PAKAREPO Kuporeswa nekuNunurwa I MUNAMATO wepaMhepo I Nyika dzinosvika 50 nekupfuura
-
0:00 - 0:03Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo.
-
0:03 - 0:05Sunungurwa kubva muhusungwa ihwohwo.
-
0:05 - 0:08Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko.
-
0:08 - 0:15Sunungurwa, sunungurwa nemuZita rine simba raJesu Kristu.
-
0:15 - 0:21Tinokugamuchirai kuchimwe chirongwa cheMunamato.
-
0:21 - 0:28Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom.
-
0:28 - 0:35Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa chokwadi chirongwa chanhasi ndeche Marudzi ose.
-
0:35 - 0:38Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano
-
0:38 - 0:44vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe.
-
0:44 - 0:46Kunyange kusvika kuUkraine
-
0:46 - 0:52nyika iri mundangariro dzedu neMuminamato yedu panguva ino.
-
0:52 - 0:58Ndinoda kutenda mwoyo yose inotenda kuna Jesu,
-
0:58 - 1:03vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama
-
1:03 - 1:06kubva pandiri kusvika kwamuri,
-
1:06 - 1:11munotenda kuti Jesu Kristu achakubatayi nhasi nenzira inokosha,
-
1:11 - 1:16nokuti zvinokudza Mwari zvirokwazvo kumutenda
-
1:16 - 1:21kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye.
-
1:21 - 1:26uye Mwari vanokudza avo vanomukudza.
-
1:26 - 1:32Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda
-
1:32 - 1:35kuti kuda kwavo kutinunura,
-
1:35 - 1:43kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose.
-
1:43 - 1:51kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu.
-
1:51 - 1:56saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu.
-
1:56 - 2:04Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari,
-
2:04 - 2:10sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23
-
2:10 - 2:12kuti shoko raMwari imhodzi,
-
2:12 - 2:19imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu
-
2:19 - 2:22uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure.
-
2:22 - 2:27Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu,
-
2:27 - 2:31mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari
-
2:31 - 2:37Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu.
-
2:37 - 2:38kana kutevedzera mumwe munhu.
-
2:38 - 2:46kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memwoyo wako, kunofanhira kubuda kubva mumwoyo mako.
-
2:46 - 2:48zvichibva pashoko raMwari.
-
2:48 - 2:53saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu,
-
2:53 - 2:57mwoyo wako wakamirasei ?
-
2:57 - 3:00Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi.
-
3:00 - 3:04mwoyo wako wakamirasei ?
-
3:04 - 3:09nokuti ndaona kuti vanhu vakawanda nhasi uno vanotsvaka Mwari,
-
3:09 - 3:12vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo,
-
3:12 - 3:15kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo,
-
3:15 - 3:21asi mwoyo yavo haina kugadzikana, mwoyo yavo yakavhiringidzika,
-
3:21 - 3:25mwoyo yavo irikunetsekana
-
3:25 - 3:34asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27
-
3:34 - 3:39Mwoyo yenyu ngairege kumanikidzwa.
-
3:39 - 3:42zvino hazvireve kuti hapachazove nedambudziko.
-
3:42 - 3:45havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko,
-
3:45 - 3:53asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu
-
3:53 - 3:57hongu pane zvikonzero zvekunetsekana
-
3:57 - 4:03asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane.
-
4:03 - 4:06kunyange kwose kwose kune kusagadzikana,
-
4:06 - 4:12tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo.
-
4:12 - 4:18asi semuKristu, mwoyo wako ngauzorore
-
4:18 - 4:22mukuziva kuti Mwari vanewe.
-
4:22 - 4:29sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu,
-
4:29 - 4:34asi semukristu moyo wako ngauve parunyararo
-
4:34 - 4:41mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31).
-
4:41 - 4:48kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera
-
4:48 - 4:55mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari
-
4:55 - 5:01kuti havazombokusiya kana kukurasa.
-
5:01 - 5:08sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5.
-
5:08 - 5:16saka vanhu vaMwari dzikamisai mwoyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu,
-
5:16 - 5:20kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako,
-
5:20 - 5:22Tarisa kuna Jesu.
-
5:22 - 5:27Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28.
-
5:27 - 5:30Jesu anoti, Huyai kwandiri
-
5:30 - 5:37vose vakaremerwa, ndinokupayi zororo.
-
5:37 - 5:40kana Mwari vakativimbisa zororo
-
5:40 - 5:47hapana chikonzero chekuti mwoyo yedu isazorore.
-
5:47 - 5:52Tinongoda kungoziva chokwadi ichi,
-
5:52 - 5:55pinda mukuwirirana neshoko raMwari.
-
5:55 - 5:57saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi,
-
5:57 - 6:03Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari.
-
6:03 - 6:09Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro
-
6:09 - 6:11anopokana neshoko raMwari.
-
6:11 - 6:14Revesa nemwoyo wako wose.
-
6:14 - 6:20kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemwoyo wako
-
6:20 - 6:25naikoko kubvumirana kwemwoyo wako , ikozvino
-
6:25 - 6:29yavanguva yekunamata.
-
6:29 - 6:32mwoyo wako unofanhira kuwirirana naMwari.
-
6:32 - 6:35mwoyo wako unofanhira kubvumirana naMwari.
-
6:35 - 6:39mwoyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa,
-
6:39 - 6:44usina shungu, usina marwadzo ekare.
-
6:44 - 6:47izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari.
-
6:47 - 6:51Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako,
-
6:51 - 6:56uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi.
-
6:56 - 7:03chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari,
-
7:03 - 7:08regererwa nemuzita raJesu Kristu.
-
7:08 - 7:18[Shanduro yeSpanish]
-
7:18 - 7:22Rusvingo urwu rwuri pakati pemwoyo wako neMweya waMwari,
-
7:22 - 7:30ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi.
-
7:30 - 7:37[Shanduro yeSpanish]
-
7:37 - 7:41Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu,
-
7:41 - 7:45sunungurwa muzita raJesu.
-
7:45 - 7:51[Shanduro yechiSpanish]
-
7:51 - 7:56Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo
-
7:56 - 7:59Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku
-
7:59 - 8:02Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa
-
8:02 - 8:05nemuzita rine simba raJesu Kristu.
-
8:05 - 8:13[Shanduro yeSpanish]
-
8:13 - 8:20Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako
-
8:20 - 8:26kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu,
-
8:26 - 8:32ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako.
-
8:32 - 8:33Ngaibude izvezvi.
-
8:33 - 8:48[Shanduro yeSpanish]
-
8:48 - 8:52Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo.
-
8:52 - 8:56Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi.
-
8:56 - 8:58Iwe chirwere, iwe chirwere,
-
8:58 - 9:01Ndati buda nezita raJesu.
-
9:01 - 9:06Buda nezita raJesu, buda izvezvi nezita rine simba raJesu Kristu.
-
9:06 - 9:08Buda izvezvi
-
9:08 - 9:17[Shanduro yechiSpanish]
-
9:17 - 9:20Ikozvino, sechiito chokutenda,
-
9:20 - 9:24Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo,
-
9:24 - 9:26uri kurwadziwa panyama ,
-
9:26 - 9:30isa ruoko rwako ipapo izvezvi
-
9:30 - 9:32zarura mwoyo wako,
-
9:32 - 9:39taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera,
-
9:39 - 9:44buda nezita raJesu, buda izvezvi.
-
9:44 - 9:49Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo.
-
9:49 - 9:53Buda izvezvi, buda izvezvi.
-
9:53 - 9:55Buda izvezvi.
-
9:55 - 10:09[Shanduro yechiSpanish]
-
10:09 - 10:13Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku,
-
10:13 - 10:18murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino,
-
10:18 - 10:23kunyange tiri nechekure nekure, simba raMwari riri kuburuka.
-
10:23 - 10:27Zarura mwoyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake.
-
10:27 - 10:31Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi,
-
10:31 - 10:33chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda.
-
10:33 - 10:35Ino inguva yako,
-
10:35 - 10:37Ikozvino inguva yako.
-
10:37 - 10:41Ndinoti kune mweya yenyu yese,
-
10:41 - 10:44batana neMweya wa Kristu.
-
10:44 - 10:49batana neMweya wa Kristu nemuZita raJesu.
-
10:49 - 10:58[Shanduro yechiSpanish]
-
10:58 - 11:03mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake.
-
11:03 - 11:06kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako,
-
11:06 - 11:10kutevera nzira yakarurama.
-
11:10 - 11:12Vhura muromo wako, umukumbire izvozvi.
-
11:12 - 11:25[Shanduro yechiSpanish]
-
11:25 - 11:32Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata.
-
11:32 - 11:40Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu
-
11:40 - 11:44Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu.
-
11:44 - 11:47Tanga kuzvitarisa izvezvi,
-
11:47 - 11:51Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa.
-
11:51 - 11:54Wanunurwa, zvitarise izvezvi.
-
11:54 - 11:57Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa.
-
11:57 - 12:11[shanduro yechiSpanish ]
-
12:11 - 12:16Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika,
-
12:16 - 12:20maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa.
-
12:20 - 12:25Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake.
-
12:25 - 12:31Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari.
-
12:31 - 12:35Ikozvino inguva yako.
-
12:35 - 12:39nguva iya yemukadzi aibuda ropa
-
12:39 - 12:42paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu,
-
12:42 - 12:47kutenda kwake ndiko kwakamuporesa.
-
12:47 - 12:53Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuporese nhasi uno.
-
12:53 - 12:57Ndinonamata kuti kutenda kwako kukununure nhasi uno.
-
12:57 - 13:06Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuponese nhasi uno, nemuZita rine simba ra Jesu Kristu.
-
13:06 - 13:13Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako
-
13:13 - 13:17kuti ibude nemuzita raJesu Kristu.
-
13:17 - 13:19Buda nemuZita raJesu Kristu.
-
13:19 - 13:24mweya yese irikubata mukati memusoro mako, buda izvezvi.
-
13:24 - 13:28mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi.
-
13:28 - 13:33mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
-
13:33 - 13:38mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
-
13:38 - 13:47Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu.
-
13:47 - 13:52mune chero chikamu chehupenyu hwako,
-
13:52 - 13:56mweya yetsvina pairikubata,
-
13:56 - 14:00zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako,
-
14:00 - 14:06zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumhuri yako,
-
14:06 - 14:11dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu.
-
14:11 - 14:19Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi.
-
14:19 - 14:26Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko.
-
14:26 - 14:29Shoko renyu rinoparidzira rusununguko.
-
14:29 - 14:34Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko izvezvi,
-
14:34 - 14:38rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako.
-
14:38 - 14:42Rusununguko kumuviri wako nemuZita rine simba ra Jesu Kristu.
-
14:42 - 14:47Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako,
-
14:47 - 14:51rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako
-
14:51 - 14:57nemuZita rine simba raJesu Kristu.
-
14:57 - 15:00Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
-
15:00 - 15:03Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
-
15:03 - 15:07Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu kwehumwari.
-
15:07 - 15:14Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu
-
15:14 - 15:19uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu.
-
15:19 - 15:24Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako,
-
15:24 - 15:27ndezvako chaizvo chaizvo.
-
15:27 - 15:30HUCHAPUPU
-
15:30 - 15:31Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene.
-
15:31 - 15:33ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa.
-
15:33 - 15:35Ndinogara mu United Kingdom.
-
15:35 - 15:38Mumwedzi waGumiguru 2021,
-
15:38 - 15:42ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu
-
15:42 - 15:46chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament.
-
15:46 - 15:48yakatsemuka zvachose.
-
15:48 - 15:49Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya,
-
15:49 - 15:53uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki.
-
15:53 - 15:59Ndisina madondoro aya handaigona kufamba.
-
15:59 - 16:05VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita
-
16:05 - 16:09basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL,
-
16:09 - 16:15Kuitwa kweSejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupora.
-
16:15 - 16:17Asi ndinotenda semuKristu akazvarwa patsva,
-
16:17 - 16:20kuti zvakandinakira, chekutanga kutsvaga Mwari.
-
16:20 - 16:25Ndakasarudza kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu.
-
16:25 - 16:28Nhasi uno, chirongwa cheMunamato we Interactive Prayer usati watanga,
-
16:28 - 16:32ndange ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu,
-
16:32 - 16:35ndange ndisingakwanise kufamba ndisina zvinondibatsira kubata ibvi rangu.
-
16:35 - 16:37Munguva memunamato, ndange ndakavhara maziso angu,
-
16:37 - 16:39ndichinamata na Mukoma Chris.
-
16:39 - 16:43ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari.
-
16:43 - 16:47Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu.
-
16:47 - 16:49Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paSkrini.
-
16:49 - 16:51hapana chandanzwa kuti pane chaitika,
-
16:51 - 16:54asi mushure meMunamato pavati wasunungurwa,
-
16:54 - 16:56ndabva ndabvisa zvakange zvakabata ibvi rangu zvaive zvichindibatsira pakufamba, ndokubva ndatanga kurinzwa ibvi rangu,
-
16:56 - 17:00ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika,
-
17:00 - 17:01uye ndikabva ndatanga kusvetuka.
-
17:01 - 17:04Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa pakutanga,
-
17:04 - 17:07kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa.
-
17:07 - 17:10Ndavekukwanisa kusvetuka.
-
17:10 - 17:11Ndavekukwanisa kumhanya.
-
17:11 - 17:15Ndinotenda Jesu.
-
17:15 - 17:17Makomborero muzita raJesu.
-
17:17 - 17:22Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras.
-
17:22 - 17:28Ndinoda kukuudzai kuti panguva yekuti muporofita Chris vasati vatanga kunamata,
-
17:28 - 17:37ndange ndavakutonzwa kununurwa, kufaranuka kwabva kwapinda mukati memwoyo wangu wese,
-
17:37 - 17:40uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari.
-
17:40 - 17:47Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu,
-
17:47 - 17:53uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumwoyo mangu.
-
17:53 - 17:54Ndinorumbidza Jesu.
-
17:54 - 17:56Ndinokutendai Jesu.
-
17:56 - 17:58Ndinokudai Jesu.
-
17:58 - 18:02Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago.
-
18:02 - 18:05Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe naMukoma Chris.
-
18:05 - 18:08muChirongwa cheMunamato we Interactive prayer.
-
18:08 - 18:11Tichiri muChirongwa ichi che Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vati
-
18:11 - 18:14zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva
-
18:14 - 18:17mweya wainge uri mandiri wakatanga kuzviratidza , ukati
-
18:17 - 18:19Ayehwa hausikuenda.
-
18:19 - 18:23ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite
-
18:23 - 18:27asi pavaramba vachinamata wabva waenda
-
18:27 - 18:33ndakatanga kunzwa kureruka uye nekusvipa zvinhu zvaivava.
-
18:33 - 18:35Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo.
-
18:35 - 18:41Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa.
-
18:41 - 18:48Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese.
-
18:48 - 18:52Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo.
-
18:52 - 18:57Marwadzo aya aibva kubva kuchidya zvichidzika,
-
18:57 - 18:59zvaiva zvisingaite.
-
18:59 - 19:04vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese.
-
19:04 - 19:10zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi.
-
19:10 - 19:14mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kungodonha.
-
19:14 - 19:19pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora.
-
19:19 - 19:22Ndakabva ndatanga kukosora.
-
19:22 - 19:26ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate.
-
19:26 - 19:31mushure maizvozvo, ndakakotamisa mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora.
-
19:31 - 19:34ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu,
-
19:34 - 19:37sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu,
-
19:37 - 19:41ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari
-
19:41 - 19:42nekuvatenda nekundiporesa.
-
19:42 - 19:46uye zvino, hapachisina.
-
19:46 - 19:49ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandisi.
-
19:49 - 19:54sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka.
-
19:54 - 19:57Ikozvino ndavekugona kusvetuka.
-
19:57 - 20:03Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama.
-
20:03 - 20:05ndapora.
-
20:05 - 20:06Ndinokutendai Jesu.
-
20:06 - 20:11Zita rangu ndinonzi Maricela, ndinobva ku Peru.
-
20:11 - 20:16Munguva yeChirongwa cheMunamato we Interactive Prayer,
-
20:16 - 20:19ndakagamuchira rusununguko nekuporeswa.
-
20:19 - 20:23Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu.
-
20:23 - 20:28Izvi ndizvo zvine muchetura zvandakarutsa:
-
20:28 - 20:32Ndakanzwa moto uye simba raMwari.
-
20:32 - 20:36Ndapora uye ndasunungurwa kupa mbiri kuna Mwari.Ameni!
-
20:36 - 20:38Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine,
-
20:38 - 20:41ndinotenda Mwari zvikuru
-
20:45 - 20:53nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira.
-
20:53 - 20:59Mumunamato uyu, ndanunurwa
-
20:59 - 21:06uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri.
-
21:06 - 21:13mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo.
-
21:13 - 21:17ndinotenda Mwari zvikuru.
-
21:17 - 21:21Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine.
-
21:21 - 21:24Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine.
-
21:24 - 21:28Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu.
-
21:28 - 21:31Munguva yekunamata, ndange ndichirutsa
-
21:31 - 21:34pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri.
-
21:34 - 21:43Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru.
-
21:43 - 21:46Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose.
-
21:46 - 21:47Tirikufara.
-
21:47 - 21:53Mangwanani , Mwari Anesu.
-
21:53 - 21:57Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa.
-
21:57 - 22:01Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu.
-
22:01 - 22:04Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Mugovera,
-
22:04 - 22:08Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura,
-
22:08 - 22:11ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu.
-
22:11 - 22:14ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya,
-
22:14 - 22:15zvairwadza zvikuru,
-
22:15 - 22:17kunyange mabonzo angu airwadza.
-
22:17 - 22:19Mushure mekurutsa izvi zvose,
-
22:19 - 22:23zveshuwa, hapana chandichanzwa.
-
22:23 - 22:26Marwadzo ose apera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa,
-
22:26 - 22:31kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu .
-
22:31 - 22:35Chatinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma.
-
22:35 - 22:36Mangwanani.
-
22:36 - 22:40Zita rangu ndinonzi Jane uye ini hangu ndinobva ku France.
-
22:40 - 22:44Uchapupu hwangu hwakamira sezvizvi.
-
22:44 - 22:47Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino,
-
22:47 - 22:52Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka.
-
22:52 - 22:57kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya,
-
22:57 - 22:59mazino angu nemagamu angu airwadza.
-
22:59 - 23:01Ikozvino ndakunzwa zvakanaka.
-
23:01 - 23:04Mukoma Chris pavauya kuzotinamatira,
-
23:04 - 23:13Ndanzwa kureruka, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso
-
23:13 - 23:14ndokubva ndatanga kurutsa.
-
23:14 - 23:21Honai izvi ndizvo zvandakarutsa.
-
23:21 - 23:25Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu.
-
23:25 - 23:27Ndinonzi Grace, ndinobva ku Philippines.
-
23:27 - 23:31ikozvino ndiri ku Qatar.
-
23:31 - 23:35zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV,
-
23:35 - 23:44Ndanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndikarutsa.
-
23:44 - 23:48Handikwanisi kunyatsotsanangura chaiitika mumuviri wangu
-
23:48 - 23:51Ndatanga kurutsa.
-
23:51 - 23:56Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri.
-
23:56 - 23:58Ndinotenda Mwari,
-
23:58 - 24:04Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu.
-
24:04 - 24:09Hareruya, Ndinokutendai Jesu.
-
24:09 - 24:11Zita rangu ndinonzi Gert,
-
24:11 - 24:14Ndinobva ku South Africa.
-
24:14 - 24:28Panguva yemunamato, ndarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu.
-
24:28 - 24:33Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva.
-
24:33 - 24:38Ibvi rangu 100%:
-
24:38 - 24:41Hapachisisina marwadzo.
-
24:41 - 24:50Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva.
-
24:50 - 24:52Mbiri kuna Mwari.
-
24:52 - 24:56Zita rangu ndinonzi Haydee,ndinobva Costa Rica.
-
24:56 - 25:00Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai!
-
25:00 - 25:05Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndagamuchira kuporeswa kwangu
-
25:05 - 25:11kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi.
-
25:11 - 25:16Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo.
-
25:16 - 25:19Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia.
-
25:19 - 25:24Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu,
-
25:24 - 25:31nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu.
-
25:31 - 25:35Munhu waMwari pavange vachitinamatira,
-
25:35 - 25:39Ndanzwa huvepo hwakasimba hwaMwari pandiri.
-
25:39 - 25:42Pavange vachitinamatira,
-
25:42 - 25:47Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu.
-
25:47 - 25:50Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa,
-
25:50 - 25:53Ndave kunzwa zvakanaka mumoyo wangu
-
25:53 - 25:55Ndave nerunyararo mukati mepfungwa.
-
25:55 - 25:57Mhoroi mose, Zita rangu ndinonzi Dina
-
25:57 - 26:00uye ndirikubatana pamwe chete nechino chirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada.
-
26:00 - 26:07Ndirikuda kutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise
-
26:07 - 26:10kubata kuvanhu vakawanda pasi rose.
-
26:10 - 26:15Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe wevanhu ava vapihwa mukana uyu
-
26:15 - 26:18vakwanisawo kupinda muchirongwa cheMunamato wanhasi.
-
26:18 - 26:21Panguva yemunamato,
-
26:21 - 26:24ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata,
-
26:24 - 26:27Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu.
-
26:27 - 26:30Ndanzwa kureruka.
-
26:30 - 26:32Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri.
-
26:32 - 26:37Ndinoziva kuti Runyararo rwakadayi runobva kuna Mwari chete.
-
26:37 - 26:39Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara.
-
26:39 - 26:43Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri.
-
26:43 - 26:46Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura.
-
26:46 - 26:47Ndokutendai Jesu.
-
26:47 - 26:49Zita rangu ndinonzi Jayson, mukadzi wangu anonzi Lorna.
-
26:49 - 26:51Tinobva ku Phillipines.
-
26:51 - 26:55dambudiko raivapo munamato usati waitwa, ndaive ne hernia iyi,
-
26:55 - 26:58inguinal hernia, piles
-
26:58 - 26:59uye nemuviri wairema kwazvo.
-
26:59 - 27:02Zvidya zvangu zvairwadza futi.
-
27:02 - 27:07Mukadzi wanguwo airwadziwa nezvidya zvake, mabvi airwadza uye
-
27:07 - 27:12uyewo pfungwa dzehasha mazuva ose.
-
27:12 - 27:19Panguva yekunamata takademba zvikuru pamusoro pezvivi zvedu uye
-
27:19 - 27:22takakumbira ruregerero kubva kuna Jesu Kristu .
-
27:22 - 27:28ndakanzwa kunge mhepo yabata musoro wangu,
-
27:28 - 27:31ndakabva ndanzwa kuda kurutsa.
-
27:31 - 27:34Ikozvino, mushure memunamato, zvabva zvapera.
-
27:34 - 27:35Hapachisina marwadzo.
-
27:35 - 27:37Hernia yangu haichakure,
-
27:37 - 27:42uyewo mukadzi wangu haachisina marwadzo mumabvi ake ne pazvidya zvake.
-
27:42 - 27:45Ndinokutendai zvikuru Jesu nekutiporesa, tinotenda.
-
27:45 - 27:47Ndinokutendai Jesu.Ameni.
-
27:47 - 27:54Mazita edu anonzi Eric na Sarah, tinobva ku Sweden.
-
27:54 - 27:56Tinotenda Mwari nekuda kwe chirongwa cheMunamato.
-
27:56 - 28:05changa chakazadzwa neMweya mutsvene uye Jesu vanga vari panzvimbo.
-
28:05 - 28:10Ndanzwa kufara uye kufaranuka mumoyo mangu mushure memunamato.
-
28:10 - 28:12Ndinoda kutenda uye nekurumbidza Mwari ne
-
28:12 - 28:16mukana wakanaka uyu kuti tivepo.
-
28:16 - 28:22kwandiri ndinonzwa kunge mumoyo mangu mava nechiedza.
-
28:22 - 28:27uyewo ndanzwa chimwe chinhu chichienda mumaoko angu,
-
28:27 - 28:31munguva yekunamata na mukoma wedu Chris.
-
28:31 - 28:36Mushure memunamato ndanzwa kureruka,
-
28:36 - 28:41rima rabva mumwoyo mangu,
-
28:41 - 28:47zvandisina kumbenge ndanzwa kare
-
28:47 - 28:51uye nekunzwa rumwe rudzi rwemufaro
-
28:51 - 28:55mukati memuviri wangu, mumoyo mangu, mupfungwa dzangu.
-
28:55 - 28:58Nokudaro tinokutendayi Jesu.
-
28:58 - 29:01Zita rangu ndinonzi Evelin, ndinobva ku Argentina.
-
29:01 - 29:04Munguva yechirongwa che Interactive Prayer,
-
29:04 - 29:09Ndanzwa simba raMwari richifamba mukati memuviri mangu.
-
29:09 - 29:14Ndanzwa moto uchibata padumbu rangu uye ndabva ndapora.
-
29:14 - 29:16Ndinokutendai Mwari.
-
29:16 - 29:19Chirongwa che Interactive Prayer chisati chatanga,
-
29:19 - 29:24ndanga ndichirwadziwa neChiropa, Musoro uye nedambudziko reNzeve.
-
29:24 - 29:27Asi mushure meMunamato, zvese zvadzoredzerwa!
-
29:27 - 29:31Handichisina kurwadziwa ne Musoro, kana ne Chiropa
-
29:31 - 29:34uye ikozvino ndavekunzwa zvakanaka kupa mbiri kuna Mwari.
-
29:34 - 29:37Zita rangu ndinonzi Marina, ndinobva ku Argentina.
-
29:37 - 29:40Munguva yeMunamato, ndanzwa huvepo waMwari
-
29:40 - 29:43uye moto pamuviri wangu wose.
-
29:43 - 29:45Ndagamuchira kuponeswa kubva kumarwadzo ebvi
-
29:45 - 29:48andainge ndichinzwa pandaimira.
-
29:48 - 29:53Ndange ndichinzwa kunge mapfupa angu arikushanduka.
-
29:53 - 29:57Izvi zvakonzera marwadzo, asi mushure meMunamato
-
29:57 - 30:04Ndave kukwanisa kufambisa ibvi rangu pasina kana dambudziko.
-
30:04 - 30:06Ndinokutendai, Jesu!
- Title:
- PAKAREPO Kuporeswa nekuNunurwa I MUNAMATO wepaMhepo I Nyika dzinosvika 50 nekupfuura
- Description:
-
Kupupurwa kweSimba guru raMwari richidzika pamusoro peavo vakabatana pamwe chete muChirongwa cheInteractive Prayer na Mukoma Chris pa God's Heart TV Studio mu North Wales, kuUK , vachibva kuNyika dzinosvika 50 nekupfuura!
NemuZita raJesu Kristu, pane Simba rinoera rinorakidzwa reKuporesa nekuNunurwa - apomaketani asatani arikudemburwa uye matambudzo ake arikudzingwa! Gadzirirai kugamuchira Munana wenyu apo pamurikubata neChirongwa chino nemuZita raJesu.
Kuti muwane rumwe ruzivo nezve kugashira mahara Munamato naMukoma Chris - ndapota shanyirai webhusaiti yedu pano - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
Mateo 10:8 - "Makagamuchira pachena; ipai pachena."
00:14 - Nhanganyaya yeInteractive Prayer Service uye tinokugamuchirai kune avo vakabatana kubva pasirese
02:00 - Shoko pfupi rekurudziro kubva mushoko raMwari usati wanamata
06:56 - Shumiro yeMunamato weInteractive musimba reMweya Mutsvene
12:10 - Munamato wevaoni pasi rese
15:30 - Uchapupu: Victor anobva kuUK
17:15 - Uchapupu: Viviana anobva kuHonduras
17:57 - Uchapupu: Samantha anobva kuTrinidad neTobago
18:35 - Uchapupu: Mirriam anobva kuSouth Africa
20:06 - Uchapupu: Maricel anobva kuPeru
20:36 - Uchapupu: Antonina anobva kuUkraine
21:53 - Uchapupu: Jeanyl anobva kuSouth Africa
22:35 - Uchapupu: Jane anobva kuFrance
23:24 Uchapupu: Nyasha dzinobva kuQatar
24:08 - Uchapupu: Gert anobva kuSouth Africa
24:52 - Uchapupu: Haydee anobva kuCosta Rica
25:16 - Uchapupu: Amosi wekuZambia
25:55 - Uchapupu: Tina anobva kuCanada
26:47 Uchapupu: Jayson naLorna vanobva kuPhilippines
27:47 Uchapupu: Eric naSara vanobva kuSweden
28:58 - Uchapupu: Evelyn Mhuri kubva kuArgentina#Munamato weInteractive
➡️ Gamuchira Kurudziro Yemazuva ese paWhatsApp - https://godsheart.tv/whatsapp/
➡️ Tsigira Mwoyo waMwari TV nemari - https://godsheart.tv/financial/
➡️ Ruzivo nezveMunamato Wekupindirana - https://godsheart.tv/interactive-prayer/
➡️ Zvipire seMuturikiri weGod's Heart TV - https://godsheart.tv/translate/ - Video Language:
- English
- Team:
God's Heart TV
- Duration:
- 30:18
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � | |
![]() |
Memorykh edited Shona subtitles for INSTANT Healing & Deliverance! | Online PRAYER! | 50+ Countries � |