< Return to Video

USAFE wakaramwa!!! | Mukoma Chris | Kurudziro yechiKristu

  • 0:01 - 0:07
    Usafe wakaramwa.
  • 0:07 - 0:14
    Kana ukaramba uchimanikidza, kana ukaramba uchivavarira
  • 0:14 - 0:17
    nerubatsiro rwaMweya Mutsvene.
  • 0:17 - 0:23
    kana ukaramba kukundikana kunyangwe paine nezvipingamupinyi zvakakupoteredza,
  • 0:23 - 0:28
    nheyo yehupenyu inoti rimweni zuva -
  • 0:28 - 0:33
    rimweni zuva, shamwari dzangu, muchasvika ikoko.
  • 0:35 - 0:36
    Mhoroi mose.
  • 0:36 - 0:40
    Nyasha nerugare ngazvive nemi mose nemuzita rine simba raJesu.
  • 0:40 - 0:44
    Hongu, muchinyorwa chanhasi che 'Chengetedza Mwoyo Wako',
  • 0:44 - 0:47
    Ndinoda kukuunzirai shoko rekukurudzira,
  • 0:47 - 0:55
    ndichisimbisa kukosha kwazvakaita kuramba wakashingirira murwendo urwu rwehupenyu
  • 0:55 - 1:01
    Uye ndinonamata kuti iyi meseji yekukurudzira kubva kuIzwi Benyu raMwari
  • 1:01 - 1:07
    ine musoro unoti 'Kuedzwa kweChokwadi' ichabaya mwoyo yenyu
  • 1:07 - 1:11
    uye ichasimudzira kutenda kwako nhasi.
  • 1:11 - 1:12
    Ngatirindei nemuzita raJesu.
  • 1:15 - 1:27
    Chero nguva yaunodiridzira chido chekuita zvakanaka,
  • 1:27 - 1:30
    panotofanira kuva nehondo.
  • 1:30 - 1:33
    Panotofanira kuva nehondo.
  • 1:33 - 1:37
    Kunyangwe iri pauri kana mukati mako,
  • 1:37 - 1:42
    panotofanira kuva nehondo somuedzo wouchokwadi.
  • 1:42 - 1:46
    Rega ndikupei mienzaniso miviri inoshanda maererano neizvi.
  • 1:46 - 1:51
    Makamboona here vaoni, kuti kana uine chivimbo chekunamata,
  • 1:51 - 1:53
    Mwari vanoisa mumwoyo mako kuti unamate -
  • 1:53 - 2:00
    chero nguva yaunoda kunamata, chimwe chinhu chinoedza kuyambuka pfungwa dzako kuti chikutsause,
  • 2:00 - 2:04
    kuti urasikirwe nechinangwa kana kukuodza mwoyo.
  • 2:04 - 2:06
    Ndinoreva, regai ndingopa mumwe muenzaniso.
  • 2:06 - 2:10
    Toti nhasi ndoda kunamata na6pm.
  • 2:10 - 2:13
    Ndakaisa parutivi nguva iyoyo yemunamato.
  • 2:13 - 2:17
    Usashamiswe kuti na5:50pm,
  • 2:17 - 2:21
    mumwe munhu anokupa runhare aine dzimwe nhau dzakaipa, emergency -
  • 2:21 - 2:26
    chimwe chinhu chinobva chakutsausa kubva panguva iyoyo yokunyengetera.
  • 2:26 - 2:28
    Zvino, regai ndikupei mumwe muenzaniso.
  • 2:28 - 2:32
    Munoona Bhaibheri iri – zviongororei imi vaoni.
  • 2:32 - 2:39
    Chero nguva yaunoda kuverenga Bhaibheri, panowanzouya zvinokuvhiringidza.
  • 2:39 - 2:47
    Tarisa, kana iwe uchida kuverenga bhuku, pepanhau kana magazini - hapana dambudziko.
  • 2:47 - 2:47
    Zviri nyore kwazvo.
  • 2:47 - 2:50
    Asi kana uchida kuverenga Bhaibheri,
  • 2:50 - 2:54
    uchaona kuti kakawanda unongobatwa nehope.
  • 2:54 - 2:55
    Kuneta kunongokurova.
  • 2:55 - 2:58
    Usashamiswe kuti vazhinji vedu, patinenge tichiverenga Bhaibheri,
  • 2:58 - 3:01
    munotiona sezvizvi.
  • 3:08 - 3:10
    Nei tichiverenga Bhaibheri?
  • 3:10 - 3:15
    Asi kana kuri kuverenga novel kana nhoroondo bhuku kana chero chimwe chinhu,
  • 3:15 - 3:17
    isu hatina dambudziko iroro.
  • 3:17 - 3:21
    Ndosaka Prophet TB Joshua vachitikurudzira kuti tingwarire
  • 3:21 - 3:24
    tiverenge bhaibheri chairo,
  • 3:24 - 3:28
    kwete kungoshandisa Bhaibheri repanharembozha yedu. Sei?
  • 3:28 - 3:31
    Nekuti patinovhura nharembozha yedu tichivhura Bhaibheri -
  • 3:31 - 3:34
    usati waziva, chiziviso chichapinda.
  • 3:34 - 3:36
    Breaking news pano.
  • 3:36 - 3:39
    paWhatsApp panobva paiswa zvitsva kana meseji paFacebook.
  • 3:39 - 3:43
    Musuwo wazaruka wekutsauswa.
  • 3:43 - 3:46
    Usaedza dhiabhorosi kuti akuedze.
  • 3:46 - 3:48
    Tirikuti kudii vaoni?
  • 3:48 - 3:59
    Chero nguva yaunodiridzira chishuwo ichocho chekuita zvakanaka, hondo inobva yatanga.
  • 3:59 - 4:04
    Hauzombowani nguva yekuita zvakanaka.
  • 4:04 - 4:07
    Ndinoreva, uchagara uchiwana nguva yekuita zvakaipa.
  • 4:07 - 4:11
    Asi kuti uite izvo zvakanaka, unofanirwa kugadzira nguva yacho.
  • 4:11 - 4:17
    Muchokwadi vataridzi, iyi ndiwo musimboti wandinoda kuti mudzidze nhasi.
  • 4:17 - 4:32
    Chero rwendo rwuri rwaMwari rwuri pasi pemiyedzo nekupikiswa.
  • 4:32 - 4:36
    Kana rwendo rwako ruchikubatanidza iwe kune remangwana rako rawakagadzirirwa naMwari,
  • 4:36 - 4:41
    kana rwendo rwako ruchavaka hupenyu hwako hwemweya,
  • 4:41 - 4:46
    rwunofanira kukwezva kuyedzwa uye nemiedzo.
  • 4:46 - 4:47
    Regai ndikupei muenzaniso, vaoni.
  • 4:47 - 4:52
    Chimbofungidzira ndiri parwendo pano muEmmanuel TV Studio,
  • 4:52 - 4:56
    Ndiri parwendo kubva pano kuenda kupurupiti uko kune Bhaibheri.
  • 4:56 - 5:01
    Kana iri rwuri rwendo rwaMwari, kana Mwari vachiziva rwendo urwu.
  • 5:01 - 5:05
    panotofanira kuva nemhinganidzo.
  • 5:05 - 5:07
    Panotofanira kuva nekupikiswa.
  • 5:07 - 5:12
    Panotofanira kuva nekupikiswa sekuyedzwa kwehuchokwadi.
  • 5:12 - 5:17
    Kana rwendo rwakangonaka,
  • 5:17 - 5:24
    Unoziva, kutanga kuri nyore uye pakati pakareruka -
  • 5:24 - 5:29
    hapana munzwa munyama, hapana dambudziko ririkukubaya,
  • 5:29 - 5:36
    hapana zvinoodza mwoyo zvinouya nenzira yako, hapana kuora mwoyo, hapana zvinokanganisa -
  • 5:36 - 5:45
    magumo acho angada mibvunzo.
  • 5:45 - 6:00
    Hapagoni kuva nemigumisiro yakanaka pasina kumbopikiswa.
  • 6:00 - 6:07
    Ndosaka, sevana vaMwari, kupikiswa kunogamuchirwa kuti kutisimbise.
  • 6:07 - 6:13
    Nokuti tinorarama munyika ine muvengi wemweya yedu
  • 6:13 - 6:17
    asingabvumiri chinangwa chaMwari
  • 6:17 - 6:25
    kuti chizadziswe muhupenyu hwedu pasina kurwa.
  • 6:25 - 6:29
    Ndiro basa rake, uye chinangwa chake-
  • 6:29 - 6:38
    kuti adzure varume navakadzi panzvimbo pavakasimwa naMwari,
  • 6:38 - 6:50
    kuti vasiye kuvimba kwavo munaMwari, basa ravo kuna Mwari, kuyanana kwavo naMwari.
  • 6:50 - 6:53
    Ndicho chinangwa chasatani.
  • 6:53 - 6:59
    Vaoni, muchidimbu, zvandiri kukukurudzira kuti uzive ndeizvi -
  • 6:59 - 7:08
    hupenyu hausi hwekutamba.
  • 7:08 - 7:12
    Hupenyu inhandare yehondo.
  • 7:12 - 7:19
    Kana tikakurumidza kunzwisisa izvi, tichava vakachenjera.
  • 7:19 - 7:22
    Handizivi kuti hondo yenyu ndeipi nhasi, vaoni.
  • 7:22 - 7:25
    Handizivi kuti ndechipi chipingamupinyi chamungave makatarisana nacho.
  • 7:25 - 7:27
    Kuora mwoyo here?
  • 7:27 - 7:30
    Ipfungwa dzisina kunaka here?
  • 7:30 - 7:32
    Kurota zvinotyisa here?
  • 7:32 - 7:35
    Pamwe kutambudzika kana kudududza.
  • 7:35 - 7:38
    Ingozvipa mazita.
  • 7:38 - 7:41
    Chokwadi ndechekuti, hazvisi zvezvatinotarisana nazvo.
  • 7:41 - 7:44
    Nokuti munyika ino muchava nenhamo.
  • 7:44 - 7:50
    Mubvunzo ndewokuti - tinotarisana sei nazvo?
  • 7:50 - 8:01
    Mabatiro atinoita chipingamupinyi chedu anoratidza uchokwadi hwedu.
  • 8:01 - 8:09
    Mapinduriro atinoita mukuyedzwa, ndiwo anosarudza ramangwana redu.
  • 8:09 - 8:22
    Mabatiro aunoaita ndiwo anoratidza kuti uchasvika papi parwendo rwekuenda kwauri kuenda.
  • 8:22 - 8:25
    Uye vatariri, izvi zvinotitungamira kune zita reshoko ranhasi:
  • 8:25 - 8:30
    'Kuyedzwa kweChokwadi'
  • 8:30 - 8:35
    Tendeukai neni mumaBhaibheri enyu kuBhuku raMateo 15.
  • 8:35 - 8:39
    Iyi inyaya inozivikanwa kwazvo yeMukadzi wechiKenani.
  • 8:39 - 8:44
    Uye ndinoda kuti mutore zvidzidzo zvinokosha kubva muGwaro iri.
  • 8:44 - 8:51
    Ndichatora kuverenga kwangu kubva mundima 22. Uye Bhaibheri rinoti:
  • 8:51 - 8:56
    “Mukadzi muKenani womunzvimbo iyoyo akauya kuna Jesu, achidanidzira achiti,
  • 8:56 - 9:03
    ‘Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!
  • 9:03 - 9:10
    Mwanasikana wangu akabatwa nedhimoni uye ari kutambudzika kwazvo.'
  • 9:10 - 9:17
    Jesu haana kupindura shoko.
  • 9:17 - 9:19
    Zvino vadzidzi vake vakauya kwaari, vakamugombedzera zvikuru.
  • 9:19 - 9:26
    'Mudzingei nokuti anoramba achidanidzira achititevera.'
  • 9:26 - 9:32
    Akapindura akati: Ndakatumwa kunze kumakwai akarashika aIsraeri;
  • 9:32 - 9:37
    Mukadzi akauya ndokupfugama pamberi pake. 'Ishe, ndibatsirei!' akadaro.
  • 9:37 - 9:49
    Akapindura akati, ‘Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira kumbwanana.
  • 9:49 - 9:51
    “Hongu, Ishe,” akadaro.
  • 9:51 - 9:58
    'Kunyange nembwa dzinodya zvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.'
  • 9:58 - 10:07
    Ipapo Jesu akati kwaari, “Mai, une kutenda kukuru! Chikumbiro chako chaitwa.'
  • 10:07 - 10:15
    Mwanasikana wake akabva aporeswa panguva iyoyo.
  • 10:15 - 10:19
    Ngatikurukurei zvakaitika kumukadzi wechiKenani uyu.
  • 10:19 - 10:24
    Akatarisana nokuedzwa wokuva pahuchokwadi.
  • 10:24 - 10:30
    Ukatarisa zvakaitika kwaari, pakutanga haana kucherechedzwa naJesu.
  • 10:30 - 10:36
    Uye kechipiri vadzidzi vake vakamukurudzira kuti amudzinge nokumuendesa.
  • 10:36 - 10:40
    Zvino, zvinhu izvi zvaigona kupesvedzera chido chemukadzi uyu.
  • 10:40 - 10:44
    Vaoni, kwechinguvana, zviise munzvimbo yake.
  • 10:44 - 10:48
    Fungidzira wanga uri pachinzvimbo chake.
  • 10:48 - 10:51
    Waizoitei panguva iyoyo?
  • 10:51 - 10:55
    Semunhu, inguva yekunetsana.
  • 10:55 - 11:00
    Waizokanda mapfumo pasi here kana kuti uchaenderera mberi?
  • 11:00 - 11:03
    Waizopindura sei panguva iyoyo?
  • 11:03 - 11:09
    Kumunhu asina chido chechokwadi,
  • 11:09 - 11:12
    zvinhu zvakawanda zvingadai zvakapinda mupfungwa panguva iyoyo.
  • 11:12 - 11:18
    Chekutanga, waizotanga kuona Jesu nenzira yakaipa.
  • 11:18 - 11:21
    'Jesu angazvibata sei seizvi?
  • 11:21 - 11:24
    Haasi Iye anonunura vanhu kubva kumadhimoni here?
  • 11:24 - 11:26
    Pamwe makuhwa ichokwadi.
  • 11:26 - 11:28
    Pamwe Iye pachake ane dhimoni.
  • 11:28 - 11:34
    Ndosaka ari kuvabvumira kuti vandidzinge! Sei?'
  • 11:34 - 11:44
    Chechipiri, waigona kukanda mapfumo pasi uye worova kudzoka.
  • 11:44 - 11:46
    'Chokwadi, Haasi kuzobatsira mwanasikana wangu.
  • 11:46 - 11:48
    Rega ndibve pano. Rega ndiende.
  • 11:48 - 11:51
    Hapana chichaitika.'
  • 11:51 - 11:54
    Kumunhu asina chido chechokwadi,
  • 11:54 - 11:59
    izvi ndizvo zvinhu zvinouya mupfungwa dzako.
  • 11:59 - 12:05
    Zvino vatariri, pamwe munogona kuziva; pamwe munogona kurondedzera.
  • 12:05 - 12:12
    Nokuti zvinosuruvarisa, kuvazhinji vedu nhasi,
  • 12:12 - 12:17
    takabvunza nekubvunza simba raMwari nekunaka kwaMwari
  • 12:17 - 12:23
    nokuda kwekuyedzwa namatambudziko atinosangana nawo.
  • 12:23 - 12:29
    ‘Mwari akanaka angabvumira sei zvinhu izvi zvakaipa kuti zviitike kwandiri?
  • 12:29 - 12:34
    Mushure mezvose zvandakaita - ndaenda kuchechi.
  • 12:34 - 12:36
    Ndinotova mushandi muchechi.
  • 12:36 - 12:38
    ndinonamata. ndinotsanya.
  • 12:38 - 12:40
    Ndinoverenga Bhaibheri rangu.
  • 12:40 - 12:43
    Ini ndinoitira vanhu zvakanaka, asi ivo vanondiitira zvakaipa.
  • 12:43 - 12:48
    Sei Mwari vachibvumira kuti izvi zviitike kwandiri?
  • 12:48 - 12:52
    Kana Mwari ane simba rokuporesa, kana Mwari ane simba rokuponesa,
  • 12:52 - 12:56
    sei ndichiri kutambura zvakadai?'
  • 12:56 - 13:00
    Uye zvakatonyanya kuipa, vazhinji vedu nhasi,
  • 13:00 - 13:06
    vazhinji vakadziviswa uye vakaremdzwa
  • 13:06 - 13:10
    kubva pakuzadzisa kugona kwavo kwechokwadi
  • 13:10 - 13:14
    nokuti vakakanda mapfumo pasi
  • 13:14 - 13:21
    pamberi pechinhu chaicho chaiitirwa kuti chivasvitse kumugumo wavo.
  • 13:21 - 13:25
    Vakawanda nhasi vakakanda mapfumo pasi.
  • 13:25 - 13:29
    Vanoti, 'Izvi handizvikwanisi. Handikwanise kutarisana neizvi.
  • 13:29 - 13:33
    Kana Mwari vaida kuti ndiite izvi, zvaizova zvakaoma sei?
  • 13:33 - 13:35
    Nei paizova nematambudziko akawanda kudaro?
  • 13:35 - 13:39
    Nei paizova nokurwiswa kwakawanda kudai?'
  • 13:39 - 13:44
    Asi isu tinotadza kuona izvi vaoni, kuti semwana waMwari,
  • 13:44 - 13:52
    kurwiswa ikoko kunongova kukuzivisa kuti uri munzira kwayo.
  • 13:52 - 13:56
    Ndinozvidzokorora zvakare - semwana waMwari,
  • 13:56 - 14:05
    kurwiswa ikoko kunongova kukuzivisa kuti uri munzira kwayo.
  • 14:05 - 14:11
    Hondo yaunosangana nayo pamberi pemunana wako inofanirwa
  • 14:11 - 14:19
    kuti uzive kukosha kwemunana wako kana wasvika.
  • 14:19 - 14:27
    Kana waziva kukosha kwemunana wako, uchaona kukosha kwekuuchengeta.
  • 14:27 - 14:33
    Uye iwe uchaziva, uye nechikonzero chacho.
  • 14:33 - 14:40
    Vaoni, chikonzero chega chechokwadi chekugamuchira kubva kuna Mwari
  • 14:40 - 14:42
    ruponeso rwemweya yedu.
  • 14:42 - 14:44
    Ndizvo chete.
  • 14:44 - 14:47
    Ndizvo zvinoreva chokwadi -
  • 14:47 - 14:55
    kuda zvinodiwa naMwari uye kuzvida nokuda kwechikonzero chinodiwa naMwari.
  • 14:55 - 14:56
    Ruponeso.
  • 14:56 - 15:04
    Nokuti vanhu vakawanda nhasi—vanoda kuona Mwari
  • 15:04 - 15:10
    asi havana kugadzirira kuMutsvaka.
  • 15:10 - 15:17
    Uye kuziva Mwari hakusi kungoona mabasa ake; asi ndiko kudzidza nzira dzake.
  • 15:17 - 15:27
    Hatifanire kutarisa ruoko rwaMwari chete asi nekuZita raMwari zvakare.
  • 15:27 - 15:29
    Ndizvo zvine basa kuna Jesu.
  • 15:29 - 15:37
    Chinokosha kuna Jesu kukwanisa kwedu kuziva chido chedu chechokwadi chekugamuchira.
  • 15:37 - 15:43
    Nekuti vaoni, kana chiito chako chiri chechokwadi -
  • 15:43 - 15:47
    hongu, muchasangana nezvipingamupinyi; hongu, muchasangana nematambudziko -
  • 15:47 - 15:52
    asi Mweya Mutsvene uchakusimbisai kuti mukunde;
  • 15:52 - 15:56
    kunyange mukutarisana nezvinetso zvakakura.
  • 15:56 - 15:59
    kunyangwe vimbiso yaMwari ichiita seyanonoka
  • 15:59 - 16:03
    pakuzadzika kwayo, iwe uchatsungirira.
  • 16:03 - 16:08
    Kunyangwe kupa kwaMwari kuchiraratidzika kunge kunopesana nechinangwa Chake,
  • 16:08 - 16:09
    ucharamba uchishingirira.
  • 16:09 - 16:15
    Kunyangwe ukanamata nemwoyo wese pasina mhinduro inowirirana.
  • 16:15 - 16:19
    uchakurudzirwa kuti unyengetere zvakanyanya, tenda zvakanyanya,
  • 16:19 - 16:23
    tenda muna Mwari zvakanyanya.
  • 16:23 - 16:26
    Ndizvo zvakaitika kumukadzi wechiKenani wataverenga nezvake.
  • 16:26 - 16:28
    Ndiwo waiva muenzaniso wake.
  • 16:28 - 16:32
    Pane kukanda mapfumo pasi, akaramba achiedza.
  • 16:32 - 16:33
    Akatsungirira.
  • 16:33 - 16:39
    Akashingirira kusvika apindurwa munguva yaMwari.
  • 16:39 - 16:46
    Kunyara kwega kwega kwaakasangana naye kwaimuswededza pedyo naJesu.
  • 16:46 - 16:54
    Paairamba achirambwa, ndipo paakanyanya kuremekedza Jesu.
  • 16:54 - 16:59
    Paainyanya kunyadziswa, ndipo paakanyanya kumbundira Jesu.
  • 16:59 - 17:05
    Paainyanya kusekwa, ndipo paakaswedera pedyo naJesu,
  • 17:05 - 17:10
    achiziva kuti kuswedera kwaaiita kuna Jesu, ndiko kuwedzera kwaiita kubudirira kwake
  • 17:10 - 17:19
    yakanga ichivakwa zvishoma nezvishoma asi zvechokwadi.
  • 17:19 - 17:26
    Saka, ndechipi chidzidzo kwauri neni?
  • 17:26 - 17:35
    Kutenda kwechokwadi kunowana kurudziro, kunyange mune izvo zvinoita sezvinoodza mwoyo
  • 17:35 - 17:39
    zvichitiswededza pedyo naMwari.
  • 17:39 - 17:42
    Nokuti zvinokudza Mwari kumutenda
  • 17:42 - 17:48
    kunyangwe pfungwa dzese dzichimupikisa
  • 17:48 - 17:54
    uye Mwari anokudza avo vanomukudza.
  • 17:54 - 18:03
    Mukupedzisa, vaoni, regai ndikubvunzei mubvunzo uyu.
  • 18:03 - 18:18
    Makambonzwa muri pedyo naMwari asi zvino wava kunzwa uri kure here?
  • 18:18 - 18:22
    Mubvunzo chaiwo pano unofanira kuva uyu:
  • 18:22 - 18:28
    Chii chaigona kuita kuti munhu aimbonzwa ari pedyo naMwari iye zvino anzwe ari kure?
  • 18:28 - 18:30
    Chii chingaita kuti izvozvo zviitike?
  • 18:30 - 18:33
    Kurwara here?
  • 18:33 - 18:38
    Ndiko kutambudzika here, kutyisidzirwa, kutambudzwa, kuomerwa? Aihwa.
  • 18:38 - 18:44
    Zvose izvi hazvigoni kumisa munhu anotsvaka Mwari ainekushingirira.
  • 18:44 - 18:48
    Kana chido chedu kuna Jesu Kristu chiri chechokwadi,
  • 18:48 - 18:51
    vatariri, hapana chinogona kutiodza mwoyo!
  • 18:51 - 18:53
    Hapana chinogona kutimisa.
  • 18:53 - 18:56
    Zvirwere hazvigoni kutimisa.
  • 18:56 - 18:58
    Kurwiswa hakugoni kutimisa.
  • 18:58 - 19:04
    Kutyisidzirwa, kutukwa, kutambudzwa, kupomerwa mhosva - hazvigoni kutimisa!
  • 19:04 - 19:10
    Sekutaura kunoita VaRoma 8:35 – hapana chinogona kutiparadzanisa
  • 19:10 - 19:17
    kubva murudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu.
  • 19:17 - 19:26
    VaKristu, tinofanira kuziva kuti kana tiri parwendo
  • 19:26 - 19:28
    Mwari kwavanoda kuti tive
  • 19:28 - 19:36
    satan achaedza zvese kuti atibvise panzvimbo iyoyo.
  • 19:36 - 19:44
    Saka, chekupedzisira ndechekuti hatifanire kuita kuti zvive nyore kuna dhiyabhorosi.
  • 19:46 - 19:53
    Hongu, vanhu vaMwari, hatifanire kurerutsa kuna satani.
  • 19:53 - 19:55
    Zviongorore izvozvi.
  • 19:55 - 20:02
    Pese paunokurumidza kukanda mapfumo pasi pakudenhwa kudiki,
  • 20:02 - 20:08
    pese paunosiya nzvimbo yako panguva yekutanga kunyadziswa,
  • 20:08 - 20:15
    pese paunoputsa hukama ihwohwo pakusawirirana kudiki,
  • 20:15 - 20:16
    chii chiri kuitika?
  • 20:16 - 20:19
    Uri kurerutsira satani.
  • 20:19 - 20:22
    Uri kuvhurira dhiyabhorosi musuwo.
  • 20:22 - 20:25
    Pese paunokurumidza kupa mhedziso,
  • 20:25 - 20:30
    'Hapana nzira. Hapana nzira yekubuda nayo.'
  • 20:30 - 20:31
    Uri kurerutsa kuna dhiyabhorosi.
  • 20:31 - 20:38
    Nekuti unotadza kuziva kuti kunze kwenzvimbo yepfungwa, muMweya,
  • 20:38 - 20:47
    Mwari vari mushishi kugadzira nzira pasina nzira.
  • 20:47 - 20:56
    Uye sevaKristu, pane chimwe chipingamupinyi uye chipingamupinyi chatinosangana nacho,
  • 20:56 - 21:02
    pane ruzivo uye kukura kunofanira kuwanikwa.
  • 21:02 - 21:06
    Kuora mwoyo ikoko kunobva mukurasiswa,
  • 21:06 - 21:11
    iko kushungurudzika kunobva mukukundikana, kusuruvara kunobva mukudzokera shure -
  • 21:11 - 21:14
    izvi zvinogona kutendeutswa
  • 21:14 - 21:20
    kuita chidzidzo chinokosha choupenyu.
  • 21:20 - 21:23
    Hazvifanire kukutsanangura.
  • 21:23 - 21:26
    Rega nditaure chimwe chinhu chakataurwa naProphet TB Joshua mumharidzo yavo
  • 21:26 - 21:28
    yakanzi 'Mubayiro weKukundikana'.
  • 21:28 - 21:35
    Vakataura kuti kukundikana hakusi kutadza kuita chinangwa chako. Aihwa.
  • 21:35 - 21:39
    Kukundikana hakusi kutadza kuyedzisira.
  • 21:39 - 21:44
    Naizvozvo, hatifaniri kubvumira kutya kukundikana
  • 21:44 - 21:49
    kuchitibira kubva pakubudirira kana mufaro wehupenyu.
  • 21:49 - 21:53
    Kwete, vanhu vaMwari! Regai ndikukurudzirei izvozvi:
  • 21:53 - 21:59
    Kuti bhizinesi rako ratofoira nhasi hazvireve kuti richakundikana mangwana.
  • 21:59 - 22:06
    Kuti imba yenyu yatarisana nedambudziko nhasi hazvireve kuti ichaparara.
  • 22:06 - 22:15
    Kuti basa rako rakamira nhasi hazvireve kuti richaramba riripo. Aihwa!
  • 22:15 - 22:17
    Pane tariro nguva dzose.
  • 22:17 - 22:21
    Zita rake ndiJesu.
  • 22:21 - 22:29
    Chipikirwa chisingaperi chetariro yatinopiwa naKristu
  • 22:29 - 22:34
    inotikurudzira kuti tirambe tichishingirira, kuti tirambe tichivavarira kuenda
  • 22:34 - 22:38
    kunauyo kana kwatakarongerwa kuva,
  • 22:38 - 22:40
    kuramba tichiwana rubatsiro,
  • 22:40 - 22:46
    kuramba tichiedza zvakare uye zvakare uye zvakare uye zvakare uye zvakare -
  • 22:46 - 22:51
    tichiziva kuti takasaiswa muchirongwa Chake chikuru.
  • 22:51 - 22:53
    Wow. Zvakanaka, ndinokutendai, Jesu, nokuda kweShoko raMwari.
  • 22:53 - 22:57
    Vanhu vaMwari ndinonamata kuti shoko iri rikukurudzirei
  • 22:57 - 23:01
    kusakanda mapfumo pasi pamberi pezvipingamupinyi nematambudziko ehupenyu.
  • 23:01 - 23:05
    Uye regai ndipedze ndichitaura izvi -
  • 23:05 - 23:13
    rambai muchitsvaga mwoyo waMwari kuti muone hupenyu zvakajeka, nemuzita raJesu.
Title:
USAFE wakaramwa!!! | Mukoma Chris | Kurudziro yechiKristu
Description:

Kana wakatarisana nekuodzwa mwoyo, iyi meseji ndeyako! Iva nekusimudzirwa kuti urambe uchienderera mberi neshoko iri retariro rinoendererana nenguva rine musoro unoti, 'Kuyedzwa Kwechokwadi'.

‘Chengetedza Mwoyo Wako’ chirongwa chiri paGod's Heart TV chine zvikamu zvipfupi zvemharidzo @Official Mukoma Chris vaishumira kuThe Synagogue, Church Of All Nations (SCOAN) muLagos, Nigeria naProphet TB Joshua.

ZVITSAUKO:
00:00 - Usambokanda mapfumo pasi!
00:35 - Nhanganyaya ye 'Chengetedza Mwoyo Wako'
01:14 - Hondo yekuita zvakanaka
02:05 - Muenzaniso unoshanda wemunamato nekuverenga Bhaibheri
04:16 - Chero rwendo rwuri rwaMwari rwunopinda mukuyedzwa nekupikiswa
06:59 - Hupenyu haisi nhandare yekutamba; inhandare yehondo
08:30 - Muenzaniso wemukadzi wechiKenani muna Mateo 15
12:08 - Vazhinji vanobvunza kunaka kwaMwari pavanosangana nekuyedzwa
13:41 - Semwana waMwari, kurwiswa ikoko kunozivisa iwe uri munzira kwayo
14:56 Vazhinji vanoda kuona Mwari asi havana kugadzirira kumutsvaka
17:54—Waimbonzwa uri pedyo naMwari here asi iye zvino wava kunzwa uri kure?
19:17 - Usaite nyore kuna dhiyabhorosi
19:46 - Mashoko ekupedzisira kubva kuna Mukoma Chris

#ChengetaMwoyoWako

➡️ Gamuchira Kurudziro Yemazuva ese paWhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Tsigira God's Heart TV nemari - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Ruzivo nezveMunamato weInteractive - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Zvipire seMuturikiri weGod's Heart TV - https://godsheart.tv/translate/
➡️ Govera huchapupu hwako - https://godsheart.tv/testimony

more » « less
Video Language:
English
Team:
God's Heart TV
Duration:
23:26

Shona subtitles

Revisions Compare revisions