0:00:00.000,0:00:02.840 Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo. 0:00:02.840,0:00:05.040 Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo. 0:00:05.040,0:00:07.760 Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko. 0:00:07.760,0:00:14.880 Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu. 0:00:14.880,0:00:20.600 Tinokugashirai kuchimwe chirongwa cheMunamato. 0:00:20.600,0:00:27.840 Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom. 0:00:27.840,0:00:34.880 Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa chokwadi chirongwa chanhasi ndeche Marudzi ose. 0:00:34.880,0:00:37.520 Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano 0:00:37.520,0:00:43.840 vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe. 0:00:43.840,0:00:45.920 Kunyange kusvika kuUkraine 0:00:45.920,0:00:51.520 nyika iri mundangariro dzedu neMuminamato yedu panguva ino. 0:00:51.520,0:00:57.960 Ndinoda kutenda mwoyo yose inotenda kuna Jesu, 0:00:57.960,0:01:03.000 vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama 0:01:03.000,0:01:05.800 kubva pandiri kusvika kwamuri, 0:01:05.800,0:01:11.160 munotenda kuti Jesu Kristu achakubatayi nhasi nenzira inokosha, 0:01:11.160,0:01:15.800 nokuti zvinokudza Mwari zvirokwazvo kumutenda 0:01:15.800,0:01:20.520 kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye. 0:01:20.520,0:01:25.520 uye Mwari vanokudza avo vanomukudza. 0:01:25.520,0:01:31.520 Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda 0:01:31.520,0:01:35.360 kuti kuda kwavo kutinunura, 0:01:35.360,0:01:43.440 kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose. 0:01:43.440,0:01:50.760 kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu. 0:01:50.760,0:01:55.520 saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu. 0:01:55.520,0:02:03.960 Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari, 0:02:03.960,0:02:09.520 sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23 0:02:09.520,0:02:12.000 kuti shoko raMwari imhodzi, 0:02:12.000,0:02:19.200 imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu 0:02:19.200,0:02:22.200 uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure. 0:02:22.200,0:02:27.080 Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu, 0:02:27.080,0:02:31.080 mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari 0:02:31.080,0:02:36.840 Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu. 0:02:36.840,0:02:38.480 kana kutevedzera mumwe munhu. 0:02:38.480,0:02:45.960 kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memwoyo wako, kunofanhira kubuda kubva mumwoyo mako. 0:02:45.960,0:02:47.600 zvichibva pashoko raMwari. 0:02:47.600,0:02:52.640 saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu, 0:02:52.640,0:02:57.200 mwoyo wako wakamirasei ? 0:02:57.200,0:02:59.920 Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi. 0:02:59.920,0:03:03.800 mwoyo wako wakamirasei ? 0:03:03.800,0:03:08.600 nokuti ndaona kuti vanhu vakawanda nhasi uno vanotsvaka Mwari, 0:03:08.600,0:03:12.360 vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo, 0:03:12.360,0:03:15.480 kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo, 0:03:15.480,0:03:21.360 asi mwoyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika, 0:03:21.360,0:03:25.200 mwoyo yavo irikunetsekana 0:03:25.200,0:03:34.000 asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27 0:03:34.000,0:03:39.120 Mwoyo yenyu ngairege kumanikidzwa. 0:03:39.120,0:03:42.040 zvino hazvireve kuti hapachazove nedambudziko. 0:03:42.040,0:03:44.640 havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko, 0:03:44.640,0:03:52.520 asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu 0:03:52.520,0:03:56.920 hongu pane zvikonzero zvekunetsekana 0:03:56.920,0:04:02.760 asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane. 0:04:02.760,0:04:06.320 kunyange kwose kwose kune kusagadzikana, 0:04:06.320,0:04:11.640 tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo. 0:04:11.640,0:04:17.760 asi semuKristu, mwoyo wako ngauzorore 0:04:17.760,0:04:22.160 mukuziva kuti Mwari vanewe. 0:04:22.160,0:04:28.960 sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu, 0:04:28.960,0:04:34.320 asi semukristu moyo wako ngauve parunyararo 0:04:34.320,0:04:41.320 mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31). 0:04:41.320,0:04:48.120 kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera 0:04:48.120,0:04:55.440 mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari 0:04:55.440,0:05:00.600 kuti havazombokusiya kana kukurasa. 0:05:00.600,0:05:07.600 sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5. 0:05:07.600,0:05:15.960 saka vanhu vaMwari dzikamisai mwoyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu, 0:05:15.960,0:05:20.320 kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako, 0:05:20.320,0:05:22.120 Tarisa kuna Jesu. 0:05:22.120,0:05:26.560 Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28. 0:05:26.560,0:05:30.200 Jesu anoti, Huyai kwandiri 0:05:30.200,0:05:37.000 vose vakaremerwa, ndinokupayi zororo. 0:05:37.000,0:05:40.400 kana Mwari vakativimbisa zororo 0:05:40.400,0:05:46.720 hapana chikonzero chekuti mwoyo yedu isazorore. 0:05:46.720,0:05:51.840 Tinongoda kungoziva chokwadi ichi, 0:05:51.840,0:05:55.400 pinda mukuwirirana neshoko raMwari. 0:05:55.400,0:05:57.400 saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi, 0:05:57.400,0:06:03.320 Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari. 0:06:03.320,0:06:08.520 Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro 0:06:08.520,0:06:11.000 anopokana neshoko raMwari. 0:06:11.000,0:06:14.440 Revesa nemwoyo wako wose. 0:06:14.440,0:06:20.200 kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemwoyo wako 0:06:20.200,0:06:25.360 naikoko kubvumirana kwemwoyo wako , ikozvino 0:06:25.360,0:06:28.840 yavanguva yekunamata. 0:06:28.840,0:06:32.360 mwoyo wako unofanhira kuwirirana naMwari. 0:06:32.360,0:06:35.240 mwoyo wako unofanhira kubvumirana naMwari. 0:06:35.240,0:06:39.240 mwoyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa, 0:06:39.240,0:06:43.760 usina shungu, usina marwadzo ekare. 0:06:43.760,0:06:47.240 izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari. 0:06:47.240,0:06:51.360 Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako, 0:06:51.360,0:06:55.840 uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi. 0:06:55.840,0:07:03.400 chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari, 0:07:03.400,0:07:07.520 regererwa nemuzita raJesu Kristu. 0:07:07.520,0:07:17.640 [Shanduro yeSpanish] 0:07:17.640,0:07:22.360 Rusvingo urwu rwuri pakati pemwoyo wako neMweya waMwari, 0:07:22.360,0:07:29.680 ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi. 0:07:29.680,0:07:37.360 [Shanduro yeSpanish] 0:07:37.360,0:07:41.480 Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu, 0:07:41.480,0:07:44.520 sunungurwa muzita raJesu. 0:07:44.520,0:07:51.160 [Shanduro yechiSpanish] 0:07:51.160,0:07:55.920 Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo 0:07:55.920,0:07:58.760 Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku 0:07:58.760,0:08:02.320 Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa 0:08:02.320,0:08:04.960 nemuzita rine simba raJesu Kristu. 0:08:04.960,0:08:12.640 [Shanduro yeSpanish] 0:08:12.640,0:08:19.920 Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako 0:08:19.920,0:08:25.640 kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu, 0:08:25.640,0:08:31.800 ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako. 0:08:31.800,0:08:33.480 Ngaibude izvezvi. 0:08:33.480,0:08:48.240 [Shanduro yeSpanish] 0:08:48.240,0:08:52.200 Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo. 0:08:52.200,0:08:55.680 Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi. 0:08:55.680,0:08:58.480 Iwe chirwere, iwe chirwere, 0:08:58.480,0:09:01.080 Ndati buda nezita raJesu. 0:09:01.080,0:09:06.120 Buda nezita raJesu, buda izvezvi nezita rine simba raJesu Kristu. 0:09:06.120,0:09:07.880 Buda izvezvi 0:09:07.880,0:09:17.280 [Shanduro yechiSpanish] 0:09:17.280,0:09:20.480 Ikozvino, sechiito chokutenda, 0:09:20.480,0:09:24.200 Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo, 0:09:24.200,0:09:26.200 uri kurwadziwa panyama , 0:09:26.200,0:09:30.440 isa ruoko rwako ipapo izvezvi 0:09:30.440,0:09:32.120 zarura mwoyo wako, 0:09:32.120,0:09:39.280 taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera, 0:09:39.280,0:09:43.760 buda nezita raJesu, buda izvezvi. 0:09:43.760,0:09:49.120 Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo. 0:09:49.120,0:09:52.880 Buda izvezvi, buda izvezvi. 0:09:52.880,0:09:54.960 Buda izvezvi. 0:09:54.960,0:10:09.280 [Shanduro yechiSpanish] 0:10:09.280,0:10:13.400 Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku, 0:10:13.400,0:10:17.840 murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino, 0:10:17.840,0:10:22.640 kunyange tiri nechekure nekure, simba raMwari riri kuburuka. 0:10:22.640,0:10:27.360 Zarura mwoyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake. 0:10:27.360,0:10:30.600 Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi, 0:10:30.600,0:10:33.480 chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda. 0:10:33.480,0:10:34.840 Ino inguva yako, 0:10:34.840,0:10:37.120 Ikozvino inguva yako. 0:10:37.120,0:10:40.640 Ndinoti kune mweya yenyu yese, 0:10:40.640,0:10:44.160 batana neMweya wa Kristu. 0:10:44.160,0:10:49.200 batana neMweya wa Kristu nemuZita raJesu. 0:10:49.200,0:10:58.120 [Shanduro yechiSpanish] 0:10:58.120,0:11:03.080 mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake. 0:11:03.080,0:11:05.760 kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako, 0:11:05.760,0:11:09.520 kutevera nzira yakarurama. 0:11:09.520,0:11:11.840 Vhura muromo wako, umukumbire izvozvi. 0:11:11.840,0:11:24.720 [Shanduro yechiSpanish] 0:11:24.720,0:11:32.120 Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata. 0:11:32.120,0:11:39.520 Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu 0:11:39.520,0:11:44.280 Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu. 0:11:44.280,0:11:46.960 Tanga kuzvitarisa izvezvi, 0:11:46.960,0:11:50.840 Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa. 0:11:50.840,0:11:53.680 Wanunurwa, zvitarise izvezvi. 0:11:53.680,0:11:56.600 Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa. 0:11:56.600,0:12:10.760 [shanduro yechiSpanish ] 0:12:10.760,0:12:15.520 Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika, 0:12:15.520,0:12:20.480 maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa. 0:12:20.480,0:12:24.920 Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake. 0:12:24.920,0:12:31.320 Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari. 0:12:31.320,0:12:35.480 Ikozvino inguva yako. 0:12:35.480,0:12:39.240 nguva iya yemukadzi aibuda ropa 0:12:39.240,0:12:42.320 paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu, 0:12:42.320,0:12:47.120 kutenda kwake ndiko kwakamuporesa. 0:12:47.120,0:12:52.840 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuporese nhasi uno. 0:12:52.840,0:12:57.200 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukununure nhasi uno. 0:12:57.200,0:13:05.600 Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuponese nhasi uno, nemuZita rine simba ra Jesu Kristu. 0:13:05.600,0:13:13.200 Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako 0:13:13.200,0:13:16.640 kuti ibude nemuzita raJesu Kristu. 0:13:16.640,0:13:19.200 Buda nemuZita raJesu Kristu. 0:13:19.200,0:13:23.760 mweya yese irikubata mukati memusoro mako, buda izvezvi. 0:13:23.760,0:13:28.200 mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi. 0:13:28.200,0:13:33.240 mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. 0:13:33.240,0:13:37.920 mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi. 0:13:37.920,0:13:46.720 Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu. 0:13:46.720,0:13:51.880 mune chero chikamu chehupenyu hwako, 0:13:51.880,0:13:56.280 mweya yetsvina pairikubata, 0:13:56.280,0:13:59.640 zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako, 0:13:59.640,0:14:05.520 zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumhuri yako, 0:14:05.520,0:14:10.640 dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu. 0:14:10.640,0:14:18.560 Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi. 0:14:18.560,0:14:25.600 Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko. 0:14:25.600,0:14:29.000 Shoko renyu rinoparidzira rusununguko. 0:14:29.000,0:14:33.520 Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko izvezvi, 0:14:33.520,0:14:38.160 rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako. 0:14:38.160,0:14:42.480 Rusununguko kumuviri wako nemuZita rine simba ra Jesu Kristu. 0:14:42.480,0:14:47.000 Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako, 0:14:47.000,0:14:50.760 rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako 0:14:50.760,0:14:57.040 nemuZita rine simba raJesu Kristu. 0:14:57.040,0:15:00.200 Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. 0:15:00.200,0:15:03.120 Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu. 0:15:03.120,0:15:07.200 Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu kwehumwari. 0:15:07.200,0:15:13.640 Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu 0:15:13.640,0:15:18.560 uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu. 0:15:18.560,0:15:24.480 Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako, 0:15:24.480,0:15:26.840 ndezvako chaizvo chaizvo. 0:15:26.840,0:15:29.680 HUCHAPUPU 0:15:29.680,0:15:31.120 Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene. 0:15:31.120,0:15:33.280 ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa. 0:15:33.280,0:15:35.480 Ndinogara mu United Kingdom. 0:15:35.480,0:15:38.360 Mumwedzi waGumiguru 2021, 0:15:38.360,0:15:42.280 ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu 0:15:42.280,0:15:45.760 chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament. 0:15:45.760,0:15:47.520 yakatsemuka zvachose. 0:15:47.520,0:15:49.440 Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya, 0:15:49.440,0:15:52.560 uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki. 0:15:52.560,0:15:58.720 Ndisina madondoro aya handaigona kufamba. 0:15:58.720,0:16:04.520 VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita 0:16:04.520,0:16:09.040 basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL, 0:16:09.040,0:16:14.800 Kuitwa kweSejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupora. 0:16:14.800,0:16:17.440 Asi ndinotenda semuKristu akazvarwa patsva, 0:16:17.440,0:16:20.160 kuti zvakandinakira, chekutanga kutsvaga Mwari. 0:16:20.160,0:16:25.200 Ndakasarudza kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu. 0:16:25.200,0:16:28.440 Nhasi uno, chirongwa cheMunamato we Interactive Prayer usati watanga, 0:16:28.440,0:16:31.560 ndange ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu, 0:16:31.560,0:16:35.480 ndange ndisingakwanise kufamba ndisina zvinondibatsira kubata ibvi rangu. 0:16:35.480,0:16:37.200 Munguva memunamato, ndange ndakavhara maziso angu, 0:16:37.200,0:16:38.960 ndichinamata na Mukoma Chris. 0:16:38.960,0:16:43.480 ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari. 0:16:43.480,0:16:47.160 Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu. 0:16:47.160,0:16:48.960 Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paSkrini. 0:16:48.960,0:16:50.840 hapana chandanzwa kuti pane chaitika, 0:16:50.840,0:16:53.960 asi mushure meMunamato pavati wasunungurwa, 0:16:53.960,0:16:56.360 ndabva ndabvisa zvakange zvakabata ibvi rangu zvaive zvichindibatsira pakufamba, ndokubva ndatanga kurinzwa ibvi rangu, 0:16:56.360,0:16:59.680 ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika, 0:16:59.680,0:17:00.680 uye ndikabva ndatanga kusvetuka. 0:17:00.680,0:17:03.960 Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa pakutanga, 0:17:03.960,0:17:06.880 kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa. 0:17:06.880,0:17:10.000 Ndavekukwanisa kusvetuka. 0:17:10.000,0:17:11.200 Ndavekukwanisa kumhanya. 0:17:11.200,0:17:15.120 Ndinotenda Jesu. 0:17:15.120,0:17:17.400 Makomborero muzita raJesu. 0:17:17.400,0:17:21.680 Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras. 0:17:21.680,0:17:27.520 Ndinoda kukuudzai kuti panguva yekuti muporofita Chris vasati vatanga kunamata, 0:17:27.520,0:17:36.520 ndange ndavakutonzwa kununurwa, kufaranuka kwabva kwapinda mukati memwoyo wangu wese, 0:17:36.520,0:17:40.360 uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari. 0:17:40.360,0:17:47.080 Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu, 0:17:47.080,0:17:52.560 uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumwoyo mangu. 0:17:52.560,0:17:54.080 Ndinorumbidza Jesu. 0:17:54.080,0:17:56.280 Ndinokutendai Jesu. 0:17:56.280,0:17:58.080 Ndinokudai Jesu. 0:17:58.080,0:18:01.800 Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago. 0:18:01.800,0:18:05.440 Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe naMukoma Chris. 0:18:05.440,0:18:07.640 muChirongwa cheMunamato we Interactive prayer. 0:18:07.640,0:18:11.200 Tichiri muChirongwa ichi che Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vati 0:18:11.200,0:18:14.240 zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva 0:18:14.240,0:18:16.640 mweya wainge uri mandiri wakatanga kuzviratidza , ukati 0:18:16.640,0:18:19.040 Ayehwa hausikuenda. 0:18:19.040,0:18:22.880 ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite 0:18:22.880,0:18:26.760 asi pavaramba vachinamata wabva waenda 0:18:26.760,0:18:33.320 ndakatanga kunzwa kureruka uye nekusvipa zvinhu zvaivava. 0:18:33.320,0:18:35.000 Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo. 0:18:35.000,0:18:41.040 Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa. 0:18:41.040,0:18:48.000 Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese. 0:18:48.000,0:18:52.360 Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo. 0:18:52.360,0:18:56.760 Marwadzo aya aibva kubva kuchidya zvichidzika, 0:18:56.760,0:18:58.760 zvaiva zvisingaite. 0:18:58.760,0:19:04.040 vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese. 0:19:04.040,0:19:09.960 zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi. 0:19:09.960,0:19:14.000 mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kungodonha. 0:19:14.000,0:19:18.840 pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora. 0:19:18.840,0:19:21.560 Ndakabva ndatanga kukosora. 0:19:21.560,0:19:26.240 ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate. 0:19:26.240,0:19:31.440 mushure maizvozvo, ndakakotamisa mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora. 0:19:31.440,0:19:34.240 ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu, 0:19:34.240,0:19:37.480 sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu, 0:19:37.480,0:19:40.560 ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari 0:19:40.560,0:19:42.400 nekuvatenda nekundiporesa. 0:19:42.400,0:19:45.800 uye zvino, hapachisina. 0:19:45.800,0:19:48.640 ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandisi. 0:19:48.640,0:19:54.320 sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka. 0:19:54.320,0:19:57.440 Ikozvino ndavekugona kusvetuka. 0:19:57.440,0:20:02.840 Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama. 0:20:02.840,0:20:04.800 ndapora. 0:20:04.800,0:20:06.200 Ndinokutendai Jesu. 0:20:06.200,0:20:11.440 Zita rangu ndinonzi Maricela, ndinobva ku Peru. 0:20:11.440,0:20:15.640 Munguva yeChirongwa cheMunamato we Interactive Prayer, 0:20:15.640,0:20:18.840 ndakagamuchira rusununguko nekuporeswa. 0:20:18.840,0:20:23.200 Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu. 0:20:23.200,0:20:27.960 Izvi ndizvo zvine muchetura zvandakarutsa: 0:20:27.960,0:20:32.200 Ndakanzwa moto uye simba raMwari. 0:20:32.200,0:20:35.560 Ndapora uye ndasunungurwa kupa mbiri kuna Mwari.Ameni! 0:20:35.560,0:20:38.360 Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine, 0:20:38.360,0:20:40.720 ndinotenda Mwari zvikuru 0:20:44.880,0:20:52.880 nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira. 0:20:52.880,0:20:59.440 Mumunamato uyu, ndanunurwa 0:20:59.440,0:21:05.920 uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri. 0:21:05.920,0:21:12.960 mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo. 0:21:12.960,0:21:16.720 ndinotenda Mwari zvikuru. 0:21:16.720,0:21:20.880 Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine. 0:21:20.880,0:21:24.080 Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine. 0:21:24.080,0:21:27.800 Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu. 0:21:27.800,0:21:31.240 Munguva yekunamata, ndange ndichirutsa 0:21:31.240,0:21:34.240 pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri. 0:21:34.240,0:21:43.200 Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru. 0:21:43.200,0:21:45.800 Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose. 0:21:45.800,0:21:47.280 Tirikufara. 0:21:47.280,0:21:53.280 Mangwanani , Mwari Anesu. 0:21:53.280,0:21:56.640 Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa. 0:21:56.640,0:22:00.840 Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu. 0:22:00.840,0:22:04.040 Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Mugovera, 0:22:04.040,0:22:07.720 Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura, 0:22:07.720,0:22:11.320 ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu. 0:22:11.320,0:22:13.640 ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya, 0:22:13.640,0:22:14.880 zvairwadza zvikuru, 0:22:14.880,0:22:17.280 kunyange mabonzo angu airwadza. 0:22:17.280,0:22:19.480 Mushure mekurutsa izvi zvose, 0:22:19.480,0:22:22.880 zveshuwa, hapana chandichanzwa. 0:22:22.880,0:22:26.480 Marwadzo ose apera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa, 0:22:26.480,0:22:30.960 kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu . 0:22:30.960,0:22:35.120 Chatinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma. 0:22:35.120,0:22:36.040 Mangwanani. 0:22:36.040,0:22:40.120 Zita rangu ndinonzi Jane uye ini hangu ndinobva ku France. 0:22:40.120,0:22:43.720 Uchapupu hwangu hwakamira sezvizvi. 0:22:43.720,0:22:46.680 Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino, 0:22:46.680,0:22:52.400 Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka. 0:22:52.400,0:22:56.880 kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya, 0:22:56.880,0:22:59.240 mazino angu nemagamu angu airwadza. 0:22:59.240,0:23:00.760 Ikozvino ndakunzwa zvakanaka. 0:23:00.760,0:23:04.000 Mukoma Chris pavauya kuzotinamatira, 0:23:04.000,0:23:12.640 Ndanzwa kureruka, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso 0:23:12.640,0:23:14.320 ndokubva ndatanga kurutsa. 0:23:14.320,0:23:21.440 Honai izvi ndizvo zvandakarutsa. 0:23:21.440,0:23:24.600 Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu. 0:23:24.600,0:23:26.960 Ndinonzi Grace, ndinobva ku Philippines. 0:23:26.960,0:23:30.920 ikozvino ndiri ku Qatar. 0:23:30.960,0:23:35.000 zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV, 0:23:35.000,0:23:43.600 Ndanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndikarutsa. 0:23:43.600,0:23:47.760 Handikwanisi kunyatsotsanangura chaiitika mumuviri wangu 0:23:47.760,0:23:50.880 Ndatanga kurutsa. 0:23:50.880,0:23:56.200 Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri. 0:23:56.200,0:23:58.400 Ndinotenda Mwari, 0:23:58.400,0:24:03.640 Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu. 0:24:03.640,0:24:08.880 Hareruya, Ndinokutendai Jesu. 0:24:08.880,0:24:10.520 Zita rangu ndinonzi Gert, 0:24:10.520,0:24:13.800 Ndinobva ku South Africa. 0:24:13.800,0:24:27.960 Panguva yemunamato, ndarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu. 0:24:27.960,0:24:33.320 Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva. 0:24:33.320,0:24:38.320 Ibvi rangu 100%: 0:24:38.320,0:24:40.840 Hapachisisina marwadzo. 0:24:40.840,0:24:50.000 Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva. 0:24:50.000,0:24:52.000 Mbiri kuna Mwari. 0:24:52.000,0:24:55.880 Zita rangu ndinonzi Haydee,ndinobva Costa Rica. 0:24:55.880,0:25:00.440 Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai! 0:25:00.440,0:25:04.840 Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndagamuchira kuporeswa kwangu 0:25:04.840,0:25:10.800 kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi. 0:25:10.800,0:25:15.720 Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo. 0:25:15.720,0:25:19.200 Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia. 0:25:19.200,0:25:23.720 Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu, 0:25:23.720,0:25:30.840 nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu. 0:25:30.840,0:25:34.600 Munhu waMwari pavange vachitinamatira, 0:25:34.600,0:25:39.120 Ndanzwa huvepo hwakasimba hwaMwari pandiri. 0:25:39.120,0:25:41.840 Pavange vachitinamatira, 0:25:41.840,0:25:46.680 Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu. 0:25:46.680,0:25:50.280 Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa, 0:25:50.280,0:25:53.000 Ndave kunzwa zvakanaka mumoyo wangu 0:25:53.000,0:25:55.200 Ndave nerunyararo mukati mepfungwa. 0:25:55.200,0:25:56.760 Mhoroi mose, Zita rangu ndinonzi Dina 0:25:56.760,0:26:00.400 uye ndirikubatana pamwe chete nechino chirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada. 0:26:00.400,0:26:06.880 Ndirikuda kutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise 0:26:06.880,0:26:10.360 kubata kuvanhu vakawanda pasi rose. 0:26:10.360,0:26:14.520 Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe wevanhu ava vapihwa mukana uyu 0:26:14.520,0:26:17.760 vakwanisawo kupinda muchirongwa cheMunamato wanhasi. 0:26:17.760,0:26:21.480 Panguva yemunamato, 0:26:21.480,0:26:23.680 ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata, 0:26:23.680,0:26:26.840 Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu. 0:26:26.840,0:26:29.680 Ndanzwa kureruka. 0:26:29.680,0:26:31.960 Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri. 0:26:31.960,0:26:36.600 Ndinoziva kuti Runyararo rwakadayi runobva kuna Mwari chete. 0:26:36.600,0:26:39.480 Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara. 0:26:39.480,0:26:43.240 Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri. 0:26:43.240,0:26:45.600 Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura. 0:26:45.600,0:26:47.120 Ndokutendai Jesu. 0:26:47.120,0:26:49.360 Zita rangu ndinonzi Jayson, mukadzi wangu anonzi Lorna. 0:26:49.360,0:26:51.280 Tinobva ku Phillipines. 0:26:51.280,0:26:54.920 dambudiko raivapo munamato usati waitwa, ndaive ne hernia iyi, 0:26:54.920,0:26:57.520 inguinal hernia, piles 0:26:57.520,0:26:59.480 uye nemuviri wairema kwazvo. 0:26:59.480,0:27:01.520 Zvidya zvangu zvairwadza futi. 0:27:01.520,0:27:06.920 Mukadzi wanguwo airwadziwa nezvidya zvake, mabvi airwadza uye 0:27:06.920,0:27:12.320 uyewo pfungwa dzehasha mazuva ose. 0:27:12.320,0:27:19.440 Panguva yekunamata takademba zvikuru pamusoro pezvivi zvedu uye 0:27:19.440,0:27:21.920 takakumbira ruregerero kubva kuna Jesu Kristu . 0:27:21.920,0:27:28.440 ndakanzwa kunge mhepo yabata musoro wangu, 0:27:28.440,0:27:30.760 ndakabva ndanzwa kuda kurutsa. 0:27:30.760,0:27:33.600 Ikozvino, mushure memunamato, zvabva zvapera. 0:27:33.600,0:27:34.600 Hapachisina marwadzo. 0:27:34.600,0:27:36.600 Hernia yangu haichakure, 0:27:36.600,0:27:42.120 uyewo mukadzi wangu haachisina marwadzo mumabvi ake ne pazvidya zvake. 0:27:42.120,0:27:44.840 Ndinokutendai zvikuru Jesu nekutiporesa, tinotenda. 0:27:44.840,0:27:46.920 Ndinokutendai Jesu.Ameni. 0:27:46.920,0:27:53.760 Mazita edu anonzi Eric na Sarah, tinobva ku Sweden. 0:27:53.760,0:27:56.000 Tinotenda Mwari nekuda kwe chirongwa cheMunamato. 0:27:56.000,0:28:04.600 changa chakazadzwa neMweya mutsvene uye Jesu vanga vari panzvimbo. 0:28:04.600,0:28:10.000 Ndanzwa kufara uye kufaranuka mumoyo mangu mushure memunamato. 0:28:10.000,0:28:12.160 Ndinoda kutenda uye nekurumbidza Mwari ne 0:28:12.160,0:28:15.640 mukana wakanaka uyu kuti tivepo. 0:28:15.640,0:28:21.840 kwandiri ndinonzwa kunge mumoyo mangu mava nechiedza. 0:28:21.840,0:28:27.160 uyewo ndanzwa chimwe chinhu chichienda mumaoko angu, 0:28:27.160,0:28:31.200 munguva yekunamata na mukoma wedu Chris. 0:28:31.200,0:28:35.560 Mushure memunamato ndanzwa kureruka, 0:28:35.560,0:28:41.480 rima rabva mumwoyo mangu, 0:28:41.480,0:28:47.360 zvandisina kumbenge ndanzwa kare 0:28:47.360,0:28:51.160 uye nekunzwa rumwe rudzi rwemufaro 0:28:51.160,0:28:55.240 mukati memuviri wangu, mumoyo mangu, mupfungwa dzangu. 0:28:55.240,0:28:58.400 Nokudaro tinokutendayi Jesu. 0:28:58.400,0:29:01.320 Zita rangu ndinonzi Evelin, ndinobva ku Argentina. 0:29:01.320,0:29:04.200 Munguva yechirongwa che Interactive Prayer, 0:29:04.200,0:29:09.000 Ndanzwa simba raMwari richifamba mukati memuviri mangu. 0:29:09.000,0:29:14.120 Ndanzwa moto uchibata padumbu rangu uye ndabva ndapora. 0:29:14.120,0:29:15.880 Ndinokutendai Mwari. 0:29:15.880,0:29:18.840 Chirongwa che Interactive Prayer chisati chatanga, 0:29:18.840,0:29:24.240 ndanga ndichirwadziwa neChiropa, Musoro uye nedambudziko reNzeve. 0:29:24.240,0:29:27.440 Asi mushure meMunamato, zvese zvadzoredzerwa! 0:29:27.440,0:29:30.880 Handichisina kurwadziwa ne Musoro, kana ne Chiropa 0:29:30.880,0:29:33.880 uye ikozvino ndavekunzwa zvakanaka kupa mbiri kuna Mwari. 0:29:33.880,0:29:36.800 Zita rangu ndinonzi Marina, ndinobva ku Argentina. 0:29:36.800,0:29:39.880 Munguva yeMunamato, ndanzwa huvepo waMwari 0:29:39.880,0:29:42.640 uye moto pamuviri wangu wose. 0:29:42.640,0:29:44.960 Ndagamuchira kuponeswa kubva kumarwadzo ebvi 0:29:44.960,0:29:48.160 andainge ndichinzwa pandaimira. 0:29:48.160,0:29:53.280 Ndange ndichinzwa kunge mapfupa angu arikushanduka. 0:29:53.280,0:29:56.760 Izvi zvakonzera marwadzo, asi mushure meMunamato 0:29:56.760,0:30:04.240 Ndave kukwanisa kufambisa ibvi rangu pasina kana dambudziko. 0:30:04.240,0:30:05.760 Ndinokutendai, Jesu!