1 00:00:00,000 --> 00:00:02,840 Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo. 2 00:00:02,840 --> 00:00:05,040 Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo. 3 00:00:05,040 --> 00:00:07,760 Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko. 4 00:00:07,760 --> 00:00:14,880 Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu. 5 00:00:14,880 --> 00:00:20,600 Tinokugashirai kuchimwe chirongwa cheMunamato. 6 00:00:20,600 --> 00:00:27,840 Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom. 7 00:00:27,840 --> 00:00:34,880 Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa chokwadi chirongwa chanhasi ndeche Marudzi ose. 8 00:00:34,880 --> 00:00:37,520 Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano 9 00:00:37,520 --> 00:00:43,840 vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe. 10 00:00:43,840 --> 00:00:45,920 Kunyange kusvika kuUkraine 11 00:00:45,920 --> 00:00:51,520 nyika iri mundangariro dzedu neMuminamato yedu panguva ino. 12 00:00:51,520 --> 00:00:57,960 Ndinoda kutenda mwoyo yose inotenda kuna Jesu, 13 00:00:57,960 --> 00:01:03,000 vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama 14 00:01:03,000 --> 00:01:05,800 kubva pandiri kusvika kwamuri, 15 00:01:05,800 --> 00:01:11,160 munotenda kuti Jesu Kristu achakubatayi nhasi nenzira inokosha, 16 00:01:11,160 --> 00:01:15,800 nokuti zvinokudza Mwari zvirokwazvo kumutenda 17 00:01:15,800 --> 00:01:20,520 kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye. 18 00:01:20,520 --> 00:01:25,520 uye Mwari vanokudza avo vanomukudza. 19 00:01:25,520 --> 00:01:31,520 Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda 20 00:01:31,520 --> 00:01:35,360 kuti kuda kwavo kutinunura, 21 00:01:35,360 --> 00:01:43,440 kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose. 22 00:01:43,440 --> 00:01:50,760 kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu. 23 00:01:50,760 --> 00:01:55,520 saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu. 24 00:01:55,520 --> 00:02:03,960 Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari, 25 00:02:03,960 --> 00:02:09,520 sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23 26 00:02:09,520 --> 00:02:12,000 kuti shoko raMwari imhodzi, 27 00:02:12,000 --> 00:02:19,200 imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu 28 00:02:19,200 --> 00:02:22,200 uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure. 29 00:02:22,200 --> 00:02:27,080 Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu, 30 00:02:27,080 --> 00:02:31,080 mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari 31 00:02:31,080 --> 00:02:36,840 Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu. 32 00:02:36,840 --> 00:02:38,480 kana kutevedzera mumwe munhu. 33 00:02:38,480 --> 00:02:45,960 kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memwoyo wako, kunofanhira kubuda kubva mumwoyo mako. 34 00:02:45,960 --> 00:02:47,600 zvichibva pashoko raMwari. 35 00:02:47,600 --> 00:02:52,640 saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu, 36 00:02:52,640 --> 00:02:57,200 mwoyo wako wakamirasei ? 37 00:02:57,200 --> 00:02:59,920 Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi. 38 00:02:59,920 --> 00:03:03,800 mwoyo wako wakamirasei ? 39 00:03:03,800 --> 00:03:08,600 nokuti ndaona kuti vanhu vakawanda nhasi uno vanotsvaka Mwari, 40 00:03:08,600 --> 00:03:12,360 vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo, 41 00:03:12,360 --> 00:03:15,480 kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo, 42 00:03:15,480 --> 00:03:21,360 asi mwoyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika, 43 00:03:21,360 --> 00:03:25,200 mwoyo yavo irikunetsekana 44 00:03:25,200 --> 00:03:34,000 asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27 45 00:03:34,000 --> 00:03:39,120 Mwoyo yenyu ngairege kumanikidzwa. 46 00:03:39,120 --> 00:03:42,040 zvino hazvireve kuti hapachazove nedambudziko. 47 00:03:42,040 --> 00:03:44,640 havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko, 48 00:03:44,640 --> 00:03:52,520 asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu 49 00:03:52,520 --> 00:03:56,920 hongu pane zvikonzero zvekunetsekana 50 00:03:56,920 --> 00:04:02,760 asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane. 51 00:04:02,760 --> 00:04:06,320 kunyange kwose kwose kune kusagadzikana, 52 00:04:06,320 --> 00:04:11,640 tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo. 53 00:04:11,640 --> 00:04:17,760 asi semuKristu, mwoyo wako ngauzorore 54 00:04:17,760 --> 00:04:22,160 mukuziva kuti Mwari vanewe. 55 00:04:22,160 --> 00:04:28,960 sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu, 56 00:04:28,960 --> 00:04:34,320 asi semukristu moyo wako ngauve parunyararo 57 00:04:34,320 --> 00:04:41,320 mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31). 58 00:04:41,320 --> 00:04:48,120 kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera 59 00:04:48,120 --> 00:04:55,440 mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari 60 00:04:55,440 --> 00:05:00,600 kuti havazombokusiya kana kukurasa. 61 00:05:00,600 --> 00:05:07,600 sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5. 62 00:05:07,600 --> 00:05:15,960 saka vanhu vaMwari dzikamisai mwoyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu, 63 00:05:15,960 --> 00:05:20,320 kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako, 64 00:05:20,320 --> 00:05:22,120 Tarisa kuna Jesu. 65 00:05:22,120 --> 00:05:26,560 Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28. 66 00:05:26,560 --> 00:05:30,200 Jesu anoti, Huyai kwandiri 67 00:05:30,200 --> 00:05:37,000 vose vakaremerwa, ndinokupayi zororo. 68 00:05:37,000 --> 00:05:40,400 kana Mwari vakativimbisa zororo 69 00:05:40,400 --> 00:05:46,720 hapana chikonzero chekuti mwoyo yedu isazorore. 70 00:05:46,720 --> 00:05:51,840 Tinongoda kungoziva chokwadi ichi, 71 00:05:51,840 --> 00:05:55,400 pinda mukuwirirana neshoko raMwari. 72 00:05:55,400 --> 00:05:57,400 saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi, 73 00:05:57,400 --> 00:06:03,320 Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari. 74 00:06:03,320 --> 00:06:08,520 Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro 75 00:06:08,520 --> 00:06:11,000 anopokana neshoko raMwari. 76 00:06:11,000 --> 00:06:14,440 Revesa nemwoyo wako wose. 77 00:06:14,440 --> 00:06:20,200 kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemwoyo wako 78 00:06:20,200 --> 00:06:25,360 naikoko kubvumirana kwemwoyo wako , ikozvino 79 00:06:25,360 --> 00:06:28,840 yavanguva yekunamata. 80 00:06:28,840 --> 00:06:32,360 mwoyo wako unofanhira kuwirirana naMwari. 81 00:06:32,360 --> 00:06:35,240 mwoyo wako unofanhira kubvumirana naMwari. 82 00:06:35,240 --> 00:06:39,240 mwoyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa, 83 00:06:39,240 --> 00:06:43,760 usina shungu, usina marwadzo ekare. 84 00:06:43,760 --> 00:06:47,240 izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari. 85 00:06:47,240 --> 00:06:51,360 Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako, 86 00:06:51,360 --> 00:06:55,840 uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi. 87 00:06:55,840 --> 00:07:03,400 chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari, 88 00:07:03,400 --> 00:07:07,520 regererwa nemuzita raJesu Kristu. 89 00:07:07,520 --> 00:07:17,640 [Shanduro yeSpanish] 90 00:07:17,640 --> 00:07:22,360 Rusvingo urwu rwuri pakati pemwoyo wako neMweya waMwari, 91 00:07:22,360 --> 00:07:29,680 ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi. 92 00:07:29,680 --> 00:07:37,360 [Shanduro yeSpanish] 93 00:07:37,360 --> 00:07:41,480 Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu, 94 00:07:41,480 --> 00:07:44,520 sunungurwa muzita raJesu. 95 00:07:44,520 --> 00:07:51,160 [Shanduro yechiSpanish] 96 00:07:51,160 --> 00:07:55,920 Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo 97 00:07:55,920 --> 00:07:58,760 Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku 98 00:07:58,760 --> 00:08:02,320 Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa 99 00:08:02,320 --> 00:08:04,960 nemuzita rine simba raJesu Kristu. 100 00:08:04,960 --> 00:08:12,640 [Shanduro yeSpanish] 101 00:08:12,640 --> 00:08:19,920 Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako 102 00:08:19,920 --> 00:08:25,640 kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu, 103 00:08:25,640 --> 00:08:31,800 ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako. 104 00:08:31,800 --> 00:08:33,480 Ngaibude izvezvi. 105 00:08:33,480 --> 00:08:48,240 [Shanduro yeSpanish] 106 00:08:48,240 --> 00:08:52,200 Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo. 107 00:08:52,200 --> 00:08:55,680 Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi. 108 00:08:55,680 --> 00:08:58,480 Iwe chirwere, iwe chirwere, 109 00:08:58,480 --> 00:09:01,080 Ndati buda nezita raJesu. 110 00:09:01,080 --> 00:09:06,120 Buda nezita raJesu, buda izvezvi nezita rine simba raJesu Kristu. 111 00:09:06,120 --> 00:09:07,880 Buda izvezvi 112 00:09:07,880 --> 00:09:17,280 [Shanduro yechiSpanish] 113 00:09:17,280 --> 00:09:20,480 Ikozvino, sechiito chokutenda, 114 00:09:20,480 --> 00:09:24,200 Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo, 115 00:09:24,200 --> 00:09:26,200 uri kurwadziwa panyama , 116 00:09:26,200 --> 00:09:30,440 isa ruoko rwako ipapo izvezvi 117 00:09:30,440 --> 00:09:32,120 zarura mwoyo wako, 118 00:09:32,120 --> 00:09:39,280 taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera, 119 00:09:39,280 --> 00:09:43,760 buda nezita raJesu, buda izvezvi. 120 00:09:43,760 --> 00:09:49,120 Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo. 121 00:09:49,120 --> 00:09:52,880 Buda izvezvi, buda izvezvi. 122 00:09:52,880 --> 00:09:54,960 Buda izvezvi. 123 00:09:54,960 --> 00:10:09,280 [Shanduro yechiSpanish] 124 00:10:09,280 --> 00:10:13,400 Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku, 125 00:10:13,400 --> 00:10:17,840 murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino, 126 00:10:17,840 --> 00:10:22,640 kunyange tiri nechekure nekure, simba raMwari riri kuburuka. 127 00:10:22,640 --> 00:10:27,360 Zarura mwoyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake. 128 00:10:27,360 --> 00:10:30,600 Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi, 129 00:10:30,600 --> 00:10:33,480 chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda. 130 00:10:33,480 --> 00:10:34,840 Ino inguva yako, 131 00:10:34,840 --> 00:10:37,120 Ikozvino inguva yako. 132 00:10:37,120 --> 00:10:40,640 Ndinoti kune mweya yenyu yese, 133 00:10:40,640 --> 00:10:44,160 batana neMweya wa Kristu. 134 00:10:44,160 --> 00:10:49,200 batana neMweya wa Kristu nemuZita raJesu. 135 00:10:49,200 --> 00:10:58,120 [Shanduro yechiSpanish] 136 00:10:58,120 --> 00:11:03,080 mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake. 137 00:11:03,080 --> 00:11:05,760 kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako, 138 00:11:05,760 --> 00:11:09,520 kutevera nzira yakarurama. 139 00:11:09,520 --> 00:11:11,840 Vhura muromo wako, umukumbire izvozvi. 140 00:11:11,840 --> 00:11:24,720 [Shanduro yechiSpanish] 141 00:11:24,720 --> 00:11:32,120 Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata. 142 00:11:32,120 --> 00:11:39,520 Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu 143 00:11:39,520 --> 00:11:44,280 Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu. 144 00:11:44,280 --> 00:11:46,960 Tanga kuzvitarisa izvezvi, 145 00:11:46,960 --> 00:11:50,840 Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa. 146 00:11:50,840 --> 00:11:53,680 Wanunurwa, zvitarise izvezvi. 147 00:11:53,680 --> 00:11:56,600 Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa. 148 00:11:56,600 --> 00:12:10,760 [shanduro yechiSpanish ] 149 00:12:10,760 --> 00:12:15,520 Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika, 150 00:12:15,520 --> 00:12:20,480 maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa. 151 00:12:20,480 --> 00:12:24,920 Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake. 152 00:12:24,920 --> 00:12:31,320 Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari. 153 00:12:31,320 --> 00:12:35,480 Ikozvino inguva yako. 154 00:12:35,480 --> 00:12:39,240 nguva iya yemukadzi aibuda ropa 155 00:12:39,240 --> 00:12:42,320 paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu, 156 00:12:42,320 --> 00:12:47,120 kutenda kwake ndiko kwakamuporesa. 157 00:12:47,120 --> 00:12:52,840 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuporese nhasi uno. 158 00:12:52,840 --> 00:12:57,200 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukununure nhasi uno. 159 00:12:57,200 --> 00:13:05,600 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuponese nhasi uno, nemuZita rine simba ra Jesu Kristu. 160 00:13:05,600 --> 00:13:13,200 Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako 161 00:13:13,200 --> 00:13:16,640 kuti ibude nemuzita raJesu Kristu. 162 00:13:16,640 --> 00:13:19,200 Buda nemuZita raJesu Kristu. 163 00:13:19,200 --> 00:13:23,760 mweya yese irikubata mukati memusoro mako, buda izvezvi. 164 00:13:23,760 --> 00:13:28,200 mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi. 165 00:13:28,200 --> 00:13:33,240 mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. 166 00:13:33,240 --> 00:13:37,920 mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. 167 00:13:37,920 --> 00:13:46,720 Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu. 168 00:13:46,720 --> 00:13:51,880 mune chero chikamu chehupenyu hwako, 169 00:13:51,880 --> 00:13:56,280 mweya yetsvina pairikubata, 170 00:13:56,280 --> 00:13:59,640 zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako, 171 00:13:59,640 --> 00:14:05,520 zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumhuri yako, 172 00:14:05,520 --> 00:14:10,640 dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu. 173 00:14:10,640 --> 00:14:18,560 Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi. 174 00:14:18,560 --> 00:14:25,600 Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko. 175 00:14:25,600 --> 00:14:29,000 Shoko renyu rinoparidzira rusununguko. 176 00:14:29,000 --> 00:14:33,520 Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko izvezvi, 177 00:14:33,520 --> 00:14:38,160 rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako. 178 00:14:38,160 --> 00:14:42,480 Rusununguko kumuviri wako nemuZita rine simba ra Jesu Kristu. 179 00:14:42,480 --> 00:14:47,000 Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako, 180 00:14:47,000 --> 00:14:50,760 rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako 181 00:14:50,760 --> 00:14:57,040 nemuZita rine simba raJesu Kristu. 182 00:14:57,040 --> 00:15:00,200 Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. 183 00:15:00,200 --> 00:15:03,120 Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. 184 00:15:03,120 --> 00:15:07,200 Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu kwehumwari. 185 00:15:07,200 --> 00:15:13,640 Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu 186 00:15:13,640 --> 00:15:18,560 uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu. 187 00:15:18,560 --> 00:15:24,480 Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako, 188 00:15:24,480 --> 00:15:26,840 ndezvako chaizvo chaizvo. 189 00:15:26,840 --> 00:15:29,680 HUCHAPUPU 190 00:15:29,680 --> 00:15:31,120 Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene. 191 00:15:31,120 --> 00:15:33,280 ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa. 192 00:15:33,280 --> 00:15:35,480 Ndinogara mu United Kingdom. 193 00:15:35,480 --> 00:15:38,360 Mumwedzi waGumiguru 2021, 194 00:15:38,360 --> 00:15:42,280 ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu 195 00:15:42,280 --> 00:15:45,760 chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament. 196 00:15:45,760 --> 00:15:47,520 yakatsemuka zvachose. 197 00:15:47,520 --> 00:15:49,440 Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya, 198 00:15:49,440 --> 00:15:52,560 uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki. 199 00:15:52,560 --> 00:15:58,720 Ndisina madondoro aya handaigona kufamba. 200 00:15:58,720 --> 00:16:04,520 VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita 201 00:16:04,520 --> 00:16:09,040 basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL, 202 00:16:09,040 --> 00:16:14,800 Kuitwa kweSejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupora. 203 00:16:14,800 --> 00:16:17,440 Asi ndinotenda semuKristu akazvarwa patsva, 204 00:16:17,440 --> 00:16:20,160 kuti zvakandinakira, chekutanga kutsvaga Mwari. 205 00:16:20,160 --> 00:16:25,200 Ndakasarudza kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu. 206 00:16:25,200 --> 00:16:28,440 Nhasi uno, chirongwa cheMunamato we Interactive Prayer usati watanga, 207 00:16:28,440 --> 00:16:31,560 ndange ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu, 208 00:16:31,560 --> 00:16:35,480 ndange ndisingakwanise kufamba ndisina zvinondibatsira kubata ibvi rangu. 209 00:16:35,480 --> 00:16:37,200 Munguva memunamato, ndange ndakavhara maziso angu, 210 00:16:37,200 --> 00:16:38,960 ndichinamata na Mukoma Chris. 211 00:16:38,960 --> 00:16:43,480 ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari. 212 00:16:43,480 --> 00:16:47,160 Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu. 213 00:16:47,160 --> 00:16:48,960 Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paSkrini. 214 00:16:48,960 --> 00:16:50,840 hapana chandanzwa kuti pane chaitika, 215 00:16:50,840 --> 00:16:53,960 asi mushure meMunamato pavati wasunungurwa, 216 00:16:53,960 --> 00:16:56,360 ndabva ndabvisa zvakange zvakabata ibvi rangu zvaive zvichindibatsira pakufamba, ndokubva ndatanga kurinzwa ibvi rangu, 217 00:16:56,360 --> 00:16:59,680 ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika, 218 00:16:59,680 --> 00:17:00,680 uye ndikabva ndatanga kusvetuka. 219 00:17:00,680 --> 00:17:03,960 Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa pakutanga, 220 00:17:03,960 --> 00:17:06,880 kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa. 221 00:17:06,880 --> 00:17:10,000 Ndavekukwanisa kusvetuka. 222 00:17:10,000 --> 00:17:11,200 Ndavekukwanisa kumhanya. 223 00:17:11,200 --> 00:17:15,120 Ndinotenda Jesu. 224 00:17:15,120 --> 00:17:17,400 Makomborero muzita raJesu. 225 00:17:17,400 --> 00:17:21,680 Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras. 226 00:17:21,680 --> 00:17:27,520 Ndinoda kukuudzai kuti panguva yekuti muporofita Chris vasati vatanga kunamata, 227 00:17:27,520 --> 00:17:36,520 ndange ndavakutonzwa kununurwa, kufaranuka kwabva kwapinda mukati memwoyo wangu wese, 228 00:17:36,520 --> 00:17:40,360 uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari. 229 00:17:40,360 --> 00:17:47,080 Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu, 230 00:17:47,080 --> 00:17:52,560 uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumwoyo mangu. 231 00:17:52,560 --> 00:17:54,080 Ndinorumbidza Jesu. 232 00:17:54,080 --> 00:17:56,280 Ndinokutendai Jesu. 233 00:17:56,280 --> 00:17:58,080 Ndinokudai Jesu. 234 00:17:58,080 --> 00:18:01,800 Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago. 235 00:18:01,800 --> 00:18:05,440 Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe naMukoma Chris. 236 00:18:05,440 --> 00:18:07,640 muChirongwa cheMunamato we Interactive prayer. 237 00:18:07,640 --> 00:18:11,200 Tichiri muChirongwa ichi che Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vati 238 00:18:11,200 --> 00:18:14,240 zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva 239 00:18:14,240 --> 00:18:16,640 mweya wainge uri mandiri wakatanga kuzviratidza , ukati 240 00:18:16,640 --> 00:18:19,040 Ayehwa hausikuenda. 241 00:18:19,040 --> 00:18:22,880 ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite 242 00:18:22,880 --> 00:18:26,760 asi pavaramba vachinamata wabva waenda 243 00:18:26,760 --> 00:18:33,320 ndakatanga kunzwa kureruka uye nekusvipa zvinhu zvaivava. 244 00:18:33,320 --> 00:18:35,000 Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo. 245 00:18:35,000 --> 00:18:41,040 Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa. 246 00:18:41,040 --> 00:18:48,000 Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese. 247 00:18:48,000 --> 00:18:52,360 Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo. 248 00:18:52,360 --> 00:18:56,760 Marwadzo aya aibva kubva kuchidya zvichidzika, 249 00:18:56,760 --> 00:18:58,760 zvaiva zvisingaite. 250 00:18:58,760 --> 00:19:04,040 vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese. 251 00:19:04,040 --> 00:19:09,960 zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi. 252 00:19:09,960 --> 00:19:14,000 mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kungodonha. 253 00:19:14,000 --> 00:19:18,840 pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora. 254 00:19:18,840 --> 00:19:21,560 Ndakabva ndatanga kukosora. 255 00:19:21,560 --> 00:19:26,240 ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate. 256 00:19:26,240 --> 00:19:31,440 mushure maizvozvo, ndakakotamisa mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora. 257 00:19:31,440 --> 00:19:34,240 ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu, 258 00:19:34,240 --> 00:19:37,480 sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu, 259 00:19:37,480 --> 00:19:40,560 ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari 260 00:19:40,560 --> 00:19:42,400 nekuvatenda nekundiporesa. 261 00:19:42,400 --> 00:19:45,800 uye zvino, hapachisina. 262 00:19:45,800 --> 00:19:48,640 ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandisi. 263 00:19:48,640 --> 00:19:54,320 sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka. 264 00:19:54,320 --> 00:19:57,440 Ikozvino ndavekugona kusvetuka. 265 00:19:57,440 --> 00:20:02,840 Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama. 266 00:20:02,840 --> 00:20:04,800 ndapora. 267 00:20:04,800 --> 00:20:06,200 Ndinokutendai Jesu. 268 00:20:06,200 --> 00:20:11,440 Zita rangu ndinonzi Maricela, ndinobva ku Peru. 269 00:20:11,440 --> 00:20:15,640 Munguva yeChirongwa cheMunamato we Interactive Prayer, 270 00:20:15,640 --> 00:20:18,840 ndakagamuchira rusununguko nekuporeswa. 271 00:20:18,840 --> 00:20:23,200 Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu. 272 00:20:23,200 --> 00:20:27,960 Izvi ndizvo zvine muchetura zvandakarutsa: 273 00:20:27,960 --> 00:20:32,200 Ndakanzwa moto uye simba raMwari. 274 00:20:32,200 --> 00:20:35,560 Ndapora uye ndasunungurwa kupa mbiri kuna Mwari.Ameni! 275 00:20:35,560 --> 00:20:38,360 Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine, 276 00:20:38,360 --> 00:20:40,720 ndinotenda Mwari zvikuru 277 00:20:44,880 --> 00:20:52,880 nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira. 278 00:20:52,880 --> 00:20:59,440 Mumunamato uyu, ndanunurwa 279 00:20:59,440 --> 00:21:05,920 uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri. 280 00:21:05,920 --> 00:21:12,960 mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo. 281 00:21:12,960 --> 00:21:16,720 ndinotenda Mwari zvikuru. 282 00:21:16,720 --> 00:21:20,880 Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine. 283 00:21:20,880 --> 00:21:24,080 Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine. 284 00:21:24,080 --> 00:21:27,800 Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu. 285 00:21:27,800 --> 00:21:31,240 Munguva yekunamata, ndange ndichirutsa 286 00:21:31,240 --> 00:21:34,240 pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri. 287 00:21:34,240 --> 00:21:43,200 Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru. 288 00:21:43,200 --> 00:21:45,800 Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose. 289 00:21:45,800 --> 00:21:47,280 Tirikufara. 290 00:21:47,280 --> 00:21:53,280 Mangwanani , Mwari Anesu. 291 00:21:53,280 --> 00:21:56,640 Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa. 292 00:21:56,640 --> 00:22:00,840 Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu. 293 00:22:00,840 --> 00:22:04,040 Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Mugovera, 294 00:22:04,040 --> 00:22:07,720 Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura, 295 00:22:07,720 --> 00:22:11,320 ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu. 296 00:22:11,320 --> 00:22:13,640 ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya, 297 00:22:13,640 --> 00:22:14,880 zvairwadza zvikuru, 298 00:22:14,880 --> 00:22:17,280 kunyange mabonzo angu airwadza. 299 00:22:17,280 --> 00:22:19,480 Mushure mekurutsa izvi zvose, 300 00:22:19,480 --> 00:22:22,880 zveshuwa, hapana chandichanzwa. 301 00:22:22,880 --> 00:22:26,480 Marwadzo ose apera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa, 302 00:22:26,480 --> 00:22:30,960 kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu . 303 00:22:30,960 --> 00:22:35,120 Chatinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma. 304 00:22:35,120 --> 00:22:36,040 Mangwanani. 305 00:22:36,040 --> 00:22:40,120 Zita rangu ndinonzi Jane uye ini hangu ndinobva ku France. 306 00:22:40,120 --> 00:22:43,720 Uchapupu hwangu hwakamira sezvizvi. 307 00:22:43,720 --> 00:22:46,680 Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino, 308 00:22:46,680 --> 00:22:52,400 Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka. 309 00:22:52,400 --> 00:22:56,880 kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya, 310 00:22:56,880 --> 00:22:59,240 mazino angu nemagamu angu airwadza. 311 00:22:59,240 --> 00:23:00,760 Ikozvino ndakunzwa zvakanaka. 312 00:23:00,760 --> 00:23:04,000 Mukoma Chris pavauya kuzotinamatira, 313 00:23:04,000 --> 00:23:12,640 Ndanzwa kureruka, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso 314 00:23:12,640 --> 00:23:14,320 ndokubva ndatanga kurutsa. 315 00:23:14,320 --> 00:23:21,440 Honai izvi ndizvo zvandakarutsa. 316 00:23:21,440 --> 00:23:24,600 Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu. 317 00:23:24,600 --> 00:23:26,960 Ndinonzi Grace, ndinobva ku Philippines. 318 00:23:26,960 --> 00:23:30,920 ikozvino ndiri ku Qatar. 319 00:23:30,960 --> 00:23:35,000 zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV, 320 00:23:35,000 --> 00:23:43,600 Ndanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndikarutsa. 321 00:23:43,600 --> 00:23:47,760 Handikwanisi kunyatsotsanangura chaiitika mumuviri wangu 322 00:23:47,760 --> 00:23:50,880 Ndatanga kurutsa. 323 00:23:50,880 --> 00:23:56,200 Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri. 324 00:23:56,200 --> 00:23:58,400 Ndinotenda Mwari, 325 00:23:58,400 --> 00:24:03,640 Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu. 326 00:24:03,640 --> 00:24:08,880 Hareruya, Ndinokutendai Jesu. 327 00:24:08,880 --> 00:24:10,520 Zita rangu ndinonzi Gert, 328 00:24:10,520 --> 00:24:13,800 Ndinobva ku South Africa. 329 00:24:13,800 --> 00:24:27,960 Panguva yemunamato, ndarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu. 330 00:24:27,960 --> 00:24:33,320 Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva. 331 00:24:33,320 --> 00:24:38,320 Ibvi rangu 100%: 332 00:24:38,320 --> 00:24:40,840 Hapachisisina marwadzo. 333 00:24:40,840 --> 00:24:50,000 Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva. 334 00:24:50,000 --> 00:24:52,000 Mbiri kuna Mwari. 335 00:24:52,000 --> 00:24:55,880 Zita rangu ndinonzi Haydee,ndinobva Costa Rica. 336 00:24:55,880 --> 00:25:00,440 Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai! 337 00:25:00,440 --> 00:25:04,840 Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndagamuchira kuporeswa kwangu 338 00:25:04,840 --> 00:25:10,800 kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi. 339 00:25:10,800 --> 00:25:15,720 Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo. 340 00:25:15,720 --> 00:25:19,200 Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia. 341 00:25:19,200 --> 00:25:23,720 Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu, 342 00:25:23,720 --> 00:25:30,840 nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu. 343 00:25:30,840 --> 00:25:34,600 Munhu waMwari pavange vachitinamatira, 344 00:25:34,600 --> 00:25:39,120 Ndanzwa huvepo hwakasimba hwaMwari pandiri. 345 00:25:39,120 --> 00:25:41,840 Pavange vachitinamatira, 346 00:25:41,840 --> 00:25:46,680 Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu. 347 00:25:46,680 --> 00:25:50,280 Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa, 348 00:25:50,280 --> 00:25:53,000 Ndave kunzwa zvakanaka mumoyo wangu 349 00:25:53,000 --> 00:25:55,200 Ndave nerunyararo mukati mepfungwa. 350 00:25:55,200 --> 00:25:56,760 Mhoroi mose, Zita rangu ndinonzi Dina 351 00:25:56,760 --> 00:26:00,400 uye ndirikubatana pamwe chete nechino chirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada. 352 00:26:00,400 --> 00:26:06,880 Ndirikuda kutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise 353 00:26:06,880 --> 00:26:10,360 kubata kuvanhu vakawanda pasi rose. 354 00:26:10,360 --> 00:26:14,520 Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe wevanhu ava vapihwa mukana uyu 355 00:26:14,520 --> 00:26:17,760 vakwanisawo kupinda muchirongwa cheMunamato wanhasi. 356 00:26:17,760 --> 00:26:21,480 Panguva yemunamato, 357 00:26:21,480 --> 00:26:23,680 ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata, 358 00:26:23,680 --> 00:26:26,840 Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu. 359 00:26:26,840 --> 00:26:29,680 Ndanzwa kureruka. 360 00:26:29,680 --> 00:26:31,960 Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri. 361 00:26:31,960 --> 00:26:36,600 Ndinoziva kuti Runyararo rwakadayi runobva kuna Mwari chete. 362 00:26:36,600 --> 00:26:39,480 Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara. 363 00:26:39,480 --> 00:26:43,240 Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri. 364 00:26:43,240 --> 00:26:45,600 Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura. 365 00:26:45,600 --> 00:26:47,120 Ndokutendai Jesu. 366 00:26:47,120 --> 00:26:49,360 Zita rangu ndinonzi Jayson, mukadzi wangu anonzi Lorna. 367 00:26:49,360 --> 00:26:51,280 Tinobva ku Phillipines. 368 00:26:51,280 --> 00:26:54,920 dambudiko raivapo munamato usati waitwa, ndaive ne hernia iyi, 369 00:26:54,920 --> 00:26:57,520 inguinal hernia, piles 370 00:26:57,520 --> 00:26:59,480 uye nemuviri wairema kwazvo. 371 00:26:59,480 --> 00:27:01,520 Zvidya zvangu zvairwadza futi. 372 00:27:01,520 --> 00:27:06,920 Mukadzi wanguwo airwadziwa nezvidya zvake, mabvi airwadza uye 373 00:27:06,920 --> 00:27:12,320 uyewo pfungwa dzehasha mazuva ose. 374 00:27:12,320 --> 00:27:19,440 Panguva yekunamata takademba zvikuru pamusoro pezvivi zvedu uye 375 00:27:19,440 --> 00:27:21,920 takakumbira ruregerero kubva kuna Jesu Kristu . 376 00:27:21,920 --> 00:27:28,440 ndakanzwa kunge mhepo yabata musoro wangu, 377 00:27:28,440 --> 00:27:30,760 ndakabva ndanzwa kuda kurutsa. 378 00:27:30,760 --> 00:27:33,600 Ikozvino, mushure memunamato, zvabva zvapera. 379 00:27:33,600 --> 00:27:34,600 Hapachisina marwadzo. 380 00:27:34,600 --> 00:27:36,600 Hernia yangu haichakure, 381 00:27:36,600 --> 00:27:42,120 uyewo mukadzi wangu haachisina marwadzo mumabvi ake ne pazvidya zvake. 382 00:27:42,120 --> 00:27:44,840 Ndinokutendai zvikuru Jesu nekutiporesa, tinotenda. 383 00:27:44,840 --> 00:27:46,920 Ndinokutendai Jesu.Ameni. 384 00:27:46,920 --> 00:27:53,760 Mazita edu anonzi Eric na Sarah, tinobva ku Sweden. 385 00:27:53,760 --> 00:27:56,000 Tinotenda Mwari nekuda kwe chirongwa cheMunamato. 386 00:27:56,000 --> 00:28:04,600 changa chakazadzwa neMweya mutsvene uye Jesu vanga vari panzvimbo. 387 00:28:04,600 --> 00:28:10,000 Ndanzwa kufara uye kufaranuka mumoyo mangu mushure memunamato. 388 00:28:10,000 --> 00:28:12,160 Ndinoda kutenda uye nekurumbidza Mwari ne 389 00:28:12,160 --> 00:28:15,640 mukana wakanaka uyu kuti tivepo. 390 00:28:15,640 --> 00:28:21,840 kwandiri ndinonzwa kunge mumoyo mangu mava nechiedza. 391 00:28:21,840 --> 00:28:27,160 uyewo ndanzwa chimwe chinhu chichienda mumaoko angu, 392 00:28:27,160 --> 00:28:31,200 munguva yekunamata na mukoma wedu Chris. 393 00:28:31,200 --> 00:28:35,560 Mushure memunamato ndanzwa kureruka, 394 00:28:35,560 --> 00:28:41,480 rima rabva mumwoyo mangu, 395 00:28:41,480 --> 00:28:47,360 zvandisina kumbenge ndanzwa kare 396 00:28:47,360 --> 00:28:51,160 uye nekunzwa rumwe rudzi rwemufaro 397 00:28:51,160 --> 00:28:55,240 mukati memuviri wangu, mumoyo mangu, mupfungwa dzangu. 398 00:28:55,240 --> 00:28:58,400 Nokudaro tinokutendayi Jesu. 399 00:28:58,400 --> 00:29:01,320 Zita rangu ndinonzi Evelin, ndinobva ku Argentina. 400 00:29:01,320 --> 00:29:04,200 Munguva yechirongwa che Interactive Prayer, 401 00:29:04,200 --> 00:29:09,000 Ndanzwa simba raMwari richifamba mukati memuviri mangu. 402 00:29:09,000 --> 00:29:14,120 Ndanzwa moto uchibata padumbu rangu uye ndabva ndapora. 403 00:29:14,120 --> 00:29:15,880 Ndinokutendai Mwari. 404 00:29:15,880 --> 00:29:18,840 Chirongwa che Interactive Prayer chisati chatanga, 405 00:29:18,840 --> 00:29:24,240 ndanga ndichirwadziwa neChiropa, Musoro uye nedambudziko reNzeve. 406 00:29:24,240 --> 00:29:27,440 Asi mushure meMunamato, zvese zvadzoredzerwa! 407 00:29:27,440 --> 00:29:30,880 Handichisina kurwadziwa ne Musoro, kana ne Chiropa 408 00:29:30,880 --> 00:29:33,880 uye ikozvino ndavekunzwa zvakanaka kupa mbiri kuna Mwari. 409 00:29:33,880 --> 00:29:36,800 Zita rangu ndinonzi Marina, ndinobva ku Argentina. 410 00:29:36,800 --> 00:29:39,880 Munguva yeMunamato, ndanzwa huvepo waMwari 411 00:29:39,880 --> 00:29:42,640 uye moto pamuviri wangu wose. 412 00:29:42,640 --> 00:29:44,960 Ndagamuchira kuponeswa kubva kumarwadzo ebvi 413 00:29:44,960 --> 00:29:48,160 andainge ndichinzwa pandaimira. 414 00:29:48,160 --> 00:29:53,280 Ndange ndichinzwa kunge mapfupa angu arikushanduka. 415 00:29:53,280 --> 00:29:56,760 Izvi zvakonzera marwadzo, asi mushure meMunamato 416 00:29:56,760 --> 00:30:04,240 Ndave kukwanisa kufambisa ibvi rangu pasina kana dambudziko. 417 00:30:04,240 --> 00:30:05,760 Ndinokutendai, Jesu!