(vana varikuseka) ♪ mumhanzi ♪ ♪ mumhanzi wakapomboka ♪ (misindo yendudzi dzakasiyana-siyana) ♪ mumhanzi ♪ (unoyerera zvakapomboka) ♪ mumhanzi ♪ (mushauri wechirume) Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro vanhu vachinamata nokuperera nekuzvininipisa ♪ mumhanzi ♪ Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro nekurambidzwa kuparidza vhangeri, sangano rakanamata, varume vairi vakapupura zvine simba uye nenyasha ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Vanhu vakanamata kwese-kwese nohumwe vakatendeuka , pamwe nokureurura uye nokuzvininipisa . Upenyu hwevanhu hukashanduka. (dombo rakapfekerwa) ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Varume vairi vakapinda murwendo rwoumishinari rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Naizvozvo vhangeri rakaenda kunyika dzekunze. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti musungwa apunyuke mujeri. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Umwe mambo akakumbira kuti vanhu vake vanamate nokutsanya muvengi akakundwa. Hondo yakakundwa pasina kurwisana. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Kuburikidza nemuranda akavimbika nekuvimbika neushingi hwamambokadzi vanhu vazhinji vakaponeswa. Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza simba rekubatana pamunamato. Pandakaverenga bhuku raMabasa, ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro pekubatana kwevatendi pamunamato, nepamusoro paMwari vanopindura minamato. Kuzvimisira kunamata pachako chinhu chakakosha. Minamato panzvimbo yakawanzika ndihwo hwupenyu hwemweya Asi tinoziva kuti hakuna kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe nzvimbo munyika ino yese rusina kutangiswa nechisungo chemunamato nekuramba tichinamata. Tenzi vedu vakataura pane imwe nguwa kuti "vanhu vaviri vakatenderana pasi pano pane chimwe chinhu chavanokumbira, vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..." Saka pane kubatanidzwa kunoitika kana tikakochanisa mazwi edu tichichema kuna Mwari. Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita, munamato ikiyi inovhura imba inokotswa zvikomborero nezvipo zvedenga. Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White pamusoro pechisungo chemunamato akasimba chaizvo. Anoti pane imwe nzvimbo- paanonyorera vanaFansworth, anoti mune simba guru mukuva nechisungo chekunamata pamwe kupfuura kunamata muchivande. Anoti, "Sei zvichidaro?" Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi. Mwari vanofadzwa zvikuru kana tanyatsova nehumwe kana tikabatana pamwe sezvakaita vatendi vemuna Mabasa Mune imwe nhaurwa anoti, panoitwa munyengetero nomwoyo wese, hondo yose yasatani inobvunda. Jesu anoziva kuti tsika yokunamata nevamwe inobatsira kubvisa chindini chinowanzowanikwa muminamato yedu patinonamata tega. Naizvozvo kana Bhaibheri richiti, "Imi tsungai pakunamata," harisi kutaura nechiito chinoitwa nemunhu umwe. Chidaidziro kusangano rese kuti ridane kuna Mwari. Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari. Zvakare ndinofunga kutiMwari vanotishandisa semhinduro kuminamato. Kana uchitarisa mubhuku raMabasa, kubatana pamunamato kwakayananisa vana vaMwari. Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15, sangano rese rakaungana rikanamata pamwe chete. Raiziva kuti basa raiva mberi kwavo raiva rakakura. Vaiziva zvakare kuti dambudziko rakanga riri guru . Vaizivawo kuti pakange pasina nzira yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese. Asi pavakanamata, Mwari vakaita chishamiso. Vakadurura Mweya Mutsvene pazuva rePendekosti vanhu zviuru zvitatu (3000) vakabhabhatidzwa. Unoziva chimwe chinhu---, paunoverenga vhesi ipapo---- chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri, mutsara wakareruka wechirungu unoti, "vaiva nehwumwe" Pendekosti yaisangova chiitiko chinoshamisa chete. Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa raCristo munyika ino. Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge zvaparadzwa zvachose, apo Cristo akange achirembera pamuchinjiko. Uye ipapo chokwadi kumuka kwakaitika. Akazviratidza kuvadzidzi vake. Izvi zvakavapa maonero akasiyana pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo. Ishe wedu akaudza vadzidzi vake kuti vamirire vari muJerusalem, vari muchisungo chemunamato. Ndicho chimwe chezvaidiwa kuti mhepo huru iyi iuye nekuti Mweya Mutsvene uwepo nezuva rependacosti. [murume arikutaura mitauro yakasangana] Yaiva nguva yePaseka naizvozvo tese takange tiri muimba yepamusoro muJerusalema. Takange tichinamata tose nomweya wohumwe. Takanga tichinyengeterera nekutendeuka nekuzvininipisa, uye takanga tichireurura zvivi . Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe , simba neMweya Mutsvene. Pakange paine humwe hunofadza nokushamisa zvikuru patakanyengetera nomwoyo wose pamwe chete . [murume arikunamata nemitauro yakasangana] [mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana] [mutauri wechidzimai] Pakarepo kwakatanga kunzwikwa ruzha rwemhepo yaivhuvhuta, rwakazadza imba yese yatakange takagara (ruzha rwemhepo) Ipapo marimi omoto wakaburuka akazorora pamusoro pevanhu . [murume arikutaura mitauro yakasangana] [mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene. Tonderai kuti nenguva yePasika, vanhu vaibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana kuzonamata asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga kunzwa vhangeri umwe neumwe nemutauro wekwake. Kuburikidza naizvozvo,vanhu zviuru zvitatu vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe! ♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪ [mudzimai arikutaura mitauro yakasangana] [mutauri wechidzmai] Vanhu vakazvipira kuzvidzidzo zvevaporofita nepakuyanana, pakudyidzana nepakunamata. Mazuva ese vaisangana mutemberi. Vaisangana zvakare mudzimba vachidya pamwe chete. Vanhu vakange vachiponeswa vakaramba vachiwanda mazuva ese. ♪ mumhanzi wakatsetseka ♪ Tinotenda kuti chinhu chakadai chichaitika zvakare mumazuva ekupedzisira. Asi ndinofunga kuti zvinoitika koga kana isu sesangano uye sevanhu tikabatana tikava nohumwe uye nemunyengetero womwoyo wose. Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona kutadza kuona izvi zvichiitika. Zvakare, zvakaitika paPendacosti zvichaitwa zvakare zvakapetwa kuburikidza naIshe Tenzi nenzira yazvakaitika nayo apo vhangeri rengirozi nhatu ririkuenda mberi, Apo vhangeri rengirozi yechina yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa, apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa munyika yese. Mweya mutsvene uchadururirwa kune avo vakazvipira kuna Mwari, vakareurura zvitema zvavo, zvakare unogona kutishandisa nenzira inoshamisa. Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6 sangano rakasangana nedambudziko rakanaka. Chechi yakanga ichikura zvinoshamisa nekukasika. Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita dambudziko rekugowerwa kwezvekudya. [ Varume vachita nharo nemitauro yakasanganiswa] ♪mumhanzi unosimudzira ♪ [mutauri wechirume] Chechi yakasangana nematambudziko anobatika. VaJudha vechiHereni vakanga vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru pamusoro pemagowerwo ekudya kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi rwavo dzakanga dzichidarikwa mumagoverwo zvokudya. Vaapostora vakaona zvakakosha kuti vakoshese basa rekunamata nekuparidza vhangeri. naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe kuti vabate aya mabasa anobatika. ♪ mumhanzi unosimudzira ♪ [ murume achitaura mitauro yakasanganiswa] [ mutauri wechirume] Vapostori vakatikumbira seboka kuti tisarudze varume vanomwe vanozivikanwa vakagarwa neMweya Mutsvene uye vane uchenjeri. Chikumbiro ichi chevapostori chakafadza boka rese revatendi. Saka takatanga basa rekusarudza vashandiri ava. Pavakangosarudzwa, vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu, vakaiswa maoko pamusoro, vakanamatirwa. (mutauri wechipiri) Munamato uri chinhu chekutanga kusangano, rakaramba richibudirira. Izvi zvapfuura, sangano rakaramba nekukasika. Vapirisita vazhinji vakatanga kuteerera shoko raMwari. Saka pano ndinoona kuti pane nyaya inoti, kana tasangana nematambudziko, ngatishandisei uchenjeri, ngatishandisei zvatakadzidza, asi zvakare ngationei kuti tina Mwari anopindura minamato; anogona kutipa uchenjeri. Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji. Machechi anematambudziko makuru akaagadzirisa paakauya pamwe chete kuzonamata. ♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪ [ Mupristi mukuru achiudza Petro naJohani zvokuita] [ Mupristi mukuru achienda mberi kuudza Petro naJohani zvokuita] [ Mutauri wechirume] Petro naJohani vakadaidzwa nevapristi vakuru nevakuru vesangano pamusana pekushumaira kwavaiita. Vakaedza kuzvidzivirira, asi vatungamiri ava vakavaomesera zvikuru. Vakavaudza kuti vasataure kana kudzidzisa nezvaJesu. Mushure mekutyisidzirwa, vakavarega vachienda. Petro naJohane vakadzokera kuvanhu vavo. Vakanotaura zvese zvakange zvataurwa nevakuru vechechi. ♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪ [murume achitaura mitauro yakasanganiswa] Patakanzwa zvese izvi, takabva tangosimudza mazwi edu mumunamato. Boka rese rakanamatira Petro naJohane. "Takanamata kuti Mwari vape varanda vavo vairi ava vakazvininipisa ushingi. Ndakange ndisina kumbopinda mumunamato wakaperera zvakadaro kwenguva yakareba. Patapedza munamato, chiripo-ripocho, nzvimbo yese yatakange tiri yakadengenyeka. [ Mumwe murume achitaura mitauro yakasanganiswa] Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene. Petro naJohane ndookubuda vakapupura nesimba guru nenyasha munyika yese nezvekumuka kwaJesu Cristo. ♪ mumhanzi wekupedzisira wemagitare ♪ Ndinofunga kuti Petro naJohani vaivana simba guru mukuziva kuti vakange vachinamata uye kubva pasimba rinouya kana vanhu vachitinamatira. Kunouya runyararo, nesimba rinobva kuna Mwari rinosvika matiri kana kuine vatendi vazhinji varikudaira munamato iwoyo. ♪ mumhanzi wakaterama ♪ [mutauri wechidzimai] Ipapo Esita akatumira mhinduro iyi kuna Mordecai: "Enda undounganidza vaJudha vese vari kuSusa munamate nekunditsanyira. Musadye kana kumwa chimwe chinhu kwemazuva matatu. Ini nevabati vangu tichatsanyawo sezvamunenge muchiita. Mushure maizvozvo ndichaenda kuan mambo kunyangwe zvazvo zvri kunze kwemutemo. Kana ndaparara, ndaparara." ♪ mumhanzi usingagumi unoramba uchikwira ♪ ♪ kusaruta kwepahondo ♪ Tikatarisa zvakare pana Esiteri iye zvino tinombofunga kuti aiva musikana akareruka Munoziva, aiva musikana azere kutenda Asi aigona kuva munhu atovhundutswawo sezvataingaita isu nhasi. Yaiwa nguva yakaoma zvikuru. Munoiziva tsumo yekare inoti hapana chinhu chakafanana nekuti vanhu vasingatendi vanokwana mumwena yemakava. Apa vaitoziva kuti kana Mwari vakasapindira, kana denga rikasapindira, vaitorasikirwa nezvese. Asi Esteri akange akachenjera zvakadaro zvekuti akati kuna sekuru vake Mordecai, "Iniwo navarandakadzi vangu tichatsanyawo... ...endai munounganidza vaJuda vose vari muSusa mugotsanya zvudya pamusana pangu." Ndinofunga kuti tinorasikirwa zvikuru panodururwa simba raMwari munyika ino nekusatsanya. izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva tarega kudya zvachose asi tinofanira kuzvinyima chimwe chinhu chatinofarira zvakanyanya mazuva ese. Tikabatanidza izvozvo neminamato tiri pamwe chete nevamwe, zvinobatsira zvikuru. chinotibatsira kurwa hondo iyi huru. Zviri nyore zvikuru kukanganwa dzimwe nguva kuti hatigoni kumira tega tisina kutsamira pana Mwari. Saka Dwight Nelson achititondedza kuti- Ngatinamatei setagumirwa! Esteri akange agumirwa. Ngatinamatei inodaidza mhinduro ipapo! Uye ngatinamatei minamato yetarisiro. Ndinoona kuti minamato yaEsteri yaibata izvi zvinhu zvitatu. Kana mukatarisa mubhuku raMabasa, munamato vaibatanidza vanhu zvikuru. Imbofungai nezvaPetro naKoniriyasi. Koniriyasi aiwa muJentairi, Petro ari muJudha. MaJudha nemaJendairi vaisasangana. kutaudzana, kana kushanyirana mudzimba kana kudya pamwe-chete. Apa Mweya mutswene wakanga wakutoputsa midhuri yaipatsanisa marudzi aya. Mumwe mujendairi wechiItariya, Koniriyasi, akange achinamata. Hazvina kuitika setsaona. Akange achinamata. Petrowo, ari paimba yepamusoro akange achinamata. Zvino akanamata nguva yakareba kusvikira akotsira. Petro anotanga kurota pamusoro pejira guru raidzika pasi riine mhando nemhando dzemhuka mariri. Mwari ndokuti kuna Petro, simuka Petro, uraya ugodya. Perto anopindura kuti, handisati ndambodya chinhu chakan'ora, chisina kuchena senyoka, makarwe kana makonzo. Asi muono uyu wakange usiri pamusoro pezvekudya zvakachena kana zvakasviba. Muono wakanga uchitaura pamusoro pekuremekedza dzimwe ndudzi. Mwari vanotumira miono, zviratidzo kune vese vari vairi. Izvi zvadhiritsa mudhuri waivapatsanisa. naizvozvo Petro akadaidzira kuti Mwari vandiratidza kuti haaiti zvokusarura vanhu kwete. Vari vairi, vese vakanamata, muJudha nemuJendairi, minamato yavo ikakwira kudenga ikasangana pachigaro chaMwari. ♪ mumhanzi wepiyano unokwira seunokukurwa ♪ [mutauri wekutanga] Akange ari masikati apo petro akakwira pamusoro pemba kunonamata. ndipo paakapiwa muono wejira guru rakange riine musanganiswa wemhuka dzisina kuchena rainomirira zvinotaura raMwari pamusoro pekusiyana-siyana kwevanhu musangano raMwari ririkukura. ♪ nyere ichiridzwa zvakanyorovere ♪ [mutauri wechipiri] "Takange tanzwa kuti Petro akange achigara kuimba yaSaimon, musuki wamatehwe, tikatumwa naCornelius, mukuru weboka rezana kunomutsvaka." ♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi ♪ [Mutauri wekutanga] "Petro paakange achiri kufunga nezvemuono, Mweya Mutsvene wakamutaurira kuti adzike pasi nekuti painge paine varume vatatu vaimutsvaga. [murume mumweyo achitaura mitauro yakasanganiswa] Petro akadzika akandotaurira varume vaya kuti ndiye munhu vavakange vachitsvaga. ♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi zvakanakisa ♪ [mutauri wechipiri] "Takazotaurira Petro kuti Koniriyasi, mukuru wezana, akange audzwa nengirozi kuti Petro aizouya kuzomuona kumba kwake." Naizvozvo, Petro asingazivi, Koniriyasi akange akatomirira kushanyirwa naPetro kuSizariya. [murume wekutanga achitaura zvakare] Zvakaitika apa hazvina kujairika. Iko kungoti peter akapinda mumba- tonderai kuti zvakange zvisingabvumidzwi nemutemo kuti muJudha adyidzane kana kushanyira vaGendairi. ♪ mumhanzi wakatoweka ♪ [mutauri wechipiri] Koniriyasi akaudza Petro kuti mazuva matatu apfuura akange achinamata ari mumba make apo ngirozi yakamushanyira. [murume wekutanga achitaura mitauro yakasanganiwa zvkare] "Petro akataurira Koniriyasi manzwisisiro ake matswa ekuti Mwari haVasarudzi uye ndiTenzi Vevese. Izvi zvakaunza shanduko itsva. Kubva zvino zvichienda mberi, vhangeri rakatanga kuparidzirwawo kune mamwe mapoka. Uye izvi zvakatanga nemunamato, kutsanya nekuna muono. Zvakaita sepavakwa mazambuko pakati pevetsika dzakasiyana Midhuri yemipatsano yakaputsirwa asi. Mwoyo yakabatanidzwa . Uye vakava mumwe muna Jesu Kristu. Vhangeri rakaiswa pachena kumaJendairiwo. Kubatana paminamato kunoshanda sei pakubvisa mupatsa pakati pendudzi? Patinopfugama pamwe-chete- tsika dzakasiyana, kwatinobva, makudzirwo edu akasiyana, misiyano pamadzidziro atakaita, misiyano pamarudzi eganda redu patinopfugama pamwe-chete mwoyo yedu inobva yabatanidzwa seumwe muna Jesu Cristo. Ndikatarisa mubhuku raMabasa 13, umo sangano rekuAndiyoku rakange rave kutumira Pauro naBarnabas. Richivaisa maoko pamusoro. Uye vakanamatira chipo cheMweya Mutsvene. Mubhuku raMabasa 13, kuisa maoko pamusoro kwaimirira kutsaurwa, kwaPauro naBhanabhasi pabasa revhangeri neumishinari. Vakange vave kuzonotangisa nzwendo dzavo dzeumishinari. Handifungi kuti pane mashiripiti panyaya yekuiswa maoko pamusoro. Ndinofunga kuti mufananidzo chete. Sezvakangoita mvura parubhabhatidzo kana kuti chingwa chisina kuviriswa uye muto wemazambiringa parusando rwechidyo chaTenzi. Kana chechi ikauya nohumwe ichiisa maoko pamusoro peumwe munhu vanange vachinamatira munhu iyeye, vachimutsaurira basa rakatsanangurika reupupuri neushumiri. [murume arikutaura mitauro yakasanganiswa] Apo vaporofita nevadzidzi vesangano rekutanga vakange vachitsanya nekunamata, Mweya Mutswene Wakadaidza Pauro naBhanabhasi kuti vaende parwendo rwavo rwekutanga rwehumishinari. Chechi yakanamata pamwe-chete vasati vatuma ava vaviri. ♪ mumhanzi unenge wengirozi♪ [mutauri wechidzimai achitaura mitauro yakasanganiswa] "Vakaiswa maoko pamusoro tikavanamatira nemwoyo yakaperera. Sesangano rakabatana, takanamatira kuchengeteka kwavo parwendo uye kuti Mwari vavape mashoko akafanira avasingataura kuzvaunga Takanamatira kuti mamishinari edu abudirire mubasa rekuparidza vhangeri. ♪ mumhanzi uchikwira ♪ Pauro naBhanabhasi vakafamba nzvimbo dzakawanda KuSaipurasi, vaparidza shoko raMwari mumuasinagogo emaJudha. KuAndiyoki yekupisidhiya, guta rese rakaungana kuti rinzwe shoko raMwari. MaJendairi pavakanzwa shoko, vakatenda muna Mwari. Shoko raJehovha rakapararira munyika yose vadzidzi vakazadzwa nerufaro nemweya Mutsvene. ♪ mumhanzi unoverera unenge wengirozi♪ Pauro nabhanabhasi vakagadza vakuru vesangano muchechi yega-yega vakanamata nekutsanya, vachivaisa kunaMwari. Vakaunganidza sangano pamwe-chete vakavazivisa zvese izvo Mwari vakange aita kuburikidza navo uye kuti Vakange vavhura musiwo kumaJendairi. Sesangano remunamato, kana tichiisa maoko pamusoro peavo vatinenge tichinamatira, zvinomirira maoko aMwari. Kupfugama takakomberedza munhu, kuvatsaurira basa iroro, tinenge tichikumbira Mweya Mutsvene kuti uvape simba nekuvashingisa pabasa iro Mwari anenge avapa vachitumwa nechechi. Ndinotondera imwe nyay apo Pauro aiva- akasangana nemudzimai akanaka. Zita rake ainzi Lydia uye akange achinamata. Ndinofunga kuti paive parwizi, handinyatsozivi, kana kuti parutivi petsime. Kana kuti paive pakati pemusika, hameno zvaiitika nguva dzavo. Chero kwakange kuri kupi, mwari vakakwanisa kudzidzisa mwoyo wake. Bhaibheri rinotitaurira kuti akagamushira shoko revhangeri akabhabhatidzwa. [mutauri wechidzimai] "takange tiri boka remadzimai takamira kunze kweguta, parwizi, panzvimbo yedu yemunamato. Ridhiya, mutengesi wehanzu tsvuku, aibva kuTiyatira akange aripowo. Varume vaviri vakasvika, vakatanga kutaura nesu, vakatikoka kuti tikumbane navo muminamato. Takazoziva kuti varume ava vaiwa Pauro naSairasi. Mwari vakavhura mwoyo waRidhiya akagamuchira vhangeri raPauro. Iye, pamwe nevemhuri yake yese vakabhabhatidzwa. Rimwe zuva Pauro naSairasi vakange vari munzira yavo kuenda kunzvimbo yemunamato. Vakasangana nenhapwa yechikadzi yaiva nemweya wetsvina waigona kududzira ramangwana. Aiwanisa muridzi wake mari yakawanda nekushopera. Akatitevera achidaidzira neruzha rukuru rwaivhiringidza. Naizvozvo Pauro akarayira mweya wetsvina kuti ubude maari. Varidzi vake vakaona kuti varasikirwa nemukana wavo wekuita mari. vakakakatira Pauro naSairasi kuvakuru vakuru vakakandwa mujeri. Pakati peusiku, vasungwa vairi ava vanemwoyo-chena, Pauro naSairasi wainamata vachiimba nzwiyo kunaMwari. Isu vamwe takange takateerera. Pakarepo kwakava nokudengenyeka kwenyika kukuru kwazvo zvekuti nheyo dzejeri dzakazungunuka. Makonhi ese ejeri akabva azaruka majoti emusungwa mumwe nomumwe akadonhera pasi. Murindi wejeri akapepuka ndookuna makonhi ese akazaruka akazvomora bakatwa rake achida kuzviuraya. achifunga kuti vasungwa vese vatobuda vakatiza. Ipapo Pauro akadaidzira akati, "usazvikuwadze hako nokuti tese tiri muno." Akakumbira mwenje akapiwa, ndookumhanyira kunozvivisira pamamberi paPauro naSairasi achidedera. Murindi wejeri akagamuchira Jesu Cristo, akabhabhatidzwa pamwe nemhuri yake. Naizvozvo, munamato unogona kuitwa pese pese. Munoziva, ini pamwe nevamwe tinopinga purogiramu paHope Channel, inonzi Ngatinamatei (Let's Pray) Uye saka pano tiri pastudhiyo yeterevhizheni ine mwenje, kamera nezviito asi hazvitishaisi nguva yekunamata. naizvozvo tirikuona Mwari, kuburikidza nemhinduro dzaarikupa kuminamato. Kana tichigona kunamata mustudhiyo, zvinoreva kuti munamato unogona kuitwa pese pese. Imwe shamwari yangu yakati tinofanira kunamata zvakananga zvekuti kana Mwari vapindura, tinobva tazviziva kuti vapindura. Muna Mabasa 12, Petro ari mujeri. Atotongerwa kuti aurayiwe. Akasungwa necheni ari pakati pemauto. Herodhi atorayira kuti aurayiwe. Asi apo Petro ari mujeri, sangano rese ---ndinozvida izvi---- sangano rese ririkunamatira Petro ari mujeri. Izvi zvisati zvaitika, Jemusi akange apinzwa mujeri akaurayiwa. Saka ndinofunga kuti vanhu vakange vabatikana zvakanyanya vachitya kuti iye zvino vangangorasikirwa naPeter paakatakurwa kuenda kujeri. Izvi zvakavaita kuti vatambudzike mupfungwa. saka vakasangana vakanamata usiku hwese. Mambo Herodhi vakange vasunga dzimwe nhengo dzechechi uye vakange vachitoda kuvauraya. Herodhi paakauraya Jemusi nemunongdo, achiona kuti maJudha vakange vazvitendera, akabva asunga Petro zvakare. [mudzimai achipupura nemitauro yakasangana] "Petro ainge akarindwa nemapoka emasoja mana ane pfuti, boka rimwe raiva nemasoja mana. Takange tichityira upenyu hwake zvikuru. Saka chechi yakamunamatira." [murume achipupura nemitauro yakasangana] "Nousiku hwainzi naHerodi ndichafuma ndichiburitsa Petro kuti atongwe padare, Petro akange avete pakati pemasoja maviri akasungwa nengetani paine varindi vakange vakarinda mukova. Ipapo mutumwa waTenzi akabva auya mujeri mukabva maita chiedza. Mutumwa akarova Petro parutivi kuti amumutse ngetani dzakange dzakamusunga dzikabva dzawira pasi. Sekuudzwa kwaakaitwa, Petro akatevera ngirozi vakabuda, vachipfuura varindi vese kusvika vave pazambara routare raipinda muguta." [mudzimai achipupura nemitauro yakasangana] "Manhu vazhinji vakange vari kunamata pamwe-chete muimba yaMaria, mai vaJohn. Semuranda muimba iyi ndakanzwa kugogodza pamusiwo. ♪mumhanzi wegitare wakanyorovera ♪ Nokungwarira , ndakaenda kunovhura musuwo. Ndakashamisika , kuona pakamira Petro. Takange tichitomunamatira ari mujeri. [murume achipupura nemitauro yakasanganiswa] Ndeimwe nyaya inoratidza simba rekubatana pamunamato. Kuparidzwa kweshoko raMwari kwakaramba kuchibudiria uye kuchikura. Pavanhu vese vakange vari pamusangano wemunamato musi iwoyo, hapana aizokanganwa kuti ana Mwari vanopindura minamato. Kwese-kwese kwavakazoenda hupenyu hwavo hwese, vakaramba vachipupura pamusoro pesimba remunamato. nechikonzero ichi isu nhasi takainzwa, nekuti vakapupura nesimba guru nekuti zvakange zviri pachena kwavari, kwete kwoga kuti Mwari vanoda kubatsira vanhu, asi kuti Mwari vane simba rekuita zvinhu zvakakurisa zvinoshamisa. Kwakambova nemubatanidzwa wenyika huru nhatu, waida kurwisa humambo huduku hwaJudha, ruri rudzi rwakasarudzwa naMwari. Tichitaria nemaziso enyama, kwaiva kukurirwa kukuru. Jehoshaphat anotaura mashoko aa akatendeka kune avo vainamata. 'Hatizivi zvokuita. Hatina simba. Hatitombokwanisi kurwa negurumwandira ravanhu vauya kuzorwa nesu. Asi anotaurawo mashoko echokwadi anoratidza kuti Mwari ndiani. Mwari imi munokwanisa. Munoda kutibatsira. Munogona uye isu takamirira rubatsiro rwenyu. Izvi zvakabatsira kugadzirira vana vaMwari kuona rudzikinuro rwake.