(vana varikuseka) ♪ mumhanzi ♪ ♪ mumhanzi wakapomboka ♪ (misindo yendudzi dzakasiyana-siyana) ♪ mumhanzi ♪ (unoyerera zvakapomboka) ♪ mumhanzi ♪ (mushauri wechirume) Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro vanhu vachinamata nokuperera nekuzvininipisa ♪ mumhanzi ♪ Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro nekurambidzwa kuparidza vhangeri, sangano rakanamata, varume vairi vakapupura zvine simba uye nenyasha ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Vanhu vakanamata kwese-kwese nohumwe vakatendeuka , pamwe nokureurura uye nokuzvininipisa . Upenyu hwevanhu hukashanduka. (dombo rakapfekerwa) ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Varume vairi vakapinda murwendo rwoumishinari rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Naizvozvo vhangeri rakaenda kunyika dzekunze. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti musungwa apunyuke mujeri. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Umwe mambo akakumbira kuti vanhu vake vanamate nokutsanya muvengi akakundwa. Hondo yakakundwa pasina kurwisana. ♪ mumhanzi wamakwaya ♪ Kuburikidza nemuranda akavimbika nekuvimbika neushingi hwamambokadzi vanhu vazhinji vakaponeswa. Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza simba rekubatana pamunamato. Pandakaverenga bhuku raMabasa, ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro pekubatana kwevatendi pamunamato, nepamusoro paMwari vanopindura minamato. Kuzvimisira kunamata pachako chinhu chakakosha. Minamato panzvimbo yakawanzika ndihwo hwupenyu hwemweya Asi tinoziva kuti hakuna kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe nzvimbo munyika ino yese rusina kutangiswa nechisungo chemunamato nekuramba tichinamata. Tenzi vedu vakataura pane imwe nguwa kuti "vanhu vaviri vakatenderana pasi pano pane chimwe chinhu chavanokumbira, vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..." Saka pane kubatanidzwa kunoitika kana tikakochanisa mazwi edu tichichema kuna Mwari. Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita, munamato ikiyi inovhura imba inokotswa zvikomborero nezvipo zvedenga. Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White pamusoro pechisungo chemunamato akasimba chaizvo. Anoti pane imwe nzvimbo- paanonyorera vanaFansworth, anoti mune simba guru mukuva nechisungo chekunamata pamwe kupfuura kunamata muchivande. Anoti, "Sei zvichidaro?" Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi. Mwari vanofadzwa zvikuru kana tanyatsova nehumwe kana tikabatana pamwe sezvakaita vatendi vemuna Mabasa Mune imwe nhaurwa anoti, panoitwa munyengetero nomwoyo wese, hondo yose yasatani inobvunda. Jesu anoziva kuti tsika yokunamata nevamwe inobatsira kubvisa chindini chinowanzowanikwa muminamato yedu patinonamata tega. Naizvozvo kana Bhaibheri richiti, "Imi tsungai pakunamata," harisi kutaura nechiito chinoitwa nemunhu umwe. Chidaidziro kusangano rese kuti ridane kuna Mwari. Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari. Zvakare ndinofunga kutiMwari vanotishandisa semhinduro kuminamato. Kana uchitarisa mubhuku raMabasa, kubatana pamunamato kwakayananisa vana vaMwari. Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15, sangano rese rakaungana rikanamata pamwe chete. Raiziva kuti basa raiva mberi kwavo raiva rakakura. Vaiziva zvakare kuti dambudziko rakanga riri guru . Vaizivawo kuti pakange pasina nzira yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese. Asi pavakanamata, Mwari vakaita chishamiso. Vakadurura Mweya Mutsvene pazuva rePendekosti vanhu zviuru zvitatu (3000) vakabhabhatidzwa. Unoziva chimwe chinhu---, paunoverenga vhesi ipapo---- chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri, mutsara wakareruka wechirungu unoti, "vaiva nehwumwe" Pendekosti yaisangova chiitiko chinoshamisa chete. Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa raCristo munyika ino. Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge zvaparadzwa zvachose, apo Cristo akange achirembera pamuchinjiko. Uye ipapo chokwadi kumuka kwakaitika. Akazviratidza kuvadzidzi vake. Izvi zvakavapa maonero akasiyana pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo. Ishe wedu akaudza vadzidzi vake kuti vamirire vari muJerusalem, vari muchisungo chemunamato. Ndicho chimwe chezvaidiwa kuti mhepo huru iyi iuye nekuti Mweya Mutsvene uwepo nezuva rependacosti. [murume arikutaura mitauro yakasangana] Yaiva nguva yePaseka naizvozvo tese takange tiri muimba yepamusoro muJerusalema. Takange tichinamata tose nomweya wohumwe. Takanga tichinyengeterera nekutendeuka nekuzvininipisa, uye takanga tichireurura zvivi . Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe , simba neMweya Mutsvene. Pakange paine humwe hunofadza nokushamisa zvikuru patakanyengetera nomwoyo wose pamwe chete . [murume arikunamata nemitauro yakasangana] [mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana] [mutauri wechidzimai] Pakarepo kwakatanga kunzwikwa ruzha rwemhepo yaivhuvhuta, rwakazadza imba yese yatakange takagara (ruzha rwemhepo) Ipapo marimi omoto wakaburuka akazorora pamusoro pevanhu . [murume arikutaura mitauro yakasangana] [mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene. Tonderai kuti nenguva yePasika, vanhu vaibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana kuzonamata asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga kunzwa vhangeri umwe neumwe nemutauro wekwake. Kuburikidza naizvozvo,vanhu zviuru zvitatu vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe! ♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪ [mudzimai arikutaura mitauro yakasangana] [mutauri wechidzmai] Vanhu vakazvipira kuzvidzidzo zvevaporofita nepakuyanana, pakudyidzana nepakunamata. Mazuva ese vaisangana mutemberi. Vaisangana zvakare mudzimba vachidya pamwe chete. Vanhu vakange vachiponeswa vakaramba vachiwanda mazuva ese. ♪ mumhanzi wakatsetseka ♪ Tinotenda kuti chinhu chakadai chichaitika zvakare mumazuva ekupedzisira. Asi ndinofunga kuti zvinoitika koga kana isu sesangano uye sevanhu tikabatana tikava nohumwe uye nemunyengetero womwoyo wose. Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona kutadza kuona izvi zvichiitika. Zvakare, zvakaitika paPendacosti zvichaitwa zvakare zvakapetwa kuburikidza naIshe Tenzi nenzira yazvakaitika nayo apo vhangeri rengirozi nhatu ririkuenda mberi, Apo vhangeri rengirozi yechina yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa, apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa munyika yese. Mweya mutsvene uchadururirwa kune avo vakazvipira kuna Mwari, vakareurura zvitema zvavo, zvakare unogona kutishandisa nenzira inoshamisa. Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6 sangano rakasangana nedambudziko rakanaka. Chechi yakanga ichikura zvinoshamisa nekukasika. Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita dambudziko rekugowerwa kwezvekudya. [ Varume vachita nharo nemitauro yakasanganiswa] ♪mumhanzi unosimudzira ♪ [mutauri wechirume] Chechi yakasangana nematambudziko anobatika. VaJudha vechiHereni vakanga vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru pamusoro pemagowerwo ekudya kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi rwavo dzakanga dzichidarikwa mumagoverwo zvokudya. Vaapostora vakaona zvakakosha kuti vakoshese basa rekunamata nekuparidza vhangeri. naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe kuti vabate aya mabasa anobatika. ♪ mumhanzi unosimudzira ♪ [ murume achitaura mitauro yakasanganiswa] [ mutauri wechirume] Vapostori vakatikumbira seboka kuti tisarudze varume vanomwe vanozivikanwa vakagarwa neMweya Mutsvene uye vane uchenjeri. Chikumbiro ichi chevapostori chakafadza boka rese revatendi. Saka takatanga basa rekusarudza vashandiri ava. Pavakangosarudzwa, vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu, vakaiswa maoko pamusoro, vakanamatirwa. (mutauri wechipiri) Munamato uri chinhu chekutanga kusangano, rakaramba richibudirira. Izvi zvapfuura, sangano rakaramba nekukasika. Vapirisita vazhinji vakatanga kuteerera shoko raMwari. Saka pano ndinoona kuti pane nyaya inoti, kana tasangana nematambudziko, ngatishandisei uchenjeri, ngatishandisei zvatakadzidza, asi zvakare ngationei kuti tina Mwari anopindura minamato; anogona kutipa uchenjeri. Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji. Machechi anematambudziko makuru akaagadzirisa paakauya pamwe chete kuzonamata. ♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪ [ Mupristi mukuru achiudza Petro naJohani zvokuita] [ Mupristi mukuru achienda mberi kuudza Petro naJohani zvokuita] [ Mutauri wechirume] Petro naJohani vakadaidzwa nevapristi vakuru nevakuru vesangano pamusana pekushumaira kwavaiita. Vakaedza kuzvidzivirira, asi vatungamiri ava vakavaomesera zvikuru. Vakavaudza kuti vasataure kana kudzidzisa nezvaJesu. Mushure mekutyisidzirwa, vakavarega vachienda. Petro naJohane vakadzokera kuvanhu vavo. Vakanotaura zvese zvakange zvataurwa nevakuru vechechi. ♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪ [murume achitaura mitauro yakasanganiswa] Patakanzwa zvese izvi, takabva tangosimudza mazwi edu mumunamato. Boka rese rakanamatira Petro naJohane. "Takanamata kuti Mwari vape varanda vavo vairi ava vakazvininipisa ushingi. Ndakange ndisina kumbopinda mumunamato wakaperera zvakadaro kwenguva yakareba. Patapedza munamato, chiripo-ripocho, nzvimbo yese yatakange tiri yakadengenyeka. [ Mumwe murume achitaura mitauro yakasanganiswa] Vanhu vakazadzwa neMweya Mutsvene. Petro naJohane ndookubuda