< Return to Video

Kupotsa kwako hakuziko kunotsanangura zvauri!!! | Mukoma Chris

  • 0:09 - 0:13
    Nyasha nerugare ngazvive nemi mose muzita raJesu guru
  • 0:13 - 0:20
    uye tinokugashirai kune chimwe chinyorwa che'Faith Is Natural' pano paMwoyo waMwari TV.
  • 0:20 - 0:26
    Nhasi, ndinoda kutaura nezvenyaya yakaitika kakawanda
  • 0:26 - 0:34
    muhurukuro nevanhu - munguva dzemunamato, kurairana nekurudziro.
  • 0:34 - 0:40
    Ndichangobva kuona kuti vanhu vakawanda nhasi
  • 0:40 - 0:47
    vari kurarama hupenyu hwavo kuburikidza neiyi lenzi yezuro,
  • 0:47 - 0:49
    kuburikidza ne lens yezvakaitika kare -
  • 0:49 - 0:56
    zvakaipa zvavo zvekare, zvikanganiso, kukuvara nemarwadzo.
  • 0:56 - 1:02
    Uye nekuda kweizvi, vazhinji vanozviwana vabatwa
  • 1:02 - 1:13
    mukutenderera uku kwakashata kwemhosva nekutongwa pamusoro pezvakaipa zvavakaita
  • 1:13 - 1:18
    kana denderedzwa rakashata rakaenzana rehasha nekugumbuka
  • 1:18 - 1:23
    pamusoro pezvakaipa zvavakaitirwa kare.
  • 1:23 - 1:27
    Uye zvine ngozi.
  • 1:27 - 1:36
    Vanhu vaMwari, ichi hachisi chimwe chinhu kunze kwezano remanomano, zano radhiabhorosi
  • 1:36 - 1:41
    kukubvisa pana Mwari.
  • 1:41 - 1:46
    Satani anofarira kukurukura newe zvakaitika kare.
  • 1:46 - 1:53
    Anofarira kukuyeuchidza zvekare - kukundikana kwekare, zvakaipa zvekare, kukuvara kwakapfuura.
  • 1:53 - 1:58
    Nekuti ndicho chega chinokubatanidzai naye.
  • 1:58 - 2:05
    Ndiwo chete ruzivo rwaanarwo pamusoro pako - yako yapfuura.
  • 2:05 - 2:11
    Uye dhiabhori achatora nzira yese iripo
  • 2:11 - 2:19
    kuedza uye kukudzivisa kuita maererano neShoko raMwari ikozvino.
  • 2:19 - 2:25
    Tarisa, haana basa kana ukaongorora Shoko.
  • 2:25 - 2:31
    Haana basa nazvo kana ukayemura Shoko kana kubvuma chokwadi cheShoko racho
  • 2:31 - 2:36
    chero ukasaita paShoko iroro.
  • 2:36 - 2:39
    Haadi kuti uite zvinoenderana neShoko raMwari!
  • 2:39 - 2:49
    Anoda kuti urarame hupenyu hwako kuburikidza nekuona kwekare kwako kusina kukodzera,
  • 2:49 - 2:53
    kuti iwe usefa zvese nemairi,
  • 2:53 - 3:01
    kuitira kukanganisa kugona kwako kuita kutenda panguva ino
  • 3:01 - 3:07
    uye nokudaro kusvibisa ramangwana rako.
  • 3:07 - 3:20
    Vanhu vaMwari zvine njodzi kufamba nzendo dzisina basa kupinda nezuro.
  • 3:20 - 3:24
    Zvine ngozi zvikuru.
  • 3:24 - 3:31
    Tarisa, yako yapfuura haitsananguri yako ikozvino
  • 3:31 - 3:36
    uye hazvirondedzere ramangwana rako.
  • 3:36 - 3:41
    Iwe unogona kudzidza kubva kune yako yekare usingararame mune yako yapfuura.
  • 3:41 - 3:45
    Usagara mairi; dzidza kubva pazviri.
  • 3:45 - 3:55
    Usaremekedza hunyengeri hwadhiyabhorosi nekutarisa kwako - kutarisisa kwako kwakakosha.
  • 3:55 - 4:00
    Nokuti kukanganisa kwako hakukutsananguri iwe.
  • 4:00 - 4:04
    Pisarema 37:24
  • 4:04 - 4:09
    Ndinodzokorora - kukanganisa kwako hakukutsananguri.
  • 4:09 - 4:13
    Chokwadi, vanogona kutokunatsa.
  • 4:13 - 4:22
    Ndinoreva, Mwari vanogona kutoshandisa kukanganisa kwako kukuendesa kunzvimbo
  • 4:22 - 4:33
    kwaAnoda kuti uve - zvichienderana nemhinduro yako.
  • 4:33 - 4:35
    Chinokosha chiri mumhinduro yako.
  • 4:35 - 4:38
    Iwe unoita sei kune chakaipa ichocho?
  • 4:38 - 4:41
    Zvino, regai ndikupei muenzaniso unoshanda zvikuru.
  • 4:41 - 4:44
    Chimbofungidzira uri parwendo kune imwe nzvimbo.
  • 4:44 - 4:46
    Uri kuenda kumwe; unoziva kwauri kuenda.
  • 4:46 - 4:51
    Uye parwendo urwu, unongoerekana waona kuti uri panzvimbo isiri iyo.
  • 4:51 - 4:54
    Watora danho risina kunaka; wapotsa nzira.
  • 4:54 - 4:56
    Unoita nezvei?
  • 4:56 - 5:03
    Iwe unofanirwa kudzoreredza nhanho dzako uye kudzokera munzira.
  • 5:03 - 5:07
    Kana iwe ukaona kuti waenda nenzira isiri iyo, unongoti,
  • 5:07 - 5:11
    'Aa, nguva yapera! Rega ndingoenderera mberi nenzira iyi isiriyo.'
  • 5:11 - 5:24
    Aihwa! Iwe unokurumidza kudzokera kugwara chairo, dzokera munzira uye uenderere mberi nerwendo rwako.
  • 5:24 - 5:32
    Vanhu vaMwari, murwendo urwu rwehupenyu,
  • 5:32 - 5:39
    kana ukatora danho risina kunaka, unopindura sei?
  • 5:39 - 5:42
    Iwe unoita sei?
  • 5:42 - 5:53
    Unoziva here kukanganisa kwako, dzokorora nhanho dzako uye womhanyira kuna Mwari mukutendeuka?
  • 5:53 - 6:00
    Kana kuti unoramba kuzviongorora here,
  • 6:00 - 6:03
    kuumburuka mukuzvinzwira tsitsi
  • 6:03 - 6:17
    uye wowira pasi mukati medandemutande iro rakavhiringika remhosva, kushora uye kuzvidzikisira?
  • 6:17 - 6:24
    Unodzokera munzira here kana kuti unoenda kure kure?
  • 6:24 - 6:28
    Sarudzo ndeyako.
  • 6:28 - 6:40
    Kusarudza kurarama mune yako yapfuura kusarudza kuenda kure kure.
  • 6:40 - 6:45
    Kuwira mumhosva nekutongwa - uri kungoenda kure kure.
  • 6:45 - 6:48
    Nenzira imwechete, kana iwe uchipembedza kukanganisa kwako
  • 6:48 - 6:51
    kana kunongedzera zvigunwe kuruboshwe, kurudyi nepakati
  • 6:51 - 6:57
    kana kupa tuzvikonzero, unenge wava kutsauka.
  • 6:57 - 7:02
    Uye chinhu chine ngozi apa ndechekuti
  • 7:02 - 7:10
    paunowedzera nguva yako yekugara mune zvakaipa,
  • 7:10 - 7:19
    ndiko kuwedzera kukuvadza kunoitwa nadhiabhorosi mumwoyo mako.
  • 7:19 - 7:27
    Uye kana dhiabhorosi akatsika mumoyo mako,
  • 7:27 - 7:33
    kuti kukanganisa kunogona kuwedzera kumba kwako nyore,
  • 7:33 - 7:39
    muchato wako, mhuri, hukama uye basa.
  • 7:39 - 7:45
    Haiwa dandemutande rakaita sei isu tinoruka
  • 7:45 - 7:52
    patinokanganisa, tinoramba kubva.
  • 7:52 - 7:55
    Handisi kuti hauzokanganisa.
  • 7:55 - 7:58
    Munhu wese anokanganisa parwendo urwu.
  • 7:58 - 8:00
    Munhu wese anopotsa chiratidzo.
  • 8:00 - 8:05
    Ndinoreva, ingotarisa kuBhaibheri, chiyero chedu, Shoko raMwari -
  • 8:05 - 8:10
    vanhu vakawanda zvikuru vemuBhaibheri vatinoverenga nezvavo.
  • 8:10 - 8:14
    Noah ainetseka nedoro.
  • 8:14 - 8:16
    Jakobho akashandisa unyengeri.
  • 8:16 - 8:20
    Roti akarwisana nemakaro.
  • 8:20 - 8:25
    Ko Moses akapishana nehasha.
  • 8:25 - 8:31
    Petro aigara achikurirwa nekutya, Tomasi nekukahadzika.
  • 8:31 - 8:37
    Ko Mambo David, Soromoni, Samusoni - vese vakakundwa neruchiva.
  • 8:37 - 8:44
    Hapana akakwana munyika ino (VaRoma 3:10, 23)
  • 8:44 - 8:52
    Tose tinokanganisa munzira dzakawanda (Jakobho 3:2)
  • 8:52 - 8:59
    Munyika ino yakaipa, kuchagara kuine kunetsana ikoko,
  • 8:59 - 9:04
    iyo hondo iri mumoyo wemunhu pakati penyama nemweya.
  • 9:04 - 9:12
    Pfungwa iri mumoyo mako ihondo yauchatarisana nayo kusvika pazuva rekupedzisira,
  • 9:12 - 9:16
    'kusvikira Jesu auya - ndiyo hondo yauchasangana nayo.
  • 9:16 - 9:22
    Saka, kurudziro yangu kwamuri nhasi, vanhu vaMwari, ndeiyi:
  • 9:22 - 9:30
    Ukangoziva kuti watora danho risiri iro,
  • 9:30 - 9:36
    kurumidza kudzokera munzira.
  • 9:36 - 9:46
    Usarebesa kugara kwako muzvakaipa nemhinduro yako kwazviri.
  • 9:46 - 9:54
    Tarisa, semwana waMwari, unogona kuziva paunotora nhanho isiriyo.
  • 9:54 - 10:03
    Sei? Mweya waMwari unozoita kuti hana yako itendeuke.
  • 10:03 - 10:08
    VaRoma 9:1; 2 VaKorinte 7:10
  • 10:08 - 10:14
    Mweya Mutsvene vanozokurudzira hana yako kutendeuka.
  • 10:14 - 10:25
    Mubvunzo ndewokuti - mweya wako unonzwisisa zvakadii?
  • 10:25 - 10:33
    Unokurumidza sei kupindura?
  • 10:33 - 10:43
    Kukurumidza kwaunoona kukanganisa kwako kunoenzanirana
  • 10:43 - 10:53
    kusvika pamwero apo Shoko raMwari rinotonga mwoyo wako.
  • 10:53 - 11:04
    Uye kuve nehanya zvakanyanya nekufemerwa kweMweya waMwari mumweya wako.
  • 11:04 - 11:10
    unofanira kungopedza nguva yakawanda uri patsoka dzake,
  • 11:10 - 11:13
    nguva yakawanda pamberi pake,
  • 11:13 - 11:16
    nguva yakawanda muShoko ravo.
  • 11:16 - 11:22
    Anofanira kukura; unofanira kuderera (Johane 3:30).
  • 11:22 - 11:26
    Nokuti zvose zviri pamusoro paJesu; hazvisi pamusoro pako.
  • 11:26 - 11:32
    Hazvisi zvekukodzera kwako nekuti hapana akakodzera.
  • 11:32 - 11:39
    Hazvisi zveutera hwako nekuti munhu wese ane ma weakness.
  • 11:39 - 11:45
    Zvose zvinoenderana nechido chako -
  • 11:45 - 11:49
    kuda kwako kubvuma kukanganisa kwako,
  • 11:49 - 11:53
    kuisa kuzvikudza kwako parutivi,
  • 11:53 - 11:59
    dzokorora nhanho dzako, dzokera mugwara naMwari
  • 11:59 - 12:03
    uye uenderere mberi nerwendo rwako rwekutenda.
  • 12:03 - 12:11
    Nokuti haufaniri kuve wakakwana kuti uve mwana waMwari;
  • 12:11 - 12:15
    unofanira kungowanikwa chete.
  • 12:15 - 12:19
    Vanhu vaMwari nhasi ndichakusiya neshoko reRugwaro
  • 12:19 - 12:23
    kubva muApostora Pauro muna VaRoma 8:1.
  • 12:23 - 12:35
    Ndokuti: Naizvozvo ikozvino hakuna kupiwa mhosva
  • 12:35 - 12:39
    kune avo vari muna Kristu Jesu.
  • 12:39 - 12:45
    Zvino, Gwaro iri haritipi hwaro hwekunzwira tsitsi nechivi,
  • 12:45 - 12:50
    kupembedza zvisizvo kana kutora nyasha sechinhu chisina basa. Aihwa!
  • 12:50 - 13:01
    Asi rinongosimbisa kuti hatifaniri kubvumira mhosva yezvikanganiso zvedu
  • 13:01 - 13:10
    kutitorera rugare rusina kujairika rwunowanikwa mururegerero rwaKristu.
  • 13:10 - 13:16
    Panzvimbo pokutadza kwako kukudzinga pamberi paMwari.
  • 13:16 - 13:24
    chinofanira kuva chikonzero chokuti iwe uswedere pedyo Naye.
  • 13:24 - 13:28
    Nekuti mumashoko eMuporofita TB Joshua:
  • 13:28 - 13:39
    "Unogona kuziva kuti uri mwana waMwari kana kukanganisa kwako kunomutsa hupenyu hwako hwemweya."
  • 13:39 - 13:41
    Ndinokutendai, Jesu Kristu.
  • 13:41 - 13:45
    Izvozvi vanhu vaMwari yasvika nguva yekunyengetera.
  • 13:51 - 14:00
    Parizvino, kumoyo wese wakasvibiswa nemhosva -
  • 14:00 - 14:06
    kunatswa, nemuZita rine simba raJesu Kristu!
  • 14:06 - 14:11
    Kumweya mumwe nomumwe unotambudzika nokupiwa mhosva;
  • 14:11 - 14:19
    kunatswa neRopa rinokosha raJesu Kristu!
  • 14:19 - 14:27
    Kana Ropa raJesu Kristu rakusuka, wacheneswa zvirokwazvo!
  • 14:27 - 14:29
    Cheneswa izvozvi!
  • 14:29 - 14:38
    Mumweya wako, mumweya wako, mumuviri wako - ucheneswe!
  • 14:38 - 14:49
    Wese mweya wekutambudzika, husungwa, hutera, hope dzinotyisa -
  • 14:49 - 14:53
    kusukwa neRopa raJesu Kristu!
  • 14:53 - 15:04
    Bvisa kunze izvozvi, nemuZita rine simba raJesu Kristu!
  • 15:04 - 15:07
    Gamuchira ushingi!
  • 15:07 - 15:10
    Gamuchira simba!
  • 15:10 - 15:20
    Gamuchira kugutsikana kwekubata nzvimbo yako muna Kristu!
  • 15:20 - 15:27
    O Ishe, kotamisa moyo wese wakasindimara uye kuda.
  • 15:27 - 15:31
    Tungamira matanho anorasika.
  • 15:31 - 15:36
    Shamba mavara emhosva.
  • 15:36 - 15:41
    Tibatsirei kuona nemeso enyu.
  • 15:41 - 15:49
    Tiswededze kuhukama hwepedyo neMi
  • 15:49 - 15:57
    uye tipeiwo kunzwisisa kukuru kwemoyo wenyu.
  • 15:57 - 16:06
    Muzita guru raJesu Kristu! Ameni!
  • 16:06 - 16:08
    Ndinokutendai, Jesu Kristu.
Title:
Kupotsa kwako hakuziko kunotsanangura zvauri!!! | Mukoma Chris
Description:

more » « less
Video Language:
English
Team:
God's Heart TV
Duration:
16:33

Shona subtitles

Revisions Compare revisions