Ndinoti sunungurwa pahurwere ihwohwo. Sunungurwa kubva muusungwa ihwohwo. Sunungurwa kubva mukudzvinyirirwa ikoko. Sunungurwa, sunungurwa nemuzita rinesimba raJesu Kristu. Tinokugashirai kumusangano wemunamato. Pano pa God's Heart TV Studio mu North Wales mu United Kingdom. Uye neNyasha dzaMwari dzinoshamisa musangano wanhasi uno ndewe marudzi ose. Tine Vanhu vabatana nesu kubva kumarudzi ose epasi pano vachimiririra maKondinendi anobata Nyika dzinokwana kusvika makumi mashanu nenomwe. Kunyange kusvika kuUkraine nyika iri mundangariro dzedu neminamato yedu panguva ino. Ndinoda kutenda moyo yose inotenda kuna Jesu, vanotenda kuti kunyange paine chinhambwe chikuru chepanyama kubva pandiri kusvika pamuri, anotenda kuti Jesu Kristu achakubata nhasi nenzira inokosha, nokuti kutenda maari kunokudza Mwari kunyange pfungwa dzese dzichipikisana naye. uye Mwari vanokudza avo vanomukudza. Hongu, tauya kuna Mwari nhasi tichitenda kuti kuda kwavo kutinunura, kuti atidzoserezve, atiraramise, atisunungure pamatambudziko ose. kuda kwake ngakuitwe nokuti kuda kwake ndiwo murayiro yedu. saka tirikuda kunamata pamwechete nemuzita raJesu Kristu. Tisati tanamata zvakakosha kuti tidyise mweya yedu neshoko raMwari, sekutaura kunoita Bhaibheri mu bhuku ra Peter wekutanga , Ndima 1:23 kuti shoko raMwari imhodzi, imhodzi isingaori inopinda mumwoyo yedu uye inokonzera kuti kutenda kwedu kukure. Zvino, cherechedzai izvi, ndinoti inopinda mumwoyo yenyu, mwoyo wako ndiwo unobva wasangana naMwari Ndosaka kutenda hakurevi kutevedzera zvinoitwa nemumwe munhu. kana kutevedzera mumwe munhu. kutenda kunofanhira kusumuka kubva mukati memoyo wako, kunofanhira kubuda mumoyo mako. zvichibva pashoko raMwari. saka mubvunzo wangu kwauri nhasi ndeuyu, moyo wako wakamirasei ? Zvibvunze mubvunzo iwoyo izvozvi. moyo wako wakamirasei ? nokuti ndaona nhasi kuti vanhu vakawanda vanotsvaka Mwari, vanotsvaka chiso chaMwari kuti vazorore kubva mumatambudziko avo, kubva mumatambudziko avo, kubva mukuremerwa kwavo, asi moyo yavo haina kugadzikana, moyo yavo yakavhiringidzika, moyo yavo irikunetsekana asi Jesu Kristu vakati kwatiri mubhuku ra Johane 14: 1,27 Moyo yenyu ngairege kumanikidzwa. zvino hazvireve kuti hapazove nedambudziko. havana kutaura kuti hauchazofe wakasangana nedambudziko, asi kuti usaregedze moyo wako uchinetsekana, zvichireva kuti semukristu hongu pane zvikonzero zvekunetsekana asi panewo zvikonzero zvikuru zvekuti usanetsekane. kunyange kwose kwose kune kusagadzikana, tarisa mamiriro akaita nyika, hakuna zororo. asi semuKristu, moyo wako ngauzorore mukuziva kuti Mwari vanewe. sekutaura kwa Isaya 41:10, hongu panyika pachava nenhamo hongu, asi semukristu moyo wako ngauzorore mukuziva kuti Mwari ari kwauri (VaRoma 8:31). kunyange madutu ehupenyu achitenderera, achikupoterera mwoyo wako ngaugare uri muruzivo rwechipikirwa ichocho chaMwari kuti havazombofa vakakusiya kana kukurasa. sezvinoreva rugwaro mubhuku ravaHebheru 13:5. saka vanhu vaMwari kudikamisa moyo yenyu, tarisai pana Jesu Kristu, kwete mamiriro ako, kwete dambudziko rako, kwete dutu rako, Tarisa kuna Jesu. Rangarira vimbiso yake kwatiri, mubhuku raMateu 11:28. Jesu anoti, Huyai kwandiri vose vakaremerwa, ndikupeyi zororo. kana Mwari vakativimbisa zororo hapana chikonzero chekuti moyo yedu isazorore. Tinongoda kuziva chokwadi ichi, pinda mukuwirirana neshoko raMwari. saka ikozvino ndinoda kuti upupure izvi, Ndinoda kuti uti: Ndinobvumirana neshoko raMwari. Ini handibvumirani nechero mamiriro, chero mamiriro anopokana neshoko raMwari. Revesa nemoyo wako wose. kupupura kwemuromo wako ngakubvumirane nemoyo wako naikoko kubvumirana kwemoyo wako , ikozvino yavanguva yekunamata. moyo wako unofanhira kuwirirana naMwari. moyo wako unofanhira kubvumirana naMwari. moyo wako unofanhira kuva wakasununguka, wakasungunuka pakugumburwa, usina shungu, usina marwadzo ekare. izvi zvipingaidzo zvinomira pakati pako naMwari. Izvozvi, siya zvakapfuura zvako, siya zvekare zvako, uye gadzirira kugamuchira kubva kuna Jesu izvozvi. chero kukanganisa kumire pakati pako nezvipikirwa zvaMwari, regererwa nezita raJesu Kristu.