Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo.
Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo.
Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko.
Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu.
Tinokugashirai kuchimwe chirongwa cheMunamato.
Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom.
Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa chokwadi chirongwa chanhasi ndeche Marudzi ose.
Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano
vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe.
Kunyange kusvika kuUkraine
nyika iri mundangariro dzedu neMuminamato yedu panguva ino.
Ndinoda kutenda mwoyo yose inotenda kuna Jesu,
vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama
kubva pandiri kusvika kwamuri,
munotenda kuti Jesu Kristu achakubatayi nhasi nenzira inokosha,
nokuti zvinokudza Mwari zvirokwazvo kumutenda
kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye.
uye Mwari vanokudza avo vanomukudza.
Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda
kuti kuda kwavo kutinunura,
kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose.
kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu.
saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu.
Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari,
sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23
kuti shoko raMwari imhodzi,
imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu
uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure.
Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu,
mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari
Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu.
kana kutevedzera mumwe munhu.
kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memwoyo wako, kunofanhira kubuda kubva mumwoyo mako.
zvichibva pashoko raMwari.
saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu,
mwoyo wako wakamirasei ?
Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi.
mwoyo wako wakamirasei ?
nokuti ndaona kuti vanhu vakawanda nhasi uno vanotsvaka Mwari,
vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo,
kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo,
asi mwoyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika,
mwoyo yavo irikunetsekana
asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27
Mwoyo yenyu ngairege kumanikidzwa.
zvino hazvireve kuti hapachazove nedambudziko.
havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko,
asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu
hongu pane zvikonzero zvekunetsekana
asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane.
kunyange kwose kwose kune kusagadzikana,
tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo.
asi semuKristu, mwoyo wako ngauzorore
mukuziva kuti Mwari vanewe.
sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu,
asi semukristu moyo wako ngauve parunyararo
mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31).
kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera
mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari
kuti havazombokusiya kana kukurasa.
sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5.
saka vanhu vaMwari dzikamisai mwoyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu,
kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako,
Tarisa kuna Jesu.
Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28.
Jesu anoti, Huyai kwandiri
vose vakaremerwa, ndinokupayi zororo.
kana Mwari vakativimbisa zororo
hapana chikonzero chekuti mwoyo yedu isazorore.
Tinongoda kungoziva chokwadi ichi,
pinda mukuwirirana neshoko raMwari.
saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi,
Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari.
Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro
anopokana neshoko raMwari.
Revesa nemwoyo wako wose.
kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemwoyo wako
naikoko kubvumirana kwemwoyo wako , ikozvino
yavanguva yekunamata.
mwoyo wako unofanhira kuwirirana naMwari.
mwoyo wako unofanhira kubvumirana naMwari.
mwoyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa,
usina shungu, usina marwadzo ekare.
izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari.
Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako,
uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi.
chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari,
regererwa nemuzita raJesu Kristu.
[Shanduro yeSpanish]
Rusvingo urwu rwuri pakati pemwoyo wako neMweya waMwari,
ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi, ngarubve izvezvi.
[Shanduro yeSpanish]
Izvezvi nesimba muzita raJesu Kristu,
sunungurwa muzita raJesu.
[Shanduro yechiSpanish]
Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo, sunungurwa kubva muhubatwa ihwohwo
Sunungurwa kubva mukumbunyikidzwa uku
Sunungurwa, sunungurwa, sunungurwa
nemuzita rine simba raJesu Kristu.
[Shanduro yeSpanish]
Ikozvino, ndinoraira mweya yose irikubata muhupenyu hwako
kuti ngaibude nezita ra Jesu Kristu,
ngaibude izvezvi, ngaibude mumuviri wako, ngaibude mukati mako, ngaibude mukati menhengo dzako.
Ngaibude izvezvi.
[Shanduro yeSpanish]
Rutsa izvezvi, rutsa urwere ihwohwo, rutsa muchetura iwoyo.
Rutsa hubatwa ihwohwo, rutsa zvibude mukati memuviri wako izvezvi.
Iwe chirwere, iwe chirwere,
Ndati buda nezita raJesu.
Buda nezita raJesu, buda izvezvi nezita rine simba raJesu Kristu.
Buda izvezvi
[Shanduro yechiSpanish]
Ikozvino, sechiito chokutenda,
Isa ruoko rwako pose pauri kunzwa marwadzo,
uri kurwadziwa panyama ,
isa ruoko rwako ipapo izvezvi
zarura mwoyo wako,
taura kuti iwe chirwere, iwe chirwere, iwe utera,
buda nezita raJesu, buda izvezvi.
Buda mukati memuviri, buda mukati menhengo, buda mukati mavo.
Buda izvezvi, buda izvezvi.
Buda izvezvi.
[Shanduro yechiSpanish]
Vanhu vaMwari, rambai muri mukunamata uku,
murikuona zvirikuita Jesu Kristu pakati pedu ikozvino,
kunyange tiri nechekure nekure, simba raMwari riri kuburuka.
Zarura mwoyo wako kukutenda kwake, kushoko rake, kumweya wake.
Murikuona mweya yakaipa ichizvirakidza izvozvi,
chikonzero cheurwere nehurwere chirikubuda.
Ino inguva yako,
Ikozvino inguva yako.
Ndinoti kune mweya yenyu yese,
batana neMweya wa Kristu.
batana neMweya wa Kristu nemuZita raJesu.
[Shanduro yechiSpanish]
mukumbire nyasha dzekuti uteerere kuShoko Rake.
kuti Shoko Rake rive chiyero chehupenyu hwako,
kutevera nzira yakarurama.
Vhura muromo wako, umukumbire izvozvi.
[Shanduro yechiSpanish]
Nemuzita rinesimba ra Jesu Kristu tinonamata.
Nesimba riri muzita ra Jesu Kristu
Ndinotaura wasunungurwa nemuzita raJesu.
Tanga kuzvitarisa izvezvi,
Watopona, wadzoredzerwa, wasunungurwa.
Wanunurwa, zvitarise izvezvi.
Wasunungurwa. wasunungurwa, wasunungurwa.
[shanduro yechiSpanish ]
Saka ikozvino, makateverera kubva kumativi mana ose enyika,
maona kubata kwe simba raMwari kunoshamisa.
Simba raMwari richiita zvishamiso muhupenyu hwevanhu vake.
Maona kutendeseka, kuvimbika, kuvimbika kwa Mwari.
Ikozvino inguva yako.
nguva iya yemukadzi aibuda ropa
paakatambanudza ruoko kuti abate Jesu,
kutenda kwake ndiko kwakamuporesa.
Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuporese nhasi uno.
Ndinonamata kuti kutenda kwako kukununure nhasi uno.
Ndinonamata kuti kutenda kwako kukuponese nhasi uno, nemuZita rine simba ra Jesu Kristu.
Ikozvino, ndinoraira mweya yese irikubata muhupenyu hwako
kuti ibude nemuzita raJesu Kristu.
Buda nemuZita raJesu Kristu.
mweya yese irikubata mukati memusoro mako, buda izvezvi.
mweya yese irikubata rurimi rwako, buda izvezvi.
mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
mweya yese irikubata maziso ako, buda izvezvi.
Dzingwa, dzingwa nemuzita raJesu Kristu.
mune chero chikamu chehupenyu hwako,
mweya yetsvina pairikubata,
zvingave mubhizinesi rako, zvingave mubasa rako,
zvingave mumari dzako, zvingave mumuwanano yako, zvingave mumhuri yako,
dzingwa, buda nemuzita raJesu Kristu.
Ngakuve nerusununguko, ngakuve nerusununguko izvezvi.
Ishe Jesu Kristu, Shoko renyu rinotaura rusununguko.
Shoko renyu rinoparidzira rusununguko.
Ikozvino, Ndinotaura rusunungiko izvezvi,
rusununguko kumweya wako, rusununguko kumweya wako.
Rusununguko kumuviri wako nemuZita rine simba ra Jesu Kristu.
Ndinotaura rusununguko izvozvi, rusununguko kumweya wako,
rusununguko kumweya wako, rusununguko kumuviri wako
nemuZita rine simba raJesu Kristu.
Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
Ndinokutendai Jesu nerusununguko rwenyu.
Ndinokutendai Jesu Kristu nekubata kwenyu kwehumwari.
Vanhu vaMwari, tangai kupembera mukuzara kwerusununguko rwenyu
uye fambayi muchiedza cherusununguko rwenyu.
Pemberai, nokuti Jesu Kristu zvavanotaura kuti ndezvako,
ndezvako chaizvo chaizvo.
HUCHAPUPU
Mhoroi, zita rangu ndinonzi Victor Makene.
ndiri mudzidzi wepa Yunivhesiti ane makore makumi maviri ekuberekwa.
Ndinogara mu United Kingdom.
Mumwedzi waGumiguru 2021,
ndaidzidzira semutambi webasketball kuYunivhesiti yangu
chakaitika ndakabva ndabvarura ACL yangu, Anterior cruciate Ligament.
yakatsemuka zvachose.
Manheru iwaya ndakabva ndapihwa madondoro aya,
uye ndakashandisa madondoro aya kwemavhiki.
Ndisina madondoro aya handaigona kufamba.
VanaChiremba vaindiudza kuti nzira chete yandingazokwanisa kuita
basa rekuita nemuviri kana kumhanya ndeyekuitwa Sejari yekugadzirwa zvakare kwe ACL,
Kuitwa kweSejari iyi kwakakomba kwazvo kune nguva refu yekupora.
Asi ndinotenda semuKristu akazvarwa patsva,
kuti zvakandinakira, chekutanga kutsvaga Mwari.
Ndakasarudza kuti ndibate ve God's Heart TV kuti ndivaudze mamiriro angu.
Nhasi uno, chirongwa cheMunamato we Interactive Prayer usati watanga,
ndange ndichinzwa kusagadzikana kwakakura mumabvi angu,
ndange ndisingakwanise kufamba ndisina zvinondibatsira kubata ibvi rangu.
Munguva memunamato, ndange ndakavhara maziso angu,
ndichinamata na Mukoma Chris.
ndanga ndichibvumira Mwari kuti vatore zvakawanda kubva kwandiri uye vandipe zvakawanda kubva kwavari.
Ndange ndichinamata, ruoko rwangu rwakabata pabvi rangu.
Ndange ndichiona Mukoma Chris vachibata paSkrini.
hapana chandanzwa kuti pane chaitika,
asi mushure meMunamato pavati wasunungurwa,
ndabva ndabvisa zvakange zvakabata ibvi rangu zvaive zvichindibatsira pakufamba, ndokubva ndatanga kurinzwa ibvi rangu,
ndakati regai ndipinde mu corridor, ndokutanga kumhanya ndichidzika,
uye ndikabva ndatanga kusvetuka.
Ikozvino handichanzwi kana marwadzo kana kusagadzikana kuye kwandambenge ndichinzwa pakutanga,
kubvira ipapo ndabva ndaziva kuti ndasunungurwa.
Ndavekukwanisa kusvetuka.
Ndavekukwanisa kumhanya.
Ndinotenda Jesu.
Makomborero muzita raJesu.
Ini ndinozi Viviena, ndinobva ku Honduras.
Ndinoda kukuudzai kuti panguva yekuti muporofita Chris vasati vatanga kunamata,
ndange ndavakutonzwa kununurwa, kufaranuka kwabva kwapinda mukati memwoyo wangu wese,
uye ndabva ndatanga kunzwa huvepo hwaMwari.
Pavange vachishumira, ndange ndichisvipa zvinhu zvinovava kubva mumukanwa mangu,
uye ndirikunzwa kusununguka nemuzita ra Jesu, ndirikunzwa kusununguka kwakazara mumwoyo mangu.
Ndinorumbidza Jesu.
Ndinokutendai Jesu.
Ndinokudai Jesu.
Mhoroi, Zita rangu ndinonzi Samantha uye ndinobva ku Trinida ne Tobago.
Chekutanga ndinoda kutenda Mwari nenyasha dzavo kuti ndive ndinobatana pamwe naMukoma Chris.
muChirongwa cheMunamato we Interactive prayer.
Tichiri muChirongwa ichi che Interactive prayer, mukupedzisira Mukoma Chris vati
zvese zvinopokana naMwari zvinofanhira kubva
mweya wainge uri mandiri wakatanga kuzviratidza , ukati
Ayehwa hausikuenda.
ndokubva ndatanga kuzunguzuka zvisingaite
asi pavaramba vachinamata wabva waenda
ndakatanga kunzwa kureruka uye nekusvipa zvinhu zvaivava.
Ndinongoda kutenda Mwari naizvozvo.
Mhoroi. Zita rangu ndinonzi Mirriam Mkwena, ndinobva ku South Africa.
Ndaiva ndine dambudziko nebvi rangu, mabvi ese.
Manheru handaikwanisa kurara zvakanaka nekuda kwemarwadzo.
Marwadzo aya aibva kubva kuchidya zvichidzika,
zvaiva zvisingaite.
vachiri mukunamata kudaro, ndakanzwa kunge magetsi ari mumuviri wangu wese.
zvanga zvirikose, kana nemumabvi; kwaiita sekugwinha kwemagetsi.
mumashure ndakanzwa chiveve, sekunge ndinogona kungodonha.
pakarepo ndakanzwa nechepachipfuva pangu sekunge ndoda kukosora.
Ndakabva ndatanga kukosora.
ndakakosora mate, nezvimwe zvaitutuma se mate.
mushure maizvozvo, ndakakotamisa mabvi angu, ndokubva ndanzwa kuti ndatopora.
ndokubva ndabvisa zvandaishandisa kubata mabvi angu,
sezvamunoona ichi chandakaba mumaoko angu,
ndakatanga kusvetuka ndichirumbidza Mwari
nekuvatenda nekundiporesa.
uye zvino, hapachisina.
ndakuzvikanda, ikozvino handichazvishandisi.
sezvamurikuona, ndave kugona kufamba, maona ka.
Ikozvino ndavekugona kusvetuka.
Ndave kugona kuita maekisesaizi, kunyange kukotama.
ndapora.
Ndinokutendai Jesu.
Zita rangu ndinonzi Maricela, ndinobva ku Peru.
Munguva yeChirongwa cheMunamato we Interactive Prayer,
ndakagamuchira rusununguko nekuporeswa.
Ndakagamuchira kuporeswa kubva kune gastritis uye ronda remudumbu.
Izvi ndizvo zvine muchetura zvandakarutsa:
Ndakanzwa moto uye simba raMwari.
Ndapora uye ndasunungurwa kupa mbiri kuna Mwari.Ameni!
Zita rangu ndinonzi Antonina uye ndinobva ku Ukraine,
ndinotenda Mwari zvikuru
nemukana wekuti Mukoma Chris vandinamatira.
Mumunamato uyu, ndanunurwa
uye zvinhu zvine muchetura zvange zvichibuda mandiri.
mumashure meizvi, ndabva ndanzwa kurerukirwa nekufara kwazvo.
ndinotenda Mwari zvikuru.
Zita rangu ndinonzi Lylyana, ndinobva ku Ukraine.
Ndinotenda neminamato yenyu yamunoitira vanhu vekuUkraine.
Ndinotenda Mwari zvikuru neminamato yenyu.
Munguva yekunamata, ndange ndichirutsa
pane zvinhu zvichena zvange zvichibuda mandiri.
Muporofita Chris pavange vachitinamatira, ndanzwa kufara zvikuru.
Ndinokutendai, ndinokutendai pazvose.
Tirikufara.
Mangwanani , Mwari Anesu.
Zita rangu ndinonzi Jeanyl uye ndinobva ku South Africa.
Ndirikutenda Mwari nezvavandiitira muhupenyu hwangu.
Mushure mekupinda muchirongwa chemunamato we Interactive Prayer nemusi we Mugovera,
Mukoma Chris pavange vachitinamatira nekutaura,
ndarutsa zvose zvanga zvine muchetura zvainge zviri mumuviri mangu.
ndaigara ndichinzwa musoro kurwadza zvakanyanya,
zvairwadza zvikuru,
kunyange mabonzo angu airwadza.
Mushure mekurutsa izvi zvose,
zveshuwa, hapana chandichanzwa.
Marwadzo ose apera uye hupenyu wangu wadzoredzerwa,
kana Mwari vandiitira izvi vanokwanisa kuitira chero munhu .
Chatinofanhirwa kungotenda chete nekubvuma.
Mangwanani.
Zita rangu ndinonzi Jane uye ini hangu ndinobva ku France.
Uchapupu hwangu hwakamira sezvizvi.
Ndaive ndine matambudziko ema gamu ne mazino,
Ndaitadza kudya chikafu zvakanaka.
kunyange kudya makeke ane tsvigiri aindipa marwadzo akanyanya,
mazino angu nemagamu angu airwadza.
Ikozvino ndakunzwa zvakanaka.
Mukoma Chris pavauya kuzotinamatira,
Ndanzwa kureruka, kupiswa mukati memusoro mangu, mumaziso, nekumeso
ndokubva ndatanga kurutsa.
Honai izvi ndizvo zvandakarutsa.
Jesu ndinokutendai nekununurwa kwangu.
Ndinonzi Grace, ndinobva ku Philippines.
ikozvino ndiri ku Qatar.
zvichibva pane zvandakasangana nazvo kubva ku God's Heart TV,
Ndanzwa kutsva mukati memuviri wangu, ndikarutsa.
Handikwanisi kunyatsotsanangura chaiitika mumuviri wangu
Ndatanga kurutsa.
Handinyatsoziva zvaiitika mukati mandiri.
Ndinotenda Mwari,
Ndinoziva kuti vandisunungura nemuZita raMambo Jesu Kristu.
Hareruya, Ndinokutendai Jesu.
Zita rangu ndinonzi Gert,
Ndinobva ku South Africa.
Panguva yemunamato, ndarutsa zvinhu zvaive mumuviri mangu.
Ndokwanisa kutaura kuti hapachisisina marwadzo epachipfuva.
Ibvi rangu 100%:
Hapachisisina marwadzo.
Ndirikunzwa 100%, Ndirikunzwa kusununguka, Ndanunurwa, Ndava mutsva.
Mbiri kuna Mwari.
Zita rangu ndinonzi Haydee,ndinobva Costa Rica.
Ndinotenda Mwari nezuva rakanaka kudai!
Mukuburikidza na Mukoma Chris, ndagamuchira kuporeswa kwangu
kubva pakurwadziwa kukuru kwerwoko rwangu rokurudyi.
Nhasi uno, Mwari vandiporesa uye vandinhonga mu tsitsi dzavo.
Zita rangu ndinonzi Amosi weku Zambia.
Ndinoda kupupura kunaka kwa Ishe mukati mehupenyu hwangu,
nezvandaitirwa naMwari mukati mehupenyu hwangu.
Munhu waMwari pavange vachitinamatira,
Ndanzwa huvepo hwakasimba hwaMwari pandiri.
Pavange vachitinamatira,
Ndangopatika ndavekurutsa zvimwe zvinhu.
Mushure mekurutsa zvinhu zviya, ikozvino ndavekunzwa kurerukirwa,
Ndave kunzwa zvakanaka mumoyo wangu
Ndave nerunyararo mukati mepfungwa.
Mhoroi mose, Zita rangu ndinonzi Dina
uye ndirikubatana pamwe chete nechino chirongwa che Interactive Prayer ndiri ku Canada.
Ndirikuda kutenda Mukoma Chris nekutendera kwavakaita Mwari kuti vavashandise
kubata kuvanhu vakawanda pasi rose.
Ndirikutenda zvikuru kuti ndiri mumwe wevanhu ava vapihwa mukana uyu
vakwanisawo kupinda muchirongwa cheMunamato wanhasi.
Panguva yemunamato,
ipapo ipapo Mukoma Chris pavatanga kunamata,
Ndanzwa chimwe chinhu chabva pamuviri wangu.
Ndanzwa kureruka.
Ndirikunzwa runyararo mukati mandiri.
Ndinoziva kuti Runyararo rwakadayi runobva kuna Mwari chete.
Ndirikunzwa kutambanuka, ndirikunzwa kufara.
Ndinonzwa kunge mutoro wabviswa pandiri.
Ndirikunyatsotenda Mwari nekundinunura.
Ndokutendai Jesu.
Zita rangu ndinonzi Jayson, mukadzi wangu anonzi Lorna.
Tinobva ku Phillipines.
dambudiko raivapo munamato usati waitwa, ndaive ne hernia iyi,
inguinal hernia, piles
uye nemuviri wairema kwazvo.
Zvidya zvangu zvairwadza futi.
Mukadzi wanguwo airwadziwa nezvidya zvake, mabvi airwadza uye
uyewo pfungwa dzehasha mazuva ose.
Panguva yekunamata takademba zvikuru pamusoro pezvivi zvedu uye
takakumbira ruregerero kubva kuna Jesu Kristu .
ndakanzwa kunge mhepo yabata musoro wangu,
ndakabva ndanzwa kuda kurutsa.
Ikozvino, mushure memunamato, zvabva zvapera.
Hapachisina marwadzo.
Hernia yangu haichakure,
uyewo mukadzi wangu haachisina marwadzo mumabvi ake ne pazvidya zvake.
Ndinokutendai zvikuru Jesu nekutiporesa, tinotenda.
Ndinokutendai Jesu.Ameni.
Mazita edu anonzi Eric na Sarah, tinobva ku Sweden.
Tinotenda Mwari nekuda kwe chirongwa cheMunamato.
changa chakazadzwa neMweya mutsvene uye Jesu vanga vari panzvimbo.
Ndanzwa kufara uye kufaranuka mumoyo mangu mushure memunamato.
Ndinoda kutenda uye nekurumbidza Mwari ne
mukana wakanaka uyu kuti tivepo.
kwandiri ndinonzwa kunge mumoyo mangu mava nechiedza.
uyewo ndanzwa chimwe chinhu chichienda mumaoko angu,
munguva yekunamata na mukoma wedu Chris.
Mushure memunamato ndanzwa kureruka,
rima rabva mumwoyo mangu,
zvandisina kumbenge ndanzwa kare
uye nekunzwa rumwe rudzi rwemufaro
mukati memuviri wangu, mumoyo mangu, mupfungwa dzangu.
Nokudaro tinokutendayi Jesu.
Zita rangu ndinonzi Evelin, ndinobva ku Argentina.
Munguva yechirongwa che Interactive Prayer,
Ndanzwa simba raMwari richifamba mukati memuviri mangu.
Ndanzwa moto uchibata padumbu rangu uye ndabva ndapora.
Ndinokutendai Mwari.
Chirongwa che Interactive Prayer chisati chatanga,
ndanga ndichirwadziwa neChiropa, Musoro uye nedambudziko reNzeve.
Asi mushure meMunamato, zvese zvadzoredzerwa!
Handichisina kurwadziwa ne Musoro, kana ne Chiropa
uye ikozvino ndavekunzwa zvakanaka kupa mbiri kuna Mwari.
Zita rangu ndinonzi Marina, ndinobva ku Argentina.
Munguva yeMunamato, ndanzwa huvepo waMwari
uye moto pamuviri wangu wose.
Ndagamuchira kuponeswa kubva kumarwadzo ebvi
andainge ndichinzwa pandaimira.
Ndange ndichinzwa kunge mapfupa angu arikushanduka.
Izvi zvakonzera marwadzo, asi mushure meMunamato
Ndave kukwanisa kufambisa ibvi rangu pasina kana dambudziko.
Ndinokutendai, Jesu!