Vhoti iyi yekuti nyika yeBritain
isiye European Union
inogona kuunza kukanganisika kukuru,
kwatisingagone kuzotsanangura
Vamwe vanokwanisa kuzvigona
asi ruzhinji harukwanise
Parizvino zvinonetsa kuona
nyika idzi dzakasiyana
Nengari yekuti dzine nhorondo yakasiyana
kusanganisira nhorondo yeruvengo rwadzo
zvinonetsa kuti dzizobatane.
Matangiro eEuropean Union
akabva paWorld War 2
nenhau yedambudziko guru iri,
chizvarwa Chema Europeans chakati
"Hatingazvidzokorodze izvi zvakare!"
Naizvozvo pakaita kakunzwisisana kekuti
kana uchida runyararo,
panofanira kuitwa wirirano
mumaitiro ehupfumi hwedu
nenzira yekuti hazvizounze ruvengo.
Vanhu vazhinji havanzwisise
kuti chitendero
ndichochanga chakato kosha mukuumbwa kwe
European Economic Community.
Pachine chiratidzo chechitendero
panyaya ye European Union.
Mukutanga kwegore re 2000,
mukuru weEuropean Commission,
VaRamano Prodi, vakanyora bhuku
Muchirudzi rwe Italian, asi musoro wenyaya
yacho muchirungu inoti, "Zano re Europe".
Vakati, "Chinyi chinokwanisa
kubata nyika dzakasiyana?
hazvina kukwana chete kuti vanoremekedzwa
vangounze pfungwa dzavo
dzezvematongerwo enyika pfungwa
yetsika nemagariro zvinofana kuvepo.
Vakati,"Zvizvarwa zve Europe
zvakafanana pachinhu chimwe chete,
chinhu chinokwanisa kutibatanidza tose,
kutendeka kwedu kuKereke."
Asi semunhu weku Italy. Aireveiko?
Aireva kuti, Kereke yama Roma.
Ndonyaya yevanhu varikuedza kuita Europe
isimbe mukuburikidza kubatana
asi iyo Europe
inongoramba ichiwira kakawanda.
Funga nezva Napoleon: zvose zvakaita kunge
zvakanaka, asi nemakore akatera; Europe yakawira
Funga nezve Hitler:
zvakakona zvakare.
Semunhu wemu Europe,
ndakakura ndine mubvunzo wekuti:
"Europe inopindirana seiko nechi
Porofita cheBhaibheri?"
Bhuku ra Daniel chitsauko chechipiri:
mambo Nebuchadnezzar vakaita chiroto
muchiroto ichochi, akaona mufananidzo
mukuru wanga wakanaka.
Simbi dzakasiyana dzaakaona
dzaimirira hushe hwakasiyana hwaizotevera.
Nebuchadnezzar ndiye musoro we goridhe,
Babylon, Medo-Persia, humambo wema Greek
kozoti kusimba kwe humambo hwe Roma.
Asi kune kutsoka nemakumbo,
kwakazanganiswa simbi nedhaga.
Muporofita Daniel akati,
"Hazvichasangane zvakare.
kumwe kwakasimba, kumwe hakuna kusimba".
Naizvozvo ndonyaya ye Europe.
Kunyanya nyaya dzakaitika
mu Greece, Spain, Italy ne Cyprus--
ndodzaive nyika dzepamusoro mu EU, dzimwe
nyika dzeku chamhembe dzainzi dzinodzvanyirira
nekuti dzaipinda munyaya dzevanhu,
uyezve tinofanirwa kuziva kuti,
rwuvengo rwaivepo kunduzi dzakasiyana
rwakamboita senge rwapera
World War 2 payakaguma, rwuvengo urwu
haruna kumbozoka kwemakore 70 adarika
asi munguva yadarika iyi,
rwakudzoka rwuvengo urwu.
Saka tichiona matambudziko aya
EU yainosangana nawo
kuti nyika ine hupfumi hwakawanda,
yaibatsira mumauto
nekupa hwurongwa hweEU- kubuda kwayo mu EU
yasiya kushushikana kukuru mumwoyo.
Chiporofita hachizi
chinhu chinofadza chekuti tiverenge,
unoziva mumabhuku eHistory
kana dzidzo dzeBhaiberi.
Tinokwanisa kuwana muwono
kubva kuchiporofita.
Zvinyorwa zvinoti hakuchazova ne Europe
yakabatana zvakare,
ichashaya simba,
ende izvozvo tirikuzviona
Asi hapazipo panogumira nyaya.
Daniel chitsauko chechipiri haigumi nekuti
mufananidzo netsoka dzesimbi nedhaga.
Kune Ibwe: rinoita kunge idoko pakutanga,
asi Ibwe iroro rinopunza mufananidzo
Ibwe iroro rinozoita Ibwe guru,
ndi Jesu Kristu
Humambo hutsva. Hwumambo hwaMwari.