(vana varikuseka)
♪ mumhanzi ♪
♪ mumhanzi wakapomboka ♪
(misindo yendudzi dzakasiyana-siyana)
♪ mumhanzi ♪
(unoyerera zvakapomboka)
♪ mumhanzi ♪
(mushauri wechirume)
Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro
vanhu vachinamata
nokuperera nekuzvininipisa
♪ mumhanzi ♪
Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro
nekurambidzwa kuparidza vhangeri,
sangano rakanamata, varume vairi
vakapupura
zvine simba uye nenyasha
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Vanhu vakanamata kwese-kwese
nohumwe
vakatendeuka , pamwe nokureurura
uye nokuzvininipisa .
Upenyu hwevanhu hukashanduka.
(dombo rakapfekerwa)
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Varume vairi vakapinda murwendo
rwoumishinari
rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Naizvozvo vhangeri rakaenda
kunyika dzekunze.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti
musungwa apunyuke mujeri.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Umwe mambo akakumbira
kuti vanhu vake vanamate nokutsanya
muvengi akakundwa.
Hondo yakakundwa pasina kurwisana.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Kuburikidza nemuranda akavimbika
nekuvimbika neushingi hwamambokadzi
vanhu vazhinji vakaponeswa.
Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza
simba rekubatana pamunamato.
Pandakaverenga bhuku raMabasa,
ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro
pekubatana kwevatendi pamunamato,
nepamusoro paMwari vanopindura minamato.
Kuzvimisira kunamata pachako
chinhu chakakosha.
Minamato panzvimbo yakawanzika
ndihwo hwupenyu hwemweya
Asi tinoziva kuti hakuna
kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe
nzvimbo munyika ino yese rusina
kutangiswa nechisungo chemunamato
nekuramba tichinamata. Tenzi
vedu vakataura pane imwe nguwa kuti
"vanhu vaviri vakatenderana pasi pano
pane chimwe chinhu chavanokumbira,
vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..."
Saka pane kubatanidzwa kunoitika
kana tikakochanisa mazwi edu
tichichema kuna Mwari.
Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita,
munamato ikiyi inovhura imba inokotswa
zvikomborero nezvipo zvedenga.
Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White
pamusoro pechisungo chemunamato
akasimba chaizvo.
Anoti pane imwe nzvimbo-
paanonyorera vanaFansworth, anoti
mune simba guru
mukuva nechisungo chekunamata
pamwe kupfuura
kunamata muchivande.
Anoti, "Sei zvichidaro?"
Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi.
Mwari vanofadzwa zvikuru
kana tanyatsova nehumwe
kana tikabatana pamwe
sezvakaita vatendi vemuna Mabasa
Mune imwe nhaurwa anoti,
panoitwa munyengetero nomwoyo
wese, hondo yose yasatani inobvunda.
Jesu anoziva kuti tsika
yokunamata nevamwe
inobatsira kubvisa chindini
chinowanzowanikwa
muminamato yedu patinonamata tega.
Naizvozvo kana Bhaibheri richiti,
"Imi tsungai pakunamata,"
harisi kutaura nechiito
chinoitwa nemunhu umwe.
Chidaidziro kusangano rese
kuti ridane kuna Mwari.
Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari
asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari.
Zvakare ndinofunga kutiMwari
vanotishandisa semhinduro kuminamato.
Kana uchitarisa mubhuku raMabasa,
kubatana pamunamato
kwakayananisa vana vaMwari.
Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15,
sangano rese rakaungana rikanamata
pamwe chete.
Raiziva kuti basa raiva mberi
kwavo raiva rakakura.
Vaiziva zvakare kuti dambudziko
rakanga riri guru .
Vaizivawo kuti pakange pasina nzira
yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese.
Asi pavakanamata, Mwari
vakaita chishamiso.
Vakadurura Mweya Mutsvene
pazuva rePendekosti
vanhu zviuru zvitatu
(3000) vakabhabhatidzwa.
Unoziva chimwe chinhu---,
paunoverenga vhesi ipapo----
chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri,
mutsara wakareruka wechirungu unoti,
"vaiva nehwumwe"
Pendekosti yaisangova chiitiko
chinoshamisa chete.
Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa
raCristo munyika ino.
Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge
zvaparadzwa zvachose,
apo Cristo akange achirembera
pamuchinjiko.
Uye ipapo chokwadi
kumuka kwakaitika.
Akazviratidza kuvadzidzi vake.
Izvi zvakavapa maonero akasiyana
pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo.
Ishe wedu akaudza vadzidzi vake
kuti vamirire vari muJerusalem,
vari muchisungo chemunamato.
Ndicho chimwe chezvaidiwa
kuti mhepo huru iyi iuye
nekuti Mweya Mutsvene uwepo
nezuva rependacosti.
[murume arikutaura mitauro yakasangana]
Yaiva nguva yePaseka
naizvozvo tese takange tiri
muimba yepamusoro muJerusalema.
Takange tichinamata tose nomweya wohumwe.
Takanga tichinyengeterera
nekutendeuka nekuzvininipisa,
uye takanga tichireurura zvivi .
Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe ,
simba neMweya Mutsvene.
Pakange paine humwe
hunofadza nokushamisa zvikuru
patakanyengetera nomwoyo
wose pamwe chete .
[murume arikunamata nemitauro yakasangana]
[mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana]
[mutauri wechidzimai] Pakarepo
kwakatanga kunzwikwa ruzha
rwemhepo yaivhuvhuta, rwakazadza
imba yese yatakange takagara
(ruzha rwemhepo)
Ipapo marimi omoto wakaburuka
akazorora pamusoro pevanhu .
[murume arikutaura mitauro yakasangana]
[mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa
mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene.
Tonderai kuti nenguva yePasika,
vanhu vaibva kunzvimbo
dzakasiyana-siyana kuzonamata
asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga
kunzwa vhangeri
umwe neumwe nemutauro wekwake.
Kuburikidza naizvozvo,vanhu zviuru zvitatu
vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe!
♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪
[mudzimai arikutaura mitauro yakasangana]
[mutauri wechidzmai] Vanhu vakazvipira
kuzvidzidzo zvevaporofita
nepakuyanana,
pakudyidzana nepakunamata.
Mazuva ese vaisangana mutemberi.
Vaisangana zvakare mudzimba
vachidya pamwe chete.
Vanhu vakange vachiponeswa
vakaramba vachiwanda mazuva ese.
♪ mumhanzi wakatsetseka ♪
Tinotenda kuti chinhu chakadai
chichaitika zvakare
mumazuva ekupedzisira.
Asi ndinofunga kuti zvinoitika
koga kana isu sesangano
uye sevanhu tikabatana
tikava nohumwe
uye nemunyengetero womwoyo wose.
Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona
kutadza kuona izvi zvichiitika.
Zvakare, zvakaitika paPendacosti
zvichaitwa zvakare zvakapetwa
kuburikidza naIshe Tenzi
nenzira yazvakaitika nayo
apo vhangeri rengirozi
nhatu ririkuenda mberi,
Apo vhangeri rengirozi yechina
yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa,
apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa
munyika yese.
Mweya mutsvene uchadururirwa kune
avo vakazvipira kuna Mwari,
vakareurura zvitema zvavo,
zvakare unogona
kutishandisa nenzira inoshamisa.
Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6
sangano rakasangana
nedambudziko rakanaka.
Chechi yakanga ichikura
zvinoshamisa nekukasika.
Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita
dambudziko rekugowerwa kwezvekudya.
[ Varume vachita nharo nemitauro yakasanganiswa]
♪mumhanzi unosimudzira ♪
[mutauri wechirume] Chechi yakasangana
nematambudziko anobatika.
VaJudha vechiHereni vakanga
vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru
pamusoro pemagowerwo ekudya
kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi
rwavo dzakanga dzichidarikwa
mumagoverwo zvokudya.
Vaapostora vakaona zvakakosha
kuti vakoshese basa rekunamata
nekuparidza vhangeri.
naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe
kuti vabate aya mabasa anobatika.
♪ mumhanzi unosimudzira ♪
[ murume achitaura mitauro yakasanganiswa]
[ mutauri wechirume] Vapostori
vakatikumbira seboka
kuti tisarudze varume
vanomwe vanozivikanwa
vakagarwa neMweya Mutsvene uye
vane uchenjeri.
Chikumbiro ichi chevapostori
chakafadza boka rese revatendi.
Saka takatanga basa rekusarudza
vashandiri ava.
Pavakangosarudzwa,
vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu,
vakaiswa maoko pamusoro,
vakanamatirwa.
(mutauri wechipiri) Munamato uri chinhu
chekutanga kusangano, rakaramba richibudirira.
Izvi zvapfuura, sangano
rakaramba nekukasika.
Vapirisita vazhinji vakatanga
kuteerera shoko raMwari.
Saka pano ndinoona kuti
pane nyaya
inoti, kana tasangana nematambudziko,
ngatishandisei uchenjeri,
ngatishandisei zvatakadzidza,
asi zvakare ngationei kuti
tina Mwari anopindura minamato;
anogona kutipa uchenjeri.
Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji.
Machechi anematambudziko makuru
akaagadzirisa paakauya pamwe chete
kuzonamata.
♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪
[ Mupristi mukuru achiudza Petro naJohani zvokuita]
[ Mupristi mukuru achienda mberi
kuudza Petro naJohani zvokuita]
[ Mutauri wechirume]
Petro naJohani vakadaidzwa
nevapristi vakuru nevakuru vesangano
pamusana pekushumaira kwavaiita.
Vakaedza kuzvidzivirira,
asi vatungamiri ava
vakavaomesera zvikuru.
Vakavaudza kuti vasataure
kana kudzidzisa nezvaJesu.
Mushure mekutyisidzirwa,
vakavarega vachienda.
Petro naJohane vakadzokera
kuvanhu vavo.
Vakanotaura zvese zvakange
zvataurwa nevakuru vechechi.
♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪
[murume achitaura mitauro yakasanganiswa]
Patakanzwa zvese izvi, takabva
tangosimudza mazwi edu mumunamato.
Boka rese rakanamatira Petro naJohane.
"Takanamata kuti Mwari vape
varanda vavo vairi ava vakazvininipisa ushingi.
Ndakange ndisina kumbopinda mumunamato
wakaperera zvakadaro kwenguva yakareba.
Patapedza munamato, chiripo-ripocho,
nzvimbo yese yatakange tiri yakadengenyeka.
[ Mumwe murume achitaura mitauro yakasanganiswa]
Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene.
Petro naJohane ndookubuda
vakapupura nesimba guru nenyasha
munyika yese
nezvekumuka kwaJesu Cristo.
♪ mumhanzi wekupedzisira wemagitare ♪
Ndinofunga kuti Petro naJohani
vaivana simba guru
mukuziva kuti vakange vachinamata
uye kubva pasimba rinouya
kana vanhu vachitinamatira.
Kunouya runyararo,
nesimba rinobva kuna Mwari
rinosvika matiri kana kuine vatendi
vazhinji varikudaira munamato iwoyo.
♪ mumhanzi wakaterama ♪
[mutauri wechidzimai] Ipapo Esita akatumira
mhinduro iyi kuna Mordecai:
"Enda undounganidza vaJudha
vese vari kuSusa
munamate nekunditsanyira.
Musadye kana kumwa chimwe
chinhu kwemazuva matatu.
Ini nevabati vangu tichatsanyawo
sezvamunenge muchiita.
Mushure maizvozvo ndichaenda kuan mambo
kunyangwe zvazvo zvri kunze kwemutemo.
Kana ndaparara, ndaparara."
♪ mumhanzi usingagumi unoramba uchikwira ♪
♪ kusaruta kwepahondo ♪
Tikatarisa zvakare
pana Esiteri iye zvino
tinombofunga kuti aiva
musikana akareruka
Munoziva, aiva musikana
azere kutenda
Asi aigona kuva munhu atovhundutswawo
sezvataingaita isu nhasi.
Yaiwa nguva yakaoma zvikuru.
Munoiziva tsumo yekare inoti
hapana chinhu
chakafanana nekuti vanhu vasingatendi
vanokwana mumwena yemakava.
Apa vaitoziva kuti kana
Mwari vakasapindira,
kana denga rikasapindira,
vaitorasikirwa nezvese.
Asi Esteri akange akachenjera zvakadaro
zvekuti akati kuna sekuru vake Mordecai,
"Iniwo navarandakadzi vangu
tichatsanyawo...
...endai munounganidza vaJuda
vose vari muSusa mugotsanya
zvudya pamusana pangu."
Ndinofunga kuti tinorasikirwa zvikuru
panodururwa simba raMwari
munyika ino nekusatsanya.
izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva
tarega kudya zvachose
asi tinofanira kuzvinyima chimwe chinhu
chatinofarira zvakanyanya mazuva ese.
Tikabatanidza izvozvo neminamato
tiri pamwe chete nevamwe,
zvinobatsira zvikuru.
chinotibatsira kurwa hondo iyi huru.
Zviri nyore zvikuru kukanganwa
dzimwe nguva
kuti hatigoni kumira tega tisina
kutsamira pana Mwari.
Saka Dwight Nelson achititondedza kuti-
Ngatinamatei setagumirwa!
Esteri akange agumirwa.
Ngatinamatei inodaidza mhinduro ipapo!
Uye ngatinamatei minamato yetarisiro.
Ndinoona kuti minamato yaEsteri
yaibata izvi zvinhu zvitatu.
Kana mukatarisa mubhuku raMabasa,
munamato vaibatanidza vanhu zvikuru.
Imbofungai nezvaPetro naKoniriyasi.
Koniriyasi aiwa muJentairi,
Petro ari muJudha.
MaJudha nemaJendairi vaisasangana.
kutaudzana,
kana kushanyirana mudzimba
kana kudya pamwe-chete.
Apa Mweya mutswene wakanga
wakutoputsa midhuri
yaipatsanisa marudzi aya.
Mumwe mujendairi wechiItariya,
Koniriyasi, akange achinamata.
Hazvina kuitika setsaona.
Akange achinamata.
Petrowo, ari paimba yepamusoro
akange achinamata.
Zvino akanamata nguva
yakareba kusvikira akotsira.
Petro anotanga kurota pamusoro
pejira guru raidzika pasi
riine mhando nemhando
dzemhuka mariri.
Mwari ndokuti kuna Petro,
simuka Petro, uraya ugodya.
Perto anopindura kuti, handisati ndambodya
chinhu chakan'ora, chisina kuchena
senyoka, makarwe kana makonzo.
Asi muono uyu wakange usiri
pamusoro pezvekudya
zvakachena kana zvakasviba.
Muono wakanga uchitaura pamusoro
pekuremekedza dzimwe ndudzi.
Mwari vanotumira miono,
zviratidzo kune vese vari vairi.
Izvi zvadhiritsa mudhuri
waivapatsanisa.
naizvozvo Petro akadaidzira
kuti Mwari vandiratidza kuti
haaiti zvokusarura vanhu kwete.
Vari vairi, vese vakanamata,
muJudha nemuJendairi,
minamato yavo ikakwira kudenga
ikasangana pachigaro chaMwari.
♪ mumhanzi wepiyano unokwira seunokukurwa ♪
[mutauri wekutanga] Akange ari masikati
apo petro akakwira
pamusoro pemba kunonamata.
ndipo paakapiwa muono
wejira guru rakange riine musanganiswa
wemhuka dzisina kuchena
rainomirira zvinotaura raMwari
pamusoro pekusiyana-siyana
kwevanhu musangano raMwari ririkukura.
♪ nyere ichiridzwa zvakanyorovere ♪
[mutauri wechipiri] "Takange
tanzwa kuti Petro akange achigara
kuimba yaSaimon, musuki wamatehwe,
tikatumwa naCornelius, mukuru
weboka rezana kunomutsvaka."
♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi ♪
[Mutauri wekutanga] "Petro paakange
achiri kufunga nezvemuono,
Mweya Mutsvene wakamutaurira
kuti adzike pasi
nekuti painge paine varume
vatatu vaimutsvaga.
[murume mumweyo achitaura mitauro yakasanganiswa]
Petro akadzika akandotaurira varume vaya
kuti ndiye munhu vavakange vachitsvaga.
♪ mumhanzi wepiano nenyere unoenda mberi zvakanakisa ♪
[mutauri wechipiri] "Takazotaurira
Petro kuti
Koniriyasi, mukuru wezana,
akange audzwa nengirozi
kuti Petro aizouya
kuzomuona kumba kwake."
Naizvozvo, Petro asingazivi,
Koniriyasi akange akatomirira
kushanyirwa naPetro kuSizariya.
[murume wekutanga achitaura zvakare]
Zvakaitika apa hazvina kujairika.
Iko kungoti peter akapinda mumba-
tonderai kuti zvakange
zvisingabvumidzwi nemutemo
kuti muJudha adyidzane
kana kushanyira vaGendairi.
♪ mumhanzi wakatoweka ♪
[mutauri wechipiri] Koniriyasi akaudza
Petro kuti
mazuva matatu apfuura
akange achinamata
ari mumba make
apo ngirozi yakamushanyira.
[murume wekutanga achitaura mitauro
yakasanganiwa zvkare]
"Petro akataurira Koniriyasi
manzwisisiro ake matswa
ekuti Mwari haVasarudzi
uye ndiTenzi Vevese.
Izvi zvakaunza shanduko itsva.
Kubva zvino zvichienda mberi,
vhangeri rakatanga
kuparidzirwawo kune mamwe mapoka.
Uye izvi zvakatanga
nemunamato, kutsanya nekuna muono.
Zvakaita sepavakwa mazambuko
pakati pevetsika dzakasiyana
Midhuri yemipatsano yakaputsirwa asi.
Mwoyo yakabatanidzwa .
Uye vakava mumwe muna Jesu Kristu.
Vhangeri rakaiswa pachena kumaJendairiwo.
Kubatana paminamato kunoshanda
sei pakubvisa mupatsa pakati pendudzi?
Patinopfugama pamwe-chete-
tsika dzakasiyana, kwatinobva,
makudzirwo edu akasiyana,
misiyano pamadzidziro atakaita,
misiyano pamarudzi eganda redu
patinopfugama pamwe-chete
mwoyo yedu inobva yabatanidzwa
seumwe muna Jesu Cristo.
Ndikatarisa mubhuku raMabasa 13,
umo sangano rekuAndiyoku
rakange rave kutumira Pauro naBarnabas.
Richivaisa maoko pamusoro.
Uye vakanamatira chipo
cheMweya Mutsvene.
Mubhuku raMabasa 13, kuisa maoko
pamusoro kwaimirira kutsaurwa,
kwaPauro naBhanabhasi
pabasa revhangeri neumishinari.
Vakange vave kuzonotangisa
nzwendo dzavo dzeumishinari.
Handifungi kuti pane mashiripiti
panyaya yekuiswa maoko pamusoro.
Ndinofunga kuti mufananidzo
chete.
Sezvakangoita mvura parubhabhatidzo
kana kuti chingwa chisina kuviriswa
uye muto wemazambiringa
parusando rwechidyo chaTenzi.
Kana chechi ikauya nohumwe
ichiisa maoko pamusoro peumwe munhu
vanange vachinamatira munhu iyeye,
vachimutsaurira basa rakatsanangurika
reupupuri neushumiri.
[murume arikutaura mitauro yakasanganiswa]
Apo vaporofita nevadzidzi
vesangano rekutanga
vakange vachitsanya nekunamata,
Mweya Mutswene Wakadaidza
Pauro naBhanabhasi
kuti vaende parwendo rwavo
rwekutanga rwehumishinari.
Chechi yakanamata pamwe-chete
vasati vatuma ava vaviri.
♪ mumhanzi unenge wengirozi♪
[mutauri wechidzimai achitaura mitauro yakasanganiswa]
"Vakaiswa maoko pamusoro
tikavanamatira nemwoyo yakaperera.
Sesangano rakabatana, takanamatira
kuchengeteka kwavo parwendo
uye kuti Mwari vavape
mashoko akafanira avasingataura kuzvaunga
Takanamatira kuti mamishinari
edu abudirire mubasa
rekuparidza vhangeri.
♪ mumhanzi uchikwira ♪
Pauro naBhanabhasi
vakafamba nzvimbo dzakawanda
KuSaipurasi, vaparidza shoko raMwari
mumuasinagogo emaJudha.
KuAndiyoki yekupisidhiya,
guta rese
rakaungana kuti rinzwe shoko raMwari.
MaJendairi pavakanzwa shoko,
vakatenda muna Mwari.
Shoko raJehovha rakapararira
munyika yose
vadzidzi vakazadzwa
nerufaro nemweya Mutsvene.
♪ mumhanzi unoverera unenge wengirozi♪
Pauro nabhanabhasi vakagadza
vakuru vesangano muchechi yega-yega
vakanamata nekutsanya,
vachivaisa kunaMwari.
Vakaunganidza sangano pamwe-chete
vakavazivisa zvese izvo Mwari
vakange aita kuburikidza navo
uye kuti Vakange vavhura musiwo
kumaJendairi.
Sesangano remunamato,
kana tichiisa maoko pamusoro
peavo vatinenge tichinamatira,
zvinomirira maoko aMwari.
Kupfugama takakomberedza munhu,
kuvatsaurira basa iroro,
tinenge tichikumbira Mweya Mutsvene
kuti uvape simba nekuvashingisa
pabasa iro Mwari anenge
avapa vachitumwa nechechi.
Ndinotondera imwe nyay apo Pauro aiva-
akasangana nemudzimai akanaka.
Zita rake ainzi Lydia uye akange achinamata.
Ndinofunga kuti paive parwizi,
handinyatsozivi,
kana kuti parutivi petsime.
Kana kuti paive pakati pemusika,
hameno zvaiitika nguva dzavo.
Chero kwakange kuri kupi,
mwari vakakwanisa kudzidzisa mwoyo wake.
Bhaibheri rinotitaurira kuti akagamushira
shoko revhangeri akabhabhatidzwa.
[mutauri wechidzimai] "takange tiri
boka remadzimai takamira
kunze kweguta, parwizi,
panzvimbo yedu yemunamato.
Ridhiya, mutengesi wehanzu tsvuku,
aibva kuTiyatira akange aripowo.
Varume vaviri vakasvika,
vakatanga kutaura nesu,
vakatikoka kuti tikumbane
navo muminamato.
Takazoziva kuti varume ava vaiwa
Pauro naSairasi.
Mwari vakavhura mwoyo waRidhiya
akagamuchira vhangeri raPauro.
Iye, pamwe nevemhuri yake yese
vakabhabhatidzwa.
Rimwe zuva Pauro naSairasi
vakange vari munzira yavo kuenda
kunzvimbo yemunamato.
Vakasangana nenhapwa
yechikadzi yaiva nemweya wetsvina
waigona kududzira ramangwana.
Aiwanisa muridzi wake mari
yakawanda nekushopera.
Akatitevera achidaidzira neruzha rukuru
rwaivhiringidza. Naizvozvo Pauro akarayira
mweya wetsvina kuti ubude maari.
Varidzi vake vakaona kuti
varasikirwa nemukana wavo wekuita mari.
vakakakatira Pauro naSairasi
kuvakuru vakuru
vakakandwa mujeri.
Pakati peusiku, vasungwa vairi
ava vanemwoyo-chena,
Pauro naSairasi wainamata
vachiimba nzwiyo kunaMwari.
Isu vamwe takange takateerera.
Pakarepo kwakava
nokudengenyeka kwenyika
kukuru kwazvo zvekuti nheyo
dzejeri dzakazungunuka.
Makonhi ese ejeri akabva azaruka
majoti emusungwa
mumwe nomumwe akadonhera pasi.
Murindi wejeri akapepuka
ndookuna makonhi ese akazaruka
akazvomora bakatwa
rake achida kuzviuraya.
achifunga kuti vasungwa
vese vatobuda vakatiza.
Ipapo Pauro akadaidzira akati,
"usazvikuwadze hako
nokuti tese tiri muno."
Akakumbira mwenje akapiwa, ndookumhanyira
kunozvivisira pamamberi paPauro
naSairasi achidedera.
Murindi wejeri akagamuchira Jesu Cristo,
akabhabhatidzwa pamwe nemhuri yake.
Naizvozvo, munamato
unogona kuitwa pese pese.
Munoziva, ini pamwe nevamwe
tinopinga purogiramu
paHope Channel, inonzi
Ngatinamatei (Let's Pray)
Uye saka pano tiri
pastudhiyo yeterevhizheni
ine mwenje, kamera nezviito
asi hazvitishaisi nguva yekunamata.
naizvozvo tirikuona Mwari,
kuburikidza nemhinduro
dzaarikupa kuminamato.
Kana tichigona kunamata mustudhiyo,
zvinoreva kuti munamato
unogona kuitwa pese pese.
Imwe shamwari yangu yakati
tinofanira kunamata zvakananga
zvekuti kana Mwari vapindura,
tinobva tazviziva kuti vapindura.
Muna Mabasa 12, Petro ari mujeri.
Atotongerwa kuti aurayiwe.
Akasungwa necheni ari pakati pemauto.
Herodhi atorayira kuti aurayiwe.
Asi apo Petro ari mujeri, sangano rese
---ndinozvida izvi----
sangano rese ririkunamatira
Petro ari mujeri.
Izvi zvisati zvaitika, Jemusi akange
apinzwa mujeri akaurayiwa.
Saka ndinofunga kuti vanhu vakange
vabatikana zvakanyanya
vachitya kuti iye zvino
vangangorasikirwa naPeter
paakatakurwa kuenda kujeri.
Izvi zvakavaita kuti
vatambudzike mupfungwa.
saka vakasangana
vakanamata usiku hwese.
Mambo Herodhi vakange
vasunga dzimwe nhengo dzechechi
uye vakange vachitoda kuvauraya.
Herodhi paakauraya Jemusi nemunongdo,
achiona kuti maJudha vakange vazvitendera,
akabva asunga Petro zvakare.
[mudzimai achipupura nemitauro yakasangana]
"Petro ainge akarindwa
nemapoka emasoja
mana ane pfuti, boka
rimwe raiva nemasoja mana.
Takange tichityira upenyu hwake zvikuru.
Saka chechi yakamunamatira."
[murume achipupura nemitauro yakasangana]
"Nousiku hwainzi naHerodi ndichafuma
ndichiburitsa Petro kuti atongwe padare,
Petro akange avete pakati pemasoja maviri
akasungwa nengetani paine varindi
vakange vakarinda mukova.
Ipapo mutumwa waTenzi akabva auya
mujeri mukabva maita chiedza.
Mutumwa akarova Petro parutivi
kuti amumutse
ngetani dzakange dzakamusunga
dzikabva dzawira pasi.
Sekuudzwa kwaakaitwa, Petro
akatevera ngirozi vakabuda,
vachipfuura varindi vese kusvika vave
pazambara routare raipinda muguta."
[mudzimai achipupura nemitauro yakasangana]
"Manhu vazhinji vakange vari
kunamata pamwe-chete
muimba yaMaria, mai vaJohn.
Semuranda muimba iyi
ndakanzwa kugogodza pamusiwo.
♪mumhanzi wegitare wakanyorovera ♪
Nokungwarira , ndakaenda kunovhura musuwo.
Ndakashamisika , kuona pakamira Petro.
Takange tichitomunamatira ari mujeri.
[murume achipupura nemitauro yakasanganiswa]
Ndeimwe nyaya inoratidza
simba rekubatana pamunamato.
Kuparidzwa kweshoko raMwari kwakaramba
kuchibudiria uye kuchikura.
Pavanhu vese vakange vari
pamusangano wemunamato
musi iwoyo, hapana aizokanganwa
kuti ana Mwari
vanopindura minamato.
Kwese-kwese kwavakazoenda
hupenyu hwavo hwese,
vakaramba vachipupura
pamusoro pesimba remunamato.
nechikonzero ichi isu nhasi
takainzwa, nekuti vakapupura nesimba guru
nekuti zvakange zviri pachena kwavari,
kwete kwoga kuti Mwari vanoda
kubatsira vanhu, asi
kuti Mwari vane simba rekuita
zvinhu zvakakurisa zvinoshamisa.
Kwakambova nemubatanidzwa
wenyika huru nhatu,
waida kurwisa humambo huduku hwaJudha,
ruri rudzi rwakasarudzwa naMwari.
Tichitaria nemaziso enyama,
kwaiva kukurirwa kukuru.
Jehoshaphat anotaura mashoko aa
akatendeka kune avo vainamata.
'Hatizivi zvokuita.
Hatina simba.
Hatitombokwanisi kurwa negurumwandira
ravanhu vauya kuzorwa nesu.
Asi anotaurawo mashoko echokwadi
anoratidza kuti Mwari ndiani.
Mwari imi munokwanisa. Munoda kutibatsira.
Munogona uye isu
takamirira rubatsiro rwenyu.
Izvi zvakabatsira kugadzirira vana
vaMwari kuona rudzikinuro rwake.