ndicho chimwe chezvaidiwa
-
5:04 - 5:06kuti mhepo huru iyi iuye
-
5:06 - 5:09nekuti Mweya Mutsvene uwepo
nezuva rePendacosti. -
5:09 - 5:11[murume arikutaura mitauro yakasangana]
-
5:11 - 5:13"Yaiva nguva yePaseka
-
5:13 - 5:16naizvozvo tese takange tiri
muimba yepamusoro muJerusalema. -
5:16 - 5:18Takange tichinamata tose nomweya wohumwe.
-
5:18 - 5:21Takanga tichinyengeterera
nekutendeuka nekuzvininipisa, -
5:21 - 5:24uye takanga tichireurura zvivi zvedu.
-
5:24 - 5:28Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe,
simba neMweya Mutsvene. -
5:28 - 5:30Pakava nehumwe
hunofadza nokushamisa zvikuru -
5:30 - 5:32patakanyengetera nomwoyo
wose pamwe chete." -
5:32 - 5:36[murume arikunamata nemitauro yakasangana]
-
5:36 - 5:39[mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana]
-
5:39 - 5:42[mutauri wechidzimai] Pakarepo
kwakatanga kunzwikwa ruzha -
5:42 - 5:45rwemhepo huru yaivhuvhuta, rwakazadza
imba yese yatakange takagara. -
5:45 - 5:47[ruzha rwemhepo]
-
5:47 - 5:49Ipapo marimi omoto akaburuka
-
5:49 - 5:51akazorora pamusoro pevanhu.
-
5:53 - 5:55[murume arikutaura mitauro yakasangana]
-
5:55 - 5:58[mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa
mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene. -
5:58 - 6:01Tonderai kuti nenguva yePasika,
-
6:01 - 6:03vanhu vaibva kunzvimbo
dzakasiyana-siyana kuzonamata -
6:03 - 6:06asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga
kunzwa vhangeri -
6:06 - 6:08umwe neumwe nemutauro wekwake.
-
6:08 - 6:10Kuburikidza naizvozvo, vanhu zviuru zvitatu
-
6:10 - 6:13vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe!
-
6:13 - 6:17♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪
-
6:17 - 6:18[mudzimai arikutaura mitauro yakasangana]
-
6:18 - 6:21[mutauri wechidzimai] Vanhu vakazvipira
-
6:21 - 6:23kuzvidzidzo zvevaporofita
nepakuyanana, -
6:23 - 6:25pakudyidzana nepakunamata.
-
6:25 - 6:28Mazuva ese vaisangana mutemberi.
-
6:28 - 6:31Vaisangana zvakare mudzimba,
vachidya pamwe chete. -
6:31 - 6:34Vanhu vakange vachiponeswa
vakaramba vachiwanda mazuva ese. -
6:34 - 6:37♪ mumhanzi wekodhi wakatsetseka ♪
-
6:37 - 6:38Tinotenda kuti chinhu chakadai
-
6:38 - 6:41chichaitika zvakare
mumazuva ekupedzisira. -
6:41 - 6:44Asi ndinofunga kuti zvinoitika
koga kana isu sesangano -
6:44 - 6:46uye sevanhu tikabatana
tikava nohumwe -
6:46 - 6:48uye nemunyengetero womwoyo wose.
-
6:48 - 6:51Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona
kutadza kuona izvi zvichiitika. -
6:51 - 6:54Zvakare, zvakaitika paPendacosti
-
6:54 - 6:58zvichaitwa zvakare, zvakapetwa
kuburikidza naIshe Tenzi -
6:58 - 7:00nenzira inopfuura yazvakaitika nayo.
-
7:00 - 7:02Apo vhangeri rengirozi
nhatu ririkuenda mberi, -
7:02 - 7:06apo vhangeri rengirozi yechina
yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa, -
7:06 - 7:10apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa
munyika yese. -
7:10 - 7:14Mweya mutsvene uchadururirwa kune
-
7:14 - 7:16avo vakazvipira kuna Mwari,
-
7:16 - 7:18vakareurura zvitema zvavo,
-
7:18 - 7:20zvakare unogona
kutishandisa nenzira inoshamisa. -
7:20 - 7:23Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6
-
7:23 - 7:25sangano rakasangana
nedambudziko rakanaka. -
7:25 - 7:27Chechi yakanga ichikura
zvinoshamisa nekukasika. -
7:27 - 7:31Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita
dambudziko rekugowerwa kwezvekudya. -
7:31 - 7:35[Varume vachiita nharo nemitauro yakasangana]
♪ mumhanzi unosimudzira ♪ -
7:37 - 7:41[mutauri wechirume] Chechi yakasangana
nematambudziko anobatika. -
7:41 - 7:44VaJudha vechiHereni vakanga
vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru -
7:44 - 7:47pamusoro pemagoverwo ekudya
kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi -
7:47 - 7:49rwavo dzakanga dzichidarikwa
paigovewa zvokudya. -
7:49 - 7:51Vaapostora vakaona zvakakosha
-
7:51 - 7:55kuti vakoshese basa rekunamata
nekuparidza vhangeri. -
7:55 - 7:57Naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe
-
7:57 - 8:01kuti vabate aya mabasa anobatika.
-
8:01 - 8:04♪ mumhanzi unosimudzira ♪
-
8:04 - 8:06[murume achitaura mitauro yakasangana]
-
8:06 - 8:10[mutauri wechirume] "Vapostori
vakatikumbira seboka -
8:10 - 8:12kuti tisarudze varume vanomwe
-
8:12 - 8:16vakagarwa neMweya Mutsvene uye
vane uchenjeri. -
8:16 - 8:18Chikumbiro ichi chevapostori
-
8:18 - 8:20chakafadza boka rese revatendi.
-
8:20 - 8:23Saka takatanga basa rekusarudza
vashandiri ava. -
8:23 - 8:25Pavakangosarudzwa,
-
8:25 - 8:28vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu,
-
8:28 - 8:32vakaiswa maoko pamusoro,
vakanamatirwa. -
8:32 - 8:36[mutauri wechipiri] "Munamato uri chinhu
chekutanga kusangano, -
8:36 - 8:39rakaramba richibudirira, chechi
ikakura nekukasika." -
8:39 - 8:44Vapirisita vazhinji vakatanga
kuteerera shoko raMwari. -
8:44 - 8:47Saka pano ndinoona kuti
pane nyaya inoti, -
8:47 - 8:49kana tasangana nematambudziko,
-
8:49 - 8:52ngatishandisei uchenjeri,
ngatishandisei zvatakadzidza, -
8:52 - 8:54asi zvakare ngationei kuti
-
8:54 - 8:57tina Mwari anopindura minamato;
anogona kutipa uchenjeri. -
8:57 - 8:59Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji.
-
8:59 - 9:01Machechi ane matambudziko makuru,
-
9:01 - 9:05anoagadzirisa paanouya pamwe chete
kuzonamata. -
9:05 - 9:07♪ mumhanzi wemakwaya webaritoni ♪
-
9:07 - 9:12[Mupristi mukuru achiudza
Petro naJohani zvokuita] -
9:12 - 9:17[Mupristi mukuru achienda mberi
kuudza Petro naJohani zvokuita] -
9:17 - 9:19[Mutauri wechirume]
Petro naJohani vakadaidzwa -
9:19 - 9:22nevapristi vakuru nevakuru vesangano
pamusana pekushumaira kwavaiita. -
9:22 - 9:24Vakaedza kuzvidzivirira,
-
9:24 - 9:26asi vatungamiri ava
vakavaomesera zvikuru. -
9:26 - 9:27Vakavaudza kuti vasataure
-
9:27 - 9:29kana kudzidzisa nezvaJesu.
-
9:29 - 9:33Mushure mekutyisidzirwa,
vakavarega vachienda. -
9:33 - 9:35Petro naJohane vakadzokera
kuvanhu vavo. -
9:35 - 9:38Vakanotaura zvese zvakange
zvataurwa nevakuru vechechi. -
9:38 - 9:41♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪
-
9:41 - 9:43[murume achitaura mitauro yakasangana]
-
9:43 - 9:47"Patakanzwa zvese izvi, takabva
tangosimudza mazwi edu mumunamato. -
9:47 - 9:51Boka rese rakanamatira Petro naJohane.
-
9:51 - 9:56Takanamata kuti Mwari vape ushingi
kuvaranda vavo ava vaviri vakazvinipisa. -
9:56 - 10:00Ndakange ndisati ndambopinda mumunamato
wakaperera zvakadaro kwenguva yakareba. -
10:00 - 10:04Patakapedza munamato, chiripo-ripocho,
nzvimbo yese yatakange tiri yakadengenyeka." -
10:04 - 10:06[Mumwe murume achitaura
mitauro yakasanganiswa] -
10:06 - 10:08"Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene.
-
10:08 - 10:09Petro naJohane ndookubuda
-
10:09 - 10:14vakapupura nesimba guru nenyasha
munyika yese -
10:14 - 10:16nezvekumuka kwaJesu Kristo."
-
10:16 - 10:18♪ mumhanzi wekupedzisira wemakodhi ♪
-
10:18 - 10:21Ndinofunga kuti Petro naJohani
vaivana simba guru -
10:21 - 10:23mukuziva kuti vakange vachinamata
-
10:23 - 10:25uye kubva pasimba rinouya
-
10:25 - 10:26kana vanhu vachitinamatira.
-
10:26 - 10:27Kunouya runyararo,
-
10:27 - 10:29nesimba rinobva kuna Mwari
-
10:29 - 10:33rinosvika matiri kana kuine vatendi
vazhinji varikudaira munamato iwoyo. -
10:33 - 10:34♪ mumhanzi wakaterama ♪
-
10:34 - 10:39[mutauri wechidzimai] "Ipapo Esita
akatumira mhinduro iyi kuna Mordecai: -
10:39 - 10:43'Enda undounganidza vaJudha
vese vari kuSusa -
10:43 - 10:47munamate nekunditsanyira.
-
10:47 - 10:52Musadye kana kumwa chimwe
chinhu kwemazuva matatu. -
10:52 - 10:57Ini nevabati vangu tichatsanyawo
sezvamunenge muchiita. -
10:57 - 11:01Mushure maizvozvo ndichaenda kuna mambo
-
11:01 - 11:03kunyangwe zvazvo zvri kunze kwemutemo.
-
11:03 - 11:07Kana ndaparara, ndaparara.'"
-
11:07 - 11:28♪ mumhanzi usingagumi unoramba uchikwira ♪
-
11:28 - 11:30♪ kusaruta kwepahondo ♪
-
11:30 - 11:32Tikatarisa zvakare
pana Esita iye zvino -
11:32 - 11:34tinombofunga kuti aiva
musikana akareruka. -
11:34 - 11:37Munoziva, aiva musikana
azere kutenda. -
11:37 - 11:40Asi aigona kuva munhu atovhundutswawo
-
11:40 - 11:42sezvataingaita isu nhasi.
-
11:42 - 11:45Yaiwa nguva yakaoma zvikuru.
-
11:45 - 11:47Munoiziva tsumo yekare inoti
hapana chinhu -
11:47 - 11:50chakafanana nekuti vanhu vasingatendi
vakahwanda mumwena yemakava. -
11:50 - 11:53Apa vaitoziva kuti kana
-
11:53 - 11:56Mwari vakasapindira,
-
11:56 - 12:00kana denga rikasapindira,
vaitorasikirwa nezvese. -
12:00 - 12:05Asi Esita akange akachenjera zvakadaro
zvekuti akati kuna sekuru vake Mordecai, -
12:05 - 12:08'Iniwo navarandakadzi vangu
-
12:08 - 12:12tichatsanyawo...
...endai munounganidza vaJuda -
12:12 - 12:15vose vari muSusa mugotsanya
zvodya pamusana pangu.' -
12:15 - 12:17Ndinofunga kuti tinorasikirwa zvikuru
-
12:17 - 12:19panodururwa simba raMwari
-
12:19 - 12:22munyika ino nekusatsanya.
-
12:22 - 12:25izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva
tarega kudya zvachose -
12:25 - 12:28asi tinofanira kuzvinyima chimwe chinhu
-
12:28 - 12:30chatinofarira zvakanyanya mazuva ese.
-
12:30 - 12:32Tikabatanidza izvozvo neminamato
-
12:32 - 12:35tiri pamwe chete nevamwe,
zvinobatsira zvikuru -
12:35 - 12:37kurwa hondo iyi huru.
-
12:37 - 12:40Zviri nyore zvikuru kukanganwa
dzimwe nguva -
12:40 - 12:43kuti hatigoni kumira tega tisina
kutsamira pana Mwari. -
12:43 - 12:46Saka Dwight Nelson achititondedza kuti-
-
12:46 - 12:48Ngatinamatei setagumirwa!
-
12:48 - 12:49Esita akange agumirwa.
-
12:49 - 12:52Ngatinamatei minamato
inodaidza mhinduro ipapo! -
12:52 - 12:54Uye ngatinamatei minamato yetarisiro.
-
12:54 - 12:58Ndinoona kuti minamato yaEsita
yaibata izvi zvinhu zvitatu. -
12:58 - 12:59Kana mukatarisa mubhuku raMabasa,
-
12:59 - 13:02munamato vaibatanidza vanhu zvikuru.
-
13:02 - 13:05Imbofungai nezvaPetro naKoniriyasi.
-
13:05 - 13:10Koniriyasi aiwa muJentairi,
Petro ari muJudha. -
13:10 - 13:14MaJudha nemaJendairi vaisasangana
kutaudzana, -
13:14 - 13:20kana kushanyirana mudzimba
kana kudya pamwe-chete. -
13:20 - 13:23Apa, Mweya mutswene wakatoputsa midhuri
yaipatsanisa marudzi aya. -
13:23 - 13:28Mumwe mujendairi wechiItariya,
Koniriyasi, akange achinamata. -
13:28 - 13:31Hazvina kuitika setsaona!
Akange achinamata. -
13:31 - 13:34Petrowo, ari paimba yepamusoro
akange achinamata. -
13:34 - 13:36Zvino akanamata nguva
yakareba kusvikira akotsira. -
13:36 - 13:39Petro anotanga kurota pamusoro
pejira guru raidzika pasi -
13:39 - 13:41riine mhando nemhando
dzemhuka mariri. -
13:41 - 13:44Mwari ndokuti kuna Petro,
simuka Petro, uraya ugodya. -
13:44 - 13:46Petro anopindura kuti, handisati ndambodya
-
13:46 - 13:49chinhu chakan'ora, chisina kuchena
senyoka, makarwe kana makonzo. -
13:49 - 13:50Asi muono uyu wakange usiri
-
13:50 - 13:53pamusoro pezvekudya
zvakachena kana zvakasviba. -
13:53 - 13:55Muono wakanga uchitaura pamusoro
-
13:55 - 13:57pekuremekedza dzimwe ndudzi.
-
13:57 - 14:02Mwari vanotumira miono,
zviratidzo kune vese vari vairi. -
14:02 - 14:04Miono iyi yakadhiritsa mudhuri
-
14:04 - 14:06waivapatsanisa.
-
14:06 - 14:09Naizvozvo Petro akadaidzira,
kuti Mwari vandiratidza -
14:09 - 14:12kuti Havana rusarura.
-
14:12 - 14:15Vari vairi, vese vakanamata,
muJudha nemuJendairi, -
14:15 - 14:17minamato yavo ikakwira kudenga
-
14:17 - 14:19ikasangana pachigaro chaMwari.
-
14:19 - 14:27♪ mumhanzi wepiyano unokwira seunokukurwa ♪
-
14:27 - 14:31[mutauri wekutanga] "Akange ari masikati
apo Petro akakwira -
14:31 - 14:33pamusoro pemba kunonamata.
Ndipo paakapiwa muono -
14:33 - 14:37wejira guru rakange riine musanganiswa
wemhuka dzisina kuchena -
14:37 - 14:39raimirira zvinotaura raMwari
-
14:39 - 14:40pamusoro pekusiyana-siyana
-
14:40 - 14:42kwevanhu musangano raMwari ririkukura."
-
14:42 - 14:45♪ nyere ichiridzwa zvakanyorovere ♪
-
14:45 - 14:48[mutauri wechipiri] "Takange
tanzwa kuti Petro akange achigara -
14:48 - 14:50kuimba yaSaimon, musuki wamatehwe,
-
14:50 - 14:54tikatumwa naKoniriyasi, mukuru
weboka rezana kunomutsvaka." -
14:54 - 14:56♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi ♪
-
14:56 - 14:58[Mutauri wekutanga] "Petro paakange
achiri kufunga nezvemuono, -
14:58 - 15:01Mweya Mutsvene wakamutaurira
kuti adzike pasi -
15:01 - 15:05nekuti painge paine varume
vatatu vaimutsvaga." -
15:05 - 15:06[murume mumweyo achitaura
mitauro yakasanganiswa] -
15:06 - 15:08"Petro akadzika akandotaurira varume vaya
-
15:08 - 15:12kuti ndiye munhu vavakange vachitsvaga."
-
15:12 - 15:17♪ mumhanzi wepiyano nenyere
unoenda mberi zvakanakisa ♪ -
15:17 - 15:19[mutauri wechipiri] "Takazotaurira
Petro kuti -
15:19 - 15:21Koniriyasi, mukuru wezana,
-
15:21 - 15:25akange audzwa nengirozi kuti Petro aizouya
kuzomuona kumba kwake." -
15:25 - 15:27Naizvozvo, Petro asingazivi,
-
15:27 - 15:31Koniriyasi akange akatomirira
kushanyirwa naPetro kuSizariya. -
15:31 - 15:33[murume wekutanga achitaura zvakare]
-
15:33 - 15:36"Zvakaitika apa hazvina kujairika.
-
15:36 - 15:39Iko kungoti Petro akapinda mumba-
-
15:39 - 15:41tonderai kuti zvakange
zvisingabvumidzwi nemutemo -
15:41 - 15:43kuti muJudha adyidzane
-
15:43 - 15:45kana kushanyira vaJendairi."
-
15:45 - 15:47♪ mumhanzi wakatoweka ♪
-
15:47 - 15:50[mutauri wechipiri] "Koniriyasi akaudza
Petro kuti -
15:50 - 15:52mazuva matatu apfuura
akange achinamata -
15:52 - 15:54ari mumba make
apo ngirozi yakamushanyira." -
15:54 - 15:57[murume wekutanga achitaura mitauro
yakasanganiswa zvakare] -
15:57 - 16:03"Petro akataurira Koniriyasi manzwisisiro
ake matswa ekuti Mwari haVasarudzi -
16:03 - 16:04uye ndiTenzi Vevese.
-
16:04 - 16:07Izvi zvakaunza shanduko itsva.
-
16:07 - 16:08Kubva zvino zvichienda mberi,
-
16:08 - 16:12vhangeri rakatanga
kuparidzirwawo kune mamwe mapoka. -
16:12 - 16:17Uye izvi zvakatanga
nemunamato, kutsanya nekuna muono. -
16:17 - 16:19Zvakaita sepavakwa zambuko
pakati pevetsika dzakasiyana -
16:19 - 16:21Midhuri yemipatsano yakaputsirwa pasi.
-
16:21 - 16:23Mwoyo yakabatanidzwa.
-
16:23 - 16:26
Uye vakava mumwe muna Jesu Kristu. -
16:26 - 16:28Vhangeri rakaiswa pachena kumaJendairiwo.
-
16:28 - 16:31Kubatana paminamato kunoshanda
sei pakubvisa mupatsa pakati pendudzi? -
16:31 - 16:34Patinopfugama pamwe-chete-
-
16:34 - 16:37tsika dzakasiyana, kwatinobva,
-
16:37 - 16:39makudzirwo edu akasiyana,
-
16:39 - 16:42misiyano pamadzidziro atakaita,
-
16:42 - 16:43misiyano pamarudzi eganda redu
-
16:43 - 16:46patinopfugama pamwe-chete
-
16:46 - 16:49mwoyo yedu inobva yabatanidzwa
seumwe muna Jesu Cristo. -
16:49 - 16:50Ndikatarisa mubhuku raMabasa 13,
-
16:50 - 16:53umo sangano rekuAndiyoku
-
16:53 - 16:56rakange rave kutumira Pauro naBarnabas.
-
16:56 - 16:58Richivaisa maoko pamusoro.
-
16:58 - 17:00Vakanamatira chipo
cheMweya Mutsvene. -
17:00 - 17:04Mubhuku raMabasa 13, kuisa maoko
pamusoro kwaimirira kutsaurwa, -
17:04 - 17:08kwaPauro naBhanabhasi
pabasa revhangeri neumishinari. -
17:08 - 17:11Vakange vave kuzonotangisa
nzwendo dzavo dzeumishinari. -
17:11 - 17:15Handifungi kuti pane mashiripiti
panyaya yekuiswa maoko pamusoro. -
17:15 - 17:17Ndinofunga kuti mufananidzo
chete. -
17:17 - 17:19Sezvakangoita mvura parubhabhatidzo
-
17:19 - 17:22kana kuti chingwa chisina mbiriso
nemuto wemazambiringa -
17:22 - 17:24parusando rwechidyo chaTenzi.
-
17:24 - 17:26Kana chechi ikauya nohumwe
-
17:26 - 17:28ichiisa maoko pamusoro peumwe munhu
-
17:28 - 17:31vanange vachinamatira munhu iyeye,
-
17:31 - 17:36vachimutsaurira basa rakatsanangurika
reupupuri neushumiri. -
17:36 - 17:37[murume arikutaura mitauro yakasanganiswa]
-
17:37 - 17:39Apo vaporofita nevadzidzi
vesangano rekutanga -
17:39 - 17:41vakange vachitsanya nekunamata,
-
17:41 - 17:43Mweya Mutswene Wakadaidza
Pauro naBhanabhasi -
17:43 - 17:46kuti vaende parwendo rwavo
rwekutanga rwehumishinari. -
17:46 - 17:49Chechi yakanamata pamwe-chete
vasati vatuma ava vaviri. -
17:49 - 17:50♪ mumhanzi unenge wengirozi ♪
-
17:50 - 17:52[mutauri wechidzimai achitaura
mitauro yakasanganiswa] -
17:52 - 17:54"Vakaiswa maoko pamusoro
tikavanamatira nemwoyo yakaperera. -
17:54 - 17:57Sesangano rakabatana, takanamatira
kuchengeteka kwavo parwendo -
17:57 - 18:01uye kuti Mwari vavape mashoko akafanira
avasingataura kuzvaunga. -
18:01 - 18:03Takanamatira kuti mamishinari
-
18:03 - 18:05edu abudirire mubasa
rekuparidza vhangeri. -
18:05 - 18:07♪ mumhanzi uchikwira ♪
-
18:07 - 18:10Pauro naBhanabhasi
vakafamba nzvimbo dzakawanda -
18:10 - 18:12KuSaipurasi, vaparidza shoko raMwari
-
18:12 - 18:14mumuasinagogo emaJudha.
-
18:14 - 18:17KuAndiyoki yekupisidhiya,
guta rese -
18:17 - 18:19rakaungana kuti rinzwe shoko raMwari.
-
18:19 - 18:22MaJendairi pavakanzwa shoko,
vakatenda muna Mwari. -
18:22 - 18:25Shoko raJehovha rakapararira
munyika yose -
18:25 - 18:29vadzidzi vakazadzwa
nerufaro nemweya Mutsvene. -
18:29 - 18:31♪ mumhanzi unoverera unenge wengirozi ♪
-
18:31 - 18:35Pauro nabhanabhasi vakagadza
vakuru vesangano muchechi yega-yega -
18:35 - 18:38vakanamata nekutsanya,
vachivaisa kunaMwari. -
18:38 - 18:40Vakaunganidza sangano pamwe-chete
-
18:40 - 18:43vakavazivisa zvese izvo Mwari
vakange aita kuburikidza navo -
18:43 - 18:46uye kuti Vakange vavhura musiwo
kumaJendairi. -
18:48 - 18:49Sesangano remunamato,
-
18:49 - 18:53kana tichiisa maoko pamusoro
peavo vatinenge tichinamatira, -
18:53 - 18:56zvinomirira maoko aMwari.
-
18:56 - 18:58Kupfugama takakomberedza munhu,
-
18:58 - 19:00kuvatsaurira basa iroro,
-
19:00 - 19:02tinenge tichikumbira Mweya Mutsvene
-
19:02 - 19:04kuti uvape simba nekuvashingisa
-
19:04 - 19:07pabasa iro Mwari anenge
avapa vachitumwa nechechi. -
19:07 - 19:10Ndinotondera imwe nyaya apo Pauro aiva-
-
19:10 - 19:12akasangana nemudzimai akanaka.
-
19:12 - 19:15Zita rake ainzi Lydia. Akange achinamata.
-
19:15 - 19:18Ndinofunga kuti paive parwizi,
handinyatsozivi, -
19:18 - 19:20kana kuti parutivi petsime.
-
19:20 - 19:22Kana kuti paive pakati pemusika,
-
19:22 - 19:25hameno zvaiitika nguva dzavo.
Chero kwainge kuri kupi, -
19:25 - 19:28Mwari vakakwanisa kudzidzisa mwoyo wake.
-
19:28 - 19:31Bhaibheri rinotitaurira kuti akagamushira
-
19:31 - 19:33shoko revhangeri akabhabhatidzwa.
-
19:33 - 19:36[mutauri wechidzimai] "Takange tiri
boka remadzimai, takamira -
19:36 - 19:39kunze kweguta, parwizi,
panzvimbo yedu yemunamato. -
19:39 - 19:41Ridhiya, mutengesi wehanzu tsvuku,
-
19:41 - 19:43aibva kuTiyatira akange aripowo.
-
19:43 - 19:46Varume vaviri vakasvika,
vakatanga kutaura nesu, -
19:46 - 19:48vakatikoka kuti tikumbane
navo muminamato. -
19:48 - 19:51Takazoziva kuti varume ava vaiwa
Pauro naSairasi. -
19:51 - 19:56Mwari vakavhura mwoyo waRidhiya
akagamuchira vhangeri raPauro. -
19:56 - 19:59Iye, pamwe nevemhuri yake yese
vakabhabhatidzwa. -
19:59 - 20:04Rimwe zuva Pauro naSairasi
vakange vari munzira yavo kuenda -
20:04 - 20:06kunzvimbo yemunamato.
Vakasangana nenhapwa -
20:06 - 20:09yechikadzi yaiva nemweya wetsvina
waigona kududzira ramangwana. -
20:09 - 20:12Aiwanisa muridzi wake mari
yakawanda nekushopera. -
20:12 - 20:17Akatitevera achidaidzira neruzha
rukuru rwaivhiringidza. -
20:17 - 20:19Naizvozvo Pauro akarayira
mweya wetsvina kuti ubude maari. -
20:19 - 20:23Varidzi vake vakaona kuti
varasikirwa nemukana wavo wekuita mari. -
20:23 - 20:26Vakakakatira Pauro naSairasi
kuvakuru vakuru -
20:26 - 20:27vakakandwa mujeri.
-
20:27 - 20:33Pakati peusiku, vasungwa vairi
ava vane mwoyo-chena, -
20:33 - 20:36Pauro naSairasi wainamata
-
20:36 - 20:38vachiimba nzwiyo kunaMwari.
-
20:38 - 20:40Isu vamwe takange takateerera.
-
20:40 - 20:43Pakarepo kwakava
nokudengenyeka kwenyika -
20:43 - 20:45kukuru kwazvo zvekuti nheyo
dzejeri dzakazungunuka. -
20:45 - 20:47Makonhi ese ejeri akabva azaruka
-
20:47 - 20:50majoti emusungwa
mumwe nomumwe akadonhera pasi. -
20:50 - 20:52Murindi wejeri akapepuka
ndookuna makonhi ese akazaruka -
20:52 - 20:55akazvomora bakatwa
rake achida kuzviuraya. -
20:55 - 20:57Akange afunga kuti vasungwa
vese vatobuda vakatiza. -
20:57 - 21:00Ipapo Pauro akadaidzira akati,
"usazvikuwadze hako -
21:00 - 21:03nokuti tese tiri muno."
Akakumbira mwenje akapiwa, ndookumhanyira -
21:03 - 21:08kunozvivisira pamamberi paPauro
naSairasi achidedera. -
21:08 - 21:11Murindi wejeri akagamuchira Jesu Kristo,
-
21:11 - 21:15akabhabhatidzwa pamwe nemhuri yake.
-
21:15 - 21:17Naizvozvo, munamato
unogona kuitwa pese pese. -
21:17 - 21:19Munoziva, ini pamwe nevamwe
tinopinga purogiramu -
21:19 - 21:22paHope Channel, inonzi
Ngatinamatei (Let's Pray) -
21:22 - 21:24Saka pano, tiri
pastudhiyo yeterevhizheni -
21:24 - 21:26ine mwenje, kamera nezviito
-
21:26 - 21:30asi hazvitishaisi nguva yekunamata.
-
21:30 - 21:33Naizvozvo tirikuona Mwari,
-
21:33 - 21:36kuburikidza nemhinduro
dzaarikupa kuminamato. -
21:36 - 21:40Kana tichigona kunamata mustudhiyo, zvinoreva
kuti munamato unogona kuitwa pese pese. -
21:40 - 21:43Imwe shamwari yangu yakati
tinofanira kunamata zvakananga -
21:43 - 21:46zvekuti kana Mwari vapindura,
tinobva tazviziva kuti vapindura. -
21:46 - 21:50Muna Mabasa 12, Petro ari mujeri.
-
21:50 - 21:53Atotongerwa kuti aurayiwe.
-
21:53 - 21:56Akasungwa necheni ari pakati pemauto.
-
21:56 - 21:59Herodhi atorayira kuti aurayiwe.
-
21:59 - 22:02Asi apo Petro ari mujeri, sangano rese
-
22:02 - 22:04---ndinozvida izvi----
sangano rese ririkunamatira -
22:04 - 22:06Petro ari mujeri.
-
22:06 - 22:09Izvi zvisati zvaitika, Jemusi akange
-
22:09 - 22:10apinzwa mujeri akaurayiwa.
-
22:10 - 22:13Saka ndinofunga kuti vanhu
vakange vabatikana zvakanyanya, -
22:13 - 22:16vachitya kuti iye zvino
vangangorasikirwa naPetro -
22:16 - 22:17paakatakurwa kuenda kujeri.
-
22:17 - 22:20Izvi zvakavaita kuti
vatambudzike mupfungwa. -
22:20 - 22:23Saka vakasangana,
vakanamata usiku hwese. -
22:23 - 22:26Mambo Herodhi vakange
vasunga dzimwe nhengo dzechechi -
22:26 - 22:29uye vakange vachitoda kuvauraya.
-
22:29 - 22:31Herodhi paakauraya Jemusi nemunongdo,
-
22:31 - 22:33achiona kuti maJudha vakange vazvitendera,
-
22:33 - 22:35akabva asunga Petro zvakare.
-
22:35 - 22:37[mudzimai achipupura nemitauro yakasangana]
-
22:37 - 22:39"Petro ainge akarindwa
nemapoka emasoja -
22:39 - 22:41mana ane pfuti, boka
rimwe riinemasoja mana. -
22:41 - 22:44Takange tichityira upenyu hwake zvikuru.
-
22:44 - 22:46Saka chechi yakamunamatira."
-
22:46 - 22:48[murume achipupura nemitauro yakasangana]
-
22:48 - 22:52"Nousiku hwainzi naHerodi ndichafuma
ndichiburitsa Petro kuti atongwe padare, -
22:52 - 22:54Petro akange avete pakati pemasoja maviri
-
22:54 - 22:58akasungwa nengetani paine varindi
vakange vakarinda mukova. -
22:58 - 23:00Ipapo mutumwa waTenzi akabva auya
-
23:00 - 23:02mujeri mukabva maita chiedza.
-
23:02 - 23:05Mutumwa akarova Petro parutivi
kuti amumutse, -
23:05 - 23:07ngetani dzakange dzakamusunga
dzikabva dzawira pasi. -
23:07 - 23:11Sekuudzwa kwaakaitwa, Petro
akatevera ngirozi vakabuda, -
23:11 - 23:15vachipfuura varindi vese kusvika vave
pazambara routare raipinda muguta." -
23:15 - 23:17[mudzimai achipupura nemitauro yakasangana]
-
23:17 - 23:20"Vanhu vazhinji vakange vari
kunamata pamwe-chete -
23:20 - 23:22muimba yaMaria, mai vaJoni.
-
23:22 - 23:26Semuranda muimba iyi
ndakanzwa kugogodza pamusiwo. -
23:26 - 23:31♪ mumhanzi wegitare wakanyorovera ♪
-
23:31 - 23:33Nokungwarira, ndakaenda kunovhura musuwo.
-
23:33 - 23:36Ndakashamisika , kuona pakamira Petro.
-
23:36 - 23:40Takange tichitomunamatira ari mujeri."
-
23:40 - 23:42[murume achipupura nemitauro yakasanganiswa]
-
23:42 - 23:45"Ndeimwe nyaya inoratidza
simba rekubatana pamunamato. -
23:45 - 23:50Kuparidzwa kweshoko raMwari kwakaramba
kuchibudiria uye kuchikura." -
23:50 - 23:52Pavanhu vese vakange vari
pamusangano wemunamato -
23:52 - 23:55musi iwoyo, hapana aizokanganwa
kuti ana Mwari -
23:55 - 23:57vanopindura minamato.
-
23:57 - 23:59Kwese-kwese kwavakazoenda
-
23:59 - 24:02hupenyu hwavo hwese,
vakaramba vachipupura -
24:02 - 24:04pamusoro pesimba remunamato.
nechikonzero ichi isu nhasi -
24:04 - 24:07takainzwa, nekuti vakapupura nesimba guru
-
24:07 - 24:10nekuti zvakange zviri pachena kwavari,
-
24:10 - 24:12kwete kwoga kuti Mwari vanoda
kubatsira vanhu, asi -
24:12 - 24:16kuti Mwari vane simba rekuita
zvinhu zvakakurisa, zvinoshamisa. -
24:16 - 24:20Kwakambova nemubatanidzwa
wenyika huru nhatu, -
24:20 - 24:23waida kurwisa humambo huduku hwaJudha,
rudzi rwakasarudzwa naMwari. -
24:23 - 24:26Tichitarisa nemaziso enyama,
kwaiva kukurirwa kukuru. -
24:26 - 24:29Jehoshafait anotaura mashoko
-
24:29 - 24:30akatendeka kune avo vainamata.
-
24:30 - 24:32'Hatizivi zvokuita.
-
24:32 - 24:33Hatina simba.
-
24:33 - 24:36Hatitombokwanisi kurwa negurumwandira
ravanhu vauya kuzorwa nesu.' -
24:36 - 24:40Asi anotaurawo mashoko echokwadi
anoratidza kuti Mwari ndiani. -
24:40 - 24:43Mwari imi munokwanisa. Munoda kutibatsira.
-
24:43 - 24:46Munogona uye isu
takamirira rubatsiro rwenyu. -
24:46 - 24:50Izvi zvakabatsira kugadzirira vana
vaMwari kuona rudzikinuro rwake. -
24:50 - 24:52Kana tikazvininipisa mumunamato
-
24:52 - 24:54tinenge tichipa Mwari mvumo yekupaza
-
24:54 - 24:57dambudziko redu
nenzira inoshamisa. -
24:57 - 25:01Tinotaurirwawo zvakare mubhuku, Zvidzidzo
Zvemifananidzo Yenyaya dzaKristu -
25:01 - 25:02kuti tinonofanira kuisa minyengetero
-
25:02 - 25:06yedu nekutsunga nerusimbiro
rusingatongorambwi. -
25:06 - 25:08Chitsidzo chakanaka sei!
-
25:08 - 25:25♪ mumhanzi wezviratidzo/unotyisa ♪
-
25:25 - 25:27Vanhu vazhinji vakauya
vakaudza Jehoshafati -
25:27 - 25:31kuti kune gurumwandira revanhu
vehondo vaiuya kuzomurwisa. -
25:31 - 25:35Avhundutswa nenhau iyi,
Jehoshaphat akatema zuva -
25:35 - 25:37rekutsanya kuma Judha ese.
-
25:37 - 25:40Vanhu vakauya vachibva mumaguta ese aJudha
-
25:40 - 25:42kuzotsanya nekunamata pamwe chete.
-
25:42 - 25:44Isuwo tiri chikamu cheboka guru.
-
25:44 - 25:49Jehoshafati akakumbira Mwari
nemwoyo wese kuti amubatsire. -
25:49 - 25:52Ipapo umwe murume anonzi Jahaziel
akasimuka -
25:52 - 25:55akaudza Jehoshaphat kuti
asatye kana kuvhunduka-- -
25:55 - 25:58nekuti kurwa kwakange kusiri
kwake, asi kwaMwari. -
25:58 - 26:05♪ mumhanzi unokurumidza ♪
-
26:05 - 26:07[murume arikutaura mitauro yakasangana]
-
26:07 - 26:09"Akange ari mangwanani-ngwanani
-
26:09 - 26:11patakabuda takananga kurenje reTekoa.
-
26:11 - 26:15Takange tiine kutya pamusana
pehondo huru yaiuya kuzotirwisa, -
26:15 - 26:17asi takaudzwa kuti tive nekutenda.
-
26:17 - 26:20Takange tanamatawo zvakare.
-
26:20 - 26:22♪ mumhanzi unotyisa ♪
-
26:22 - 26:24Apo vatsori vedu vakakwira
pamusoro pegomo -
26:24 - 26:27vakaona zvitunha zvega
panzvimbo yese yakakomberedza. -
26:27 - 26:29♪ mumhanzi unotyisa uchienderera mberi ♪
-
26:29 - 26:32Vavengi vakange vapandukirana
vakaurayana pachavo. -
26:32 - 26:34Munamato waJehoshafati
wakange wahwina hondo -
26:34 - 26:37pasina kurwisana.
-
26:37 - 26:38Tikatarisa munamato,
-
26:38 - 26:40mubhuku raMabasa muBhaibheri,
-
26:40 - 26:42tinoona muenzaniso wakanaka.
-
26:42 - 26:45Muenzaniso uyu ndewekuti vadzidzi vaJesu,
-
26:45 - 26:48pavanotanga kukowera izvo
Mwari akaisa pahana dzavo, -
26:48 - 26:52vanotambudzwa, dzimwe
nguva kusvika pakufa. -
26:52 - 26:55Pavanotanga kutambudzwa,
-
26:55 - 26:58vanounganidza vatendi pamwe-chete.
-
26:58 - 27:02Vanonamata, Mweya Mutsvene
wobva wadururwa. -
27:02 - 27:04Izvi zvinobatsira kuti shoko raMwari
-
27:04 - 27:07riparidzwe nesimba rakawedzerwa.
-
27:07 - 27:09Naizvozvo sangano raMwari rinokura.
-
27:09 - 27:12Kubatana pamunamato kwakakosha zvikuru
-
27:12 - 27:15kuchechi parumutsiriro
-
27:15 - 27:22nekupodzwa kwematambudziko enyika.
-
27:22 - 27:24Munamato, kunyanya kana
vanhu vari pamwe-chete, -
27:24 - 27:26haungoitirwi kuti zvireruke,
-
27:26 - 27:28kumonyorora ruoko rwaMwari,
-
27:28 - 27:31vanhu vachidzokerera mutsara umwe-chete
kazhinji-kazhinji. -
27:31 - 27:34Munamato unoreva kuti vana
vaMwari vanenge vauya pamwe-chete -
27:34 - 27:37vachitsvaga kuenderana nekuda
kwaMwari pazvikumbiro zvavo. -
27:37 - 27:40Patinonamata, ndinofunga
kuti zvinopindura mwoyo yedu. -
27:40 - 27:42Zvakare kana tikava pamwe pamunamato,
-
27:42 - 27:45pane kubatana kunoitika.
-
27:45 - 27:48Naizvozvo patinokumbira, chipi kana chipi,
-
27:48 - 27:52muzita raJesu rine simba,
zvatakumbira zvinoitika. -
27:52 - 27:55Sei zvakakosha kubatana pamunamato?
-
27:55 - 27:57Nekuti zvinovhura mwoyo yedu
-
27:57 - 28:00kusimba raMwari mupenyu,
-
28:00 - 28:02kuti rive nesu patinenge tichipupura.
-
28:02 - 28:06Munamato unotiendesa pasi
pemuchinjiko, pamwe-chete. -
28:06 - 28:09Kubatana pamunamato kunotumira
-
28:09 - 28:10simba raMwari munyika yese.
-
28:10 - 28:12Ndinotenda kuti, kuti tibudirire
muhondo huru, -
28:12 - 28:14Mwari ndiye mubatsiri wedu,
kwete mumunamato. -
28:14 - 28:18Muhondo huru pakati pechiyedza nerima,
-
28:18 - 28:21Mwari havatitoreri
rusununguko rwekusarudza. -
28:21 - 28:28Asi patinonamata, Mwari vanovhura
nzira itsva dzatingashanda nadzo. -
28:28 - 28:31Mwari havasi kutobatsira mwanakomana
kana mwanasikana uya tisati -
28:31 - 28:34tanamata? Havasi kubatsira vemunharaunda
yedu here tisati tanamata? -
28:34 - 28:36Vari kubatsira. Asi vanomirirawo
kuona sarudzo dzavo. -
28:36 - 28:40Asi patinonamata, sezvakaitika
mubhuku raMabasa, -
28:40 - 28:44chechi payakanamata, Mwari vanokudza
sarudzo yeuyo anenge anamata. -
28:44 - 28:49Zvakare zvishamiso zvinoitika
patinonamata muhumwe, pamwe-chete. -
28:49 - 28:53Kana tikayanana nedenga,
-
28:53 - 28:56zvinova nyore kuti tiyanane
nevakatikombereedza.
- Title:
- Vhidhiyo pamusoro peKuva neChisungo Pamunamato
- Description:
-
Mitambo yenyaya dzemuBhaibheri, inoratidza kunyengetera kwechechi yokutanga yakabatana, zvikatungamirira kukura kwesangano uye kupedza matambudziko. Vatungamiri nenyanzvi dzedzidzo dzechiSabata dzakasiyana-siyana dzinokowera maonero avo pamusoro pekukosha kweminyengetero inoitwa sangano rakabatana.
www.unitedprayerworks.com - Video Language:
- English
- Team:
Team Adventist
- Project:
- Artv
- Duration:
- 29:31
![]() |
Cindy Hurlow approved Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Cindy Hurlow accepted Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Cindy Hurlow edited Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Sylvia Muvuti edited Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Sylvia Muvuti edited Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Sylvia Muvuti edited Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Sylvia Muvuti edited Shona subtitles for United Prayer documentary | |
![]() |
Sylvia Muvuti edited Shona subtitles for United Prayer documentary |