Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
Edza izvi kubva nhasi.
Mwari wangu. Uchauya pano kuzopupura!
Nyasha nerugare ngazvive nemi
mose muzita raJesu guru
uye tinokugashirai kune imwe nhepfenuro
'Nhaka Inogara Pamusoro'.
Zvino, nhasi tichange tichikuunzirai
zvikamu zviviri zveMuporofita T.B. Joshua
kutaura nezvenyaya yakakosha
uye inodzidzisa
zvandinotenda zvichabatsira
chaizvo hupenyu hwako hwechiKristu.
Chikamu chekutanga chinotorwa
kubva pakati pemharidzo
uyezve chikamu chechipiri chinotorwa
kubva pakati peuchapupu
kubva kune mukadzi wekuSouth Africa
akagamuchira rusununguko
kubva kumweya wakaipa wakamupinza
muhupenyu hwehuroyi.
Uye apo Muporofita TB Joshua akanga
achiteerera kupupura kwake,
akashandisa zvakaitika muupenyu
hwake somukana
kudzidzisa vanhu musimboti uyu
wepamweya unokosha.
Saka, komborerwa izvozvi
paunodzidza nezverudzi rwemunamato,
rudzi rwekutsanya kunogara
kukwezva meso aMwari.
Ngatitarisei.
Kana usingade kuti satan akuite nhapwa
shanda pahunhu hwako.
Zvinoreva kuti, kubva nhasi, usatanga
kubvunza Mwari kuti, "Ndiporesei!"
Namata uchipesana nekahunhu kanokuita
utadze.
Kubva nhasi, usatanga kuti,
"Mwari, ndiropafadzei!"
Namata uchipesana nekakahunhu
kanokuita utadze.
Kubva nhasi, usatanga kuti,
“Mwari, ndidzivirirei!
Vanhu vari kunditevera,
kuda kundiuraya
Kutambisa nguva
Enda wakananga - uchipesana nekahunhu
kanoita kuti utadze.
Ndonzira inoshandiswa
nasatan kuti akupinde,
okutuka nourombo,
okutuka nokushaya kugadzikana,
okutuka nourwere,
okutuka nechero iwe chiri kukunetsa.
Anoshandisa kahunhu kanoita utadze
kuti akupinde.
Ukavhara ipapo, satani haachakwanisi
kupinda.
Mukoma huyai henyu. Ndichakuvhiringa
nhasi nekuti unondivhiringidza!
Mira pano. Hama mira pano.
Mira pano.
Murume uyu achapfuura pano
achiuya kwandiri.
Asi kana vaviri vedu vakavhara,
hapana nzira yekuti apfuure.
Zvinoreva kuti unorarama
mukuzara - hupenyu huzhinji.
Chii chakanaka kuvhara ichi.
Ndokahunhu kanoita utadze
Apa ndipo panopinda kahunhu kakaipa,
kuti murume uyu apinde apa auye
kokutambudzika nourombo;
kokutambudza nourwere,
kokutambudza nemhingampinji nekushaya
nekushaya mbereko chingava chii
Iyi ndiyo nzira yokupfuura nayo
Pane kudaro, mumwe anotanga kuti,
"Mwari, ndiporesei!"
Zvine musoro here kuti,
“Mwari, ndiporesei”?
Sei usingakwanise kuvhara nzira
kuti uve nehupenyu hwakawanda
Asi tinoramba tichiti, "Ndiporesei!"
Uchirwara unoti ndiporesei!
Kana uri murombo unoti, Ndiropafadzei!
Kana usingabereki, unoti: Ndiropafadzei
nechibereko chedumbu;
Aihwa! Mwari anoziva; Anoziva
mamiriro ako ezvinhu.
Paunotanga kuudza Mwari,
"Ndinoda kuendako" -
zvinoreva kuti unoti mwari wako ibofu.
Akakusika anokuziva.
Anoziva chimiro chako.
Anoziva pfungwa dzako.
Uye iwe zvino uri kuti kwaari,
"Ndiri murombo - ndiropafadzei!"
Zvine musoro here?
Zvatiri kutaura izvozvi - kuzviita uye
kugadzirisa hupenyu hwako ...
Unofanira kuenderana nehupenyu hwako.
Upenyu hwakawanda
hwakaparadzaniswa noMusiki.
Kubva nhasi, tanga kunamata
uchipesana nekahunhu kanoita utadze
Izvi ndizvo zvakanga zvichiudzwa
Apostora Pauro naMwari.
Katatu, akauya kuna Mwari achiti:
‘Ndiporesei! Ndine munzwa munyama yangu!'
Nguva imwe neimwe, Ishe vakati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira."
Izvi zvinoreva kuti, 'Kururama
kwangu kwakakukwanira.'
Pauro paaiti, 'Poresei', Mwari akati,
'Nyasha dzangu dzakakukwanirai.'
Zvinoreva kuti, ‘Tanga kutsvaka Umambo.
zvimwe zvose zvichawedzerwa.'
Mwari akashandisa Pauro semuenzaniso
kune isu tose.
Hatina kumbonzwa chinhu shure
kweizvozvo katatu Ishe akati,
"Nyasha dzangu dzakakukwanira!"
Hauzoone chinyorwa ichi futi
Hatina kumbonzwa kuti chirwere
ndicho chakauraya Pauro
Uye Pauro akararama kusvika kunguva
yechipikirwa yaakapiwa naMwari.
Dambudziko rako nderei izvozvi?
kahunhu kanoita kuti utadze.
Udza muvakidzani wako, "Dambudziko rangu
kahunhu ikako, kwete kuomerwa kwangu,
kwete chirwere changu,
kwete dambudziko rangu.
Dambudziko rangu kahunhu
kanoita kuti nditadze."
Ndodambudziko rako iroro.
Dai wanga uchinamata uchipesana
neizvi nguva yese iyi,
mamiriro ako haaizoramba akadai.
Muchidimbu, munamato wako unofanirwa
kunge uchipesana nekahunhu ikaka.
"Ndiri murombo" - Mwari anoziva.
"Ndiri kurwara" - Mwari anoziva.
"Ini handibereki" - Mwari anoziva.
Chero matambudziko aungasangana nawo,
Mwari vanozviziva.
Hazvina basa kuti utange kunongedza
'Ndini uyu! Ndinoda izvi!'
Vhara nzira inoshandiswa
nasatan kukutambudza.
Vimba kupinda kuri kushandiswa
nasatan kukubata zvinova weakness.
Anoshandisa utera
hwedu kutikanganisa.
Anoshandisa utera hwedu kutirwisa.
Anoshandisa utera hwedu kutirova.
Ndiko kupera simba. Namata uchipesana
nekushaya simba kwako.
Uye kana izvi zvavharwa, zvimwe zvinhu
zvese zvichawedzerwa kwauri.
Chinhu chimwe pamusoro pekushaya simba -
paunoshamisa muromo wako, uchiti,
'Mwari, ndinotaura zvakanyanyisa!
Ndipeiwo nyasha. Handidi
kutaura zvakawanda.'
Mushure memunamato wako, semunhu
wenyama, unoda kuita zvaunenge wanamatira.
Paunenge uchienda uye wave kuda
kutaura zvakanyanya,
ucharangarira kuti wanamata nezvazvo.
Kana mumwe munhu akati,
"T.B. Joshua, unoti kudii?"
"Usanetsekana- ndokuona papera kanguva"
Nekuti haudi kutaura zvakanyanya.
Nekuti ibenzi chete rinonamatira
kutaura zvakanyanya
wobva wasiya munamato iwoyo wobva
wataura zvakawandisa.
Unonamata futi, 'Ishe, handidi kutaurisa'
Panguva yaunoramba uchinamata uchipesana
nekahunhu kanoita kuti utadze
unofanira kutanga kurarama hupenyu
hwemunamato wako.
Udza muvakidzani wako kuti,
"Rarama hupenyu hwemunamato wako."
Ndiko kuti, zvaunotaura mumunamato
wako - zvirarame.
'Handidi kutaura zvakawanda.'
Mushure memunamato ndichararama
hupenyu hwekusanyanya kutaura.
Kana uchida kutsanya, kutsanya kunounza
mhinduro kubva kuna Mwari...
Hautombodi kuti Mwari vashumire
moyo wako kuti uende nekutsanya.
Chero nguva yaunokutsanya uchipesana
neutera hwako, Mwari vanokupindura.
Kana ndichitaura newe, rega
ndione ruoko rwako.
Asi kumwe kutsanya - uri kuenda kugomo
kundotsanya nokuti uri murombo
Uchida kuti Mwari vakuropafadze
Kana ukagara musango ukatanga
kutsanya kwemazuva mana,
kunyange ukatsanya makore zana,
uchafira ikoko!
Enda unotsanya uye unamate
uchipesana neutera imhinduro yakananga!
Mwari anopindura nekukurumidza
nekuti Mwari anoda muvaki wehukama.
Paunovaka hukama hwako -
'Ndinotaurisa; Handidi kutaura
zvakawanda' - zvinofadza Mwari
Chinokosha kuna Mwari ukama
hwedu, kwete zvatinoita.
Enda uzvinyise - zvimwe zvinhu zvose
zvichawedzerwa kwauri.
Chero nguva yaunowana mukana
wekutsanya nekuda kwehutera hwako,
imhinduro yakananga.
Wanga uchitsanya asi hapana chinoratidza.
Edza izvi kubva nhasi.
Wana zuva rekutsanya kubva
mangwanani kusvika manheru nekuda kwazvo
uchauya kuno kuzopupura.
Hope dzauri kuita – kubudikidza neutera
hwako, satan anouya kuzokurwisa.
Dambudziko rauri kutarisana naro -
satani anouya kubudikidza neutera
wako kuzokurwisa nemweya wekuomesera.
Chirwere chauri kuita izvozvi -
kubudikidza nehutera hwako satani anouya
kuzokurwisa nemweya wehurwere.
Kushaya mbereko - kuburikidza
neutera.
Ndapota, ngativharei izvi.
Nyengetera uchipikisana nazvo.
Uyu ngauve munamato wako.
Neizvi, ndinofara nehupenyu hwako.
Kana munhu ari muKristu, tinoenda
mberi totarisa muhupenyu hwavo -
chero nzvimbo ine utera
Vachava pane imwe nhanho zviri pachena.
Saka, isu tichatarisa padanho iro ravari,
vanonyengetera kakawanda sei?
Vanotsamwa kakawanda sei?
Vane ruchiva here kana umwe utera?
Ikoko kunogona kuva ruchiva, kutsamwa,
kusaregerera, ruvengo kana kuzvikudza
Simukai
Haisi dzidziso here iyi
Ndosaka ndati simukai mosimukira Jesu
Tichasimuka tomusiira mukana wokutaura
Idzidziso huru mazvinzwa here izvo
Atanga kutaura zvibereko zvose zvenyama.
Ati pane imwe yavanofanira ...
iyo nzvimbo.
Tanga kubva pawakamira manje.
Kungava kutsamwa, kuzvikudza
kana kuzvitutumadza.
Semuenzaniso wakanaka, munhu ane manyawi,
iwe unoshandisa sei kudada ikoko?
Unopinda sei pakuzvikudza?
Semuenzaniso, kana dambudziko riri kudada,
ipapo tichagadzira mamiriro ezvinhu
anozoita kuti awedzere kudada,
kutaura pamusoro pake - kubudirira
kwake, zvaakawana.
Munzvimbo iyoyo yekuva neutera,
isu tinowedzera nzvimbo yacho,
kuitira kuti mubatiswe mariri kwenguva
yakakwana toita zvatinoda.
Hombererai Jesu Kirisitu
Mazvinzwa here izvo
Vanoshandisa kkuzvitutumadza kwako
kuti vakupinde
zvobva zvaita kuti kuzvitutumadza
nokuzvikudza kwako zviwedzere
Ndozvoga zvodiwa kuti uwire mumambure avo.
Enderera mberi
Tobva tashandisa izvozvo
Uchiri wakatarisana noutera wako
isu tobva tapinda toita zvatinoda.
Ipapo tinenge takuwanikidza
Moda kuita sei
Sei ipapa tinenge tichida kuputsa muchato.
Ehe, tinenge tichida kuti murume uyu
arambane nemudzimai wake
obva aroora sisi varikutibhadhara
kuti vadiwe
Saka makatombobuirira here kuvakawanda
muchidai
Takabudirira kakawandisa
Kuva Kirisitu sevava?
Hongu seivava
Manzwa zvaataura?
Arikushandisa shoko raMwari - hakuna
mutsvene chero mumwe zvake.
Ndiyo angle yavari kushandisa.
Tarisa zvakataurwa naPauro, "Kana ndine
utera, ndipo pandine simba."
Mumusangano wedu wekupedzisira,
ndakashandisa izwi rekuti 'kutambudzika'.
Matambudziko edu akaitirwa
kutibatsira pakunamata.
Uye ndakazvitsanangura ndichiti - isu
dzimwe nguva tinoedzwa
kuti tidzidze kunyengetera zvikuru.
Zvino, zvaari kutaura ndezvekuti kudada
ikoko kuri kushaya simba kwako,
uye mutsara wako wekunamatira uchiripo,