< Return to Video

Mukoma Chris Vanopindura Mibvunzo Inouya Ipapo Ipapo!

  • 0:00 - 0:04
    Kana iwe uri muhukama nemumwe munhu uye mwoyo wako uchinetseka
  • 0:04 - 0:07
    uye unoramba uchiti, 'Handina chokwadi',
  • 0:07 - 0:10
    Ndinokupai zano, haasi 'iye' - haasi 'iye'.
  • 0:14 - 0:20
    Parizvino, ndinoda kukupai mukana wekubvunza chero mibvunzo.
  • 0:20 - 0:24
    Kana uine mubvunzo waunoda kubvunza, ingoratidza nekusimudza ruoko.
  • 0:24 - 0:30
    Ndinoda kuziva - kana tine zvipo zvakawanda nematarenda,
  • 0:30 - 0:33
    tingaziva sei chinangwa chedu chaicho?
  • 0:33 - 0:44
    Ok. Saka imimi ,mukoma, ngatinyatsotaura. Itarenda rei ramuri kutaura nezvaro?
  • 0:44 - 0:48
    Mumhanzi.
  • 0:48 - 0:52
    Ok. Mimhanzi - muenzaniso wakanaka.
  • 0:52 - 1:01
    Tinoziva kubva muBhaibheri kuti nziyo chipo chinobva kuna Mwari.
  • 1:01 - 1:06
    Asi tarirai munharaunda nhasi.
  • 1:06 - 1:19
    Vanhu vazhinji vari kushandisa chipo chavanogamuchira kubva kuna Mwari kukudza dhiabhori.
  • 1:19 - 1:23
    mukoma, kana Mwari vakakupa chipo mune zvemimhanzi - zvinoshamisa!
  • 1:23 - 1:28
    Imba nziyo dzekurumbidza Mwari, kwete kupemberera nyika,
  • 1:28 - 1:36
    kwete kupemberera mari, ruchiva kana zvinhu zvose izvi zvoupenzi uye zvisina maturo. Kuna Mwari!
  • 1:55 - 2:11
    Kana ukashandisa chipo chako kumbiri yaMwari, acharamba achichiwedzera.
  • 2:11 - 2:28
    Uye haakuendese kunzvimbo iyo kwekuti hunhu hwako hunenge husina kuchengetedzwa zvakakwana.
  • 2:34 - 2:42
    Nokuti vanhu vazhinji nhasi - vanogona kusvika kune imwe nzvimbo nechipo
  • 2:42 - 2:47
    asi vanokurumidza kuwa nekuti havana hunhu.
  • 3:02 - 3:07
    Kana une chipo
  • 3:07 - 3:21
    uye unoona kuti hausi panzvimbo yaunotarisira kuve nechipo chaunacho,
  • 3:21 - 3:38
    pamwe Mwari varikukuchengetedza kuti ushande pahunhu hwako.
  • 3:38 - 3:52
    Chipo chinotanga; hunhu hunopera.
  • 3:52 - 3:58
    Saka, maita mukoma. Mwari vakukomborerei! Mubvunzo wakanaka.
  • 3:58 - 4:00
    Masikati akanaka. Ini ndinonzi Dayron.
  • 4:00 - 4:09
    Semurume wechidiki akakura achidzidziswa naProphet TB Joshua
  • 4:09 - 4:15
    munogona here kutipa mimwe mienzaniso yekuti tingava sei nehukama hwakadzama neMweya Mutsvene,
  • 4:15 - 4:23
    kusvika padanho rakafambiswa naMwari muThe SCOAN?
  • 4:23 - 4:28
    OK! Mubvunzo wakanaka.
  • 4:28 - 4:38
    Ndakataura chimwe chinhu nezuro, kuti rwendo rwangu rwakasiyana nerwako.
  • 4:38 - 4:48
    Uye kutenda hakubvi pakutevedzera.
  • 4:48 - 5:05
    Zvinobva paShoko raMwari mumwoyo yedu uye nekugutsikana kunobva ipapo.
  • 5:05 - 5:16
    Saka, ndinogona kukuudzai nhasi zvimwe zvinhu chaizvo zvandakaita.
  • 5:16 - 5:21
    Asi ini handisi iwe uye iwe hausi ini.
  • 5:21 - 5:29
    Unofanira kuziva, kubudikidza neShoko raMwari, zvaanoda kuti uite mumamiriro ako ezvinhu,
  • 5:29 - 5:32
    zvichibva mukudana kwake muhupenyu hwako.
  • 5:46 - 5:53
    Asi ndinogona kukupa mimwe misimboti
  • 5:53 - 6:06
    zvinogona kubatsira munhu wese, zvisinei nekuti Mwari anoda kuti uite sei.
  • 6:06 - 6:09
    Ndichakupai mimwe.
  • 6:09 - 6:22
    Paunomuka mangwanani munhu waunofanira kutanga kumhoresa ndiMwari.
  • 6:22 - 6:43
    Vazhinji vedu nhasi, patinomuka mangwanani, chinhu chekutanga chatinokwazisa inhare yedu.
  • 6:43 - 6:54
    Kana ukakwanisa kutanga zuva rako wakapfugama mumunamato,
  • 6:54 - 7:02
    unotanga zuva panheyo yakarurama.
  • 7:02 - 7:11
    Muporofita TB Joshua airarama hupenyu hwekunamata.
  • 7:11 - 7:23
    Hatisi kutaura nezvemunamato neSvondo kana nguva yeshumiro yasvika.
  • 7:23 - 7:32
    Airarama hupenyu hwekunamata zuva nezuva.
  • 7:32 - 7:38
    Akati, “Ndakatarisira kudzama kwoukama hwangu naMwari
  • 7:38 - 7:43
    uye Jesu akatarisira kufara kwekubudirira kwangu.”
  • 7:57 - 8:11
    Saka, vanhu vaMwari, hapana nzira yakakosha kana iri nyaya yekukura pamweya.
  • 8:11 - 8:22
    Kana uchida kuvaka hukama hwako naMwari, unofanira kunge wakagadzirira kupa nguva yakanaka.
  • 8:32 - 8:37
    Iraramiro yekuzvipira.
  • 8:37 - 8:40
    Nekuti kupa nguva iyoyo,
  • 8:40 - 8:48
    pane dzimwe nzvimbo dzehupenyu hwako dzauchazofanira kuzvipira.
  • 8:48 - 8:55
    Asi ndinokuudzai - chipi nechipi chaunorasikirwa nacho nokuda kwaMwari,
  • 8:55 - 9:02
    uchawana zvuru zvakapetwa kaviri.
  • 9:02 - 9:14
    Saka, maita henyu, Mukoma. Ndichangobva kukupai imwe yemimwe kuti mudye.
  • 9:14 - 9:17
    Ok, tinzwe kubva kuna mukoma wedu ari pano.
  • 9:17 - 9:21
    Ini ndinonzi Diolio uye ndine makore makumi maviri nemana.
  • 9:21 - 9:27
    Mubvunzo wangu ndewekuti - nderipi zano ramungapa kwamuri,
  • 9:27 - 9:32
    nezvamakasangana nazvo muna Jehovha, kana waiva nemakore makumi maviri nemana.
  • 9:32 - 9:42
    Ndichiri jaya; Handisati ndachembera kudaro!
  • 9:42 - 9:48
    Ndine makore makumi matatu nemashanu.
  • 9:48 - 9:54
    Saka, ndinozvitora sepwere.
  • 9:54 - 10:03
    Tine zvakawanda zvinofurira zvakatipoteredza.
  • 10:03 - 10:10
    Asi simba rakanakisa ndiMweya Mutsvene.
  • 10:10 - 10:13
    Kana pane chimwe chinhu chandingadai ndakaita zvakasiyana,
  • 10:13 - 10:20
    kungave kupedza nguva yakawanda ndichitevera hukama hwangu naMwari -
  • 10:20 - 10:24
    kunyange nguva yakawanda mumunamato, nguva yakawanda muShoko,
  • 10:24 - 10:32
    nguva yakawanda muhuvepo hwaMwari nekuti izvi zvinhu zvisinokosha.
  • 10:53 - 11:09
    Kana chimwe chinhu chisina mutengo, unofanira kunge wakagadzirira kubhadhara chero mutengo wacho.
  • 11:09 - 11:21
    Jesu akati, 'Kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rugure.'
  • 11:21 - 11:35
    Bhadhara chero mutengo kuti utevere hukama hwako naKristu.
  • 11:35 - 11:40
    Ok, tinoda kunzwa kubva kuna sisi. Ndatenda, hanzvadzi.
  • 11:40 - 11:44
    Zvikomborero. Ini ndinonzi Yunet.
  • 11:44 - 11:51
    Ndingaramba sei ndiri murudo nokutya Mwari?
  • 11:51 - 11:54
    Nekuti zvanga zvakandiomera.
  • 11:54 - 12:03
    Saka, ngatikubvunzei, hanzvadzi. Kana ukazviongorora, ndezvipi zvinhu izvo
  • 12:03 - 12:06
    zvinokanganisa kuda kwako Mwari kana kutya kwako Mwari.
  • 12:06 - 12:08
    Ingotaura chimwe chezvinhu izvozvo.
  • 12:18 - 12:23
    Ruchiva nehasha.
  • 12:23 - 12:32
    Saka nezuro nenyasha dzaMwari ndakanamatira vanhu kuti vasunungurwe.
  • 12:32 - 12:36
    Kununurwa kunoreva kudzura chero chinhu chemweya
  • 12:36 - 12:40
    izvo zviri kukusunda kuita chimwe chinhu chinopesana nechido chako.
  • 12:52 - 13:07
    Zvino wanunurwa, une sarudzo yekuti hongu kana kwete.
  • 13:07 - 13:12
    Usanyanya kukurumidza kuombera.
  • 13:12 - 13:20
    Nokuti kununurwa hakuzobvisi muedzo.
  • 13:20 - 13:30
    Kana pane chimwe chinhu, kusunungurwa kuchawedzera muedzo.
  • 13:30 - 13:35
    Nokuti dhiabhorosi haadi kuti usununguke.
  • 13:35 - 13:49
    Ndiko kusaka uchifanira kuva pachokwadi muukama hwako naMwari kuchengetedza zvaunogamuchira.
  • 13:49 - 13:52
    Saka, ngatitaure pamusoro peruchiva.
  • 13:52 - 14:08
    Vanhu vazhinji nhasi vanopomera dhiabhorosi nekupinda mikova yavanosiya yakashama kwaari.
  • 14:08 - 14:20
    Iwe ndiwe wakamuvhurira musuwo, uzoshamisika zvakre achipinda achirova
  • 14:20 - 14:25
    Muri kuedza dhiabhorosi kuti akuedzei.
  • 14:25 - 14:30
    'Mwari, ndinunurei kubva kumweya weruchiva' - asi tarisai foni yenyu.
  • 14:30 - 14:34
    Mizhinji yemifananidzo iri pafoni dzenyu, kana mukandikumbira kuti nditarise -
  • 14:34 - 14:35
    munotoda kuidzima.
  • 14:54 - 15:02
    Saka, zvandiri kutaura kuhanzvadzi yangu ndezvekuti kana ukaziva nzvimbo dzehupenyu hwako
  • 15:02 - 15:07
    idzo dzinokanganisa hukama hwako naMwari,
  • 15:07 - 15:15
    kuziva nzvimbo idzodzo kunofanira kukusvitsa kunzvimbo yekuzvipira kwakadzama kuna Mwari
  • 15:15 - 15:17
    kukunda miedzo iyoyo.
  • 15:36 - 15:43
    Kana tikazviongorora pachedu nemwoyo wese.
  • 15:43 - 15:55
    chikonzero chekusawirirana kwedu naMwari
  • 15:55 - 16:02
    haisi kure zvakanyanya nesu.
  • 16:02 - 16:06
    Saka, mhinduro iri mumaoko ako.
  • 16:06 - 16:11
    Kana ukatora meseji yawagamuchira mumusangano uno,
  • 16:11 - 16:26
    wakashongedzerwa kuti urambe uchitya Mwari.
  • 16:26 - 16:28
    Ndatenda.
  • 16:28 - 16:32
    Ini ndinonzi Mario uye ndine makore 27.
  • 16:32 - 16:36
    Ndine mibvunzo miviri yakabatana.
  • 16:36 - 16:49
    Chekutanga, pane katsika kekufunga kuti kuti ubudirire, unofanira kuroora chero zvodii.
  • 16:49 - 16:56
    Zvakadaro, taona muhupenyu hwenyu kuti paive nehurongwa
  • 16:56 - 17:04
    uye Mwari vari pakati, panguva yakafanira, Akaunza munhu akarurama.
  • 17:04 - 17:14
    Chii chinofanira kuva chekutarisa kwedu sevechidiki kuna Mwari vari pakati pehupenyu hwedu,
  • 17:14 - 17:22
    kuva nechivimbo chokuti ndiye munhu akakodzera ari kuuya nevavariro dzakanaka?
  • 17:22 - 17:29
    Chechipiri, tingaziva sei kana kudanwa kwedu kusingasanganisire wanano?
  • 17:29 - 17:33
    Ok. Ndatenda nemubvunzo.
  • 17:33 - 17:48
    Saka, kutanga, regai nditi kumunhu wose - uyu ndiye mudzimai wangu.
  • 17:48 - 18:00
    Ndinogona kupa mazano panyaya iyi kubva kune ruzivo runoshanda iye zvino.
  • 18:00 - 18:19
    Ndakasvika pakuzviudza kuti, 'Kana ndikasaroora ndinogutsikana.'
  • 18:19 - 18:22
    Uye pandakasvika panzvimbo yekugutsikana.
  • 18:22 - 18:34
    nyaya yewanano yakanga isisaite mutoro.
  • 18:34 - 18:54
    Uye payakange isisave mutoro, Mwari vakandipa mukadzi wangu weKudenga.
  • 18:54 - 19:00
    Sei ndiri kutaura izvi?
  • 19:00 - 19:08
    Kana ukatsvaga wanano pamberi paMwari,
  • 19:08 - 19:20
    unogona kupinda muwanano ichakanganisa ukama hwako naMwari.
  • 19:20 - 19:31
    Saka, nyaya yewanano iri pamusoro pekukura.
  • 19:31 - 19:37
    Kana wakura pamweya
  • 19:37 - 19:47
    uye nguva yaMwari yasvika yokuti muroore;
  • 19:47 - 20:00
    pachava nekubvumirana kwemwoyo maererano nekutsvaka chinangwa.
  • 20:00 - 20:03
    Tarisa, kana tichitaura nezve chibvumirano chemwoyo,
  • 20:03 - 20:06
    haudi mumwe munhu kuti akusimbise; unoziva!
  • 20:13 - 20:17
    Kana iwe uri muhukama nemumwe munhu uye mwoyo wako uchinetseka
  • 20:17 - 20:20
    uye iwe unoramba uchiti, 'Handina chokwadi',
  • 20:20 - 20:24
    Ndinokupa zano, haasi 'iye' - haasi 'iye'.
  • 20:37 - 20:40
    Mwari vanotaura nemwoyo yedu.
  • 20:40 - 20:53
    Haakutungamirire kuhukama hunozokanganisa hupenyu hwako.
  • 20:53 - 20:58
    Saka, kana iwe uri munzvimbo chaiyo naMwari,
  • 20:58 - 21:03
    uye nguva yaMwari yasvika yokuti muroore.
  • 21:03 - 21:15
    Mweya waMwari uchapupura nomweya wako.
  • 21:15 - 21:22
    Ndichakurumidza kugovera nyaya pfupi.
  • 21:22 - 21:30
    Mwari pavakazviisa mumwoyo mangu kuti nditaure naAllison,
  • 21:30 - 21:44
    mukati memaminitsi matatu, ndakabva pakutaura manzwiro aive mumwoyo mangu
  • 21:44 - 21:48
    kuti, 'Uchandiroora here?'
  • 21:48 - 21:54
    Maminitsi matatu!
  • 21:54 - 22:05
    Zvino ndoda kusimbisa kuti handisi kuti nyaya yangu ichafanana nemi mose.
  • 22:05 - 22:13
    Zvandiri kutaura ndezvekuti kana Mwari vataura nemwoyo wako uchaziva.
  • 22:13 - 22:23
    Saka, hanya yako ngaive yekuve munzvimbo chaiyo naMwari.
  • 22:23 - 22:28
    Kana wava panzvimbo chaiyo naMwari
  • 22:28 - 22:37
    uye nguva Yake yasvika yekuti muroore, zvichaitika zvega.
  • 22:37 - 22:42
    Uye zvichibva pamubvunzo wemukoma wedu, kana kusiri kuda kwaMwari kuti muroore,
  • 22:42 - 22:47
    muchaenderera mberi nerwendo rwenyu nekugutsikana, kwete kuremedzwa.
  • 23:00 - 23:07
    Saka, ndiro zano rangu maererano nazvo.
  • 23:07 - 23:18
    Mazuva ano, vakawanda muchechi vakanamata mhuri kupfuura Mwari
  • 23:18 - 23:24
    uye kupa mhuri pfungwa huru muupenyu hwavo.
  • 23:24 - 23:27
    Asi Bhaibheri rinoti vaya vanoda kutevera Jesu
  • 23:27 - 23:33
    vanofanira kunge vakagadzirira kubayira mhuri, bhizinesi, nguva yewanano.
  • 23:33 - 23:36
    Saka, pasina kubvisa kukosha kwemhuri,
  • 23:36 - 23:39
    kuunza kufamba kwaMwari kwatinoshuvira muCuba
  • 23:39 - 23:42
    uye kukoshesa ukama hwedu naMwari,
  • 23:42 - 23:45
    tinofanira kugadzirira kusvika papi pakuita zvibayiro zvakadaro?
  • 23:45 - 23:58
    Saka rega ndikuendesei kuBhuku raMako 3 kubva pandima 31.
  • 23:58 - 24:13
    “Mai vaJesu navanun’una vake vakauya, vakamira kunze vakatumira nhume kwaari vachimudana.
  • 24:13 - 24:19
    Chaunga chakange chigere chakamukomba;
  • 24:19 - 24:28
    vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari kunze vachikutsvakai.
  • 24:28 - 24:35
    Asi akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?
  • 24:35 - 24:39
    Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba, akati:
  • 24:39 - 24:41
    “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu!
  • 24:48 - 24:58
    Nekuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.
  • 24:58 - 25:11
    Zvino, Jesu haasi kutaura pano kuti ari kuramba mhuri yake yekubereka.
  • 25:11 - 25:30
    Tinoziva basa rakaitwa namai vaJesu muushumiri Hwake uye gare gare, vanun’una Vakewo.
  • 25:30 - 25:41
    Naizvozvo, Rugwaro urwu harwurevi kuti, 'Handina mai, kana munun'una kana mhuri.' Aihwa!
  • 25:41 - 26:02
    Zvirikutaurwa naJesu pano ndezvekuti Mweya wakakora kudarika ropa.
  • 26:02 - 26:14
    Jesu akanga aripo pabasa rakabva kuna Mwari, rokudzidzisa vanhu.
  • 26:14 - 26:20
    Basa iroro romudzimu rakanga richikosha zvikuru panguva iyoyo
  • 26:20 - 26:24
    kupfuura dzvinyiriro yaamai vake nevanun’una vake vachida kuMuona.
  • 26:36 - 26:41
    Saka, nyaya yekutarisira mhuri yako, mabasa ako emunhu -
  • 26:41 - 26:45
    iwe unofanirwa kudaro, zvakanaka, hapana chakaipa pane izvozvo-
  • 26:45 - 26:49
    asi kwete pamutengo wehupenyu hwako hwemweya.
  • 27:05 - 27:13
    Inyaya yekunzwisisa zvaunokoshesa.
  • 27:13 - 27:21
    Mungaita sei kuti muve baba, amai, mukoma kana hanzvadzi vanobudirira vanoratidza rudo
  • 27:21 - 27:26
    uye unobatsira mhuri yako kana usiri munzvimbo chaiyo naMwari?
  • 27:42 - 27:55
    Nzira huru yaungabatsira nayo mhuri yako ndeyekutarisira ukama hwako naMwari.
  • 27:55 - 28:05
    Nokuti kuwanda kweukama hwako naMwari kuchakomborera avo vakakupoteredza.
  • 28:05 - 28:14
    Saka, kana wava kuona kumira pamweya nekuti uri kupa
  • 28:14 - 28:20
    nguva yakawandisa, kutarisa, kutarisa, kufarira kumhuri yako - zviongorore iwe pachako.
  • 28:36 - 28:41
    Mhuri inokosha zvikuru.
  • 28:41 - 28:48
    Asi paunomira pamberi paJesu nezuva rokupedzisira.
  • 28:48 - 28:51
    mukadzi wako haapo.
  • 28:51 - 28:57
    Baba vako vachange vasisipo; mai vako vachange vasipo.
  • 28:57 - 29:02
    Ndiwe naJesu.
  • 29:02 - 29:07
    Ndatenda.
  • 29:08 - 29:13
    Zvikomborero. Ini ndinonzi Carla; ndine 23.
  • 29:13 - 29:21
    Kana uine chido chokushumira Mwari nguva yakazara, unoziva rini kuti inguva yakakodzera?
  • 29:21 - 29:25
    Ndoziva sei kuti pfungwa dziri muhumwe nepfungwa iyi kana hadzisi, dzingori pfungwa dzangu chete
  • 29:25 - 29:29
    uye pfungwa dzinopikisa hadzisi kurwisa kubva kumuvengi here
  • 29:29 - 29:34
    kana kuti chaizvoizvo ndiMwari vari kundiudza kuti Vanoda kuti ndiite izvi, kuti ino ndiyo nguva yakafanira?
  • 29:34 - 29:46
    Basa raMwari haisi nyaya yezvikwaniriso zvemunhu.
  • 29:46 - 29:56
    Jesu paakapa Peter basa muna Johane 21.
  • 29:56 - 30:10
    Haana kumubvunza kana akanga ari mudzidzisi weBhaibheri akakwaniriswa kana kuti mukurukuri ane chipo.
  • 30:10 - 30:17
    Akamubvunza mubvunzo, 'Unondida here?'
  • 30:17 - 30:30
    Ndirwo rudo rwedu kuna Kristu ndirwo hwaro hwehushumiri hunobudirira.
  • 30:30 - 30:42
    Kana iwe ukachengeta hukama hwako naMwari uye Iye akakudanira kushumiro,
  • 30:42 - 30:54
    zviitiko zvinozoitika zvausina kutonga izvo zvinokusundidzira kukudanwa kwako.
  • 30:54 - 30:59
    Hauzove mubvunzo wekuti 'Handina chokwadi, ipfungwa yangu here kana kuti ipfungwa dzaMwari?'
  • 30:59 - 31:13
    Chichava chiratidzo chisingagoni kunzwisiswa nomunhu.
  • 31:13 - 31:22
    Saka, chii chinofanira kukunetsa - rudo rwangu kuna Jesu.
  • 31:22 - 31:28
    Ndicho chinhu chinonyanya kukosha.
  • 31:28 - 31:40
    Kuti uite zvinhu zvikuru kuna Jesu, unofanira kuva nerudo rukuru kuna Jesu.
  • 31:40 - 31:44
    Ndatenda.
  • 31:44 - 31:50
    Saka, hama yangu, enderera hako.
  • 31:50 - 31:54
    Zita rangu ndiFernando uye ndine makore 18.
  • 31:54 - 31:59
    Mubvunzo wangu ndewekuti isu vechidiki tingaite sei pamoto waMwari
  • 31:59 - 32:02
    uye chido chokumushumira kuti chirege kudzimwa muupenyu hwedu?
  • 32:02 - 32:12
    Saka regai ndikubvunzei mukoma. Munofunga kuti chii chinodzima moto waMwari?
  • 32:12 - 32:15
    Chivi.
  • 32:15 - 32:19
    Ok, wapa mhinduro.
  • 32:19 - 32:24
    Hapana akakwana pano.
  • 32:24 - 32:28
    Tose tinokanganisa.
  • 32:28 - 32:35
    Asi pane musiyano pakati pekuita chikanganiso mukutsvaka chinangwa
  • 32:35 - 32:40
    uye kuita chivi mukutsvaka kuzvigutsa.
  • 32:54 - 33:02
    Ndehupi humbowo hwekuti Mweya Mutsvene uri kutonga mwoyo yedu?
  • 33:02 - 33:14
    Ipo patinoita zvakaipa uye tinove nemhosva yechivi.
  • 33:14 - 33:23
    'Mwari, ndine urombo! Hapana chandinoda kuita kuti ndiputse ukama hwangu neMi.'
  • 33:23 - 33:33
    Unomhanyira kuna Mwari nokutendeuka - Iye anokudzorera, uye moto haudzimwi.
  • 33:33 - 33:35
    Asi zviongorore.
  • 33:35 - 33:41
    Kana iwe ukaita chinhu chisina kunaka uye mhinduro yako yekutanga
  • 33:41 - 33:47
    ndiko kupa zvikonzero, kuzviruramisa,
  • 33:47 - 33:55
    Zvinoratidza kuti Mweya waMwari hausi kutonga mwoyo wako.
  • 33:55 - 34:05
    Mweya Mutsvene anotikurudzira kuti hana dzedu dzitendeuke.
  • 34:05 - 34:21
    Asi kana ukapembedza kutadza kwako nechomukati, unobvisa kukosha kwekutendeuka.
  • 34:21 - 34:27
    Panguva iyoyo moto unodzima.
  • 34:27 - 34:37
    Nokuti Mweya waMwari haugoni kugoverana mwoyo unotongwa nechivi.
  • 34:37 - 34:42
    Ndinogona kungokupa muenzaniso wakapfava.
  • 34:42 - 34:48
    Vazhinji vedu pano tinouya kuchiitiko chakadai
  • 34:48 - 34:55
    uchiti, Moto weMweya Mutsvene, ngauwire pamusoro pangu!
  • 34:55 - 35:05
    Asi tichiri kuchengeta kusaregerera kune mumwe munhu.
  • 35:05 - 35:14
    Mweya Mutsvene haakwanisi kugoverana mwoyo nekusaregerera.
  • 35:14 - 35:22
    Nokuti panyaya yachigumbu, mumwe munhu akakutadzira.
  • 35:22 - 35:27
    zviri nyore kuti unzwe wakarurama pakuramba kuregerera.
  • 35:44 - 35:56
    Unogona kunzwa wakarurama pamberi pemunhu, asi pamberi paMwari hauna kodzero yekubata mhosva.
  • 35:56 - 36:08
    Nokuti Jesu akafira pamuchinjikwa akati, 'Baba, vakanganwirei.'
  • 36:08 - 36:12
    Kana asina kutinyima ruregerero.
  • 36:12 - 36:15
    isu tiri vanaani kuti tinyime mumwe munhu ruregerero?
  • 36:23 - 36:34
    Ndiri kungokupa muenzaniso mumwechete wezvinhu zvinogona kudzima moto waMweya Mutsvene.
  • 36:34 - 36:37
    Mwoyo uzere nekugumbura.
  • 36:37 - 36:42
    Saka, ndinokutendai nemubvunzo, mukoma.
  • 36:42 - 36:48
    Masikati akanaka. Maropafadzo, kereke! Ini ndinonzi Gema. Ndinobva kuMayabeque.
  • 36:48 - 36:51
    Uyu ndiwo mubvunzo wangu.
  • 36:51 - 36:58
    Manga muchitaura zvakawanda pamusoro pehunhu, Shoko raMwari uye kuyanana naBaba vedu.
  • 36:58 - 37:11
    Tingaziva sei muhupenyu hwedu kana tine kudanwa kana chipo chekuratidza kubwinya kwaMwari
  • 37:11 - 37:21
    kununura nekushandura hupenyu padanho rimwe chete ratakuona muchiita pakati pedu nezuro?
  • 37:21 - 37:30
    Shoko raMwari rinoratidza chimiro Chake.
  • 37:30 - 37:37
    Kana zvasvika pahunhu, hapana nzira dzekudimbudzira.
  • 37:37 - 37:45
    Hupenyu uhu nhangemutange yemarathon, kwete yekurova bara.
  • 37:45 - 38:01
    Ndichataura Prophet TB Joshua. Vakati, "Tinofanirwa kukoshesa kugadzirisa kupfuura mhedzisiro."
  • 38:01 - 38:08
    Kugadzirisa kunovaka hunhu.
  • 38:08 - 38:24
    Panzvimbo pokuisa pfungwa pamoto, tarisa pamafuta.
  • 38:24 - 38:39
    Moto chipo; mafuta hunhu.
  • 38:39 - 38:47
    Saka, tarisa zvakanyanya kumafuta,
  • 38:47 - 38:53
    zvine chekuita neukama hwako naMwari.
  • 38:53 - 38:57
    Nekuti hazvisi zvekungoenda kune imwe nzvimbo kana kuwana chimwe chinhu.
  • 38:57 - 38:59
    Ndezvekuichengeta kusvika kumagumo.
  • 39:06 - 39:21
    Humbowo hwehuchokwadi kuenderana.
Title:
Mukoma Chris Vanopindura Mibvunzo Inouya Ipapo Ipapo!
Description:

Mukoma Chris vanopindura mibvunzo yega pazvidzidzo zvakaita sekukura muwanano, kubata mabasa emhuri, kuziva kudanwa kwako, zvidzidzo kubva kuMuporofita T.B. Joshua, kusiyanisa inzwi raMwari, kushandisa chipo chako, zano kumunhu wechidiki, kutonga miyedzo yeruchiva - nezvimwe zvakawanda!

Unogona kuona zvizere kubva kuCuba Youth Conference kwakaitwa iyi Mubvunzo neMhinduro chikamu pano - https://www.youtube.com/watch?v=XyAq6N2Mqd0

ZVITSAUKO:
00:00 - Mhedziso pfupi yemhinduro pawanano
00:24 - Kana tine zvipo zvakawanda, tingaziva sei chinangwa chedu chaicho?
03:58 - Ndezvipi zvidzidzo zvawakadzidza pamusoro peukama hwakadzama neMweya Mutsvene kubva kuMuporofita T.B. Joshua?
09:17 - Nderipi zano raungapa kumunhu wechidiki?
11:40—Ndingaramba sei ndiri murudo nokutya Mwari?
16:28 - Ungaziva sei kuti munhu akakodzera panyaya yewanano?
23:07 - Vazhinji vakanamata mhuri pamusoro paMwari. Chii chatinofanira kuva vakagadzirira kurega kana toreva nezvokutarisira mitoro yemhuri?
29:07 - Unoziva sei kana wakadanwa kuti ushumire Mwari nguva yakazara?
31:49 - Tingaitei kuti moto waMwari urege kudzima?
36:42 - Ungaziva sei kana wakadanwa kushumiro yekudzikinura?

➡️ Gamuchira Kurudziro Yemazuva ese paWhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Tsigira God's Heart TV nemari - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Ruzivo nezveMunamato weInteractive - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Zvipire seMuturikiri weGod's Heart TV - https://godsheart.tv/translate/
➡️ Govera huchapupu hwako - https://godsheart.tv/testimony
➡️ Joinha Sevhisi yedu Yemunamato YepaMhepo paMugovera wekutanga wemwedzi wega wega - https://www.youtube.com/godshearttv/live

more » « less
Video Language:
English
Team:
God's Heart TV
Duration:
39:52

Shona subtitles

Revisions Compare revisions