(vana varikuseka)
♪ mumhanzi ♪
♪ mumhanzi wakapomboka ♪
(misindo yendudzi dzakasiyana-siyana)
♪ mumhanzi ♪
(unoyerera zvakapomboka)
♪ mumhanzi ♪
(mushauri wechirume)
Zvakatangira mukamba kadiki kepamusoro
vanhu vachinamata
nokuperera nekuzvininipisa
♪ mumhanzi ♪
Pakati pekushungurudzwa nevabati vezvigaro
nekurambidzwa kuparidza vhangeri,
sangano rakanamata, varume vairi
vakapupura
zvine simba uye nenyasha
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Vanhu vakanamata kwese-kwese
nohumwe
vakatendeuka , pamwe nokureurura
uye nokuzvininipisa .
Upenyu hwevanhu hukashanduka.
(dombo rakapfekerwa)
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Varume vairi vakapinda murwendo
rwoumishinari
rwaizopidigura nyika rwusingasiiriri.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Naizvozvo vhangeri rakaenda
kunyika dzekunze.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Kubatana pamunamato kwakabatsira kuti
musungwa apunyuke mujeri.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Umwe mambo akakumbira
kuti vanhu vake vanamate nokutsanya
muvengi akakundwa.
Hondo yakakundwa pasina kurwisana.
♪ mumhanzi wamakwaya ♪
Kuburikidza nemuranda akavimbika
nekuvimbika neushingi hwamambokadzi
vanhu vazhinji vakaponeswa.
Nyaya dzemuBhaibheri dzinoratidza
simba rekubatana pamunamato.
Pandakaverenga bhuku raMabasa,
ndakaona riri bhuku rinotaura pamusoro
pekubatana kwevatendi pamunamato,
nepamusoro paMwari vanopindura minamato.
Kuzvimisira kunamata pachako
chinhu chakakosha.
Minamato panzvimbo yakawanzika
ndihwo hwupenyu hwemweya
Asi tinoziva kuti hakuna
kumbowanikwa rumutsiriro pane imwe
nzvimbo munyika ino yese rusina
kutangiswa nechisungo chemunamato
nekuramba tichinamata. Tenzi
vedu vakataura pane imwe nguwa kuti
"vanhu vaviri vakatenderana pasi pano
pane chimwe chinhu chavanokumbira,
vachaitirwa naBaba Vangu vari kudenga..."
Saka pane kubatanidzwa kunoitika
kana tikakochanisa mazwi edu
tichichema kuna Mwari.
Sezvatinotaurirwa nemweya wechiporofita,
munamato ikiyi inovhura imba inokotswa
zvikomborero nezvipo zvedenga.
Mamwe emazano nemashoko aEllen G. White
pamusoro pechisungo chemunamato
akasimba chaizvo.
Anoti pane imwe nzvimbo-
paanonyorera vanaFansworth, anoti
mune simba guru
mukuva nechisungo chekunamata
pamwe kupfuura
kunamata muchivande.
Anoti, "Sei zvichidaro?"
Nekuti kubatana kwemoyo yevatendi.
Mwari vanofadzwa zvikuru
kana tanyatsova nehumwe
kana tikabatana pamwe
sezvakaita vatendi vemuna Mabasa
Mune imwe nhaurwa anoti,
panoitwa munyengetero nomwoyo
wese, hondo yose yasatani inobvunda.
Jesu anoziva kuti tsika
yokunamata nevamwe
inobatsira kubvisa chindini
chinowanzowanikwa
muminamato yedu patinonamata tega.
Naizvozvo kana Bhaibheri richiti,
"Imi tsungai pakunamata,"
harisi kutaura nechiito
chinoitwa nemunhu umwe.
Chidaidziro kusangano rese
kuti ridane kuna Mwari.
Kwete kuti tishandure pfungwa dzaMwari
asi kuti tiyererane nekuda kwaMwari.
Zvakare ndinofunga kutiMwari
vanotishandisa semhinduro kuminamato.
Kana uchitarisa mubhuku raMabasa,
kubatana pamunamato
kwakayananisa vana vaMwari.
Muna Mabasa 1 vhesi 14 na 15,
sangano rese rakaungana rikanamata
pamwe chete.
Raiziva kuti basa raiva mberi
kwavo raiva rakakura.
Vaiziva zvakare kuti dambudziko
rakanga riri guru .
Vaizivawo kuti pakange pasina nzira
yekuendesa nayo vhangeri kupasi rese.
Asi pavakanamata, Mwari
vakaita chishamiso.
Vakadurura Mweya Mutsvene
pazuva rePendekosti
vanhu zviuru zvitatu
(3000) vakabhabhatidzwa.
Unoziva chimwe chinhu---,
paunoverenga vhesi ipapo----
chimwe chezvinhu zvinodauka kubva mandiri,
mutsara wakareruka wechirungu unoti,
"vaiva nehwumwe"
Pendekosti yaisangova chiitiko
chinoshamisa chete.
Yakaitika mushure mekupetwa kwebasa
raCristo munyika ino.
Zvaitarisika sokuti zvinhu zvese zvainge
zvaparadzwa zvachose,
apo Cristo akange achirembera
pamuchinjiko.
Uye ipapo chokwadi
kumuka kwakaitika.
Akazviratidza kuvadzidzi vake.
Izvi zvakavapa maonero akasiyana
pamusoro pechikonzero cheushumiri hwavo.
Ishe wedu akaudza vadzidzi vake
kuti vamirire vari muJerusalem,
vari muchisungo chemunamato.
Ndicho chimwe chezvaidiwa
kuti mhepo huru iyi iuye
nekuti Mweya Mutsvene uwepo
nezuva rependacosti.
[murume arikutaura mitauro yakasangana]
Yaiva nguva yePaseka
naizvozvo tese takange tiri
muimba yepamusoro muJerusalema.
Takange tichinamata tose nomweya wohumwe.
Takanga tichinyengeterera
nekutendeuka nekuzvininipisa,
uye takanga tichireurura zvivi .
Takanga tichitsvakawo chiratidzo chaShe ,
simba neMweya Mutsvene.
Pakange paine humwe
hunofadza nokushamisa zvikuru
patakanyengetera nomwoyo
wose pamwe chete .
[murume arikunamata nemitauro yakasangana]
[mudzimai arikutaura nemitauro yakasangana]
[mutauri wechidzimai] Pakarepo
kwakatanga kunzwikwa ruzha
rwemhepo yaivhuvhuta, rwakazadza
imba yese yatakange takagara
(ruzha rwemhepo)
Ipapo marimi omoto wakaburuka
akazorora pamusoro pevanhu .
[murume arikutaura mitauro yakasangana]
[mutauri wechimurume] Vanhu vese vaiwa
mumba iyi vakazadzwa nemweya mutsvene.
Tonderai kuti nenguva yePasika,
vanhu vaibva kunzvimbo
dzakasiyana-siyana kuzonamata
asi zvino, chiripo-ripocho, vakatanga
kunzwa vhangeri
umwe neumwe nemutauro wekwake.
Kuburikidza naizvozvo,vanhu zviuru zvitatu
vakavedzerwa kuvatendi nezuva rimwe!
♪ mumhanzi unoyerera zvakapomboka ♪
[mudzimai arikutaura mitauro yakasangana]
[mutauri wechidzmai] Vanhu vakazvipira
kuzvidzidzo zvevaporofita
nepakuyanana,
pakudyidzana nepakunamata.
Mazuva ese vaisangana mutemberi.
Vaisangana zvakare mudzimba
vachidya pamwe chete.
Vanhu vakange vachiponeswa
vakaramba vachiwanda mazuva ese.
♪ mumhanzi wakatsetseka ♪
Tinotenda kuti chinhu chakadai
chichaitika zvakare
mumazuva ekupedzisira.
Asi ndinofunga kuti zvinoitika
koga kana isu sesangano
uye sevanhu tikabatana
tikava nohumwe
uye nemunyengetero womwoyo wose.
Kunze kwekuti kana tadaro, tinogona
kutadza kuona izvi zvichiitika.
Zvakare, zvakaitika paPendacosti
zvichaitwa zvakare zvakapetwa
kuburikidza naIshe Tenzi
nenzira yazvakaitika nayo
apo vhangeri rengirozi
nhatu ririkuenda mberi,
Apo vhangeri rengirozi yechina
yaZvakazarurwa 18 rinenge richipupurwa,
apo tsuri yekupedzisira ichadaidzirwa
munyika yese.
Mweya mutsvene uchadururirwa kune
avo vakazvipira kuna Mwari,
vakareurura zvitema zvavo,
zvakare unogona
kutishandisa nenzira inoshamisa.
Ndinofunga kuti mubhuku raMabasa 6
sangano rakasangana
nedambudziko rakanaka.
Chechi yakanga ichikura
zvinoshamisa nekukasika.
Asi pakati pechishamiso ichi, pakaita
dambudziko rekugowerwa kwezvekudya.
[ Varume vachita nharo nemitauro yakasanganiswa]
♪mumhanzi unosimudzira ♪
[mutauri wechirume] Chechi yakasangana
nematambudziko anobatika.
VaJudha vechiHereni vakanga
vachigunun'unira VaJudha vechiHebheru
pamusoro pemagowerwo ekudya
kwemazuva ese vachiti chirikadzi dzerudzi
rwavo dzakanga dzichidarikwa
mumagoverwo zvokudya.
Vaapostora vakaona zvakakosha
kuti vakoshese basa rekunamata
nekuparidza vhangeri.
naizvozvo kwakasarudzwa madhikoni manomwe
kuti vabate aya mabasa anobatika.
♪ mumhanzi unosimudzira ♪
[ murume achitaura mitauro yakasanganiswa]
[ mutauri wechirume] Vapostori
vakatikumbira seboka
kuti tisarudze varume
vanomwe vanozivikanwa
vakagarwa neMweya Mutsvene uye
vane uchenjeri.
Chikumbiro ichi chevapostori
chakafadza boka rese revatendi.
Saka takatanga basa rekusarudza
vashandiri ava.
Pavakangosarudzwa,
vakaunzwa kuvadzidzi vaJesu,
vakaiswa maoko pamusoro,
vakanamatirwa.
(mutauri wechipiri) Munamato uri chinhu
chekutanga kusangano, rakaramba richibudirira.
Izvi zvapfuura, sangano
rakaramba nekukasika.
Vapirisita vazhinji vakatanga
kuteerera shoko raMwari.
Saka pano ndinoona kuti
pane nyaya
inoti, kana tasangana nematambudziko,
ngatishandisei uchenjeri,
ngatishandisei zvatakadzidza,
asi zvakare ngationei kuti
tina Mwari anopindura minamato;
anogona kutipa uchenjeri.
Ndakazviona izvi kazhinji-zhinji.
Machechi anematambudziko makuru
akaagadzirisa paakauya pamwe chete
kuzonamata.
♪mumhanzi wemakwaya webaritoni♪