< Return to Video

Kupotsa kwako hakuziko kunotsanangura zvauri!!! | Mukoma Chris

  • 0:09 - 0:13
    Nyasha nerugare ngazvive nemi mose muzita raJesu guru
  • 0:13 - 0:20
    uye tinokugashirai kune chimwe chinyorwa che'Faith Is Natural' pano paMwoyo waMwari TV.
  • 0:20 - 0:26
    Nhasi, ndinoda kutaura nezvenyaya yakaitika kakawanda
  • 0:26 - 0:34
    muhurukuro nevanhu - munguva dzemunamato, kurairana nekurudziro.
  • 0:34 - 0:40
    Ndichangobva kuona kuti vanhu vakawanda nhasi
  • 0:40 - 0:47
    vari kurarama hupenyu hwavo kuburikidza neiyi lenzi yezuro,
  • 0:47 - 0:49
    kuburikidza ne lens yezvakaitika kare -
  • 0:49 - 0:56
    zvakaipa zvavo zvekare, zvikanganiso, kukuvara nemarwadzo.
  • 0:56 - 1:02
    Uye nekuda kweizvi, vazhinji vanozviwana vabatwa
  • 1:02 - 1:13
    mukutenderera uku kwakashata kwemhosva nekutongwa pamusoro pezvakaipa zvavakaita
  • 1:13 - 1:18
    kana denderedzwa rakashata rakaenzana rehasha nekugumbuka
  • 1:18 - 1:23
    pamusoro pezvakaipa zvavakaitirwa kare.
  • 1:23 - 1:27
    Uye zvine ngozi.
  • 1:27 - 1:36
    Vanhu vaMwari, ichi hachisi chimwe chinhu kunze kwezano remanomano, zano radhiabhorosi
  • 1:36 - 1:41
    kukubvisa pana Mwari.
  • 1:41 - 1:46
    Satani anofarira kukurukura newe zvakaitika kare.
  • 1:46 - 1:53
    Anofarira kukuyeuchidza zvekare - kukundikana kwekare, zvakaipa zvekare, kukuvara kwakapfuura.
  • 1:53 - 1:58
    Nekuti ndicho chega chinokubatanidzai naye.
  • 1:58 - 2:05
    Ndiwo chete ruzivo rwaanarwo pamusoro pako - yako yapfuura.
  • 2:05 - 2:11
    Uye dhiabhori achatora nzira yese iripo
  • 2:11 - 2:19
    kuedza uye kukudzivisa kuita maererano neShoko raMwari ikozvino.
  • 2:19 - 2:25
    Tarisa, haana basa kana ukaongorora Shoko.
  • 2:25 - 2:31
    Haana basa nazvo kana ukayemura Shoko kana kubvuma chokwadi cheShoko racho
  • 2:31 - 2:36
    chero ukasaita paShoko iroro.
  • 2:36 - 2:39
    Haadi kuti uite zvinoenderana neShoko raMwari!
  • 2:39 - 2:49
    Anoda kuti urarame hupenyu hwako kuburikidza nekuona kwekare kwako kusina kukodzera,
  • 2:49 - 2:53
    kuti iwe usefa zvese nemairi,
  • 2:53 - 3:01
    kuitira kukanganisa kugona kwako kuita kutenda panguva ino
  • 3:01 - 3:07
    uye nokudaro kusvibisa ramangwana rako.
  • 3:07 - 3:20
    Vanhu vaMwari zvine njodzi kufamba nzendo dzisina basa kupinda nezuro.
  • 3:20 - 3:24
    Zvine ngozi zvikuru.
  • 3:24 - 3:31
    Tarisa, yako yapfuura haitsananguri yako ikozvino
  • 3:31 - 3:36
    uye hazvirondedzere ramangwana rako.
  • 3:36 - 3:41
    Iwe unogona kudzidza kubva kune yako yekare usingararame mune yako yapfuura.
  • 3:41 - 3:45
    Usagara mairi; dzidza kubva pazviri.
  • 3:45 - 3:55
    Usaremekedza hunyengeri hwadhiyabhorosi nekutarisa kwako - kutarisisa kwako kwakakosha.
  • 3:55 - 4:00
    Nokuti kukanganisa kwako hakukutsananguri iwe.
  • 4:00 - 4:04
    Pisarema 37:24
  • 4:04 - 4:09
    Ndinodzokorora - kukanganisa kwako hakukutsananguri.
  • 4:09 - 4:13
    Chokwadi, vanogona kutokunatsa.
  • 4:13 - 4:22
    Ndinoreva, Mwari vanogona kutoshandisa kukanganisa kwako kukuendesa kunzvimbo
  • 4:22 - 4:33
    kwaAnoda kuti uve - zvichienderana nemhinduro yako.
  • 4:33 - 4:35
    Chinokosha chiri mumhinduro yako.
  • 4:35 - 4:38
    Iwe unoita sei kune chakaipa ichocho?
  • 4:38 - 4:41
    Zvino, regai ndikupei muenzaniso unoshanda zvikuru.
  • 4:41 - 4:44
    Chimbofungidzira uri parwendo kune imwe nzvimbo.
  • 4:44 - 4:46
    Uri kuenda kumwe; unoziva kwauri kuenda.
  • 4:46 - 4:51
    Uye parwendo urwu, unongoerekana waona kuti uri panzvimbo isiri iyo.
  • 4:51 - 4:54
    Watora danho risina kunaka; wapotsa nzira.
  • 4:54 - 4:56
    Unoita nezvei?
  • 4:56 - 5:03
    Iwe unofanirwa kudzoreredza nhanho dzako uye kudzokera munzira.
  • 5:03 - 5:07
    Kana iwe ukaona kuti waenda nenzira isiri iyo, unongoti,
  • 5:07 - 5:11
    'Aa, nguva yapera! Rega ndingoenderera mberi nenzira iyi isiriyo.'
  • 5:11 - 5:24
    Aihwa! Iwe unokurumidza kudzokera kugwara chairo, dzokera munzira uye uenderere mberi nerwendo rwako.
  • 5:24 - 5:32
    Vanhu vaMwari, murwendo urwu rwehupenyu,
  • 5:32 - 5:39
    kana ukatora danho risina kunaka, unopindura sei?
  • 5:39 - 5:42
    Iwe unoita sei?
  • 5:42 - 5:53
    Unoziva here kukanganisa kwako, dzokorora nhanho dzako uye womhanyira kuna Mwari mukutendeuka?
  • 5:53 - 6:00
    Kana kuti unoramba kuzviongorora here,
  • 6:00 - 6:03
    kuumburuka mukuzvinzwira tsitsi
  • 6:03 - 6:17
    uye wowira pasi mukati medandemutande iro rakavhiringika remhosva, kushora uye kuzvidzikisira?
  • 6:17 - 6:24
    Unodzokera munzira here kana kuti unoenda kure kure?
  • 6:24 - 6:28
    Sarudzo ndeyako.
  • 6:28 - 6:40
    Kusarudza kurarama mune yako yapfuura kusarudza kuenda kure kure.
  • 6:40 - 6:45
    Kuwira mumhosva nekutongwa - uri kungoenda kure kure.
  • 6:45 - 6:48
    Nenzira imwechete, kana iwe uchipembedza kukanganisa kwako
  • 6:48 - 6:51
    kana kunongedzera zvigunwe kuruboshwe, kurudyi nepakati
  • 6:51 - 6:57
    kana kupa tuzvikonzero, unenge wava kutsauka.
  • 6:57 - 7:02
    Uye chinhu chine ngozi apa ndechekuti
  • 7:02 - 7:10
    paunowedzera nguva yako yekugara mune zvakaipa,
  • 7:10 - 7:19
    ndiko kuwedzera kukuvadza kunoitwa nadhiabhorosi mumwoyo mako.
  • 7:19 - 7:27
    Uye kana dhiabhorosi akatsika mumoyo mako,
  • 7:27 - 7:33
    kuti kukanganisa kunogona kuwedzera kumba kwako nyore,
  • 7:33 - 7:39
    muchato wako, mhuri, hukama uye basa.
  • 7:39 - 7:45
    Haiwa dandemutande rakaita sei isu tinoruka
  • 7:45 - 7:52
    patinokanganisa, tinoramba kubva.
  • 7:52 - 7:55
    Handisi kuti hauzokanganisa.
  • 7:55 - 7:58
    Munhu wese anokanganisa parwendo urwu.
  • 7:58 - 8:00
    Munhu wese anopotsa chiratidzo.
  • 8:00 - 8:05
    Ndinoreva, ingotarisa kuBhaibheri, chiyero chedu, Shoko raMwari -
  • 8:05 - 8:10
    vanhu vakawanda zvikuru vemuBhaibheri vatinoverenga nezvavo.
  • 8:10 - 8:14
    Noah ainetseka nedoro.
  • 8:14 - 8:16
    Jakobho akashandisa unyengeri.
  • 8:16 - 8:20
    Roti akarwisana nemakaro.
  • 8:20 - 8:25
    Ko Moses akapishana nehasha.
  • 8:25 - 8:31
    Petro aigara achikurirwa nekutya, Tomasi nekukahadzika.
  • 8:31 - 8:37
    Ko Mambo David, Soromoni, Samusoni - vese vakakundwa neruchiva.
  • 8:37 - 8:44
    Hapana akakwana munyika ino (VaRoma 3:10, 23)
  • 8:44 - 8:52
    Tose tinokanganisa munzira dzakawanda (Jakobho 3:2)
  • 8:52 - 8:59
    Munyika ino yakaipa, kuchagara kuine kunetsana ikoko,
  • 8:59 - 9:04
    iyo hondo iri mumoyo wemunhu pakati penyama nemweya.
  • 9:04 - 9:12
    Pfungwa iri mumoyo mako ihondo yauchatarisana nayo kusvika pazuva rekupedzisira,
  • 9:12 - 9:16
    'kusvikira Jesu auya - ndiyo hondo yauchasangana nayo.
  • 9:16 - 9:22
    Saka, kurudziro yangu kwamuri nhasi, vanhu vaMwari, ndeiyi:
  • 9:22 - 9:30
    Ukangoziva kuti watora danho risiri iro,
  • 9:30 - 9:36
    kurumidza kudzokera munzira.
  • 9:36 - 9:46
    Usarebesa kugara kwako muzvakaipa nemhinduro yako kwazviri.
  • 9:46 - 9:54
    Tarisa, semwana waMwari, unogona kuziva paunotora nhanho isiriyo.
  • 9:54 - 10:03
    Sei? Mweya waMwari unozoita kuti hana yako itendeuke.
  • 10:03 - 10:08
    VaRoma 9:1; 2 VaKorinte 7:10
  • 10:08 - 10:14
    Mweya Mutsvene vanozokurudzira hana yako kutendeuka.
  • 10:14 - 10:25
    Mubvunzo ndewokuti - mweya wako unonzwisisa zvakadii?
  • 10:25 - 10:33
    Unokurumidza sei kupindura?
  • 10:33 - 10:43
    Kukurumidza kwaunoona kukanganisa kwako kunoenzanirana
  • 10:43 - 10:53
    kusvika pamwero apo Shoko raMwari rinotonga mwoyo wako.
  • 10:53 - 11:04
    Uye kuve nehanya zvakanyanya nekufemerwa kweMweya waMwari mumweya wako.
  • 11:04 - 11:10
    unofanira kungopedza nguva yakawanda uri patsoka dzake,
  • 11:10 - 11:13
    nguva yakawanda pamberi pake,
  • 11:13 - 11:16
    nguva yakawanda muShoko ravo.
  • 11:16 - 11:22
    Anofanira kukura; unofanira kuderera (Johane 3:30).
  • 11:22 - 11:26
    Nokuti zvose zviri pamusoro paJesu; hazvisi pamusoro pako.
  • 11:26 - 11:32
    Hazvisi zvekukodzera kwako nekuti hapana akakodzera.
  • 11:32 - 11:39
    Hazvisi zveutera hwako nekuti munhu wese ane ma weakness.
  • 11:39 - 11:45
    Zvose zvinoenderana nechido chako -
  • 11:45 - 11:49
    kuda kwako kubvuma kukanganisa kwako,
  • 11:49 - 11:53
    kuisa kuzvikudza kwako parutivi,
  • 11:53 - 11:59
    dzokorora nhanho dzako, dzokera mugwara naMwari
  • 11:59 - 12:03
    uye uenderere mberi nerwendo rwako rwekutenda.
  • 12:03 - 12:11
    Nokuti haufaniri kuve wakakwana kuti uve mwana waMwari;
  • 12:11 - 12:15
    unofanira kungowanikwa chete.
  • 12:15 - 12:19
    Vanhu vaMwari nhasi ndichakusiya neshoko reRugwaro
  • 12:19 - 12:23
    kubva muApostora Pauro muna VaRoma 8:1.
  • 12:23 - 12:35
    Ndokuti: Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva
  • 12:35 - 12:39
    kune avo vari muna Kristu Jesu.
  • 12:39 - 12:45
    Zvino, Gwaro iri haritipi hwaro hwekunzwira tsitsi nechivi,
  • 12:45 - 12:50
    kupembedza zvisizvo kana kutora nyasha sechinhu chisina basa. Aihwa!
  • 12:50 - 13:01
    Asi rinongosimbisa kuti hatifaniri kubvumira mhosva yezvikanganiso zvedu
  • 13:01 - 13:10
    kutitorera rugare rusina kujairika rwunowanikwa mururegerero rwaKristu.
  • 13:10 - 13:16
    Panzvimbo pokutadza kwako kukudzinga pamberi paMwari.
  • 13:16 - 13:24
    chinofanira kuva chikonzero chokuti iwe uswedere pedyo Naye.
  • 13:24 - 13:28
    Nekuti mumashoko eMuporofita TB Joshua:
  • 13:28 - 13:39
    "Unogona kuziva kuti uri mwana waMwari kana kukanganisa kwako kunomutsa hupenyu hwako hwemweya."
  • 13:39 - 13:41
    Ndinokutendai, Jesu Kristu.
  • 13:41 - 13:45
    Izvozvi vanhu vaMwari yasvika nguva yekunyengetera.
  • 13:51 - 14:00
    Parizvino, kumoyo wese wakasvibiswa nemhosva -
  • 14:00 - 14:06
    kunatswa, nemuZita rine simba raJesu Kristu!
  • 14:06 - 14:11
    Kumweya mumwe nomumwe unotambudzika nokupiwa mhosva;
  • 14:11 - 14:19
    kunatswa neRopa rinokosha raJesu Kristu!
  • 14:19 - 14:27
    Kana Ropa raJesu Kristu rakusuka, wacheneswa zvirokwazvo!
  • 14:27 - 14:29
    Cheneswa izvozvi!
  • 14:29 - 14:38
    Mumweya wako, mumweya wako, mumuviri wako - ucheneswe!
  • 14:38 - 14:49
    Wese mweya wekutambudzika, husungwa, hutera, hope dzinotyisa -
  • 14:49 - 14:53
    kusukwa neRopa raJesu Kristu!
  • 14:53 - 15:04
    Bvisa kunze izvozvi, nemuZita rine simba raJesu Kristu!
  • 15:04 - 15:07
    Gamuchira ushingi!
  • 15:07 - 15:10
    Gamuchira simba!
  • 15:10 - 15:20
    Gamuchira kugutsikana kwekubata nzvimbo yako muna Kristu!
  • 15:20 - 15:27
    O Ishe, kotamisa moyo wese wakasindimara uye kuda.
  • 15:27 - 15:31
    Tungamira matanho anorasika.
  • 15:31 - 15:36
    Shamba mavara emhosva.
  • 15:36 - 15:41
    Tibatsirei kuona nemeso enyu.
  • 15:41 - 15:49
    Tiswededze kuhukama hwepedyo neMi
  • 15:49 - 15:57
    uye tipeiwo kunzwisisa kukuru kwemoyo wenyu.
  • 15:57 - 16:06
    Muzita guru raJesu Kristu! Ameni!
  • 16:06 - 16:08
    Ndinokutendai, Jesu Kristu.
Title:
Kupotsa kwako hakuziko kunotsanangura zvauri!!! | Mukoma Chris
Description:

Unogona kudzidza kubva kunezvakaitika kumashure asi usingararame mune zvekumashure! Zvidzikinure kubva muhusungwa nekuzvishoora une nekukurudzirika murwendo rwako rwekutenda kubva pamharidzo inobatika kubva kuna Mukoma Chris,' Dzoka zvakare mugwara'.

Rutendo chisikirwo chirongwa pa God's Heart Tv chine mashoko mapfupi ekurudziro muhupenyu hwedu kubva mushoko raMwari- mukunaka mezvisikwa Zvake. Komborerwai apo munobatirana nesu Muzita raJesu!

Zvikamu
00:00 - Tsanangudzo yekuti Rutendo Chisikirwo
00:36 - Vzhinji vanogara munezvakaitika kumashure.
01:41 - Satani anokuyeuchidza zvekumashure
03:09 - Zvakaipa kugara mune zvakaititka mumashure
04:06 - Kupotsa kwako hakukutsanangure asi kunogona kukusimbisia
05:25- Unoita sei kana watora danho risiri iro?
07:01- Usarebesa ugaro hwako uri muchivi
08:10- Hakuna mutsvene pasi pano
09:55- Mweya Mutsvene unokuudza apo unofanirwa kutendeuka
12:22- Hpana kupihwa mhosva kune vari muna Kristu
13:50- Munamato weva vuki naMukoma CHRIS

# RUTENDO CHISIKIRWO

➡️ Wana kurudziro mazuva ese pa WhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Kana uchida kubetsera nemari enda apa - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Zvizere ne Interactive Prayer - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ kana uchida kuturikira enda apa God's Heart TV Translator - https://godsheart.tv/translate/

more » « less
Video Language:
English
Team:
God's Heart TV
Duration:
16:33

Shona subtitles

Revisions Compare revisions