WEBVTT 00:00:00.000 --> 00:00:03.256 (vana varikuseka) ♪ mumhanzi ♪ 00:00:03.256 --> 00:00:14.506 ♪ mumhanzi wakapomboka ♪ 00:00:14.506 --> 00:00:22.866 (misindo yendudzi dzakasiyana-siyana) ♪ mumhanzi ♪ 00:00:22.866 --> 00:00:31.696 [unoyerera zvakapomboka] ♪ mumhanzi ♪ 00:00:31.696 --> 00:00:35.063 (mushauri wechirume) Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro, 00:00:35.063 --> 00:00:37.506 vanhu vachinamata nokuperera nekuzvininipisa. 00:00:37.506 --> 00:00:39.596 ♪ mumhanzi ♪ 00:00:39.596 --> 00:00:41.641 Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro 00:00:41.641 --> 00:00:43.460 nekurambidzwa kuparidza vhangeri, 00:00:43.460 --> 00:00:46.671 sangano rakanamata, varume vairi vakapupura 00:00:46.671 --> 00:00:49.262 zvine simba uye nenyasha. 00:00:49.262 --> 00:00:53.782 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:00:53.782 --> 00:00:57.234 Vanhu vakanamata kwese-kwese nohumwe 00:00:57.234 --> 00:01:00.480 vakatendeuka, pamwe nokureurura uye nokuzvininipisa. 00:01:00.480 --> 00:01:02.510 Upenyu hwevanhu hukashanduka. 00:01:02.510 --> 00:01:04.019 (dombo rakapfekerwa) ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:04.019 --> 00:01:06.599 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:06.599 --> 00:01:10.246 Varume vairi vakapinda murwendo rwoumishinari 00:01:10.246 --> 00:01:14.204 rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri. 00:01:14.204 --> 00:01:17.204 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:17.204 --> 00:01:21.229 Naizvozvo vhangeri rakaenda kunyika dzekunze. 00:01:21.229 --> 00:01:24.229 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:24.229 --> 00:01:27.817 Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti musungwa apunyuke mujeri. 00:01:27.817 --> 00:01:31.377 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:31.377 --> 00:01:35.470 Umwe mambo akakumbira kuti vanhu vake vanamate nokutsanya 00:01:35.470 --> 00:01:37.462 muvengi akakundwa. 00:01:37.462 --> 00:01:40.498 Hondo yakakundwa zvisingatsvagi kurwisana. 00:01:40.502 --> 00:01:45.712 ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ 00:01:45.712 --> 00:01:50.242 Kuburikidza nemuranda akavimbika nekuvimbika neushingi hwamambokadzi 00:01:50.242 --> 00:01:53.154 vechidiki, vanhu vazhinji vakaponeswa. 00:01:53.154 --> 00:01:58.418 Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza simba rekubatana pamunamato. 00:01:58.778 --> 00:02:00.452 Pandakaverenga bhuku raMabasa, 00:02:00.452 --> 00:02:04.481 ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro pekubatana kwevatendi pamunamato, 00:02:04.481 --> 00:02:07.021 nepamusoro paMwari vanopindura minamato. 00:02:07.021 --> 00:02:09.263 Kuzvimisira kunamata pachako chinhu chakakosha. 00:02:09.263 --> 00:02:11.722 Minamato inotwa muchivande inopa upenyu kumweya. 00:02:11.722 --> 00:02:16.541 Asi tinoziva kuti hakuna kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe 00:02:16.541 --> 00:02:21.279 nzvimbo munyika ino yese, rusina kutangiswa nechisungo chemunamato. 00:02:21.279 --> 00:02:25.371 Tenzi vedu vakataura pane imwe nguwa kuti 00:02:25.371 --> 00:02:29.493 "vanhu vaviri vakatenderana pasi pano pane chimwe chinhu chavanokumbira, 00:02:29.493 --> 00:02:33.109 vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..." Saka pane kubatanidzwa kunoitika 00:02:33.109 --> 00:02:37.371 kana tikakochanisa mazwi edu tichichema kuna Mwari. 00:02:37.371 --> 00:02:39.575 Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita, 00:02:39.575 --> 00:02:44.517 munamato ikiyi inovhura imba inokotswa 00:02:44.517 --> 00:02:45.597 zvikomborero nezvipo zvedenga. 00:02:45.597 --> 00:02:47.799 Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White 00:02:47.799 --> 00:02:50.357 pamusoro pechisungo chemunamato akasimba chaizvo. 00:02:50.357 --> 00:02:52.694 Anoti pane imwe nzvimbo- 00:02:52.694 --> 00:02:55.911 paanonyorera vekwaFansworth, anoti 00:02:55.911 --> 00:02:57.746 chisungo chemunamato chine simba guru 00:02:57.746 --> 00:02:59.164 kupfuura kunamata muchivande. 00:02:59.164 --> 00:03:00.601 Anoti, "Sei zvichidaro?" 00:03:00.601 --> 00:03:03.201 Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi. 00:03:03.201 --> 00:03:04.811 Mwari vanofadzwa zvikuru 00:03:04.811 --> 00:03:06.368 kana tanyatsova nehumwe, 00:03:06.368 --> 00:03:08.983 kana tikabatana pamwe sezvakaita vatendi vemuna Mabasa. 00:03:08.983 --> 00:03:11.148 Mune imwe nhaurwa anoti, 00:03:11.148 --> 00:03:14.324 panoitwa munyengetero nomwoyo wese, hondo yose yasatani inobvunda. 00:03:14.324 --> 00:03:18.304 Jesu anoziva kuti tsika yokunamata nevamwe 00:03:18.304 --> 00:03:23.071 inobatsira kubvisa chindini chinowanzowanikwa 00:03:23.071 --> 00:03:25.043 muminamato yedu patinonamata tega. 00:03:25.043 --> 00:03:28.615 Naizvozvo kana Bhaibheri richiti, "Imi tsungai pakunamata," 00:03:28.615 --> 00:03:32.271 harisi kutaura nechiito chinoitwa nemunhu umwe. 00:03:32.271 --> 00:03:36.617 Chidaidziro kusangano rese kuti ridane kuna Mwari. 00:03:36.617 --> 00:03:38.771 Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari 00:03:38.771 --> 00:03:42.466 asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari. 00:03:42.466 --> 00:03:47.227 Zvakare ndinofunga kuti Mwari vanotishandisa semhinduro 00:03:47.227 --> 00:03:49.931 kuminamato iyoyo. Kana uchitarisa mubhuku raMabasa, 00:03:49.931 --> 00:03:53.591 kubatana pamunamato kwakayananisa vana vaMwari. 00:03:53.591 --> 00:03:56.184 Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15, 00:03:56.184 --> 00:03:59.067 sangano rese rakaungana rikanamata pamwe chete. 00:03:59.067 --> 00:04:01.584 Raiziva kuti basa raiva mberi kwavo raiva rakakura. 00:04:01.584 --> 00:04:04.000 Raiziva zvakare kuti dambudziko rakanga riri guru. 00:04:04.000 --> 00:04:07.432 Raizivawo kuti pakange pasina nzira yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese. 00:04:07.432 --> 00:04:10.631 Asi pavakanamata, Mwari vakaita chishamiso. 00:04:10.631 --> 00:04:13.384 Vakadurura Mweya Mutsvene pazuva rePendekosti 00:04:13.384 --> 00:04:16.238 vanhu zviuru zvitatu (3000) vakabhabhatidzwa. 00:04:16.238 --> 00:04:19.435 Unoziva chimwe chinhu---, paunoverenga vhesi ipapo---- 00:04:19.435 --> 00:04:23.181 chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri, mutsara wakareruka wechirungu unoti, 00:04:23.181 --> 00:04:25.506 "vaiva nehwumwe". 00:04:25.506 --> 00:04:28.885 Pendekosti yaisangova chiitiko chinoshamisa chete. 00:04:28.885 --> 00:04:35.302 Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa raKristo munyika ino. 00:04:35.302 --> 00:04:41.801 Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge zvaparadzwa zvachose, 00:04:41.801 --> 00:04:43.893 apo Kristo akange achirembera pamuchinjiko. 00:04:43.893 --> 00:04:46.435 Asi ipapo, chokwadi Kristu akamutswa. 00:04:46.435 --> 00:04:48.092 Akazviratidza kuvadzidzi vake. 00:04:48.092 --> 00:04:51.311 Izvi zvakavapa maonero akasiyana 00:04:51.311 --> 00:04:53.715 pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo. 00:04:53.715 --> 00:04:56.572 Ishe wedu akaudza vadzidzi vake 00:04:56.572 --> 00:05:00.738 kuti vamirire vari muJerusalem, vari muchisungo chemunamato. 00:05:00.738 --> 00:05:03.742 Ndicho chimwe chezvaidiwa 00:05:03.742 --> 00:05:06.381 kuti mhepo huru iyi iuye 00:05:06.381 --> 00:05:09.383 nekuti Mweya Mutsvene uwepo nezuva rePendacosti. 00:05:09.383 --> 00:05:10.993 [murume arikutaura mitauro yakasangana] 00:05:10.993 --> 00:05:12.898 "Yaiva nguva yePaseka 00:05:12.898 --> 00:05:15.701 naizvozvo tese takange tiri muimba yepamusoro muJerusalema. 00:05:15.701 --> 00:05:18.061 Takange tichinamata tose nomweya wohumwe. 00:05:18.061 --> 00:05:21.113 Takanga tichinyengeterera nekutendeuka nekuzvininipisa, 00:05:21.113 --> 00:05:23.644 uye takanga tichireurura zvivi zvedu. 00:05:23.644 --> 00:05:27.726 Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe, simba neMweya Mutsvene. 00:05:27.726 --> 00:05:30.236 Pakava nehumwe hunofadza nokushamisa zvikuru 00:05:30.236 --> 00:05:32.352 patakanyengetera nomwoyo wose pamwe chete." 00:05:32.352 --> 00:05:35.842 [murume arikunamata nemitauro yakasangana] 00:05:35.842 --> 00:05:38.842 [mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana] 00:05:38.842 --> 00:05:41.812 [mutauri wechidzimai] Pakarepo kwakatanga kunzwikwa ruzha 00:05:41.812 --> 00:05:45.011 rwemhepo huru yaivhuvhuta, rwakazadza imba yese yatakange takagara. 00:05:45.011 --> 00:05:46.721 [ruzha rwemhepo] 00:05:46.721 --> 00:05:48.760 Ipapo marimi omoto akaburuka 00:05:48.760 --> 00:05:51.264 akazorora pamusoro pevanhu. 00:05:52.624 --> 00:05:54.574 [murume arikutaura mitauro yakasangana] 00:05:54.574 --> 00:05:58.304 [mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene. 00:05:58.304 --> 00:06:00.730 Tonderai kuti nenguva yePasika, 00:06:00.730 --> 00:06:03.498 vanhu vaibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana kuzonamata 00:06:03.498 --> 00:06:06.068 asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga kunzwa vhangeri 00:06:06.068 --> 00:06:07.752 umwe neumwe nemutauro wekwake. 00:06:07.752 --> 00:06:10.058 Kuburikidza naizvozvo, vanhu zviuru zvitatu 00:06:10.058 --> 00:06:12.664 vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe! 00:06:12.673 --> 00:06:16.854 ♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪ 00:06:16.854 --> 00:06:18.474 [mudzimai arikutaura mitauro yakasangana] 00:06:18.474 --> 00:06:20.668 [mutauri wechidzimai] Vanhu vakazvipira 00:06:20.668 --> 00:06:22.814 kuzvidzidzo zvevaporofita nepakuyanana, 00:06:22.814 --> 00:06:25.382 pakudyidzana nepakunamata. 00:06:25.382 --> 00:06:28.248 Mazuva ese vaisangana mutemberi. 00:06:28.248 --> 00:06:30.967 Vaisangana zvakare mudzimba, vachidya pamwe chete. 00:06:30.967 --> 00:06:33.574 Vanhu vakange vachiponeswa vakaramba vachiwanda mazuva ese. 00:06:33.574 --> 00:06:36.574 ♪ mumhanzi wekodhi wakatsetseka ♪ 00:06:36.574 --> 00:06:38.355 Tinotenda kuti chinhu chakadai 00:06:38.355 --> 00:06:41.402 chichaitika zvakare mumazuva ekupedzisira. 00:06:41.402 --> 00:06:43.958 Asi ndinofunga kuti zvinoitika koga kana isu sesangano 00:06:43.958 --> 00:06:46.137 uye sevanhu tikabatana tikava nohumwe 00:06:46.137 --> 00:06:48.227 uye nemunyengetero womwoyo wose. 00:06:48.227 --> 00:06:51.401 Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona kutadza kuona izvi zvichiitika. 00:06:51.401 --> 00:06:53.769 Zvakare, zvakaitika paPendacosti 00:06:53.769 --> 00:06:57.874 zvichaitwa zvakare, zvakapetwa kuburikidza naIshe Tenzi 00:06:57.874 --> 00:06:59.630 nenzira inopfuura yazvakaitika nayo. 00:06:59.630 --> 00:07:02.362 Apo vhangeri rengirozi nhatu ririkuenda mberi, 00:07:02.362 --> 00:07:06.028 apo vhangeri rengirozi yechina yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa, 00:07:06.028 --> 00:07:10.242 apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa munyika yese. 00:07:10.242 --> 00:07:14.249 Mweya mutsvene uchadururirwa kune 00:07:14.249 --> 00:07:15.713 avo vakazvipira kuna Mwari, 00:07:15.713 --> 00:07:18.031 vakareurura zvitema zvavo, 00:07:18.031 --> 00:07:20.362 zvakare unogona kutishandisa nenzira inoshamisa. 00:07:20.362 --> 00:07:22.560 Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6 00:07:22.560 --> 00:07:24.570 sangano rakasangana nedambudziko rakanaka. 00:07:24.570 --> 00:07:26.902 Chechi yakanga ichikura zvinoshamisa nekukasika. 00:07:26.902 --> 00:07:30.744 Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita dambudziko rekugowerwa kwezvekudya. 00:07:30.745 --> 00:07:35.348 [Varume vachiita nharo nemitauro yakasangana] ♪ mumhanzi unosimudzira ♪ 00:07:36.978 --> 00:07:40.509 [mutauri wechirume] Chechi yakasangana nematambudziko anobatika. 00:07:40.509 --> 00:07:43.801 VaJudha vechiHereni vakanga vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru 00:07:43.801 --> 00:07:47.122 pamusoro pemagoverwo ekudya kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi 00:07:47.122 --> 00:07:49.395 rwavo dzakanga dzichidarikwa paigovewa zvokudya. 00:07:49.395 --> 00:07:51.252 Vaapostora vakaona zvakakosha 00:07:51.252 --> 00:07:54.509 kuti vakoshese basa rekunamata nekuparidza vhangeri. 00:07:54.509 --> 00:07:57.254 Naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe 00:07:57.254 --> 00:08:00.794 kuti vabate aya mabasa anobatika. 00:08:00.797 --> 00:08:04.254 ♪ mumhanzi unosimudzira ♪ 00:08:04.254 --> 00:08:06.474 [murume achitaura mitauro yakasangana] 00:08:06.474 --> 00:08:09.500 [mutauri wechirume] "Vapostori vakatikumbira seboka 00:08:09.500 --> 00:08:12.335 kuti tisarudze varume vanomwe 00:08:12.335 --> 00:08:15.509 vakagarwa neMweya Mutsvene uye vane uchenjeri. 00:08:15.509 --> 00:08:17.753 Chikumbiro ichi chevapostori 00:08:17.753 --> 00:08:19.789 chakafadza boka rese revatendi. 00:08:19.789 --> 00:08:23.027 Saka takatanga basa rekusarudza vashandiri ava. 00:08:23.027 --> 00:08:24.985 Pavakangosarudzwa, 00:08:24.985 --> 00:08:27.964 vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu, 00:08:27.964 --> 00:08:32.037 vakaiswa maoko pamusoro, vakanamatirwa. 00:08:32.037 --> 00:08:35.892 [mutauri wechipiri] "Munamato uri chinhu chekutanga kusangano, 00:08:35.892 --> 00:08:39.494 rakaramba richibudirira, chechi ikakura nekukasika." 00:08:39.494 --> 00:08:43.517 Vapirisita vazhinji vakatanga kuteerera shoko raMwari. 00:08:43.517 --> 00:08:46.546 Saka pano ndinoona kuti pane nyaya inoti, 00:08:46.546 --> 00:08:48.676 kana tasangana nematambudziko, 00:08:48.676 --> 00:08:51.931 ngatishandisei uchenjeri, ngatishandisei zvatakadzidza, 00:08:51.931 --> 00:08:53.932 asi zvakare ngationei kuti 00:08:53.932 --> 00:08:56.770 tina Mwari anopindura minamato; anogona kutipa uchenjeri. 00:08:56.770 --> 00:08:59.117 Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji. 00:08:59.117 --> 00:09:01.243 Machechi ane matambudziko makuru, 00:09:01.243 --> 00:09:04.626 anoagadzirisa paanouya pamwe chete kuzonamata. 00:09:04.626 --> 00:09:06.510 ♪ mumhanzi wemakwaya webaritoni ♪ 00:09:06.510 --> 00:09:12.430 [Mupristi mukuru achiudza Petro naJohani zvokuita] 00:09:12.430 --> 00:09:16.825 [Mupristi mukuru achienda mberi kuudza Petro naJohani zvokuita] 00:09:16.825 --> 00:09:19.068 [Mutauri wechirume] Petro naJohani vakadaidzwa 00:09:19.068 --> 00:09:22.341 nevapristi vakuru nevakuru vesangano pamusana pekushumaira kwavaiita. 00:09:22.341 --> 00:09:23.875 Vakaedza kuzvidzivirira, 00:09:23.875 --> 00:09:25.855 asi vatungamiri ava vakavaomesera zvikuru. 00:09:25.855 --> 00:09:27.301 Vakavaudza kuti vasataure 00:09:27.301 --> 00:09:29.448 kana kudzidzisa nezvaJesu. 00:09:29.448 --> 00:09:32.792 Mushure mekutyisidzirwa, vakavarega vachienda. 00:09:32.792 --> 00:09:34.942 Petro naJohane vakadzokera kuvanhu vavo. 00:09:34.942 --> 00:09:38.071 Vakanotaura zvese zvakange zvataurwa nevakuru vechechi. 00:09:38.071 --> 00:09:41.011 ♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪ 00:09:41.011 --> 00:09:43.451 [murume achitaura mitauro yakasangana] 00:09:43.451 --> 00:09:47.421 "Patakanzwa zvese izvi, takabva tangosimudza mazwi edu mumunamato. 00:09:47.421 --> 00:09:51.253 Boka rese rakanamatira Petro naJohane. 00:09:51.253 --> 00:09:55.770 Takanamata kuti Mwari vape ushingi kuvaranda vavo ava vaviri vakazvinipisa. 00:09:55.770 --> 00:10:00.011 Ndakange ndisati ndambopinda mumunamato wakaperera zvakadaro kwenguva yakareba. 00:10:00.011 --> 00:10:04.011 Patakapedza munamato, chiripo-ripocho, nzvimbo yese yatakange tiri yakadengenyeka." 00:10:04.011 --> 00:10:05.831 [Mumwe murume achitaura mitauro yakasanganiswa] 00:10:05.831 --> 00:10:07.937 "Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene. 00:10:07.937 --> 00:10:09.261 Petro naJohane ndookubuda 00:10:09.261 --> 00:10:13.835 vakapupura nesimba guru nenyasha munyika yese 00:10:13.835 --> 00:10:15.799 nezvekumuka kwaJesu Kristo." 00:10:15.799 --> 00:10:18.229 ♪ mumhanzi wekupedzisira wemakodhi ♪ 00:10:18.229 --> 00:10:20.888 Ndinofunga kuti Petro naJohani vaivana simba guru 00:10:20.888 --> 00:10:23.191 mukuziva kuti vakange vachinamata 00:10:23.191 --> 00:10:25.035 uye kubva pasimba rinouya 00:10:25.035 --> 00:10:26.340 kana vanhu vachitinamatira. 00:10:26.340 --> 00:10:27.223 Kunouya runyararo, 00:10:27.223 --> 00:10:28.765 nesimba rinobva kuna Mwari 00:10:28.765 --> 00:10:32.672 rinosvika matiri kana kuine vatendi vazhinji varikudaira munamato iwoyo. 00:10:32.672 --> 00:10:34.122 ♪ mumhanzi wakaterama ♪ 00:10:34.122 --> 00:10:39.074 [mutauri wechidzimai] "Ipapo Esita akatumira mhinduro iyi kuna Mordecai: 00:10:39.074 --> 00:10:43.262 'Enda undounganidza vaJudha vese vari kuSusa 00:10:43.262 --> 00:10:46.761 munamate nekunditsanyira. 00:10:46.761 --> 00:10:52.197 Musadye kana kumwa chimwe chinhu kwemazuva matatu. 00:10:52.197 --> 00:10:57.241 Ini nevabati vangu tichatsanyawo sezvamunenge muchiita. 00:10:57.241 --> 00:11:00.506 Mushure maizvozvo ndichaenda kuna mambo 00:11:00.506 --> 00:11:03.396 kunyangwe zvazvo zvri kunze kwemutemo. 00:11:03.396 --> 00:11:07.499 Kana ndaparara, ndaparara.'" 00:11:07.499 --> 00:11:28.048 ♪ mumhanzi usingagumi unoramba uchikwira ♪ 00:11:28.048 --> 00:11:30.088 ♪ kusaruta kwepahondo ♪ 00:11:30.088 --> 00:11:31.732 Tikatarisa zvakare pana Esita iye zvino 00:11:31.732 --> 00:11:34.101 tinombofunga kuti aiva musikana akareruka. 00:11:34.101 --> 00:11:37.212 Munoziva, aiva musikana azere kutenda. 00:11:37.212 --> 00:11:39.777 Asi aigona kuva munhu atovhundutswawo 00:11:39.777 --> 00:11:41.888 sezvataingaita isu nhasi. 00:11:41.888 --> 00:11:45.167 Yaiwa nguva yakaoma zvikuru. 00:11:45.167 --> 00:11:47.130 Munoiziva tsumo yekare inoti hapana chinhu 00:11:47.130 --> 00:11:50.281 chakafanana nekuti vanhu vasingatendi vakahwanda mumwena yemakava. 00:11:50.281 --> 00:11:52.760 Apa vaitoziva kuti kana 00:11:52.760 --> 00:11:56.063 Mwari vakasapindira, 00:11:56.063 --> 00:11:59.857 kana denga rikasapindira, vaitorasikirwa nezvese. 00:11:59.857 --> 00:12:05.021 Asi Esita akange akachenjera zvakadaro zvekuti akati kuna sekuru vake Mordecai, 00:12:05.021 --> 00:12:07.725 'Iniwo navarandakadzi vangu 00:12:07.725 --> 00:12:12.154 tichatsanyawo... ...endai munounganidza vaJuda 00:12:12.154 --> 00:12:15.338 vose vari muSusa mugotsanya zvodya pamusana pangu.' 00:12:15.338 --> 00:12:17.451 Ndinofunga kuti tinorasikirwa zvikuru 00:12:17.451 --> 00:12:19.254 panodururwa simba raMwari 00:12:19.254 --> 00:12:22.091 munyika ino nekusatsanya. 00:12:22.091 --> 00:12:25.253 izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva tarega kudya zvachose 00:12:25.253 --> 00:12:28.012 asi tinofanira kuzvinyima chimwe chinhu 00:12:28.012 --> 00:12:29.815 chatinofarira zvakanyanya mazuva ese. 00:12:29.815 --> 00:12:31.750 Tikabatanidza izvozvo neminamato 00:12:31.750 --> 00:12:34.761 tiri pamwe chete nevamwe, zvinobatsira zvikuru 00:12:34.761 --> 00:12:36.758 kurwa hondo iyi huru. 00:12:36.758 --> 00:12:40.116 Zviri nyore zvikuru kukanganwa dzimwe nguva 00:12:40.116 --> 00:12:42.994 kuti hatigoni kumira tega tisina kutsamira pana Mwari. 00:12:42.994 --> 00:12:45.545 Saka Dwight Nelson achititondedza kuti- 00:12:45.545 --> 00:12:47.612 Ngatinamatei setagumirwa! 00:12:47.612 --> 00:12:49.269 Esita akange agumirwa. 00:12:49.269 --> 00:12:51.658 Ngatinamatei minamato inodaidza mhinduro ipapo! 00:12:51.658 --> 00:12:54.315 Uye ngatinamatei minamato yetarisiro. 00:12:54.315 --> 00:12:57.706 Ndinoona kuti minamato yaEsita yaibata izvi zvinhu zvitatu. 00:12:57.706 --> 00:12:59.496 Kana mukatarisa mubhuku raMabasa, 00:12:59.496 --> 00:13:01.751 munamato vaibatanidza vanhu zvikuru. 00:13:01.751 --> 00:13:04.838 Imbofungai nezvaPetro naKoniriyasi. 00:13:04.838 --> 00:13:09.707 Koniriyasi aiwa muJentairi, Petro ari muJudha. 00:13:09.707 --> 00:13:14.175 MaJudha nemaJendairi vaisasangana kutaudzana, 00:13:14.175 --> 00:13:19.549 kana kushanyirana mudzimba kana kudya pamwe-chete. 00:13:19.549 --> 00:13:22.825 Apa, Mweya mutswene wakatoputsa midhuri yaipatsanisa marudzi aya. 00:13:22.825 --> 00:13:28.006 Mumwe mujendairi wechiItariya, Koniriyasi, akange achinamata. 00:13:28.006 --> 00:13:30.894 Hazvina kuitika setsaona! Akange achinamata. 00:13:30.894 --> 00:13:33.714 Petrowo, ari paimba yepamusoro akange achinamata. 00:13:33.714 --> 00:13:36.079 Zvino akanamata nguva yakareba kusvikira akotsira. 00:13:36.079 --> 00:13:38.885 Petro anotanga kurota pamusoro pejira guru raidzika pasi 00:13:38.885 --> 00:13:41.290 riine mhando nemhando dzemhuka mariri. 00:13:41.290 --> 00:13:43.800 Mwari ndokuti kuna Petro, simuka Petro, uraya ugodya. 00:13:43.800 --> 00:13:45.843 Petro anopindura kuti, handisati ndambodya 00:13:45.843 --> 00:13:48.934 chinhu chakan'ora, chisina kuchena senyoka, makarwe kana makonzo. 00:13:48.934 --> 00:13:50.390 Asi muono uyu wakange usiri 00:13:50.390 --> 00:13:52.668 pamusoro pezvekudya zvakachena kana zvakasviba. 00:13:52.668 --> 00:13:55.105 Muono wakanga uchitaura pamusoro 00:13:55.105 --> 00:13:56.564 pekuremekedza dzimwe ndudzi. 00:13:56.564 --> 00:14:02.068 Mwari vanotumira miono, zviratidzo kune vese vari vairi. 00:14:02.068 --> 00:14:04.390 Miono iyi yakadhiritsa mudhuri 00:14:04.390 --> 00:14:06.058 waivapatsanisa. 00:14:06.058 --> 00:14:08.682 Naizvozvo Petro akadaidzira, kuti Mwari vandiratidza 00:14:08.682 --> 00:14:12.179 kuti Havana rusarura. 00:14:12.179 --> 00:14:15.493 Vari vairi, vese vakanamata, muJudha nemuJendairi, 00:14:15.493 --> 00:14:17.248 minamato yavo ikakwira kudenga 00:14:17.248 --> 00:14:19.120 ikasangana pachigaro chaMwari. NOTE Paragraph 00:14:19.120 --> 00:14:27.220 ♪ mumhanzi wepiyano unokwira seunokukurwa ♪ NOTE Paragraph 00:14:27.220 --> 00:14:30.741 [mutauri wekutanga] "Akange ari masikati apo Petro akakwira 00:14:30.741 --> 00:14:33.088 pamusoro pemba kunonamata. Ndipo paakapiwa muono 00:14:33.088 --> 00:14:36.633 wejira guru rakange riine musanganiswa wemhuka dzisina kuchena 00:14:36.633 --> 00:14:38.515 raimirira zvinotaura raMwari 00:14:38.515 --> 00:14:40.015 pamusoro pekusiyana-siyana 00:14:40.015 --> 00:14:42.037 kwevanhu musangano raMwari ririkukura." 00:14:42.037 --> 00:14:45.227 ♪ nyere ichiridzwa zvakanyorovere ♪ 00:14:45.227 --> 00:14:48.213 [mutauri wechipiri] "Takange tanzwa kuti Petro akange achigara 00:14:48.213 --> 00:14:49.917 kuimba yaSaimon, musuki wamatehwe, 00:14:49.917 --> 00:14:53.752 tikatumwa naKoniriyasi, mukuru weboka rezana kunomutsvaka." 00:14:53.752 --> 00:14:55.502 ♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi ♪ NOTE Paragraph 00:14:55.502 --> 00:14:58.478 [Mutauri wekutanga] "Petro paakange achiri kufunga nezvemuono, 00:14:58.478 --> 00:15:00.879 Mweya Mutsvene wakamutaurira kuti adzike pasi 00:15:00.879 --> 00:15:04.608 nekuti painge paine varume vatatu vaimutsvaga." 00:15:04.608 --> 00:15:06.248 [murume mumweyo achitaura mitauro yakasanganiswa] 00:15:06.248 --> 00:15:08.254 "Petro akadzika akandotaurira varume vaya 00:15:08.254 --> 00:15:12.079 kuti ndiye munhu vavakange vachitsvaga." 00:15:12.079 --> 00:15:16.743 ♪ mumhanzi wepiyano nenyere unoenda mberi zvakanakisa ♪ 00:15:16.743 --> 00:15:18.907 [mutauri wechipiri] "Takazotaurira Petro kuti 00:15:18.907 --> 00:15:21.042 Koniriyasi, mukuru wezana, 00:15:21.042 --> 00:15:25.448 akange audzwa nengirozi kuti Petro aizouya kuzomuona kumba kwake." 00:15:25.448 --> 00:15:27.411 Naizvozvo, Petro asingazivi, 00:15:27.411 --> 00:15:30.832 Koniriyasi akange akatomirira kushanyirwa naPetro kuSizariya. 00:15:30.832 --> 00:15:33.492 [murume wekutanga achitaura zvakare] 00:15:33.492 --> 00:15:36.261 "Zvakaitika apa hazvina kujairika. 00:15:36.261 --> 00:15:38.997 Iko kungoti Petro akapinda mumba- 00:15:38.997 --> 00:15:41.165 tonderai kuti zvakange zvisingabvumidzwi nemutemo 00:15:41.165 --> 00:15:43.015 kuti muJudha adyidzane 00:15:43.015 --> 00:15:44.736 kana kushanyira vaJendairi." 00:15:44.736 --> 00:15:47.160 ♪ mumhanzi wakatoweka ♪ 00:15:47.160 --> 00:15:50.009 [mutauri wechipiri] "Koniriyasi akaudza Petro kuti 00:15:50.009 --> 00:15:51.878 mazuva matatu apfuura akange achinamata 00:15:51.878 --> 00:15:54.250 ari mumba make apo ngirozi yakamushanyira." 00:15:54.250 --> 00:15:57.000 [murume wekutanga achitaura mitauro yakasanganiswa zvakare] 00:15:57.000 --> 00:16:02.550 "Petro akataurira Koniriyasi manzwisisiro ake matswa ekuti Mwari haVasarudzi 00:16:02.550 --> 00:16:04.491 uye ndiTenzi Vevese. 00:16:04.491 --> 00:16:06.628 Izvi zvakaunza shanduko itsva. 00:16:06.628 --> 00:16:08.084 Kubva zvino zvichienda mberi, 00:16:08.084 --> 00:16:11.630 vhangeri rakatanga kuparidzirwawo kune mamwe mapoka. 00:16:11.630 --> 00:16:16.600 Uye izvi zvakatanga nemunamato, kutsanya nekuna muono. 00:16:16.600 --> 00:16:19.211 Zvakaita sepavakwa zambuko pakati pevetsika dzakasiyana 00:16:19.211 --> 00:16:21.312 Midhuri yemipatsano yakaputsirwa pasi. 00:16:21.312 --> 00:16:23.078 Mwoyo yakabatanidzwa. 00:16:23.078 --> 00:16:25.828 Uye vakava mumwe muna Jesu Kristu. 00:16:25.828 --> 00:16:27.821 Vhangeri rakaiswa pachena kumaJendairiwo. 00:16:27.821 --> 00:16:31.114 Kubatana paminamato kunoshanda sei pakubvisa mupatsa pakati pendudzi? 00:16:31.114 --> 00:16:34.189 Patinopfugama pamwe-chete- 00:16:34.189 --> 00:16:36.899 tsika dzakasiyana, kwatinobva, 00:16:36.909 --> 00:16:39.241 makudzirwo edu akasiyana, 00:16:39.241 --> 00:16:41.918 misiyano pamadzidziro atakaita, 00:16:41.918 --> 00:16:43.476 misiyano pamarudzi eganda redu 00:16:43.476 --> 00:16:45.506 patinopfugama pamwe-chete 00:16:45.506 --> 00:16:48.621 mwoyo yedu inobva yabatanidzwa seumwe muna Jesu Cristo. 00:16:48.621 --> 00:16:50.492 Ndikatarisa mubhuku raMabasa 13, 00:16:50.492 --> 00:16:52.511 umo sangano rekuAndiyoku 00:16:52.511 --> 00:16:55.613 rakange rave kutumira Pauro naBarnabas. 00:16:55.613 --> 00:16:57.511 Richivaisa maoko pamusoro. 00:16:57.511 --> 00:17:00.259 Vakanamatira chipo cheMweya Mutsvene. 00:17:00.259 --> 00:17:04.015 Mubhuku raMabasa 13, kuisa maoko pamusoro kwaimirira kutsaurwa, 00:17:04.015 --> 00:17:07.661 kwaPauro naBhanabhasi pabasa revhangeri neumishinari. 00:17:07.661 --> 00:17:11.051 Vakange vave kuzonotangisa nzwendo dzavo dzeumishinari. 00:17:11.051 --> 00:17:15.025 Handifungi kuti pane mashiripiti panyaya yekuiswa maoko pamusoro. 00:17:15.025 --> 00:17:16.701 Ndinofunga kuti mufananidzo chete. 00:17:16.701 --> 00:17:18.911 Sezvakangoita mvura parubhabhatidzo 00:17:18.911 --> 00:17:21.885 kana kuti chingwa chisina mbiriso nemuto wemazambiringa 00:17:21.885 --> 00:17:23.619 parusando rwechidyo chaTenzi. 00:17:23.619 --> 00:17:26.382 Kana chechi ikauya nohumwe 00:17:26.382 --> 00:17:28.498 ichiisa maoko pamusoro peumwe munhu 00:17:28.498 --> 00:17:30.759 vanange vachinamatira munhu iyeye, 00:17:30.759 --> 00:17:35.503 vachimutsaurira basa rakatsanangurika reupupuri neushumiri. 00:17:35.503 --> 00:17:37.013 [murume arikutaura mitauro yakasanganiswa] 00:17:37.013 --> 00:17:39.491 Apo vaporofita nevadzidzi vesangano rekutanga 00:17:39.491 --> 00:17:41.130 vakange vachitsanya nekunamata, 00:17:41.130 --> 00:17:43.237 Mweya Mutswene Wakadaidza Pauro naBhanabhasi 00:17:43.237 --> 00:17:45.963 kuti vaende parwendo rwavo rwekutanga rwehumishinari. 00:17:45.963 --> 00:17:48.760 Chechi yakanamata pamwe-chete vasati vatuma ava vaviri. 00:17:48.760 --> 00:17:50.360 ♪ mumhanzi unenge wengirozi ♪ 00:17:50.360 --> 00:17:51.570 [mutauri wechidzimai achitaura mitauro yakasanganiswa] 00:17:51.570 --> 00:17:54.451 "Vakaiswa maoko pamusoro tikavanamatira nemwoyo yakaperera. 00:17:54.451 --> 00:17:57.381 Sesangano rakabatana, takanamatira kuchengeteka kwavo parwendo 00:17:57.381 --> 00:18:00.930 uye kuti Mwari vavape mashoko akafanira avasingataura kuzvaunga. 00:18:00.930 --> 00:18:03.142 Takanamatira kuti mamishinari 00:18:03.142 --> 00:18:05.155 edu abudirire mubasa rekuparidza vhangeri. 00:18:05.155 --> 00:18:07.255 ♪ mumhanzi uchikwira ♪ 00:18:07.255 --> 00:18:10.078 Pauro naBhanabhasi vakafamba nzvimbo dzakawanda 00:18:10.078 --> 00:18:12.307 KuSaipurasi, vaparidza shoko raMwari 00:18:12.307 --> 00:18:14.232 mumuasinagogo emaJudha. 00:18:14.232 --> 00:18:16.865 KuAndiyoki yekupisidhiya, guta rese 00:18:16.865 --> 00:18:18.765 rakaungana kuti rinzwe shoko raMwari. 00:18:18.765 --> 00:18:21.655 MaJendairi pavakanzwa shoko, vakatenda muna Mwari. 00:18:21.655 --> 00:18:24.852 Shoko raJehovha rakapararira munyika yose 00:18:24.852 --> 00:18:28.875 vadzidzi vakazadzwa nerufaro nemweya Mutsvene. 00:18:28.875 --> 00:18:31.495 ♪ mumhanzi unoverera unenge wengirozi ♪ 00:18:31.495 --> 00:18:34.507 Pauro nabhanabhasi vakagadza vakuru vesangano muchechi yega-yega 00:18:34.507 --> 00:18:38.146 vakanamata nekutsanya, vachivaisa kunaMwari. 00:18:38.146 --> 00:18:39.821 Vakaunganidza sangano pamwe-chete 00:18:39.821 --> 00:18:42.721 vakavazivisa zvese izvo Mwari vakange aita kuburikidza navo 00:18:42.721 --> 00:18:46.030 uye kuti Vakange vavhura musiwo kumaJendairi. 00:18:47.600 --> 00:18:49.265 Sesangano remunamato, 00:18:49.265 --> 00:18:52.762 kana tichiisa maoko pamusoro peavo vatinenge tichinamatira, 00:18:52.762 --> 00:18:56.097 zvinomirira maoko aMwari. 00:18:56.097 --> 00:18:57.882 Kupfugama takakomberedza munhu, 00:18:57.882 --> 00:19:00.107 kuvatsaurira basa iroro, 00:19:00.107 --> 00:19:02.081 tinenge tichikumbira Mweya Mutsvene 00:19:02.081 --> 00:19:04.208 kuti uvape simba nekuvashingisa 00:19:04.208 --> 00:19:06.858 pabasa iro Mwari anenge avapa vachitumwa nechechi. 00:19:06.858 --> 00:19:10.421 Ndinotondera imwe nyaya apo Pauro aiva- 00:19:10.421 --> 00:19:12.108 akasangana nemudzimai akanaka. 00:19:12.108 --> 00:19:14.831 Zita rake ainzi Lydia. Akange achinamata. 00:19:14.831 --> 00:19:18.395 Ndinofunga kuti paive parwizi, handinyatsozivi, 00:19:18.395 --> 00:19:20.245 kana kuti parutivi petsime. 00:19:20.245 --> 00:19:22.251 Kana kuti paive pakati pemusika, 00:19:22.251 --> 00:19:25.144 hameno zvaiitika nguva dzavo. Chero kwainge kuri kupi, 00:19:25.144 --> 00:19:28.053 Mwari vakakwanisa kudzidzisa mwoyo wake. 00:19:28.053 --> 00:19:30.561 Bhaibheri rinotitaurira kuti akagamushira 00:19:30.561 --> 00:19:33.251 shoko revhangeri akabhabhatidzwa. 00:19:33.251 --> 00:19:36.452 [mutauri wechidzimai] "Takange tiri boka remadzimai, takamira 00:19:36.452 --> 00:19:38.838 kunze kweguta, parwizi, panzvimbo yedu yemunamato. 00:19:38.838 --> 00:19:40.790 Ridhiya, mutengesi wehanzu tsvuku, 00:19:40.790 --> 00:19:43.035 aibva kuTiyatira akange aripowo. 00:19:43.035 --> 00:19:46.157 Varume vaviri vakasvika, vakatanga kutaura nesu, 00:19:46.157 --> 00:19:48.354 vakatikoka kuti tikumbane navo muminamato. 00:19:48.354 --> 00:19:51.192 Takazoziva kuti varume ava vaiwa Pauro naSairasi. 00:19:51.192 --> 00:19:55.515 Mwari vakavhura mwoyo waRidhiya akagamuchira vhangeri raPauro. 00:19:55.515 --> 00:19:59.494 Iye, pamwe nevemhuri yake yese vakabhabhatidzwa. 00:19:59.494 --> 00:20:03.745 Rimwe zuva Pauro naSairasi vakange vari munzira yavo kuenda 00:20:03.745 --> 00:20:06.245 kunzvimbo yemunamato. Vakasangana nenhapwa 00:20:06.245 --> 00:20:09.210 yechikadzi yaiva nemweya wetsvina waigona kududzira ramangwana. 00:20:09.210 --> 00:20:12.498 Aiwanisa muridzi wake mari yakawanda nekushopera. 00:20:12.498 --> 00:20:16.648 Akatitevera achidaidzira neruzha rukuru rwaivhiringidza. 00:20:16.648 --> 00:20:19.464 Naizvozvo Pauro akarayira mweya wetsvina kuti ubude maari. 00:20:19.464 --> 00:20:22.756 Varidzi vake vakaona kuti varasikirwa nemukana wavo wekuita mari. 00:20:22.756 --> 00:20:25.750 Vakakakatira Pauro naSairasi kuvakuru vakuru 00:20:25.750 --> 00:20:27.355 vakakandwa mujeri. 00:20:27.355 --> 00:20:32.762 Pakati peusiku, vasungwa vairi ava vane mwoyo-chena, 00:20:32.762 --> 00:20:35.500 Pauro naSairasi wainamata 00:20:35.500 --> 00:20:38.015 vachiimba nzwiyo kunaMwari. 00:20:38.015 --> 00:20:40.500 Isu vamwe takange takateerera. 00:20:40.500 --> 00:20:42.884 Pakarepo kwakava nokudengenyeka kwenyika 00:20:42.884 --> 00:20:45.325 kukuru kwazvo zvekuti nheyo dzejeri dzakazungunuka. 00:20:45.325 --> 00:20:47.175 Makonhi ese ejeri akabva azaruka 00:20:47.175 --> 00:20:49.761 majoti emusungwa mumwe nomumwe akadonhera pasi. 00:20:49.761 --> 00:20:52.419 Murindi wejeri akapepuka ndookuna makonhi ese akazaruka 00:20:52.419 --> 00:20:54.511 akazvomora bakatwa rake achida kuzviuraya. 00:20:54.511 --> 00:20:57.048 Akange afunga kuti vasungwa vese vatobuda vakatiza. 00:20:57.048 --> 00:20:59.610 Ipapo Pauro akadaidzira akati, "usazvikuwadze hako 00:20:59.610 --> 00:21:02.724 nokuti tese tiri muno." Akakumbira mwenje akapiwa, ndookumhanyira 00:21:02.724 --> 00:21:07.509 kunozvivisira pamamberi paPauro naSairasi achidedera. 00:21:07.509 --> 00:21:10.750 Murindi wejeri akagamuchira Jesu Kristo, 00:21:10.750 --> 00:21:14.875 akabhabhatidzwa pamwe nemhuri yake. 00:21:14.875 --> 00:21:16.989 Naizvozvo, munamato unogona kuitwa pese pese. 00:21:16.989 --> 00:21:19.329 Munoziva, ini pamwe nevamwe tinopinga purogiramu 00:21:19.329 --> 00:21:21.629 paHope Channel, inonzi Ngatinamatei (Let's Pray) 00:21:21.629 --> 00:21:23.963 Saka pano, tiri pastudhiyo yeterevhizheni 00:21:23.963 --> 00:21:26.262 ine mwenje, kamera nezviito 00:21:26.262 --> 00:21:30.010 asi hazvitishaisi nguva yekunamata. 00:21:30.010 --> 00:21:32.944 Naizvozvo tirikuona Mwari, 00:21:32.944 --> 00:21:35.984 kuburikidza nemhinduro dzaarikupa kuminamato. 00:21:35.984 --> 00:21:40.059 Kana tichigona kunamata mustudhiyo, zvinoreva kuti munamato unogona kuitwa pese pese. 00:21:40.059 --> 00:21:43.037 Imwe shamwari yangu yakati tinofanira kunamata zvakananga 00:21:43.037 --> 00:21:46.103 zvekuti kana Mwari vapindura, tinobva tazviziva kuti vapindura. 00:21:46.103 --> 00:21:50.249 Muna Mabasa 12, Petro ari mujeri. 00:21:50.249 --> 00:21:52.643 Atotongerwa kuti aurayiwe. 00:21:52.643 --> 00:21:56.042 Akasungwa necheni ari pakati pemauto. 00:21:56.042 --> 00:21:59.245 Herodhi atorayira kuti aurayiwe. 00:21:59.245 --> 00:22:01.995 Asi apo Petro ari mujeri, sangano rese 00:22:01.995 --> 00:22:04.475 ---ndinozvida izvi---- sangano rese ririkunamatira 00:22:04.475 --> 00:22:05.768 Petro ari mujeri. 00:22:05.768 --> 00:22:08.700 Izvi zvisati zvaitika, Jemusi akange 00:22:08.700 --> 00:22:10.466 apinzwa mujeri akaurayiwa. 00:22:10.466 --> 00:22:13.254 Saka ndinofunga kuti vanhu vakange vabatikana zvakanyanya, 00:22:13.254 --> 00:22:15.624 vachitya kuti iye zvino vangangorasikirwa naPetro 00:22:15.624 --> 00:22:17.193 paakatakurwa kuenda kujeri. 00:22:17.193 --> 00:22:19.728 Izvi zvakavaita kuti vatambudzike mupfungwa. 00:22:19.728 --> 00:22:23.165 Saka vakasangana, vakanamata usiku hwese. 00:22:23.165 --> 00:22:26.342 Mambo Herodhi vakange vasunga dzimwe nhengo dzechechi 00:22:26.342 --> 00:22:28.522 uye vakange vachitoda kuvauraya. 00:22:28.522 --> 00:22:30.839 Herodhi paakauraya Jemusi nemunongdo, 00:22:30.839 --> 00:22:33.289 achiona kuti maJudha vakange vazvitendera, 00:22:33.289 --> 00:22:35.449 akabva asunga Petro zvakare. 00:22:35.449 --> 00:22:37.090 [mudzimai achipupura nemitauro yakasangana] 00:22:37.090 --> 00:22:39.377 "Petro ainge akarindwa nemapoka emasoja 00:22:39.377 --> 00:22:41.474 mana ane pfuti, boka rimwe riinemasoja mana. 00:22:41.474 --> 00:22:44.268 Takange tichityira upenyu hwake zvikuru. 00:22:44.268 --> 00:22:46.417 Saka chechi yakamunamatira." 00:22:46.417 --> 00:22:48.442 [murume achipupura nemitauro yakasangana] 00:22:48.442 --> 00:22:52.087 "Nousiku hwainzi naHerodi ndichafuma ndichiburitsa Petro kuti atongwe padare, 00:22:52.087 --> 00:22:54.090 Petro akange avete pakati pemasoja maviri 00:22:54.090 --> 00:22:57.889 akasungwa nengetani paine varindi vakange vakarinda mukova. 00:22:57.889 --> 00:22:59.996 Ipapo mutumwa waTenzi akabva auya 00:22:59.996 --> 00:23:02.254 mujeri mukabva maita chiedza. 00:23:02.254 --> 00:23:04.740 Mutumwa akarova Petro parutivi kuti amumutse, 00:23:04.740 --> 00:23:07.254 ngetani dzakange dzakamusunga dzikabva dzawira pasi. 00:23:07.254 --> 00:23:10.742 Sekuudzwa kwaakaitwa, Petro akatevera ngirozi vakabuda, 00:23:10.742 --> 00:23:14.771 vachipfuura varindi vese kusvika vave pazambara routare raipinda muguta." 00:23:14.771 --> 00:23:17.251 [mudzimai achipupura nemitauro yakasangana] 00:23:17.251 --> 00:23:19.622 "Vanhu vazhinji vakange vari kunamata pamwe-chete 00:23:19.622 --> 00:23:21.734 muimba yaMaria, mai vaJoni. 00:23:21.734 --> 00:23:25.544 Semuranda muimba iyi ndakanzwa kugogodza pamusiwo. 00:23:25.544 --> 00:23:30.844 ♪ mumhanzi wegitare wakanyorovera ♪ 00:23:30.844 --> 00:23:33.114 Nokungwarira, ndakaenda kunovhura musuwo. 00:23:33.114 --> 00:23:36.254 Ndakashamisika , kuona pakamira Petro. 00:23:36.254 --> 00:23:39.765 Takange tichitomunamatira ari mujeri." 00:23:39.765 --> 00:23:42.025 [murume achipupura nemitauro yakasanganiswa] 00:23:42.025 --> 00:23:44.758 "Ndeimwe nyaya inoratidza simba rekubatana pamunamato. 00:23:44.758 --> 00:23:49.515 Kuparidzwa kweshoko raMwari kwakaramba kuchibudiria uye kuchikura." 00:23:49.515 --> 00:23:51.954 Pavanhu vese vakange vari pamusangano wemunamato 00:23:51.954 --> 00:23:55.021 musi iwoyo, hapana aizokanganwa kuti ana Mwari 00:23:55.021 --> 00:23:57.105 vanopindura minamato. 00:23:57.105 --> 00:23:58.660 Kwese-kwese kwavakazoenda 00:23:58.660 --> 00:24:01.653 hupenyu hwavo hwese, vakaramba vachipupura 00:24:01.653 --> 00:24:04.354 pamusoro pesimba remunamato. nechikonzero ichi isu nhasi 00:24:04.354 --> 00:24:06.511 takainzwa, nekuti vakapupura nesimba guru 00:24:06.511 --> 00:24:09.595 nekuti zvakange zviri pachena kwavari, 00:24:09.595 --> 00:24:12.274 kwete kwoga kuti Mwari vanoda kubatsira vanhu, asi 00:24:12.274 --> 00:24:15.884 kuti Mwari vane simba rekuita zvinhu zvakakurisa, zvinoshamisa. 00:24:15.884 --> 00:24:19.568 Kwakambova nemubatanidzwa wenyika huru nhatu, 00:24:19.568 --> 00:24:23.314 waida kurwisa humambo huduku hwaJudha, rudzi rwakasarudzwa naMwari. 00:24:23.314 --> 00:24:26.011 Tichitarisa nemaziso enyama, kwaiva kukurirwa kukuru. 00:24:26.011 --> 00:24:28.518 Jehoshafait anotaura mashoko 00:24:28.518 --> 00:24:30.446 akatendeka kune avo vainamata. 00:24:30.446 --> 00:24:31.764 'Hatizivi zvokuita. 00:24:31.764 --> 00:24:32.751 Hatina simba. 00:24:32.751 --> 00:24:35.844 Hatitombokwanisi kurwa negurumwandira ravanhu vauya kuzorwa nesu.' 00:24:35.844 --> 00:24:39.667 Asi anotaurawo mashoko echokwadi anoratidza kuti Mwari ndiani. 00:24:39.667 --> 00:24:43.008 Mwari imi munokwanisa. Munoda kutibatsira. 00:24:43.008 --> 00:24:46.055 Munogona uye isu takamirira rubatsiro rwenyu. 00:24:46.055 --> 00:24:49.692 Izvi zvakabatsira kugadzirira vana vaMwari kuona rudzikinuro rwake. 00:24:49.692 --> 00:24:51.984 Kana tikazvininipisa mumunamato 00:24:51.984 --> 00:24:54.131 tinenge tichipa Mwari mvumo yekupaza 00:24:54.131 --> 00:24:56.941 dambudziko redu nenzira inoshamisa. 00:24:56.941 --> 00:25:00.512 Tinotaurirwawo zvakare mubhuku, Zvidzidzo Zvemifananidzo Yenyaya dzaKristu 00:25:00.512 --> 00:25:02.288 kuti tinonofanira kuisa minyengetero 00:25:02.288 --> 00:25:06.343 yedu nekutsunga nerusimbiro rusingatongorambwi. 00:25:06.343 --> 00:25:08.196 Chitsidzo chakanaka sei! 00:25:08.196 --> 00:25:24.797 ♪ mumhanzi wezviratidzo/unotyisa ♪ 00:25:24.797 --> 00:25:27.241 Vanhu vazhinji vakauya vakaudza Jehoshafati 00:25:27.241 --> 00:25:31.101 kuti kune gurumwandira revanhu vehondo vaiuya kuzomurwisa. 00:25:31.101 --> 00:25:34.869 Avhundutswa nenhau iyi, Jehoshaphat akatema zuva 00:25:34.869 --> 00:25:37.099 rekutsanya kuma Judha ese. 00:25:37.099 --> 00:25:39.853 Vanhu vakauya vachibva mumaguta ese aJudha 00:25:39.853 --> 00:25:42.379 kuzotsanya nekunamata pamwe chete. 00:25:42.379 --> 00:25:44.414 Isuwo tiri chikamu cheboka guru. 00:25:44.414 --> 00:25:48.868 Jehoshafati akakumbira Mwari nemwoyo wese kuti amubatsire. 00:25:48.868 --> 00:25:51.506 Ipapo umwe murume anonzi Jahaziel akasimuka 00:25:51.506 --> 00:25:55.032 akaudza Jehoshaphat kuti asatye kana kuvhunduka-- 00:25:55.032 --> 00:25:58.004 nekuti kurwa kwakange kusiri kwake, asi kwaMwari. 00:25:58.004 --> 00:26:05.251 ♪ mumhanzi unokurumidza ♪ 00:26:05.251 --> 00:26:07.191 [murume arikutaura mitauro yakasangana] 00:26:07.191 --> 00:26:08.769 "Akange ari mangwanani-ngwanani 00:26:08.769 --> 00:26:11.376 patakabuda takananga kurenje reTekoa. 00:26:11.376 --> 00:26:14.934 Takange tiine kutya pamusana pehondo huru yaiuya kuzotirwisa, 00:26:14.934 --> 00:26:17.417 asi takaudzwa kuti tive nekutenda. 00:26:17.417 --> 00:26:19.502 Takange tanamatawo zvakare. 00:26:19.502 --> 00:26:21.872 ♪ mumhanzi unotyisa ♪ 00:26:21.872 --> 00:26:24.266 Apo vatsori vedu vakakwira pamusoro pegomo 00:26:24.266 --> 00:26:26.831 vakaona zvitunha zvega panzvimbo yese yakakomberedza. 00:26:26.831 --> 00:26:28.731 ♪ mumhanzi unotyisa uchienderera mberi ♪ 00:26:28.731 --> 00:26:31.815 Vavengi vakange vapandukirana vakaurayana pachavo. 00:26:31.815 --> 00:26:34.182 Munamato waJehoshafati wakange wahwina hondo 00:26:34.182 --> 00:26:36.627 pasina kurwisana. 00:26:36.627 --> 00:26:38.377 Tikatarisa munamato, 00:26:38.377 --> 00:26:40.111 mubhuku raMabasa muBhaibheri, 00:26:40.111 --> 00:26:41.891 tinoona muenzaniso wakanaka. 00:26:41.891 --> 00:26:44.506 Muenzaniso uyu ndewekuti vadzidzi vaJesu, 00:26:44.506 --> 00:26:48.361 pavanotanga kukowera izvo Mwari akaisa pahana dzavo, 00:26:48.361 --> 00:26:52.435 vanotambudzwa, dzimwe nguva kusvika pakufa. 00:26:52.435 --> 00:26:54.981 Pavanotanga kutambudzwa, 00:26:54.981 --> 00:26:57.592 vanounganidza vatendi pamwe-chete. 00:26:57.592 --> 00:27:01.774 Vanonamata, Mweya Mutsvene wobva wadururwa. 00:27:01.774 --> 00:27:03.688 Izvi zvinobatsira kuti shoko raMwari 00:27:03.688 --> 00:27:06.515 riparidzwe nesimba rakawedzerwa. 00:27:06.515 --> 00:27:09.418 Naizvozvo sangano raMwari rinokura. 00:27:09.418 --> 00:27:11.515 Kubatana pamunamato kwakakosha zvikuru 00:27:11.515 --> 00:27:15.191 kuchechi parumutsiriro 00:27:15.191 --> 00:27:21.505 nekupodzwa kwematambudziko enyika. 00:27:21.505 --> 00:27:24.009 Munamato, kunyanya kana vanhu vari pamwe-chete, 00:27:24.009 --> 00:27:25.552 haungoitirwi kuti zvireruke, 00:27:25.552 --> 00:27:28.020 kumonyorora ruoko rwaMwari, 00:27:28.020 --> 00:27:31.301 vanhu vachidzokerera mutsara umwe-chete kazhinji-kazhinji. 00:27:31.301 --> 00:27:34.137 Munamato unoreva kuti vana vaMwari vanenge vauya pamwe-chete 00:27:34.137 --> 00:27:36.901 vachitsvaga kuenderana nekuda kwaMwari pazvikumbiro zvavo. 00:27:36.901 --> 00:27:39.530 Patinonamata, ndinofunga kuti zvinopindura mwoyo yedu. 00:27:39.530 --> 00:27:42.080 Zvakare kana tikava pamwe pamunamato, 00:27:42.080 --> 00:27:45.191 pane kubatana kunoitika. 00:27:45.191 --> 00:27:48.432 Naizvozvo patinokumbira, chipi kana chipi, 00:27:48.432 --> 00:27:51.885 muzita raJesu rine simba, zvatakumbira zvinoitika. 00:27:51.885 --> 00:27:54.957 Sei zvakakosha kubatana pamunamato? 00:27:54.957 --> 00:27:57.313 Nekuti zvinovhura mwoyo yedu 00:27:57.313 --> 00:28:00.351 kusimba raMwari mupenyu, 00:28:00.351 --> 00:28:02.488 kuti rive nesu patinenge tichipupura. 00:28:02.488 --> 00:28:05.874 Munamato unotiendesa pasi pemuchinjiko, pamwe-chete. 00:28:05.874 --> 00:28:08.701 Kubatana pamunamato kunotumira 00:28:08.701 --> 00:28:10.038 simba raMwari munyika yese. 00:28:10.038 --> 00:28:12.222 Ndinotenda kuti, kuti tibudirire muhondo huru, 00:28:12.222 --> 00:28:14.394 Mwari ndiye mubatsiri wedu, kwete mumunamato. 00:28:14.394 --> 00:28:17.760 Muhondo huru pakati pechiyedza nerima, 00:28:17.760 --> 00:28:20.899 Mwari havatitoreri rusununguko rwekusarudza. 00:28:20.899 --> 00:28:27.811 Asi patinonamata, Mwari vanovhura nzira itsva dzatingashanda nadzo. 00:28:27.811 --> 00:28:30.851 Mwari havasi kutobatsira mwanakomana kana mwanasikana uya tisati 00:28:30.851 --> 00:28:33.999 tanamata? Havasi kubatsira vemunharaunda yedu here tisati tanamata? 00:28:33.999 --> 00:28:36.493 Vari kubatsira. Asi vanomirirawo kuona sarudzo dzavo. 00:28:36.493 --> 00:28:39.513 Asi patinonamata, sezvakaitika mubhuku raMabasa, 00:28:39.513 --> 00:28:44.446 chechi payakanamata, Mwari vanokudza sarudzo yeuyo anenge anamata. 00:28:44.446 --> 00:28:48.549 Zvakare zvishamiso zvinoitika patinonamata muhumwe, pamwe-chete. 00:28:48.549 --> 00:28:52.521 Kana tikayanana nedenga, 00:28:52.521 --> 00:28:55.961 zvinova nyore kuti tiyanane nevakatikombereedza.